Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsira Vamwe Kuti Vafambe Zvakafanira Jehovha

Batsira Vamwe Kuti Vafambe Zvakafanira Jehovha

Batsira Vamwe Kuti Vafambe Zvakafanira Jehovha

Hatina “kurega kukunyengetererai nokukumbira kuti . . . mufambe zvakafanira Jehovha muchimufadza kwazvo sezvamunoramba muchibereka zvibereko mubasa rose rakanaka.”—VAKOROSE 1:9, 10.

1, 2. Ndepapi chaizvoizvo pangabva mufaro nokugutsikana?

“TINOGARA mukaravhani papurazi. Nokuita kuti upenyu hwedu hurambe huri nyore, tine nguva yakawanda yokuendesera vanhu mashoko akanaka. Takakomborerwa zvikuru neropafadzo yokubatsira vakawanda kuti vatsaurire upenyu hwavo kuna Jehovha.”—Vaviri vakaroorana, vashumiri venguva yakazara vari muSouth Africa.

2 Haungabvumi here kuti kubatsira vamwe kunounza mufaro? Vamwe vanoedza nguva dzose kubatsira vanorwara, vasingawani zvakakwana zvokurarama nazvo, kana vakasurukirwa—vachigutsikana nokuita kudaro. VaKristu vechokwadi vane chokwadi chokuti kutaurirawo vamwe zivo yaJehovha Mwari naJesu Kristu kwavanoita ndiko kunoumba rubatsiro rukuru rwavanogona kupa. Izvozvi chete zvinogona kuita kuti vamwe vabvume rudzikinuro rwaJesu, vakudziridze ukama hwakanaka naMwari, uye vova pachinhanho chokuwana upenyu husingaperi.—Mabasa 3:19-21; 13:48.

3. Kubatsira kworudzii kwatinofanira kufunga nezvakwo?

3 Zvisinei, zvakadini nokubatsira vaya vari kutoshumira Mwari, vari kutevera “Nzira”? (Mabasa 19:9) Kuvafarira kwako pasina kupokana kwakakura kwazvo, asi ungasaona maitire aungaita nawo zvakawanda kana kuti kuramba uchibatsira. Kana kuti mamiriro ako ezvinhu angaratidzika seanokutadzisa kuita zvakawanda pakuvabatsira, nokudaro zvichiita kuti ugutsikane zvishoma. (Mabasa 20:35) Pamusoro pezvose zviri zviviri, tinogona kudzidza mubhuku raVaKorose.

4. (a) Pauro akanyorera vaKorose mumamiriro ezvinhu akaita sei? (b) Epafurasi aibatanidzwa sei?

4 Muapostora Pauro paakanyorera vaKristu vaiva muKorose, akanga ari muRoma akasungwa achigara mumba, kunyange zvazvo aigona kushanyirwa. Sezvaungatarisira, Pauro akashandisa rusununguko rwake rwushoma kuti aparidze nezvoUmambo hwaMwari. (Mabasa 28:16-31) Vamwe vaKristu vaigona kushanyira Pauro, zvichida vamwe vachitomboiswa mujeri pamwe naye dzimwe nguva. (VaKorose 1:7, 8; 4:10) Mumwe akanga ari muparidzi weEvhangeri aishingaira Epafurasi aibva muguta reKorose muFirijiya, murwenze rwuri kumabvazuva kweEfeso muAsia Minor (Turkey yomuzuva ranhasi). Epafurasi akanga abatsira pakuumba ungano muKorose, uye akashandira ungano dzaiva mumaguta eRaodhikiya neHiraporisi akanga ari pedyo. (VaKorose 4:12, 13) Epafurasi akaenderei kunoona Pauro muRoma, uye tingadzidzei kubva kune zvakazoitwa naPauro?

Rubatsiro Rwaishanda kuvaKorose

5. Nei Pauro akanyora zvaakaita kuvaKorose?

5 Kuitira kuti abvunze Pauro nezvamamiriro ezvinhu aiva muungano yeKorose, Epafurasi akaita rwendo rwakaoma rwokuenda kuRoma. Akashuma nezvokutenda, rudo, uye kuparidza Evhangeri kwaiita vaKristu ivavo. (VaKorose 1:4-8) Asi, angadaro akamuudzawo nezvokunetseka kwaaiita nezvinhu zvakashata zvaityisidzira kunamata kwevaKorose. Pauro akapindura netsamba yakafuridzirwa yaishora mamwe maonere aiparadzirwa nevadzidzisi venhema. Akanyanya kutaura nezvebasa guru rinofanira kuitwa naJesu Kristu. * Kubatsira kwake kwakanga kuchingoperera pakusimbisa chokwadi chikuru cheBhaibheri here? Aizogona kubatsira vaKorose neimwe nzira ipizve, uye zvidzidzo zvipi zvatinogona kudzidza nezvokubatsira vamwe?

