Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anopa Akaneta Simba

Jehovha Anopa Akaneta Simba

Jehovha Anopa Akaneta Simba

“Vanoziya [Jehovha] unovapa simba; unoshayiwa simba unomuwedzera simba rake.”—ISAYA 40:29.

1. Enzanisira simba riri muzvinhu zvakasikwa naMwari.

JEHOVHA ane simba risingaperi. Uye isimba guru rakadini riri muzvinhu zvaakasika! Atomu—rinova ndiro rinovaka chinhu chose—iduku zvikuru zvokuti kadonhwe kamwe kemvura kane maatomu anokwana mabhiriyoni zana anoverengwa kabhiriyoni. * Upenyu hwose huri panyika yedu hunotsamira pasimba rinogadzirwa nokuchinja-chinja kwemaatomu ari muzuva. Asi panodiwa simba rezuva rakawanda sei kuti upenyu hwepasi hupfuurire? Pasi rinongowana kachikamu kaduku-duku kesimba rose rinogadzirwa nezuva. Kunyange zvakadaro, kachikamu kaduku zvikuru ikako kesimba rezuva rinosvika panyika kakuru zvisingayereki kupfuura simba rose rinoshandiswa mumaindasitiri omupasi rose.

2. Chaizvoizvo, Isaya 40:26 inotii nezvesimba raJehovha?

2 Kunyange tikafunga nezveatomu kana kuti kutarisa zvose zvakasikwa, tinoororwa nesimba guru raJehovha. Ndosaka achiti: “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshayikwa”! (Isaya 40:26) Hungu, Jehovha “mukuru pakusimba kwake,” uye ndiye Muridzi we‘simba guru’ rakashandiswa kuita kuti zvose zvakasikwa zvivepo.

Simba Rinopfuura Renguva Dzose Rinodiwa

3, 4. (a) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinogona kutinetesa? (b) Mubvunzoi unoda kufungwa nezvawo?

3 Kunyange Mwari ane simba risingaperi, vanhu vanoneta. Kwose kwose kwatinoenda, tinoona vanhu vakaneta. Vanomuka vakaneta, vanoenda kubasa kana kuchikoro vakaneta, vanouya kumba vakaneta, uye vanoenda kunorara kwete vangoneta asi varukutika. Vamwe vanoshuva kuti vaende kune imwe nzvimbo kuti vawane kazororo kavanotsvaka nemeso matsvuku. Zvatiri vashumiri vaJehovha, tinonetawo, nokuti upenyu hwedu hwokuzvipira kuna Mwari hunoda kuzvishandisa nesimba. (Mako 6:30, 31; Ruka 13:24; 1 Timoti 4:8) Uye pane zvimwe zvinhu zvakawanda zvinotisveta simba.

4 Kunyange zvazvo tiri vaKristu, hazvirevi kuti hatiwani zvinetso zvinowanikwa nevamwe vanhuwo. (Jobho 14:1) Kurwara, kushaya mari, kana zvimwe zvinetso zvinowanika muupenyu zvinogona kutinetesa, kunokonzerwa nokuora mwoyo. Kuwedzera pane zvinetso izvi pane miedzo inoitika kune vaya vanotambudzirwa kururama. (2 Timoti 3:12; 1 Petro 3:14) Nemhaka yezvinetso zvezuva nezuva zvinobva kunyika uye kushorwa kwebasa redu rokuparidza Umambo, vamwe vedu tinganzwa taneta zvokuti tinonzwa sokunge tava kuderera mubasa raJehovha. Uyezve, mukuedza kukanganisa kuperera kwedu kuna Mwari, Satani Dhiyabhorosi ari kushandisa zvose zvaanazvo. Saka zvino, tingawana kupi simba romudzimu rinodiwa kuti tisaneta uye tisarega?

