Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Hamuzivi Zvichava Zvakaita Upenyu Hwenyu Mangwana”

“Hamuzivi Zvichava Zvakaita Upenyu Hwenyu Mangwana”

Nyaya Youpenyu

“Hamuzivi Zvichava Zvakaita Upenyu Hwenyu Mangwana”

YAKATAURWA NAHERBERT JENNINGS

“Ndaidzokera kuhofisi yebazi yeWatch Tower Society muGhana ndichibva kuguta reTema riri mumhenderekedzo yegungwa ndokumira kuti nditakure rimwe jaya raitsvaga chokufambisa kupinda muguta. Ndakashandisa mukana wacho kuripupurira. Ndakafunga kuti ndaiita zvakanaka zvikuru! Zvisinei, patakasvika kwaienda jaya iri, rakasvetuka kubva mumotokari ndokutanga kumhanya.”

CHIITIKO chapfuura ichi chakandiratidza kuti pane chimwe chinhu chakanga chisina kunyatsoti twasa twasa chaiitika muupenyu hwangu. Ndisati ndatsanangura zvakaitika, regai ndikuudzei kuti ini, munhu wokuCanada, ndakava sei muGhana.

Paive pakati paDecember muna 1949 mumusha uri nechokuchamhembe muguta reToronto, kuCanada. Takanga tichangopedza kuchera inenge mita imwe pasi pakaoma nechando kuti tiise zvinofambisa mvura paimwe imba itsva. Ratonhorwa uye raneta, boka redu rebasa rakakomba moto wezvimedu zvemapuranga, richimirira kuzotakurwa nerori. Kamwe kamwe, Arnold Lorton, mumwe wevashandi, akatanga kutaura chimwe chinhu nezve“hondo nemashoko ezvehondo,” “mugumo wenyika ino,” uye achishandisa mamwe mashoko andaive ndisingatombozivi. Vanhu vose vakabva vanyarara, vakakangaidzika, uye vamwe vakatomushatirirwa. Ndinoyeuka ndichifunga kuti, ‘Munhu uyu ane ushingi zvikuru! Hapana ari pano ari kuda kuteerera, asi ari kupfuurira.’ Asi zvaaitaura zvakandiorora. Aingova makore mashomanana chete Hondo Yenyika II yapera, uye ndaive ndisati ndambonzwa zvinhu zvakadaro muchitendero chechiChristadelphia icho chaive chemhuri yangu kwezvizvarwa zvakati wandei. Ndakanyatsoteerera, ndakwezvwa nezvaaitsanangura.

Hazvina kumbonditorera nguva kuenda kuna Arnold ndichida mamwe mashoko. Ndichitarira shure, ndinonyatsonzwisisa kundishivirira uye kuva nomutsa kwaaindiitira nomudzimai wake, Jean, ini zvangu munhu aiva nemakore 19 akanga asina chaanoziva. Ndaiwanzosvika ndisina kudaidzwa kana kukokwa paimba pavo kuzotaura navo. Vakandiruramisa ndokundibatsira kugadzirisa kudhonzerana kunovhiringidza kwaiitika mupfungwa dzangu duku pamusoro petsika nomufambiro. Mwedzi gumi pashure pechiitiko chiya chokutanga pamoto weparutivi pomugwagwa, ndakabhabhatidzwa musi waOctober 22, 1950, somumwe weZvapupu zvaJehovha uye ndakasonganirana neUngano yeWillowdale muNorth York, iyo yava rutivi rweToronto.

Kufambira Mberi Nevamwe Vanamati

Upenyu pamusha hwakawedzera kuoma apo baba vangu vakaona kuti ndaive ndatsunga kuronda kutenda kwangu kwandaive ndichangowana. Baba vakanga vachangobva kupinda mutsaona yokubonderana kwakakonzerwa nomumwe mutyairi aive akadhakwa saka vaiwanzova munhu akaoma kubata naye. Upenyu hwakanga hwakaomera Amai, vanun’una vangu vaviri, nehanzvadzi dzangu mbiri. Makakatanwa acho pamusoro pechokwadi cheBhaibheri akawedzera. Saka kwandiri zvakaratidzika kuva kuchenjera kuti ndibve pamusha kuti ndive norugare nevabereki vangu uye kuti ndizvitsigise mu“nzira yechokwadi.”—2 Petro 2:2.

