Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri—Bhuku Rokushandisa Pakurarama

Bhaibheri—Bhuku Rokushandisa Pakurarama

Bhaibheri—Bhuku Rokushandisa Pakurarama

“SHOKO raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose . . . uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” (VaHebheru 4:12) Tsanangudzo iyi yezvinogona kuitwa neShoko raMwari zvechokwadi inoratidza Bhaibheri kuva rinopfuura kungovawo zvaro bhuku dzvene.

“Mashoko aro akakosha muupenyu hwedu sezvakaita kufema kwatinoita,” mumwe munyori wechitendero akadaro namashoko mashoma. Ipapo akawedzera kuti: “Paunofunga nezvenhau yokushuva uye kuda kwedu kurapwa nhasi uye woverenga Bhaibheri uine pfungwa idzodzo, zvaunowana zvinoshamisa.” Kufanana nerambi rinobvira zvakajeka, Bhaibheri rinovheneka panhau dzakawanda dzakaoma uye zvinetso zvokurarama muzuva ranhasi.—Pisarema 119:105.

Zvechokwadi, uchenjeri hunoratidzwa muBhaibheri hune simba rokuumba mafungiro edu, kutibatsira kupedza zvinetso zvedu, kuvandudza kunaka kwoupenyu hwedu, uye kutishongedza nounyanzvi hwokugona kubata namamiriro ezvinhu atisingagoni kuchinja. Zvinokosha zvikuru, Bhaibheri rinoita kuti tikwanise kuziva uye kuda Mwari.

Bhuku Rinopa Chinangwa

Munyori weBhaibheri, Jehovha Mwari, ‘anoziva nzira dzedu dzose.’ Anoziva zvakawanda pamusoro pezvatinoda zvomuviri, zvemanzwiro edu, uye zvokunamata kupfuura kunyange zvatinoita. (Pisarema 139:1-3) Achiratidza kufunga, anotaura panofanira kuperera maitiro evanhu. (Mika 6:8) Zvine musoro kutsvaka kunzwisisa patinofanira kuperera uye nhungamiro iyoyo todzidza kurarama nazvo. Anofara munhu “unofarira murayiro waJehovha,” anodaro munyori wepisarema. “Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” (Pisarema 1:1-3) Zvechokwadi tarisiro yakadaro inoda kuti tiiongorore.

Maurice, mudzidzisi wechikoro akarega basa, akagara achitenda kuti Bhaibheri rine zvarinobatsira munhau nomukudzidza zvakanyorwa. Asi, akanga asingagutsikani zvakazara kuti rakafuridzirwa naMwari. Pashure pokuteerera tsanangudzo yokuti nei Mwari akapa vanhu Shoko rake rakanyorwa, Maurice akaongorora uprofita hweBhaibheri hwakasiyana-siyana. Paakanga ari jaya, akanga adzidza zvenhoroondo yekare kare, kuongorora mabhuku, sayenzi, uye jogirafi. Anobvuma kuti akanga akangwara zvenhema mumeso ake kuti aone mienzaniso yakasiyana-siyana inotsigira kuti Bhaibheri nderechokwadi. “Ndakabatwa munhangemutange isina musoro yokuwana kugara kwakanaka, upfumi, uye zvinofadza zvoupenyu. Hazvifadzi kuti ndakagara ndiri murima uye ndisingazivi nezvokunaka uye uchokwadi hwebhuku rinopfuura mamwe ati ambonyorwa.”

Zvino ava mumakore ake okuma70, Maurice, achitaura nezvenhoroondo yokuoneka kwaJesu kumuapostora Tomasi, anotaura achionga kuti: “Ruoko rwangu rwakabatiswa ‘paronda rinodonha ropa’ zvinova zvichaita kuti ndirege zvachose kusazogutsikanazve kuti Bhaibheri nderechokwadi.” (Johani 20:24-29) Sokutaura kwakaita muapostora Pauro nenzira yakarurama, Bhaibheri rinofumura vavariro dzomwoyo, uye rinoita kuti upenyu huve nezvahunoreva. Zvechokwadi ibhuku rokushandisa pakurarama.

Kuita Kuti Upenyu Hune Zvinetso Hugadzikane

Bhaibheri rinopawo zano rinobatsira vanhu kuti vasiye miitiro yakashata. Daniel akakwanisa kukunda muitiro wakashata wokusvuta, kusanganisirawo kuita mapati oupengo uye kushandisa doro zvisina kufanira. (VaRoma 13:13; 2 VaKorinde 7:1; VaGaratiya 5:19-21) Chaizvoizvo, kusiya zvachose miitiro yakadaro uye kupfeka “unhu hutsva” kunoda kushanda nesimba chaizvo. (VaEfeso 4:22-24) “Zvakanga zvakaoma,” anodaro Daniel, “nokuti hatina kumbokwana.” Zvisinei hazvo, akabudirira. Iye zvino, Daniel anoverenga Shoko raMwari zuva nezuva, uye rinomuita kuti arambe ari pedyo naJehovha.

Sezvaakanga achikura, Daniel airemekedza Bhaibheri zvikuru nguva dzose—kunyange zvazvo akanga asingamboriverengi—uye ainyengetera kuna Mwari usiku hwoga hwoga. Asi, pane chakanga chiri kushayikwa. Akanga asina mufaro. Nguva yokuchinja yakauya paakaona zita raMwari muBhaibheri kokutanga. (Eksodho 6:3; Pisarema 83:18) Kubvira ipapo, akashandisa zita rokuti Jehovha paainyengetera, uye minyengetero yake yakatanga kunangidzirwa kune munhu chaiye. “Jehovha akava munhu wepedyo zvikuru kwandiri, uye achiri shamwari yangu yepedyo zvikuru.”

