Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mawaniro Aungaita Shamwari

Mawaniro Aungaita Shamwari

Mawaniro Aungaita Shamwari

“SHAMWARI IMWE CHETE MUUPENYU YAKAKWANA; MBIRI DZAKATOWANDA; NHATU HADZITOMBOBVIRI.”—Henry Brooks Adams.

KUTAURA kwakadai kunoratidza kuti shamwari dzechokwadi hadziwanzowaniki. Kazhinji kazhinji kutaura kwakadai sokuti “Handina wokutaurira,” “Handigoni kuvimba nomunhu upi noupi,” kana kuti “Imbwa yangu ndiyo shamwari yangu yapamwoyo” kunonzwikwa kuvanhu vakasurukirwa zvikuru vari kutsvaka ushamwari.

Kuwana nokuchengeta ushamwari hunogara kwakaoma. Kuongorora boka ravatengi kwakamboitwa kwakaratidza kuti “muUnited States 25 muzana yevagari vemo vakura vanotambudzika no‘kusurukirwa kusingaperi’ uye . . . muFrance hafu yavanhu ivavo yakamborwadziwa kwazvo nokugara yoga.” Kuwedzera kuri kuita zvikwata zvokushamwaridzana kwavakomana navasikana uye mizinda yokukurukurirana muchishandisa makombiyuta uye kuwanda kwemashoko okushambadza omumapepanhau anoiswa nevanotsvaga shamwari kunoratidza kuti vanhu vanoshuva shamwari.

Dr. David Weeks, nyanzvi yemashandiro epfungwa, anoti kusurukirwa hakukanganisi pfungwa dzomunhu chete asiwo utano hwomuviri wake. “Ndine varwere vakawanda vanofunganya zvisina musoro uye vakaora mwoyo vangatsanangurwa sevakasurukirwa. Kuora mwoyo kwakanyanya pane pakwakabatana nokusurukirwa kwakanyanya.”

Kurambana nokuparara kwoupenyu hwemhuri kunoita kuti vanhu vanorarama vari voga varambe vachiwedzera. Kuongorora kwakaitwa muBritain kwakaratidza kuti panozotanga zana remakore rechi21, vakawanda se30 muzana yevagari vomunyika iyoyo vachange vava kugara voga.

Magwaro akafuridzirwa akafanotaura kuti mafungiro oumbimbindoga aizova akatekeshera mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Zvinoratidzika sokuti vakawanda vanonyanyova nehanya nokuva nezvinhu, zvakadai seimba kana motokari, kana kuti nemabasa avo kupfuura kukudziridza ukama nevamwe vanhu. Munyori Anthony Storr akati: “Panzvimbo pokufunga nezvevavakaroorana navo nevana vavo, vanongofunga nezvokubasa muupenyu hwavo.”

SHAMWARI DZECHOKWADI DZINOKOSHA ZVIKURU

Mamiriro oupenyu hwako anoenderana zvakanyanya nemamiriro oushamwari hwako. Kakawanda vane basa noupenyu hwavo chete havafari nokuti havana shamwari yokugovana nayo zvinhu zvavo kana pfungwa dzavo. Mashoko aJesu Kristu okuti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira” ndeechokwadi. (Mabasa 20:35) Achidzokorora chokwadi ichi, nyanduri wechiRungu George Byron akanyora kuti: “Vose vangawana mufaro, vanofanira kuugovana nevamwe.”

Shamwari chii? Rimwe duramashoko rinotsanangura shamwari so“uyo akabatana nomumwe nokudanana kana kuti kukoshesana.” Shamwari yechokwadi inogona kukubatsira kunangisa pfungwa dzako pazvinhu zvakanaka. Inogona kukukurudzira nokukuvaka munguva dzokushayiwa. Inogona kunyange kurwadziwawo nokutambudzika kwako. Mambo Soromoni akati: “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Nepo zvinhu zvokunyama zvichiwanzopera ukoshi nokufamba kwenguva, ushamwari hwechokwadi hunokura nokubudirira nokufamba kwenguva.

Magwaro anokurudzira vaKristu ku“wedzera” mukudanana kwavo. (2 VaKorinde 6:13) Mukushamwaridzana nevamwe mune uchenjeri. Pana Muparidzi 11:1, 2, tinoverenga kuti: “Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura. Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nokuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.” Nheyo iyi inoshanda sei paushamwari? Kana wakudziridza ushamwari nevanhu vakawanda, vamwe vavo vangangokubatsira apo zvinetso zvinomuka.

Shamwari dzechokwadi dzinokudzivirira mune imwe nzira. “Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa,” inodaro Zvirevo 27:6. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda sei vangakuudza mashoko erumbidzo, shamwari dzechokwadi chete ndidzo dzichafunga nezvako zvokusvika pakukuratidza zvaunokanganisa zvakakomba dzokupa zano rinovaka nenzira yorudo.—Zvirevo 28:23.