Pakupera kwezhizha ra1951, ndakanga ndava kupinda neungano duku iri muColeman, kuAlberta. Majaya maviri, Ross Hunt naKeith Robbins, vaiveko, vakabatikana mukuparidzira pachena kwenguva yakazara, kunozivikanwa soupiyona hwenguva dzose. Vakandibatsira nokuita kuti ndiite ushumiri ihwohwo hwokuzvipira. Musi waMarch 1, 1952, ndakava mumwe wevashumiri mapiyona enguva dzose.

Ndinonyatsoyeuka nomufaro kukurudzirwa kwandakaitwa. Ndaive nezvakawanda zvokudzidza, uye pano ndipo pandakanga ndozviedzera. Gare gare, ndapedza rinenge gore mubasa roupiyona ndiine Ungano yeLethbridge, kuAlberta, ndakakokwa ndisingafungiri kuti ndishande somutariri wedunhu. Ndaizoshumira ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzaive dzakapararira dzakatevedza mahombekombe ari kumabvazuva kweCanada kubva kuMoncton, kuNew Brunswick, kusvika kuGaspé, kuQuebec.

Pazera remakore 24 chete uye ndichiri mutsva muchokwadi, ndakafunga kuti handitombokwanisi, zvikuru tichienzanisa neZvapupu zvakakura mumudzimu zvandaizoshumira. Ndakashanda nomwoyo wose mumwedzi yakati kuti yakatevera. Ndokubva pauya chimwe chishamiso.

Chikoro cheGiriyedhi Nokuenda kuGold Coast

Muna September 1955, ndakakokwa kuti ndibatane nevamwe vadzidzi vanenge zana vekirasi yechi26 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi muSouth Lansing, kuNew York. Mwedzi mishanu yokurovedzwa nokudzidza kwakasimba ndiyo chaiyo yandaida. Kufarira kwangu kwakasimbiswa nokuva neboka rine tarisiro dzakakwirira rakadaro. Panguva ino, pane zvimwe zvakaitika zvakapfumisa upenyu hwangu kusvika pazuva rino.

Pakati pevadzidzi vaigadzirira basa roumishinari paive neimwe hanzvadzi yechiduku, Aileen Stubbs. Chandakaona pana Aileen kwaive kutsiga kwakati, kusada zvinhu zvisina musoro, uye unhu hwakadzikama, hwakafaranuka. Ndinofunga ndakamuvhundutsa pandakamuudza zvakananga zvandaida. Zvisinei, haana kuramba! Takabvumirana kuti Aileen aizoenda kumugove wake woumishinari muCosta Rica uye ini kune wangu kuGold Coast (yava kunzi Ghana), kuWest Africa.

Mamwe mangwanani muna May 1956, ndakapinda muhofisi yaHama Nathan Knorr yepauriri hwechigumi muBrooklyn, kuNew York. Ndivo vaive purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo. Ndakanga ndichipiwa basa rokuva mushumiri webazi kuti nditarisire basa rokuparidza muGold Coast, Togoland (yava kunzi Togo) Ivory Coast (yava kunzi Côte d’Ivoire), Upper Volta (yava kunzi Burkina Faso), uye The Gambia.

Ndinoyeuka mashoko aHama Knorr sokunge akataurwa nezuro chaiye. “Haufaniri kubva wasvikotanga kutungamirira pakarepo,” vakadaro. “Usakurumidzira; dzidza kubva kuhama dzagara nebasa dziriko. Ipapo kana wofunga kuti wagadzirira, unofanira kutanga kushanda somushumiri webazi. . . . Heino tsamba yokugadzwa kwako. Mazuva manomwe pashure pokusvika, unofanira kutanga kutungamirira.”

Mazuva manomwe chete,’ ndakafunga kudaro. ‘Ko “usakurumidzira” uya azoita sei?’ Ndakabuda mukurukurirano iyi ndavhiringika.

Mazuva mashoma akatevera akamhanya. Nenguva isipi ndaive ndamira pasimbi dzepamapeto engarava, yaienda ichitevedza East River ichipfuura nepamahofisi eSosaiti eBrooklyn, ndichitanga rwendo rwomunyanza rwemazuva 21 ndakananga kuGold Coast.

Ini naAileen takanyorerana tsamba dzakawanda. Takasanganazve muna 1958 uye takaroorana musi waAugust 23 wegore iroro. Handimboregi kuonga Jehovha nokuda kweshamwari yakaisvonaka zvakadaro.