Asati adzidza nezveBhaibheri, maonero aiita Daniel nguva yemberi akanga asina tariro. “Hazvidi uchenjeri hwakawanda kuti uone kuti nyika iri kuparara,” anodaro. “Ndakanzwa kutya, uye ndakaedza kugara ndakabatikana kuti ndisafunga nezvazvo.” Ipapo akadzidza kuti Mwari acharuramisira vose panyika yakacheneswa, apo vanhu vanoteerera vanogona kuva norugare nomufaro zvisingaperi. (Pisarema 37:10, 11; Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:3, 4) Zvino Daniel ava netariro yechokwadi. Iri simba reBhaibheri rokuita kuti zvinhu zvigadzikane rinomuita kuti arambe achiona upenyu nenzira kwayo.

Kubatsirwa Kukunda Zvinetso Zvokunzwa Kwomumwoyo

George akanga ane makore manomwe pakafa amai vake. Aitya kuenda kunorara usiku, asingazivi kuti aizomuka here zuva raitevera. Ipapo akaverenga zvakataurwa naJesu nezvorufu norumuko: “Awa iri kuuya mairi avo vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi ra[Jesu] vobuda.” Akanyaradzwawo nemashoko aJesu okuti: “Ndini kumuka noupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akafa, achava mupenyu.” (Johani 5:28, 29; 11:25) Mafungire akadaro akaratidza kuva nomusoro, ane pfungwa, uye anonyaradza. “Chokwadi ichi,” anodaro George, “hachingonzwiki zvakanaka mupfungwa chete asiwo chinoorora mumwoyo.”

Daniel, ambotaurwa nezvake, akanga ane zvaaityawo. Amai vake vakanga vasingakwanisi kumurera pachavo, nokudaro akaendeswa kunzvimbo dzakawanda dzinochengeterwa vana vane vabereki vasingakwanisi kuvarera. Nguva dzose ainzwa somunhu wokunze uye aishuva kunzwa akachengeteka somunhu womumhuri ine rudo. Pakupedzisira, akawana zvaaitsvaka nokudzidza kwake Bhaibheri. Daniel akatanga kusonganirana neungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha uye akava mumwe wemhuri yavanamati, umo akatanga kunzwa kuti anogamuchirwa uye anodiwa navamwe. Chokwadi, Bhaibheri rinobatsira munzira inoshanda uye inogutsa kunzwa kwatinoita.

Yeuka kuti Jehovha anoona zviri mumwoyo wedu uye anoziva zvatiri kutsvaka. Mwari ari ku“yera mwoyo,” uye anopa “mumwe nomumwe zvakafanira mugariro wake.”—Zvirevo 21:2; Jeremia 17:10.

Zano Rinoshanda Muupenyu Hwemhuri

Bhaibheri rinopa zano rinoshanda kana toreva nezvenhau dzoukama hwevanhu. George anoti: “Kusapindirana muunhu uye kusanzwisisana ndezvimwe zvezvinhu zvinokangaidza zvikuru muupenyu.” Anobata sei nazvo? “Kana ndikanzwa kuti mumwe munhu haasi kundifarira, ndinoshandisa zano rakananga riri pana Mateu 5:23, 24 rokuti: ‘Ita rugare rwako nehama yako.’ Chokwadi chiduku chokuti ndinogona kutaura nezvechinetso chacho chinova nemigumisiro yakanaka. Ndinogona kunzwa rugare rwaMwari urwo Bhaibheri rinotaura nezvarwo. Rinoshanda. Rinoshandisika kwazvo.”—VaFiripi 4:6, 7.

Apo murume nomudzimai vanopesana, mumwe nomumwe anofanira “kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha.” (Jakobho 1:19) Zano rakadaro rinovandudza kurukurirano. George anowedzera kuti: “Pandinoshandisa zano rokuda uye kubata mudzimai wangu sezvandinozviita, ndinoona migumisiro yokukurumidza. Zvinomuitira nyore kundiremekedza.” (VaEfeso 5:28-33) Hungu, Bhaibheri rinotidzidzisa kubvuma uye kubata kwatingaita nokusakwana kwedu pachedu uye kuti tingabudirira sei pakubata kwedu nekwevamwe.

Zano Rinogara

Mambo Soromoni akachenjera akati: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:5, 6) Mashoko iwayo haana kuoma, asi ona kudzika kwaakaita!

Bhaibheri rinoita kuti tiite zvakanaka. Rinoita kuti vanoda Mwari vakwanise kuita kuti upenyu hwavo huwirirane nezvaanoda uye vawane mufaro muku“famba mumurau waJehovha.” (Pisarema 119:1) Pasinei zvapo nokuti mamiriro edu ezvinhu akaita sei, Bhaibheri rine nhungamiro nezano zvatinoda. (Isaya 48:17, 18) Riverenge zuva nezuva, fungisisa zvaunoverenga, uye zvishandise. Richaita kuti pfungwa dzako dzigare dzakajeka uye dzakanangidzirwa pazvinhu zvakachena uye zvinopa utano. (VaFiripi 4:8, 9) Uchadzidza kwete chete kuti ungararama nokunakidzwa noupenyu sei asiwo kuti ungada sei Musiki woupenyu.

Nokutevera nzira yakadaro, Bhaibheri richava kwauri—bhuku rinopfuura kungova bhuku zvaro—sezvarakaita kune mamiriyoni avamwe. Zvechokwadi richaratidza kuva bhuku rokushandisa pakurarama!

[Mufananidzo uri papeji 6]

Bhaibheri rinogona kusimbisa kutsunga kwako kurega miitiro inokuvadza

[Mufananidzo uri papeji 7]

Bhaibheri rinokudzidzisa kuti ungaswedera sei pedyo naMwari