Shamwari dzakanaka, dzepedyo dziri pakati pezvipo zvisingawanzowaniki zvinogona kukupa pfungwa dzakanaka. Muna Mabasa chitsauko 10, tinoverenga nezvechimwe chiitiko muupenyu hwomukuru-mukuru weuto reRoma Koneriyasi, uyo akanga audzwa nengirozi kuti minyengetero yake yaive yanzwikwa. Achitarisira kushanya kwomuapostora Petro, Koneriyasi aka“unganidza hama dzake neshamwari dzapedyo.” Shamwari idzodzo dzapedyo dzaKoneriyasi dzaive pakati pevasina kudzingiswa Vamamwe Marudzi vakatanga kugamuchira mashoko akanaka uye kuzodzwa nomudzimu mutsvene, vaine tariro yokutonga pamwe naKristu muUmambo hwaMwari. Chikomborero chakadii kushamwari dzaKoneriyasi dzapedyo!—Mabasa 10:24, 44.

Zvisinei, ungawana sei shamwari? Bhabheri, iro rine zvakawanda zvokutaura nezvoushamwari, rinopindura nemazano anoshanda. (Ona bhokisi riri pazasi.)

KWAUNGAITA SHAMWARI DZECHOKWADI

Nzvimbo yakanakisisa yokuita shamwari dzechokwadi muungano yechiKristu. Chokutanga, ungazviwanisa mukana wokuva shamwari neshamwari naJehovha, Musiki wako naBaba vokudenga, uye naJesu Kristu, Muponesi wako. “Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake,” akadaro Jesu, uyo anokukoka kuti uve shamwari yake. (Johani 15:13, 15) Nokushamwaridzana naJehovha naJesu Kristu, unokwanisa kuva nechokwadi chokuti “va[cha]kugamuchir[a] munzvimbo dzokugara dzisingaperi.” Hungu, ushamwari naJehovha naJesu hunoreva upenyu husingaperi.—Ruka 16:9; Johani 17:3.

Ungawana sei ushamwari hwavo hunofadza? Zvinodiwa kuti uve muenzi mutende raJehovha somumwe weshamwari dzake zvakarongwa muna Pisarema 15. Ritarise muBhaibheri, uverenge ndima shanu dzepisarema iroro. Uyezve, Jesu Kristu akati: “Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.”—Johani 15:14.

Hungu, nokunyatsodzidza uye kushandisa nhungamiro inobva muShoko raMwari, Bhaibheri, unoratidza kuti unoda kuva shamwari yaJehovha naJesu. Kuti udaro, unofanirawo kupinda misangano yechiKristu nguva dzose, uko zivo yaJehovha Mwari inopiwa. Zvipire nokutendeka kuti uteerere kuna Jehovha, uye uchaswedera pedyo naye noMwanakomana wake.

Pamisangano uchazivanawo nevanhu vanoda Jehovha uye vanoratidza zvibereko zvomudzimu—rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora—muupenyu hwavo. (VaGaratiya 5:22, 23) Kana uri kuda kuwana shamwari zvechokwadi uye uchida kubvisa kusurukirwa, pinda misangano yechiKristu mavhiki ose. Kuita kudaro kunokuisa munzvimbo chaiyo panguva chaiyo kuti ukudziridze ushamwari hunogara nevanhu vaMwari vakakomborerwa.

SHAMWARI NESHAMWARI NOKUSINGAPERI

Ushamwari hwechokwadi chipo chinoshamisa chinobva kuna Jehovha Mwari. Hunobva paunhu hwake pachake nezvaari. Nokuti anofarira kuda uye kupa, akazadza pasi nezvisikwa zvakachenjera zvaunogona kutanga nazvo ushamwari. Songanirana nevamwe vaKristu. Vakurudzire. Shanda navo muushumiri. Nyengetera navo uye vanyengeterere nguva dzose. Ipapo uchange uchitevedzera Jehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu.

