Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kuzvidavira Here?

Unofanira Kuzvidavira Here?

Unofanira Kuzvidavira Here?

MUDZIDZI wacho ane makore 12 ainetseka kuti anzwisise hwaro hwemaitirwe emasvomhu ealgebra. Mudzidzisi wake akapa kirasi yacho mamwe maitirwe airatidzika kuva akajeka ealgebra.

“Itai x=y uye itai kuti zvose zvive noukoshi hwa1,” akatanga nokudaro.

‘Izvozvi zvichakanaka,’ akafunga kudaro mudzidzi wacho.

Zvisinei, mushure memitsetse mina yeairatidzika kuva maitirwe emasvomhu ane musoro, mudzidzisi akabudisa mhinduro inoshamisa: “Saka, 2=1!”

“Ratidzai kuti hazviite,” akadaro kuvadzidzi vake vaive vavhiringika.

Noruzivo rwake rwealgebra rushoma, mudzidzi wacho muduku aisakwanisa kuona nzira yokuratidza kuti hazviiti. Nhanho dzose dzemaitirwe emasvomhu acho dzairatidzika kuva dzinoshanda zvakanaka. Saka, aifanira kubvuma here mhedziso isinganzwisisiki iyi? Pashure pezvose, mudzidzisi wake aive agara nebasa remasvomhu kupfuura iye. Hapana mubvunzo kuti haafaniri kudaro! ‘Handifaniri kuratidza kuti izvi hazviiti,’ akafunga chinyararire. ‘Kushandisa pfungwa kuri kundiudza kuti izvi hazviiti.’ (Zvirevo 14:15, 18) Aiziva kuti mudzidzisi wake kana mumwe wevaaidzidza navo aisazochinjanisa madhora maviri nerimwe chete!

Nokufamba kwenguva mudzidzi akazowana chikanganiso chaive pamaitirwe ealgebra acho. Munguva iyoyo, chiitiko chacho chakamudzidzisa chidzidzo chinokosha. Kunyange apo munhu ane ruzivo rwakakwirira zvikuru angataura chinhu chakanyatsorongwa uye chinoita sechisingarambiki, muteereri haafaniri kudavira mhedziso youfuza nemhaka bedzi yokuti haagoni kuratidza kuti haiiti panguva iyoyo. Mudzidzi wacho chaizvoizvo aitevedzera nheyo yeBhaibheri inoshanda inowanikwa pana 1 Johani 4:1—kusanyanya kukurumidza kudavira zvose zvaunonzwa, kunyange kana zvichiratidzika kuva zvinobva kune chiremera.

Izvi hazvirevi kuti unofanira kuomesa musoro uchingoomerera pane zvawagara uchiziva. Kukanganisa kufuratira mashoko aizogona kugadziridza maonero ako akakanganisika. Asi haufaniriwo ‘kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwako’ paunomanikidzwa nomumwe munhu anozviti ane ruzivo rwakakura kana kuti chiremera. (2 VaTesaronika 2:2) Zviri pachena kuti mudzidzisi wacho aitotamba zvake nevadzidzi vake. Zvisinei, dzimwe nguva zvinhu hazvisi zvokungotamba saizvozvo. Vanhu vanogona kuva “nemanomano okuruka mazano okukanganisa.”—VaEfeso 4:14; 2 Timoti 2:14, 23, 24.

Nyanzvi Dzakarurama Nguva Dzose Here?

Dzingava noruzivo rwakadini, nyanzvi dzezvinhu zvipi nezvipi dzingava nemazano anopesana uye pfungwa dzinochinja-chinja. Somuenzaniso, tora makakatanwa asingaperi ari musayenzi yezvokurapa pamusoro pekanhu kaduku kakadai sechinokonzera kurwara. “Chinokosha pamusoro pezvakaita chirwere mukupesana nezvinochikonzera ndicho chinoumba gakava guru pakati pemasayendisiti,” anonyora kudaro mumwe purofesa wemishonga paYunivhesiti yeHarvard. Avo vari mune rakanzi boka rokudavira jambwa vanodavira zvakasimba kuti majini ndiwo anosarudza kana tichizobatwa nezvirwere zvakasiyana-siyana. Zvisinei, vamwe vanopokanidza vachiti zvakatipoteredza nemararamiro ndizvo zvikonzero zvikuru zvokurwara kwevanhu. Mativi ose ari maviri anokurumidza kududza zvidzidzo uye zvakabuda pakuongorora kuti vatsigire pfungwa dzavo. Kunyange zvakadaro, gakava racho rinopfuurira.

