Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoda Zviyeuchidzo zvaJehovha Kwazvo Here?

Unoda Zviyeuchidzo zvaJehovha Kwazvo Here?

Unoda Zviyeuchidzo zvaJehovha Kwazvo Here?

“Mweya wangu wakachengeta [“zviyeuchidzo,” NW] zvenyu; ndinozvida kwazvo.”—PISAREMA 119:167.

1. Ndokupi kwatinowana kudzokororwa kwezviyeuchidzo zvaJehovha kakawanda?

JEHOVHA anoda kuti vanhu vake vafare. Chokwadika, kuti tive nomufaro wechokwadi, tinofanira kufamba mumutemo waMwari ndokuita zvaanorayira. Kuti tidaro, anotipa zviyeuchidzo. Izvozvi zvinodzokororwa kakawanda muMagwaro, zvikurukuru muPisarema 119, zvichida rakanyorwa naHezekia, Muchinda muduku weJudha. Rwiyo urwu runofadza runotanga namashoko okuti: “Vakaropafadzwa avo vane nzira yakarurama, vanofamba mumurau waJehovha. Vakaropafadzwa vanochengeta [zviyeuchidzo] zvake, vanomutsvaka nomwoyo wose.”—Pisarema 119:1, 2.

2. Zviyeuchidzo zvaMwari zvinei chokuita nomufaro?

2 Tino‘famba mumurau waJehovha’ nokupinza zivo yakarurama yeShoko rake nokuishandisa muupenyu. Zvisinei, sezvo tisina kukwana tinoda zviyeuchidzo. Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “zviyeuchidzo” rinoratidza kuti Mwari anoita kuti tiyeuke mutemo wake, mirayiridzo, mirau, mirayiro, uye zvaakatema. (Mateu 10:18-20) Ticharamba tichifara chete kana tikapfuurira kuteerera zviyeuchidzo zvakadaro, nokuti zvinotibatsira kuti tidzivise zvinokanganisa kunamata kwedu zvinozoguma nenjodzi nokusuruvara.

Namatira Kuzviyeuchidzo zvaJehovha

3. Tichifunga nezvePisarema 119:60, 61, tine chivimbo chei?

3 Zviyeuchidzo zvaJehovha zvaidiwa nomunyori wepisarema akaimba kuti: “Ndakakurumidza, handina kunonoka kuchengeta mirayiro yenyu. Mabote avakaipa akandimonera; asi handina kukanganwa murau wenyu.” (Pisarema 119:60, 61) Zviyeuchidzo zvaJehovha zvinotibatsira kuti titsungirire kutambudzwa nokuti tine chivimbo chokuti Baba vedu vokudenga vanogona kudambura tambo dzokudzivisa dzatinosungwa nadzo navavengi vedu. Panguva yakafanira, vanotisunungura pazvipingamupinyi zvakadaro zvokuti tinogona kuita basa rokuparidza Umambo.—Mako 13:10.

4. Tinofanira kuita sei kuzviyeuchidzo zvaMwari?

4 Padzimwe nguva, tinoruramiswa nezviyeuchidzo zvaJehovha. Ngationgei kururamiswa ikoko nguva dzose, kunyange sezvakaitwa nomunyori wepisarema. Akanyengetera nomwoyo wose kuna Mwari kuti: “[Zviyeuchidzo] zvenyuwo zvinondifadza kwazvo. . . . Ndinoda [zviyeuchidzo] zvenyu.” (Pisarema 119:24, 119) Tine zviyeuchidzo zvaMwari zvakawanda kupfuura zvakanga zvine munyori wepisarema. Mazana emashoko anobva muMagwaro echiHebheru anowanika muMagwaro echiGiriki anotiyeuchidza kwete chete mirayiridzo yaJehovha kuvanhu vake vaiva pasi poMutemo asiwo nezvezvinangwa zvake zvine chokuita neungano yechiKristu. Apo Mwari anoona zvakakodzera kutiyeuchidza nezvezvinhu zvine chokuita nemitemo yake, tinofarira nhungamiro yakadaro. Uye noku‘namatira ku[zviyeuchidzo] zvaJehovha,’ tinodzivisa zvinokwezva kuita chivi zvinosembura Musiki wedu uye zvinotitorera mufaro.—Pisarema 119:31.