Kwemakore 19, ndakafarira ropafadzo yokushanda nemamwe mamishinari nehama dzangu nehanzvadzi dzokuAfrica pahofisi yebazi yeSosaiti. Mhuri yeBheteri yakawedzera munguva iyoyo kubva kuvashomanana kusvika ku25. Kwatiri mazuva iwayo akanga aine zvinetso, akazara nezviitiko, uye aine zvibereko. Zvisinei, ndinofanira kutaura chokwadi. Ini pachangu, ndakawana mamiriro okunze anopisa, ane unyoro akandiomera. Zvaiita sokuti ndaingogara ndichidikitira, ndichigara ndakatota, uye pane imwe nguva, ndisingatani kugumbuka. Kunyange zvakadaro, kushumira kwaifadza chaizvo, sezvo nhamba yedu muGhana yakawedzera kubva pavaparidzi voUmambo vanoti pfuurei 6 000 muna 1956 kusvika pa21 000 muna 1975. Uye zvinofadza zvikuru kuona kuine Zvapupu 60 000 zvakabatikana iye zvino.

“Mangwana” Ataive Tisingatarisiri

Munenge muna 1970, ndakatanga kuva nechimwe chinetso choutano chakanetsa kuziva kuti ndechei. Ndakaongororwa navanachiremba zvakakwana, ndichizongoudzwa kuti ndaive “noutano hwakanaka.” Ko zvino sei ndaisanzwa zvakanaka zvakadaro, kuneta zvakadaro, kusadekara zvakadaro? Mhinduro yaiva pazvinhu zviviri, uye zvakauya ndisingafungiri. Zvechokwadi sokunyora kwakaita Jakobho: “Hamuzivi zvichava zvakaita upenyu hwenyu mangwana.”—Jakobho 4:14.

Chakatanga kundiratidza chiitiko chejaya randakapupurira pandakaritakura kupinda muguta. Handina kumboziva kuti ndaingotaura ndisingamiri, ndichitaura ndichikurumidza uye ndichiwedzera nokufamba kwenguva imwe neimwe. Patakasvika kwaienda jaya iri, ndakakanuka parakasvetuka kubva mumotokari rikatanga kumhanya. Vazhinji vomuGhana vanhu vakangotsiga, vakadzikama, vanokwanisa kuita zvinenge zvinhu zvose vasingakurumidzi kutsamwa. Zvarakaita zvakanga zvisingaenderani nounhu uhwu. Ndakagara ipapo ndokuti dhu-u kufunga. Ndakaziva kuti ndaiva nechinetso. Kuti nditi chii, ndakazvishayira pazvo. Asi zvechokwadi ndaive nechinetso.

Chechipiri, mushure mokumwe kukurukurirana kwomwoyo wose, Aileen akati: “Saka, kana chinetso ichi chisiri chomuviri, chinofanira kuva chepfungwa.” Saka ndakanyatsonyora zviratidzo zvechinetso changu ndokuenda kuna chiremba wezvirwere zvepfungwa. Pandakamuverengera zvandakanyora, akapindura kuti: “Ichi chinetso cheimwe mhando. Uri kurwara nemanic-depressive psychosis.”

Ndakashaya romuromo! Zvakaramba zvichiwedzera sezvandaiedza kutamburira kwemakore akati akatevera. Ndakaramba ndichitsvaka nzira yokuchipedza nayo. Asi hapana ainyatsoziva zvokuita. Kwaive kutamburira kunovhiringidza zvakadini!

Chaive chagara chiri chinangwa chedu kuramba tiine ropafadzo yebasa renguva yakazara sebasa ratakanga tasarudza kuita muupenyu, uye paive nezvakawanda kwazvo zvaida kuitwa. Ndakapa minyengetero yomwoyo wose yakawanda: “Jehovha, kana muchida, ‘ndichararama ndoitawo ichi.’” (Jakobho 4:15) Asi zvakaramba. Saka, tichitarisana nechokwadi, takaronga kusiya Ghana neshamwari dzedu dzepedyo dzakawanda ndokudzokera kuCanada muna June 1975.