5. Nei simba rinopfuura ravanhu richidiwa kuti tiite ushumiri hwechiKristu?

5 Kuti tiwane simba romudzimu, tinofanira kuvimba naJehovha, Musiki ane simba guru. Muapostora Pauro akataura kuti ushumiri hwechiKristu hungada simba rinopfuura ravanhu vasina kukwana. Akanyora kuti: “Tine pfuma iyi mumidziyo yevhu, kuti simba rinopfuura romuzvarirwo rive raMwari kwete rinobva matiri.” (2 VaKorinde 4:7) VaKristu vakazodzwa vari kuita “ushumiri hwokuyananisa” vachibatsirwa navamwe vavo vane tariro yokurarama pasi. (2 VaKorinde 5:18; Johani 10:16; Zvakazarurwa 7:9) Sezvo isu vanhu vasina kukwana tiri kuita basa raMwari tichitambudzwa, hatingagoni kuriita nesimba redu toga. Jehovha anotibatsira achishandisa mudzimu wake mutsvene, saka kushaya simba kwedu kunoratidza simba rake. Uye tinonyaradzwa sei nevimbiso yokuti ‘Jehovha achave achitsigira vakarurama’!—Pisarema 37:17.

‘Jehovha Ndiye Anotipa Simba’

6. Magwaro anotivimbisa sei kuti Jehovha ndiye Anotipa simba?

6 Baba vedu vokudenga ‘vakuru pakusimba’ uye vanogona kutipa simba nyore nyore. Kutaura zvazviri, tinoudzwa kuti: “Vanoziya [Jehovha] unovapa simba; unoshayiwa simba unomuwedzera simba rake. Kunyange navanakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose; asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.” (Isaya 40:29-31) Nemhaka yezvinonetsa zviri kuwedzera, dzimwe nguva tinganzwa somumhanyi aneta uyo makumbo ake anoita sokuti haachagoni kuramba akamutakura. Asi mutsetse wokugumisa mujaho woupenyu wava pamberi apa, uye hatifaniri kurega. (2 Makoronike 29:11) Muvengi wedu, Dhiyabhorosi, ari kufamba-famba “seshumba inodzvova,” uye anoda kutimisa. (1 Petro 5:8) Ngatiyeukei kuti ‘Jehovha isimba redu uye nhoo yedu,’ uye akagovera zvakawanda kuti ‘ape vakaneta simba.’—Pisarema 28:7.

7, 8. Uchapupu hupi huripo hwokuti Jehovha akasimbisa Dhavhidhi, Habhakuki, naPauro?

7 Jehovha akapa Dhavhidhi simba rinodiwa kupfuurira mukutarisana nezvipingamupinyi zvikuru. Nokutenda kuzere uye chivimbo, Dhavhidhi akanyora kuti: “Muna Mwari tichaita noumhare; nokuti ndiye uchatsika vadzivisi vedu pasi.” (Pisarema 60:12) Jehovha akasimbisawo Habhakuki kuitira kuti apedze basa rake somuprofita. Habhakuki 3:19 inoti: “Jehovha Ishe isimba rangu, unoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, unondifambisa pamatunhu angu akakwirira.” Muenzaniso waPauro wakakoshawo, akanyora kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka [yaMwari] anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.

8 SaDhavhidhi, Habhakuki, naPauro, tinofanira kutenda kuti Mwari anogona kutisimbisa uye kuti ane simba rokutiponesa. Tichiziva kuti Changamire Ishe Jehovha ndiye Anopa “simba guru,” zvino ngationei dzimwe nzira dzokuwana simba romudzimu mugadziriro dzakawanda dzinoitwa naMwari.

Gadziriro Dzomudzimu Dzokutipa Simba

9. Mabhuku echiKristu anoshanda sei pakutisimbisa?

9 Kudzidza Magwaro kwokushingaira tichibatsirwa namabhuku echiKristu kunogona kutipa simba uye kutitsigira. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Akakomborerwa munhu . . . unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” (Pisarema 1:1-3) Sezvatinofanira kudya kuti tirambe takasimba mumuviri, tinofanira kudya zvokudya zvomudzimu zvinogoverwa naMwari achishandisa Shoko rake uye mabhuku echiKristu kuti tirambe takasimba mumudzimu. Naizvozvo, kudzidza kune chinangwa uye kufungisisa zvinokosha.