5. Tingasvika sei pakuda zviyeuchidzo zvaJehovha kwazvo?

5 Tinofanira kuda zviyeuchidzo zvaJehovha kusvika papi? “Mweya wangu wakachengeta [zviyeuchidzo] zvenyu; ndinozvida kwazvo,” akaimba kudaro munyori wepisarema. (Pisarema 119:167, tisu tatsveyamisa mabii.) Tichasvika pakuda zviyeuchidzo zvaJehovha kwazvo kana tikazviona nokuzvibvuma sezano raBaba vane hanya nesu kwazvo. (1 Petro 5:6, 7) Tinoda zviyeuchidzo zvake, uye kuzvida kwedu kuchawedzera sezvatichaona kuti zvinotibatsira sei.

Zvinoita Kuti Tide Zviyeuchidzo zvaJehovha

6. Ndechipi chikonzero chimwe nei tichida zviyeuchidzo zvaJehovha, uye chii chichatibatsira kuti tizviyeuke?

6 Chimwe chikonzero nei tichida zviyeuchidzo zvaJehovha ndechokuti tinokanganwa. The World Book Encyclopedia inoti: “Vanhu vanoramba vachikanganwa nguva painenge ichifamba. . . . Zvichida zvakamboitika kwauri kuti utadze kufunga nezvezita kana mamwe mashoko awaigona kuyeuka nyore nyore. . . . Kumbotadza kuyeuka kwenguva pfupi kwakadaro, kunoitika kakawanda, kunonzi hanganwa. Masayendisiti anokuenzanisa nokuedza kutsvaka chinhu changotsvetwa muimba ine ungwandangwanda hwezvinhu. . . . Nzira yakanaka yokuva nechokwadi chokuyeuka mashoko ndeyokuadzidza kakawanda kusvikira wave kunzwa kuti wave kuaziva zvakakwana.” Kudzidza nokushingaira nokudzokorora zvichatibatsira kuyeuka zviyeuchidzo zvaMwari ndokuita maererano nazvo kuti zvitifambire zvakanaka.

7. Nei zviyeuchidzo zvaMwari zvichidiwa nhasi kupfuura kare kose?

7 Tinoda zviyeuchidzo zvaJehovha nhasi kupfuura kare kose nokuti uipi hwasvika pamwero mukuru kwazvo munhau yavanhu. Kana tikateerera zviyeuchidzo zvaMwari, tinowana ruzivo rwunodiwa kuti tidzivise kukwezverwa munzira dzenyika dzakaipa. “Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose,” akadaro munyori wepisarema, “nokuti [zviyeuchidzo] zvenyu ndizvo zvandinofungisisa. Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; kuti ndichengete shoko renyu.” (Pisarema 119:99-101) Nokuteerera zviyeuchidzo zvaMwari, tichabva pa“nzira dzose dzakaipa” uye tichadzivisa kuva segurumwandira ravanhu, “vari murima mupfungwa, uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari.”—VaEfeso 4:17-19.

8. Tingashongedzerwa zviri nani sei kuti tinangane nemiedzo yokutenda nokubudirira?

8 Zviyeuchidzo zvaMwari zvinodiwawo nokuti zvinotisimbisa kuti titsungirire miedzo yedu yakawanda mune ino “nguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:4) Pasina zviyeuchidzo zvakadaro tingava ‘vanzwi vanokanganwa.’ (Jakobho 1:25) Asi kudzidza Magwaro nokushingaira tiri toga uye seungano tichibatsirwa namabhuku anobva ku“muranda akatendeka, akangwara” kuchatibatsira kunangana nemiedzo yokutenda tichibudirira. (Mateu 24:45-47) Gadziriro dzakadaro dzomudzimu dzinoita kuti tikwanise kuona zvatinofanira kuita kuti tifadze Jehovha patinozviwana tiri mumamiriro ezvinhu anoedza.

Basa Rinokosha Remisangano Yedu

9. “Zvipo zviri varume” ndivanaani, uye vanobatsira sei vavanotenda navo?