Jehovha Anobatsira Achishandisa Vanhu Vake

Nokukurumidza ndakadzidza kuti zvinhu zvaigona kuitwa ndisipo, uye kuti chinetso changu hachina kutanga neni. Ndakanzwisisa zvinoreva mashoko ari pana 1 PeterPetro 5:9 anoti: “[Zivai] kuti zvinhu izvozvo zvamuri kutambura zvizhinji zviri kuitika musangano rose rehama dzenyu munyika yose.” Ndanzwisisa izvi ndakatanga kuona, zvechokwadi, matsigiriro ayo Jehovha aitiita tiri vaviri pasinei nokuchinja kwaisafadza uku. ‘Sangano rehama’ rakatibatsira zvakaisvonaka munzira dzakazowanda!

Kunyange zvedu taive tisina zvinhu zvakawanda, Jehovha haana kutisiya. Akaita kuti shamwari dzedu dzomuGhana dzitibatsire nezvinhu uye nedzimwe nzira. Pfungwa dzedu dzavhiringika zvikuru, takasiya avo vataive tofarira zvikuru ndokutanga kubata ne“mangwana” asingatarisirwi aya.

Takapiwa pokugara nomutsa nomukoma waAileen, Lenora, nomurume wake, Alvin Friesen, avo vakatitarisira nenzira yomutsa kwemwedzi inoverengeka. Imwe nyanzvi yezvirwere zvepfungwa yakakurumbira yakafanotaura nechivimbo kuti: “Uchange wanaya mumwedzi mitanhatu.” Zvichida izvi zvakataurwa kuti zviise chivimbo mandiri, asi zvakafanotaurwa zvacho hazvina kuitika kunyange mushure memakore matanhatu. Nanhasi, ndiri kubata neyava kuzivikanwa nenzira yokuremekedza sebipolar mood disorder. Zvechokwadi izita romutsa, asi sokuziva kunonyatsoita vanorwara nayo, zita romutsa harideredzi nenzira ipi neipi zviratidzo zvikuru zvechirwere chacho.

Kusvika panguva iyoyo, Hama Knorr vakanga vava kutorwara noukosha hwakazopedzisira hwavauraya muna June 1977. Kunyange zvakadaro, vaiwana nguva nesimba rokundinyorera tsamba refu dzaikurudzira dzaiva nemashoko enyaradzo nezano. Ndichakachengeta tsamba idzodzo. Mashoko avo akaita zvakawanda mukunyaradza pfungwa dzisina musoro dzokuti ndakundikana dzairamba dzichiuya.

Pakupera kwa1975, taifanira kusiya ropafadzo dzedu dzinokosha dzebasa renguva yakazara ndokuisa pfungwa dzose pakudzikamisa utano hwangu. Chiedzawo zvacho chokunze chairwadzisa maziso angu. Ruzha rwakanyanya rwunongoerekana rwaitika rwaidairira kunge kurira kwepfuti. Kufamba-famba kwevanhu kwaindivhundutsa. Kungopinda misangano yechiKristu chete kwaive kwokutamburira zvechokwadi. Kunyange zvakadaro, ndainyatsoziva kukosha kwesonganiro yomudzimu. Kuti ndizvigone, ndaiwanzopinda muHoro yoUmambo vanhu vagadzikana ndobuda vasati vatanga kufamba-famba pashure pepurogiramu.

Kubudawo muushumiri hwepachena kwaive chimwe chinetso chikuru. Dzimwe nguva, kunyange pashure pokusvika paimba, ndaigona kutadza kana kuridza bhero repasuo. Zvisinei, ndaisasiya, nokuti ndaiziva kuti ushumiri hwedu hunoreva ruponeso kwatiri nokune vapi nevapi vanobvuma. (1 Timoti 4:16) Pashure pekanguva, ndaizokwanisa kudzora manzwiro angu, ndoenda pasuo rinotevera, ndoedzazve. Nokuramba ndichibudawo muushumiri, ndakaramba ndiine utano hwomudzimu hune mwero uye zvakawedzera kukwanisa kwangu kuramba ndichipfuurira.

Nokuda kwokusapera kwebipolar mood disorder, ndasvika pakuziva kuti hosha yacho ingangova yechigarire muupenyu hwangu mugadziriro ino yezvinhu. Muna 1981 nyaya dzinotevedzana dzakaisvonaka dzakabuda muMukai! * Ndichidzishandisa, ndakatanga kunzwisisa zviri nani mamiriro akaita chirwere ichi uye kudzidza nzira dzinoshanda zvakawedzera dzokubata nacho.