10. Tingawana nguva yokudzidza nokufungisisa rini?

10 Zvechokwadi zvinopa mubayiro kufungisisa “zvinhu zvakadzika zvaMwari.” (1 VaKorinde 2:10) Asi tingawana rini nguva yokufungisisa? Mwanakomana waAbrahamu, Isaka “akabuda kundo[“fungisisa,” NW] kusango nenguva yamadekwana.” (Genesi 24:63-67) Munyori wepisarema Dhavhidhi ‘aifungisisa nezvaMwari panguva dzousiku.’ (Pisarema 63:6) Tingadzidza Shoko raMwari ndokurifungisisa mangwanani, manheru, uye usiku—chaizvoizvo, chero nguva. Kudzidza kwakadaro nokufungisisa kunotungamirira kune imwe gadziriro yaJehovha inosimbisa mumudzimu—munyengetero.

11. Nei tichifanira kukoshesa zvikuru kunyengetera nguva dzose?

11 Kunyengetera kuna Mwari nguva dzose kunobatsira kutisimbisa. Naizvozvo ‘ngatirambe tichinyengetera.’ (VaRoma 12:12) Pane dzimwe nguva, tinofanira kukumbira zvakananga uchenjeri nesimba zvinodiwa kuti tikurire muedzo. (Jakobho 1:5-8) Ngationge nokurumbidzawo Mwari patinocherechedza kushanda kwezvinangwa zvake kana patinenge taona kuti atisimbisa kuti tipfuurire mubasa rake. (VaFiripi 4:6, 7) Kana tikaramba tiri pedyo naJehovha mumunyengetero, haambotisiyi. “Tarirai” akaimba kudaro Dhavhidhi, “Mwari ndiye mubatsiri wangu.”—Pisarema 54:4.

12. Nei tichifanira kukumbira Mwari mudzimu wake mutsvene?

12 Baba vedu vokudenga vanotipa simba uye vanotisimbisa vachishandisa mudzimu wavo mutsvene, kana kuti simba rinobata basa. Pauro akanyora kuti: “Ndinopfugamira Baba . . . kuti maererano nepfuma yembiri yake akubvumirei kuti musimbiswe mumunhu wamuri nechomukati nesimba nomudzimu wake.” (VaEfeso 3:14-16) Tinofanira kunyengeterera mudzimu mutsvene, tiine chivimbo chokuti Jehovha achatikomborera nawo. Jesu akati: Kana mwana akakumbira hove, baba vane rudo vangamupa nyoka here? Chokwadika kwete. Nokudaro, iye akagumisa kuti: “Kana imi, kunyange [muchitadza uye] makaipa [zvikuru kana zvishoma], muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira!” (Ruka 11:11-13) Ngatinyengeterei tiine chivimbo chakadaro uye ngatiyeukei nguva dzose kuti vashumiri vakatendeka vaMwari vanogona ku“simbisw[a]” nesimba romudzimu wake.

Ungano Chinhu Chinobatsira Pakusimbisa

13. Tinofanira kuona sei misangano yechiKristu?

13 Jehovha anotipa simba achishandisa misangano yeungano yechiKristu. Jesu akati: “Pane vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ndiripo pakati pavo.” (Mateu 18:20) Jesu paakavimbisa kudaro, akanga achikurukura nyaya dzaifanira kuteererwa nevaya vaitungamirira muungano. (Mateu 18:15-19) Zvisinei, mashoko ake anongoshanda zvakafanana kumisangano yedu yose, magungano, uye kokorodzano, zvinotangwa nokupfigwa nomunyengetero muzita rake. (Johani 14:14) Nokudaro iropafadzo kuti tivepo pakuungana kwechiKristu kwakadaro, zvisinei kuti panenge paine vashoma kana kuti zviuru. Naizvozvo, ngatiratidzei kuonga zviitiko izvi zvakagadzirirwa kutisimbisa mumudzimu uye kutikurudzira kuti tive norudo uye mabasa akanaka.—VaHebheru 10:24, 25.