9 Kuda kwedu zviyeuchidzo zvaMwari kunozadziswa muimwe nzira pamisangano yechiKristu, apo mirayiridzo inopiwa nehama dzakagadzwa. Muapostora Pauro akanyora kuti apo Jesu “akakwira kumusoro akaenda nevatapwa; akapa zvipo zviri varume.” Pauro akawedzera kuti: “[Kristu] akapa vamwe sevaapostora, vamwe sevaprofita, vamwe sevaevhangeri, vamwe sevafudzi nevadzidzisi, kuti vatsvene varuramiswe, nokuda kwebasa rokushumira, nokuda kwokuvakwa kwomuviri waKristu.” (VaEfeso 4:8, 11, 12) Tinofara sei kuti izvi “zvipo zviri varume”—vakuru vakagadzwa—zvinoita kuti titarire kuzviyeuchidzo zvaJehovha patinosangana pamwe kuti tinamate!

10. Pfungwa huru yaVaHebheru 10:24, 25 ndeipi?

10 Kuonga gadziriro dzaMwari kuchaita kuti tive pamisangano yedu yeungano mishanu vhiki imwe neimwe. Kudiwa kwokuungana pamwe chete nguva dzose kwakasimbiswa naPauro. Akanyora kuti: “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, uye kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.”—VaHebheru 10:24, 25.

11. Musangano wedu mumwe nomumwe wevhiki yoga yoga unotibatsira sei?

11 Unoonga zvatinoitirwa nemisangano yedu here? Chidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki imwe neimwe chinosimbisa kutenda kwedu, chinotibatsira kuti tiite maererano nezviyeuchidzo zvaJehovha, uye chinotisimbisa pakudzivisa “mudzimu wenyika.” (1 VaKorinde 2:12; Mabasa 15:31) PaMusangano Wavose, vakurukuri vanopa mirayiridzo kubva muShoko raMwari, kusanganisira zviyeuchidzo zvaJehovha uye “mashoko oupenyu husingaperi” aJesu anoshamisa. (Johani 6:68; 7:46; Mateu 5:1–7:29) Unyanzvi hwedu hwokudzidzisa hunorodzwa paChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari. Musangano Webasa unokosha mukutibatsira kuti tivandudze kutaura kwedu mashoko akanaka paimba neimba, pakudzoka kuzoshanya, pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvapamusha, uye mune mamwe marudzi oushumiri hwedu. Boka duku paChidzidzo Chebhuku Cheungano rinotipa mukana wakakura kuti titaure mashoko anosanganisira zviyeuchidzo zvaMwari kakawanda.

12, 13. Vanhu vaMwari vari mune imwe nyika yokuAsia vakaratidza sei kukoshesa misangano yechiKristu?

12 Kuva pamisangano yeungano nguva dzose kunoshanda kutiyeuchidza nezvemirayiro yaMwari uye kunotibatsira kuti tirambe takasimba mumudzimu mukutarisana nehondo, kuoma kwezvoupfumi, uye mimwe miedzo yokutenda. Kukosha kwemisangano kwainyatsozivikanwa nevamwe vaKristu 70 mune imwe nyika yeAsia vakabviswa mumisha yavo uye vakamanikidzwa kugara mukati-kati mesango. Vatsunga kuramba vachisangana pamwe nguva dzose, vakadzokera kuguta ravo rakasakadzwa nehondo, vakabvisa zvakanga zvasara paHoro yoUmambo, ndokuivakazve mukati mesango.

13 Vatsungirira makore akawanda ehondo kune imwe nzvimbo yenyika iyoyo, vanhu vaJehovha vachiri kushingaira. Mumwe wevakuru munharaunda iyoyo akabvunzwa kuti: “Chii chave chichinyanya kubatsira kuti hama dzirambe dziri pamwe?” Akapindura kutii? “Mumakore 19, hatina kumborega kuita musangano. Dzimwe nguva nemhaka yokubhombwa kana zvimwe zvinetso, dzimwe hama hadzaigona kusvika kunzvimbo yemisangano, asi hapana musangano watakamborega.” Idzi hama nehanzvadzi dzinodiwa chaizvoizvo dzinoonga kukosha kwo‘kusarega kuungana kwadzo pamwe.’