Vane mukurumbira wokunzi vanofunga zvikuru varatidzwa varatidzwazve kuti havana kururama, kunyange zvazvo zvavakadzidzisa zvaiita sokuti hazvingamborambiki panguva yacho. Muzivi Bertrand Russell akatsanangura Aristotle somumwe we“vanopesvedzera zvikuru pavazivi vose.” Asi, Russell akatiwo zhinji dzedzidziso dzaAristotle dzaiva “nhema dzoga-dzoga.” “Mumazuva ano ose,” akanyora kudaro, “kufambira mberi kwose zvako mune zvesayenzi, kufunga, kana mune zvouzivi kwave kuchiitwa kuchishorwa nevadzidzi vaAristotle.”—History of Western Philosophy.

“Inonzi ‘Zivo’ Zvenhema”

VaKristu vepakuvamba vangave vaisangana nevakawanda vaive vadzidzi vevazivi vaizivikanwa zvikuru vechiGiriki, vakadai saSocrates, Plato, naAristotle. Vanhu vakadzidza vomuzuva iroro vaizvitora kuva vepamusoro-soro mune zvedzidzo kupfuura vaKristu vazhinji. Havasi vakawanda vevadzidzi vaJesu vaionekwa se“vakachenjera nenzira yenyama.” (1 VaKorinde 1:26) Chaizvoizvo, vaya vakadzidziswa uzivi hwomuzuva iroro vaifunga kuti izvo vaKristu vaidavira hwaingova “upenzi” kana kuti “chinhu chisina musoro.”—1 VaKorinde 1:23; Phillips.

Dai waive pakati pevaKristu vapakuvamba ivavo, waizodai wakafadzwa nokutaura kwokunyengetedza kwevashomanana vakadzidza vomuzuva iroro kana kuvhundutsirwa nokuratidzira kwavo uchenjeri here? (VaKorose 2:4) Paizova pasina chikonzero chokudaro, maererano nomuapostora Pauro. Akayeuchidza vaKristu kuti Jehovha anoona “uchenjeri hwevanhu vakachenjera” uye “ungwaru hwevanhu vakangwara” vomuzuva racho soupenzi. (1 VaKorinde 1:19) Akabvunza kuti, “Ko muzivi, munyori uye mutsoropodzi wenyika ino vacharatidzeiko nokuda kwouchenjeri hwavo hwose?” (1 VaKorinde 1:20, Phillips) Pasinei nokuchenjera kwavo mune zvedzidzo, vazivi, vanyori, nevatsoropodzi vomuzuva raPauro vaive vasina kuwana mhinduro chaiyo kuzvinetso zvavanhu.

Saka vaKristu vakadzidza kudzivisa kwakanzi nomuapostora Pauro “kupokanidzana kweinonzi ‘zivo’ zvenhema.” (1 Timoti 6:20) Chikonzero nei Pauro akati zivo yakadaro yaive ‘nhema’ ndechokuti yaishayiwa chinhu chimwe chete chinokosha—chimwe chinhu kana kuti mashoko okuverenga anobva kuna Mwari avaizoedza nawo pfungwa dzavo. (Jobho 28:12; Zvirevo 1:7) Vachishayiwa izvozvo, panguva imwe cheteyo vachipofumadzwa nomunyengeri mukuru, Satani, avo vaiomerera kuzivo yakadaro vaisazombogona kutarisira kuwana chokwadi.—1 VaKorinde 2:6-8, 14; 3:18-20; 2 VaKorinde 4:4; 11:14; Zvakazarurwa 12:9.

Bhaibheri—Nhungamiro Yakafuridzirwa

VaKristu vapakuvamba vaisambova nomubvunzo kuti Mwari akazivisa kuda kwake, chinangwa, nenheyo muMagwaro. (2 Timoti 3:16, 17) Izvi zvaivadzivirira kuti vasa‘endwa navo semhuka nouzivi uye nounyengeri husina maturo maererano netsika dzevanhu.’ (VaKorose 2:8) Mamiriro acho ezvinhu akadaro nhasi. Kusiyana nepfungwa dzevanhu dzinovhiringidza uye dzinopokana, Shoko raMwari rakafuridzirwa rinotipa hwaro hwakasimba hwatingavakira zvatinodavira. (Johani 17:17; 1 VaTesaronika 2:13; 2 Petro 1:21) Tisinaro tinosiyiwa tiri mumamiriro ezvinhu asingabviri okuedza kuvakira chimwe chinhu chakasimba pajecha risina kusimba redzidziso nouzivi hwevanhu.—Mateu 7:24-27.