14. Tinobatsirwa nei nezvinoitwa navakuru vechiKristu?

14 Vakuru vechiKristu vanobatsira nokukurudzira mumudzimu. (1 Petro 5:2, 3) Pauro akabatsira uye akakurudzira ungano dzaaishanyira, sezvinoitwa nevatariri vanofambira nhasi. Chaizvoizvo, aishuva kuva nevamwe vatendi kuitira kuti pave nokukurudzirana kunovaka. (Mabasa 14:19-22; VaRoma 1:11, 12) Ngatiratidzeiwo kuonga vakuru vomuungano yedu navamwe vatariri vechiKristu, vanoita basa guru mukutisimbisa mumudzimu.

15. Vatinotenda navo vari muungano yedu vanoratidza sei kuva “yamuro inosimbisa?”

15 Vatinotenda navo vanoumba ungano yedu vanogona kuva “yamuro inosimbisa.” (VaKorose 4:10, 11) Se‘shamwari dzechokwadi’ vanogona kutibatsira munguva dzenhamo. (Zvirevo 17:17) Somuenzaniso, apo vashumiri vaMwari 220 vakasunungurwa mumusasa wevasungwa weSachsenhausen wairindwa navaNazi muna 1945, vaifanira kufamba rwendo rwemakiromita 200. Vaifamba vari muboka, uye vakanga vakasimba vaikweva vakanga vaneta zvikuru mutungoro tuduku tushoma. Zvakaguma sei? Mukufamba ikoko kwakauraya vanhu vanopfuura 10 000 vakanga vari mumusasa wavasungwa, hapana mumwe weZvapupu zvaJehovha akafa. Nhau dzakadaro dzinowanikwa mumabhuku eWatch Tower, kusanganisira Yearbook of Jehovah’s Witnesses uye Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, dzinoratidza kuti Mwari anosimbisa vanhu vake, zvokuti havaneti.—VaGaratiya 6:9. *

Kusimbiswa Noushumiri Hwedu Hwomumunda

16. Kupinda mubasa rokuparidza nguva dzose kunotisimbisa sei mumudzimu?

16 Kupinda mubasa rokuparidza Umambo nguva dzose kunotisimbisa mumudzimu. Basa rakadaro rinotibatsira kuti titarire kuUmambo hwaMwari uye kuti tigare tichifunga nezvokusingagumi nezvikomborero zvakwo. (Judha 20, 21) Zvipikirwa zvomuMagwaro zvatinotaura nezvazvo muushumiri hwedu zvinotipa tariro uye zvinogona kutiita kuti tive vakatsunga somuprofita Mika, akati: “Tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.”—Mika 4:5.

17. Mazano api anopiwa ane chokuita nezvidzidzo zveBhaibheri zvapamusha?

17 Ukama hwedu pachedu naJehovha hunosimbiswa sezvatinoshandisa Magwaro zvikuru mukudzidzisa vamwe. Somuenzaniso, patinenge tichiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvapamusha tichibatsirwa nebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, zvinokosha kuverenga uye kukurukura magwaro akawanda anenge akanyorwa. Izvi zvinobatsira mudzidzi wacho uye zvinosimbisa kunzwisisa kwedu zvinhu zvomudzimu. Kana mudzidzi ane chinetso mukunzwisisa pfungwa yeBhaibheri kana kuti muenzaniso, chitsauko chimwe chinogona kudzidzwa kanopfuura kamwe mubhuku rinonzi Zivo. Tinofara sei kugadzirira zvakanaka uye kuedza zvakanyanya kubatsira vamwe kuti vaswedere pedyo naMwari!

18. Enzanisira kuti bhuku rinonzi Zivo riri kushandiswa sei zvinobudirira.

18 Gore roga roga, bhuku rinonzi Zivo riri kushandiswa zvinobudirira kubatsira zviuru zvavanhu kuva vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira, uye izvi zvinosanganisira vakawanda vagara vasingazivi nezveBhaibheri. Somuenzaniso, paakanga ari mwana, mumwe murume wechiHindu muSri Lanka akaita manzwira apo chimwe Chapupu chaitaura nezveParadhiso. Makore akati gare gare akataura neChapupu chiya, uye munguva pfupi yakatevera murume weChapupu chiya akatanga kudzidza Bhaibheri naye. Kutaura zvazviri, jaya racho raiuya kuzodzidza zuva nezuva, uye bhuku rinonzi Zivo rakapedzwa munguva pfupi zvikuru. Rakatanga kupinda misangano yose, rakarega kupinda chaimbova chitendero charo, uye rakava muparidzi woUmambo. Parakabhabhatidzwa, rakanga rave kutoitisa mumwe munhu waraiziva chidzidzo cheBhaibheri chapamusha.