14. Tingadzidzei mutsika yaAna akanga akwegura?

14 Ana, chirikadzi yakanga ine makore 84, “akanga asingamboshayiki patemberi.” Somugumisiro, akanga aripo apo Jesu mucheche akaunzwa ikoko achangoberekwa. (Ruka 2:36-38) Unotsunga kuramba uchipinda misangano here? Uri kuedza napaunogona napo kuti uvepo panguva imwe neimwe yemagungano edu nekokorodzano here? Mirayiridzo inobatsira mumudzimu inogamuchirwa pamisangano iyi inotipa uchapupu huri pachena hwokuti Baba vedu vokudenga vanotarisira vanhu vavo. (Isaya 40:11) Zviitiko zvakadaro zvinosimudzirawo mufaro, uye kuvapo kwedu kunoratidza kuonga kwedu zviyeuchidzo zvaJehovha.—Nehemia 8:5-8, 12.

Kutsaurwa Nezviyeuchidzo zvaJehovha

15, 16. Kuteerera zviyeuchidzo zvaJehovha kunochinja sei mufambiro wedu?

15 Kuchengeta zviyeuchidzo zvaMwari kunobatsira kutitsauranisa nenyika ino yakaipa. Somuenzaniso, kuteerera zviyeuchidzo zvaMwari kunotidzivisa kuita unzenza. (Dheuteronomio 5:18; Zvirevo 6:29-35; VaHebheru 13:4) Muedzo wokureva nhema, kusatendeseka, kana kuba unogona kukurirwa zvinobudirira nokuita maererano nezviyeuchidzo zvaMwari. (Eksodho 20:15, 16; Revhitiko 19:11; Zvirevo 30:7-9; VaEfeso 4:25, 28; VaHebheru 13:18) Kuchengeta zviyeuchidzo zvaJehovha kunotidzivisawo kutsiva, kuva nepfundepfunde, kana kuchera vamwe.—Revhitiko 19:16, 18; Pisarema 15:1, 3.

16 Nokuteerera zviyeuchidzo zvaMwari, tinoramba takatsveneswa, kana kuti takatsaurwa, kuti tiite basa rake. Uye zvinokosha sei kuti tive takasiyana nenyika ino! Mumunyengetero wake kuna Jehovha pausiku hwake hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwapasi, Jesu akakumbirira vateveri vake kuti: “Ndakavapa shoko renyu, asi nyika yakavavenga, nokuti havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika. Ndinokukumbirai, kwete kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nemhaka yowakaipa. Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika. Vatsvenesei nechokwadi; shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:14-17) Ngatipfuurirei kuda Shoko raMwari, rinotitsaura kuti tiite basa rake dzvene.

17. Chii chingaitika kana tikarega kuteerera zviyeuchidzo zvaMwari, saka tinofanira kuitei?

17 Sevashumiri vaJehovha, tinofanira kuramba tiri vanogamuchirika nokuda kwebasa rake. Zvisinei, kana tikasateerera zviyeuchidzo zvaMwari, tingakurirwa nomudzimu wenyika ino, unosimudzirwa mukutaura kwayo kwakawanda, mabhuku, zvinovaraidza uye mufambiro wayo. Uye chaizvoizvo hatidi kuva vadi vemari, vanozvitutumadza, vasingaongi, vanotyisa, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada, vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari—kungodudza zvishoma chete zvezvinhu zvinoratidzwa nevaya vakatsauka kuna Mwari. (2 Timoti 3:1-5) Sezvo tiri kurarama kumapeto-peto kwemazuva okupedzisira egadziriro ino yezvinhu, ngatirambei tichinyengetera kuti tibatsirwe naMwari kuitira kuti tirambe tichichengeta zviyeuchidzo zvaJehovha uye ipapo ‘toramba takachenjerera sezvinotaura shoko rake.’—Pisarema 119:9.

18. Kuteerera zviyeuchidzo zvaJehovha kuchatiita kuti titore matanho api akanaka?

18 Zviyeuchidzo zvaJehovha zvinoita zvakawanda kupfuura kungotingwadza pazvinhu zvatinofanira kuita. Kuchengeta zviyeuchidzo zvake kuchatiita kuti tiite zvakanaka, kuchitikurudzira kuti tivimbe naJehovha zvakakwana uye kumuda nomwoyo wedu wose, mweya, pfungwa nesimba. (Dheuteronomio 6:5; Pisarema 4:5; Zvirevo 3:5, 6; Mateu 22:37; Mako 12:30) Zviyeuchidzo zvaMwari zvinotikurudzirawo kuti tide muvakidzani wedu. (Revhitiko 19:18; Mateu 22:39) Tinonyanya kuratidza rudo rwaMwari nomuvakidzani nokuita kuda kwaMwari uye kupawo vamwe “zivo yaMwari” inopa upenyu.—Zvirevo 2:1-5.