Kudzidza Kubata Nacho

Mudzimai wangu aitofanirawo kurega zvimwe zvinhu nokugadziridza zvimwe zvinhu kuti zvose izvi zviitike. Kana uchitarisira vamwe mumamiriro ezvinhu akadaro, ungangonzwisisa zvaakacherechedza:

“Kukanganisika kwepfungwa kunoita sokunochinja unhu pakare pakarepo. Mumaawa mashomanana, murwere angabva pakuva munhu anofara, anokurudzira ane zvirongwa nemazano matsva kuenda kukuva munhu akaneta, anofunga zvisina kunaka, kunyange ane hasha. Kukasaonekwa sechirwere, kungaita kuti vamwe vashatirwe kana kuvhiringidzika. Zviri pachena kuti zvirongwa zvinofanira kuchinjwa nokukurumidza, uye unotanga kurwisana nokuora mwoyo nokunzwa wasiyiwa.”

Kana ndirini, pandinonyanya kunzwa zvakanaka, ndinova anotya. Ndava kungoziva kuti pashure pokunge zvaka“kwidza” panouya “kudzika” kwemafungiro kunouya nesimba. Kwandiri “kudzika” kuri nani pane ku“kwidza” nokuti kana zvakadzika zvinowanzoita kuti ndisafamba-famba kwemazuva akati kuti, uye zvinoita kuti ndisabatanidzwa muchimwe chinhu chisina kufanira. Aileen anondibatsira zvikuru nokundinyevera kuti ndisanyanya kugumbuka uye nokundinyaradza nokunditsigira apo mafungiro akadzikira anondikurira.

Pane ngozi chaiyo zvikuru pakuzvibatikanisa woga uchisiya vamwe vose kana chirwere chacho chakanyanyokwidza. Mumwe anogona kuzvitsaura oga oga kana akaora mwoyo kana kukundikana kuziva manzwiro anoita vamwe paanovhiringika pfungwa. Munguva yakapfuura, zvaive zvakandiomera kubvuma zviratidzo zvechinetso changu chepfungwa nechemanzwiro andinoita. Ndave ndichifanira kurwisana nokufunga kuti chimwe chinhu, chakadai sechirongwa chakakundikana kana kuti mumwe munhu, ndiye aikonzera chinetso chacho. Nguva nenguva, ndaifanira kuzviyeuchidza, kuti ‘Hapana chachinja pane zvakandipoteredza. Chinetso chiri mupfungwa, kwete kunze.’ Zvishoma nezvishoma, mafungiro angu agadzirika.

Mumakore ose aya, tose tiri vaviri tadzidza kuva vakasununguka nevakavimbika kwatiri pachedu nokuna vamwe nezvemamiriro angu ezvinhu. Tinoedza kuona zvinhu nenzira ine tariro uye kusarega chirwere chacho chichitora nguva yose youpenyu hwedu.

“Mangwana” ari Nani

Neminyengetero yomwoyo wose nokutamburira kwakawanda, tabatsirwa nechikomborero chaJehovha netsigiro. Tose tiri vaviri tachembera. Ndinotarisirwa navanachiremba nguva dzose ndichigara ndichishandisa mushonga asi zvine mwero, uye utano hwangu hunogara huri nani zvine mwero. Tinoonga chero ropafadzo dzebasa dzatingava nadzo. Ndichiri kushumira somukuru muungano. Tinoedza nguva dzose kutsigira vamwe mukutenda.

Chokwadi, sokutaura kunoita Jakobho 4:14: “Hamuzivi zvichava zvakaita upenyu hwenyu mangwana.” Zvichange zvakadaro chero bedzi gadziriro ino yezvinhu ichiriko. Zvisinei, mashoko aJakobho 1:12 ndeechokwadiwo anoti: “Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo, nokuti pakuva anotenderwa achagamuchira korona youpenyu, yakapikirwa naJehovha vaya vanoramba vachimuda.” Tose ngatimirei takasimba nhasi toziva zvikomborero izvo Jehovha akachengetera mangwana.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 35 Ona nyaya dzinoti “You Can Cope With Life,” mumagazini yeMukai! yechiRungu yaAugust 8, 1981; “How You Can Fight Depression,” mumagazini yechiRungu yaSeptember 8, 1981; uye “Attacking Major Depression,” mumagazini yechiRungu yaOctober 22, 1981.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kumbova ndoga mu“art studio” yangu

[Mufananidzo uri papeji 26]

Nomudzimai wangu, Aileen

[Mufananidzo uri papeji 28]

PaGungano re“Mashoko Akanaka Asingaperi” rakaitirwa muTema, kuGhana, muna 1963