19. Sezvatinotanga kutsvaka Umambo, tinogona kuva nechokwadi nei?

19 Kutanga kutsvaka Umambo kunotiunzira mufaro unosimbisa. (Mateu 6:33) Kunyange zvazvo tichisangana nemiedzo yakasiyana-siyana, tinoramba tichiparidza mashoko akanaka tichifara uye tichishingaira. (Tito 2:14) Vakawanda vedu tinoita zvinodiwa kuti munhu aite basa roupiyona renguva yakazara, uye vamwe vari kushanda kunodiwa vaevhangeri vakawanda. Tingava tichisimudzira zvinhu zvine chokuita noUmambo nomufaro munzira idzi kana dzimwe, tine chivimbo chokuti Jehovha haazokanganwi basa redu uye rudo rwatinoratidza nokuda kwezita rake.—VaHebheru 6:10-12.

Pfuurira Musimba raJehovha

20. Tingaratidza sei kuti tinotarira kuna Jehovha kuti atipe simba?

20 Nomwoyo wose, ngatiratidze kuti tinovimba naJehovha uye tinotarira kwaari kuti atipe simba. Tinogona kuita kudaro nokushandisa zvakazara gadziriro dzomudzimu dzaanoita achishandisa “muranda akatendeka.” (Mateu 24:45) Kudzidza Shoko raMwari tiri toga uye neungano tichibatsirwa nemabhuku echiKristu, munyengetero unobva pamwoyo, kubatsirwa mumudzimu nevakuru, muenzaniso wakanaka wevamwe vatinotenda navo vakatendeka, uye kupinda mubasa rokuparidza nguva dzose zviri pakati pedzimwe gadziriro dzinosimbisa ukama hwedu naJehovha uye kutisimbisa kuti tipfuurire mubasa rake dzvene.

21. Vaapostora Petro naPauro vakaratidza sei kudiwa kwesimba rinopiwa naMwari?

21 Pasinei nokuneta kwedu kwounhu, Jehovha achatisimbisa kuti tiite kuda kwake kana tikavimba naye kuti atibatsire. Achiziva kudiwa kworubatsiro irworwo, muapostora Petro akanyora kuti: “Kana munhu achishumira, ngaashumire seanovimba nesimba rinogoverwa naMwari.” (1 Petro 4:11) Uye Pauro akaratidza kuvimba kwake nesimba rakapiwa naMwari paakati: “Ndinofara nokusava nesimba, nokutukwa, nokushayiwa, nokutambudzwa nezvinetso, nokuda kwaKristu. Nokuti pandinenge ndisina simba, ndipo pandine simba.” (2 VaKorinde 12:10) Ngatiratidze chivimbo chakadaro tiunze mbiri kuna Changamire Ishe Jehovha, anopa akaneta simba.—Isaya 12:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Nhamba iyi, kana ichinyorwa nomutoo wokunyora manhamba weUnited States, inhamba inotanga na1 ichiteverwa namazero 20.

^ ndima 15 Akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Ungapindura Sei?

• Nei vanhu vaJehovha vachida simba rinopfuura renguva dzose?

• Uchapupu hupi hwomuMagwaro huripo hwokuti Mwari anopa simba vashumiri vake?

• Ndedzipi dzimwe gadziriro dzomudzimu idzo Jehovha akaita kuti atisimbise?

• Tingaratidza sei kuti tinotarira kuna Mwari kuti atipe simba?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ukama hwedu naJehovha hunosimbiswa sezvatinoshandisa Bhaibheri kudzidzisa vamwe