Kuchengeta Zviyeuchidzo zvaJehovha Kunoreva Upenyu!

19. Tingaratidza sei vamwe kuti zvinoshanda uye zvinobatsira kuteerera zviyeuchidzo zvaJehovha?

19 Kana tikachengeta zviyeuchidzo zvaJehovha nokubatsira vamwe kuti vadaro, tichazviponesa nevaya vanotiteerera. (1 Timoti 4:16) Tingaratidza sei vamwe kuti kuteerera zviyeuchidzo zvaJehovha kunoshanda chaizvoizvo uye kunobatsira? Nokushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwedu pachedu. Nokudaro vaya “va[no]da upenyu husingaperi” vachava nouchapupu hwokuti nzira iri muShoko raMwari ndiyo chaiyo yokutevera. (Mabasa 13:48) Vachaonawo kuti ‘Mwari ari pakati pedu’ uye vachakurudzirwa kubatana nesu mukunamata Changamire Ishe Jehovha.—1 VaKorinde 14:24, 25.

20, 21. Zviyeuchidzo zvaMwari nomudzimu wake zvichaita kuti tikwanise kuitei?

20 Nokupfuurira kudzidza Magwaro, kushandisa zvatinodzidza, uye kushandisa zvizere gadziriro dzaJehovha dzomudzimu, tichasvika pakuda zviyeuchidzo zvake zvizere. Kana zvikateererwa, zviyeuchidzo izvi zvichatibatsira kupfeka “unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:20-24) Zviyeuchidzo zvaJehovha nomudzimu wake mutsvene zvichatibatsira kuratidza rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora—unhu hwakasiyana zvikuru nezvinoitwa nenyika iri musimba raSatani! (VaGaratiya 5:22, 23; 1 Johani 5:19) Naizvozvo, tingafara patinoyeuchidzwa nezvezvinodiwa naJehovha patinenge tichidzidza Bhaibheri tiri toga, nevakuru vakagadzwa, uye pamisangano yedu, magungano, nekokorodzano.

21 Nokuti tinochengeta zviyeuchidzo zvaJehovha, tinogona kufara kunyange patinenge tichitambura nokuda kwokururama. (Ruka 6:22, 23) Tinotarira kuna Mwari kuti atiponese mumamiriro ezvinhu anotyisidzira zvikuru. Izvozvi zvinokosha zvikuru zvino zvokuti marudzi ose ari kuunganidzwa nokuda kwe“hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose” paHa-Magedhoni.—Zvakazarurwa 16:14-16.

22. Tinofanira kutsunga kuitei nezvezviyeuchidzo zvaJehovha?

22 Kana tichizowana chipo chisina kufanirwa choupenyu husingaperi, tinofanira kuda zviyeuchidzo zvaJehovha kwazvo ndokuzviteerera nomwoyo wose. Naizvozvo ngativei nemafungiro omunyori wepisarema akaimba kuti: “[Zviyeuchidzo] zvenyu zvakarurama nokusingaperi; ndipei njere ndigorarama.” (Pisarema 119:144) Uye ngatiratidzei kutsunga kunooneka mumashoko omunyori wepisarema anoti: “Ndakadana kwamuri [Jehovha]; ndiponesei, ndigochengeta [zviyeuchidzo] zvenyu.” (Pisarema 119:146) Hungu, neshoko nechiito, ngatiratidzei kuti chaizvoizvo tinoda zviyeuchidzo zvaJehovha kwazvo.

Ungapindura Sei?

• Munyori wepisarema aiona sei zviyeuchidzo zvaJehovha?

• Nei tichida zviyeuchidzo zvaMwari?

• Misangano yedu inoita basa rei rine chokuita nezviyeuchidzo zvaMwari?

• Zviyeuchidzo zvaJehovha zvinotitsauranisa nenyika ino sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Munyori wepisarema aida zviyeuchidzo zvaJehovha kwazvo

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Uchitevedzera muenzaniso waAna, unotsunga kuramba uchipinda misangano here?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kuteerera zviyeuchidzo zvaJehovha kunotitsaura sevanhu vakachena uye vanogamuchirika pakuita basa rake