Ushamwari chipo chinogona kupiwa nokugamuchirwa nomunhu wose. Munguva pfupi iri kutevera, uchawana mukana wokuwedzera uwandu hweshamwari dzako. Unogona kushamwaridzana nemamiriyoni ari kurarama zvino, zvosewo neavo vezvizvarwa zvakapfuura vakarara murufu, vakamirira rumuko apo “rufu [rusinga]zovipo.” (Zvakazarurwa 21:4; Johani 5:28, 29) Edza iye zvino kuva noushamwari, uye shamwaridzana nevanoda Jehovha. Ronda ushamwari naJehovha Mwari naJesu Kristu nokuteerera Shoko raMwari rakafuridzirwa. Ipapo, hauzombosurukirwi nokusingaperi.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 22, 23]

Nhanho Nhanhatu Dzokuita Ushamwari Hunogara

1. IVA SHAMWARI. Abrahamu akanzi “shamwari yaJehovha” nokuda kwokutenda kwake kusingazununguki. (Jakobho 2:23) Asi paive nechimwe chikonzero. Bhaibheri rinoti Abrahamu akaratidza kuda kwaaiita Mwari. (2 Makoronike 20:7) Ndiye aitanga kuzivisa Jehovha manzwiro aaiita. (Genesi 18:20-33) Hungu, zvinoda kuti utange kuratidza ushamwari hwako. Jesu akati: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.” (Ruka 6:38) Shoko rokukurudzira kana kuti kubatsira kungava mhodzi ichakura kuva ushamwari hwakakura. Munyori wenyaya dzokuzvifungira wokuAmerica Ralph Waldo Emerson akamboti: “Nzira bedzi yokuva neshamwari kuva shamwari.”

2. IVA NENGUVA YOKUKUDZIRIDZA USHAMWARI. Vanhu vakawanda vanoda kubatsira kunoita ushamwari. Asi, vakanyanyobatikana zvokusahuwanira nguva yahunoda. VaRoma 12:15, 16 inotikurudzira kugovana mufaro nokubudirira, kusuruvara nokuora mwoyo, zvevamwe. Inoti: “Farai nevanhu vanofara; chemai nevanhu vanochema. Fungai vamwe sezvamunozviitawo.” Jesu Kristu, kunyange zvazvo aiva munhu akabatikana, aigarowana nguva yokuva neshamwari dzake. (Mako 6:31-34) Yeuka, ushamwari, kungofanana nechimerwa chinotumbuka, hunoda kudiridzirwa nokutarisirwa kuti hutumbuke—uye izvozvo zvinotora nguva.

3. TEERERA PANOTAURA VAMWE. Vateereri vakanaka vanowanzowana zviri nyore kuita shamwari. “Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura,” anodaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 1:19) Paunokurukura nevamwe, ratidza kufarira kwaunoita pachako manzwiro avanoita. Vakurudzire kutaura nezvavo pachavo. Tanga iwe kuvaratidza rukudzo. (VaRoma 12:10) Ipapo vachada kuva newe. Asi kune rimwe divi, ukada kuramba uchingotaura iwe chete kana kuda kuramba uri pamberi pevamwe vose, zvichakuomera kuwana mumwe munhu akagadzirira kuteerera kana kuti ane hanya nemanzwiro aunoita nezvaunoda.

4. IVA ANOKANGANWIRA. Jesu akamboudza Petro kuti ave akagadzirira kukanganwira “kusvikira kane makumi manomwe nekanomwe.” (Mateu 18:21, 22) Shamwari yechokwadi inokurumidza kufuratira twuzvikanganiso twuduku. Kuenzanisira: Vamwe havadyi maguzubheri nokuda kwotwumhodzi twawo. Zvisinei, avo vanonakirwa nomuchero uyu havaoni twumhodzi twacho. Shamwari dzechokwadi dzinodirwa unhu hwadzo hwakaisvonaka; twuzvikanganiso twadzo twunofuratirwa. Pauro akatikurudzira kuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru.” (VaKorose 3:13) Vaya vanodzidza kuva vanokanganwira vanoramba vaine shamwari dzavo.

5. ZIVA KUTI VAMWE VANODAWO KUVA VOGA. Munhu wose anoda kuva oga, kusanganisira shamwari dzako. Zvirevo 25:17 inotaura zvakachenjera kuti: “Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako, arege kuzoneta newe, akakuvenga.” Nokudaro, iva anonzwisisa kuti unoshanyira shamwari dzako kakawanda sei uye kwenguva yakareba sei. Dzivisa ruchengera, urwo rwunogona kutungamirira kugodo. Ngwarira pakutaura zvaunofarira nemafungiro aunoita panhau dzakati. Izvi zvinoita kuti pave noushamwari hunozorodza nohunonyevenutsa.

6. IVA NORUPO. Ushamwari hunokudziridzwa norupo. Zano romuapostora Pauro ndero‘kuva norupo, nokuda kugoverana.’ (1 Timoti 6:18) Somuenzaniso, udzawo vamwe mashoko anokurudzira. (Zvirevo 11:25) Iva akasununguka pakurumbidza kwomwoyo wose uye kutaura kunovaka. Paunoratidza kufarira zvechokwadi kugara zvakanaka kwevamwe, vanokweverwa kwauri. Funga pamusoro pezvaungavaitira panzvimbo pokufunga nezvezvavangakuitira.