‘Asi mira,’ mumwe munhu angadaro. ‘Hachisi chokwadi here kuti Bhaibheri rakaratidzwa nechokwadi chesayenzi kuva rinokanganisa uye nokudaro, risingachakwanisi kuvimbwa naro zviri nani kupfuura uzivi hwevanhu hunongoramba huchichinja?’ Somuenzaniso, Bertrand Russell akataura kuti “Copernicus, Kepler, naGalileo vaifanira kupokana naAristotle pamwe chete neBhaibheri kuti vabudise pfungwa yokuti pasi harisi pakati nepakati pezviri muchadenga.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.) Uye hachisi chokwadi here nhasi, somuenzaniso, kuti vanodavira kusikwa vanoramba vachiti Bhaibheri rinodzidzisa kuti pasi rakasikwa mumazuva matanhatu emaawa 24, nepo chokwadi chose chichiratidza kuti pasi pacharo rine mabhiriyoni emakore?

Chaizvoizvo, Bhaibheri hariti pasi ndiro pakati nepakati pezviri muchadenga. Ikoko kwaive kudzidzisa kwevatungamiriri vechechi avo pachavo vaisaomerera kuShoko raMwari. Nhoroondo yaGenesi yokusikwa inoratidza kuti pasi rine mabhiriyoni emakore uye haiiti kuti zuva rimwe nerimwe rokusika rive remaawa 24 chete. (Genesi 1:1, 5, 8, 13, 19, 23, 31; 2:3, 4) Kuyera ukoshi hweBhaibheri kwokuvimbika kunoratidza kuti kunyange risiri bhuku resayenzi, harisati riri “risina musoro.” Chaizvoizvo, rinowirirana nesayenzi yakaonekwa kuti ndeyechokwadi. *

‘Simba Rokufunga’

Kunyange zvazvo vazhinji vevadzidzi vaJesu vaive varume navakadzi vakaderera, zvichida vasina kunyatsodzidza, pane chimwe chinhu chinobva kuna Mwari chavaiwana. Pasinei nemamiriro ezvinhu avakakurira maari, vose vaive vakashongedzwa nesimba rokufunga nemano okufunga. Muapostora Pauro akakurudzira vamwe vaKristu kushandisa zvizere ‘simba ravo rokufunga’ kuti “[va]zviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.”—VaRoma 12:1, 2.

Ne‘simba ravo rokufunga’ ravakapiwa naMwari, vaKristu vapakuvamba vaiona zvakajeka kuti uzivi kana kuti dzidziso dzipi nedzipi dzaisatsinhirana neShoko raMwari rakaziviswa dzakanga dzisingabatsiri. Mune zvimwe zviitiko vanhu vakachenjera vomuzuva ravo, kutaura zvazviri, vai‘dzivisa chokwadi’ vachiramba uchapupu hwaive hwakavapoteredza hwokuti Mwari ariko. “Kunyange vaitaura kuti vakanga vakachenjera, vakava mapenzi,” akanyora kudaro muapostora Pauro. Nokuti vakaramba chokwadi pamusoro paMwari nechinangwa chake “vakava vanofunga zvisina musoro uye mwoyo yavo isina kungwara yakava nerima.”—VaRoma 1:18-22; Jeremia 8:8, 9.

Vaya vanozviti vakachenjera vanowanzoguma vava kuti “Hakuna Mwari” kana kuti “Bhaibheri harifaniri kuvimbwa naro” kana kuti “Aya haasi ‘mazuva okupedzisira.’” Pfungwa dzakadaro dzinongova dzoupenzi mukuona kwaMwari sokutaura kuti “2=1.” (1 VaKorinde 3:19) Kunyange vanhu vangazvipa chiremera chipi zvacho, haufaniri kugamuchira zvavanotaura kana zvichipesana naMwari, zvichifuratira Shoko rake, uye zvichipokana nokushandisa pfungwa. Pakupedzisira, nzira yokuchenjera yokutevera ndeyokuita kuti nguva dzose “Mwari . . . awanikwe ari wechokwadi, kunyange munhu wose angawanikwa ari murevi wenhema.”—VaRoma 3:4.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Kuti uwane mashoko akakwana, ona mabhuku anonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? uye Is There a Creator Who Cares About You?, akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mifananidzo iri papeji 31]

Kusiyana nepfungwa dzevanhu dzinochinja-chinja, Bhaibheri rinopa hwaro hwakasimba hwokudavira

[Kwazvakatorwa]

Kuruboshwe, Epicurus: Mufananidzo wakatorwa nemvumo yeBritish Museum; kumusoro nechapakati, Plato: National Archaeological Museum, muAthens kuGreece; kurudyi, Socrates: Roma, Musei Capitolini