6. Pauro akasimbisa chii mutsamba yake kuvaKorose?

6 Kwokutanga mutsamba yake, Pauro akagovera nzwisiso muchimiro chorubatsiro rwatingasaita basa narwo. Yakanga iri nzira yokubatsira yakanga ichishanda kubva kure, Pauro naEpafurasi zvavakanga vari kure neKorose. Pauro akasimbisa kuti: “Tinogaroonga Mwari Baba vaShe wedu Jesu Kristu patinokunyengetererai [mashoko omuzasi, “kunyengetera nguva dzose”].” Hungu, iyi yakanga iri minyengetero yaiitirwa vaKristu vaiva muKorose zvikurukuru. Pauro akawedzera kuti: “Ndokusaka isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa nezvazvo, tisina kurega kukunyengetererai nokukumbira kuti muzadzwe nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwake nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu.”—VaKorose 1:3, 9.

7, 8. Minyengetero yedu tiri toga neyomuungano kakawanda inosanganisira nyaya dzipi?

7 Tinoziva kuti Jehovha ndiye ‘Munzwi womunyengetero,’ nokudaro tinogona kuvimba nokugadzirira kwake kunzwa minyengetero yedu inopiwa maererano nezvaanoda. (Pisarema 65:2; 86:6; Zvirevo 15:8, 29; 1 Johani 5:14) Zvisinei, kana toreva nezvokunyengeterera vamwe, minyengetero yedu yakaita sei?

8 Kakawanda tingafunga uye tinganyengetera nezve‘sangano rose rehama munyika yose.’ (1 Petro 5:9) Kana kuti tingataura kuna Jehovha nezvavaKristu navamwe vari munzvimbo yakawirwa netsaona kana nhamo. Apo vadzidzi vomuzana remakore rokutanga vakanga vari kune dzimwe nzvimbo vakanzwa nezvenzara yakanga iri muJudhiya, vanofanira kunge vakanyengetera minyengetero yakawanda nokuda kwehama dzavo kunyange vasati vatumira mari dzokuyamura. (Mabasa 11:27-30) Muzuva redu, minyengetero pamusoro poukama hwedu hwose kana kuti pamusoro peboka guru rehama inowanzonzwikwa pamisangano yechiKristu, uko vakawanda vanoda kunzwisisa uye vokwanisa kuti “Ameni.”—1 VaKorinde 14:16.

Nyatsonanga Mumunyengetero

9, 10. (a) Mienzaniso ipi inoratidza kuti kunyengeterera vamwe vanhu zvakananga kwakakodzera? (b) Pauro akambonyengetererwa zvaita sei?

9 Asi, Bhaibheri rinotipa mienzaniso yokunyengeterera vamwe kwakananga, kwainangidzirwa pamunhu mumwe. Funga nezvezvakataurwa naJesu sezvakanyorwa pana Ruka 22:31, 32. Akanga akakomberedzwa navaapostora 11 vakatendeka. Vose vaizoda kutsigirwa naMwari munguva dzakaoma dzaiva mberi, uye Jesu akavanyengeterera. (Johani 17:9-14) Asi, Jesu akataura nezvaPetro oga, achiteterera mudzidzi mumwe iyeye zvakananga. Mimwe mienzaniso: Erisha akanyengetera kuti Mwari abatsire murume mumwe zvakananga, murindiri wake. (2 Madzimambo 6:15-17) Muapostora Johani akanyengetera kuti Gayo apfuurire kukura mumuviri nomumudzimu. (3 Johani 1, 2) Uye mimwe minyengetero yainangidzirwa pane vamwe vanhu zvakananga.—Jobho 42:7, 8; Ruka 6:28; Mabasa 7:60; 1 Timoti 2:1, 2.

10 Tsamba dzaPauro dzinoburitsa pachena nhau yeminyengetero yakananga. Akakumbira kuti anyengetererwe iye kana kuti iye navasonganiri vake. VaKorose 4:2, 3 inoverenga kuti: “Rambai muchinyengetera, muchiramba makamuka pakuri nokuonga, uyewo muchitinyengetererawo, kuti Mwari atizarurire musuo wokutaura, kutaura chakavanzika chitsvene pamusoro paKristu, chaizvoizvo, chandiri muzvisungo zvomujeri nokuda kwacho.” Fungawo mienzaniso iyi: VaRoma 15:30; 1 VaTesaronika 5:25; 2 VaTesaronika 3:1; VaHebheru 13:18.

11. Paakanga ari muRoma, Epafurasi akanga achinyengeterera ani?

11 Ndizvo zvaiitawo musonganiri waPauro kuRoma. “Epafurasi, anobva pakati penyu . . . anokukwazisai, anogarozvishandisa nesimba nokuda kwenyu muminyengetero yake.” (VaKorose 4:12) Mashoko anzi ku“zvishandisa nesimba” anogona kureva “kutamburira,” sezvaiitwa nomunhu anorovedza muviri mumitambo yakare. Epafurasi aingonyengeterera kwazvo vatendi vapasi pose kana kuti kunyange vanamati vechokwadi vaiva muAsia Minor yose here? Pauro akaratidza kuti Epafurasi akanga achinyengeterera zvakananga vaya vakanga vari muKorose. Epafurasi aiziva mamiriro avo ezvinhu. Hativazivi vose namazita avo, uyewo hatizivi kuti zvinetso zvipi zvavaisangana nazvo, asi fungidzira zvimwe zvingangodai zvaivapo. Zvichida Rino muduku akanga achitambura nezvaikonzerwa nouzivi hwaivapo, uye Rufusi angadai aida simba kuti adzivise kukwezva kwetsika dzaaimboita muchiJudha. Zvaakanga ane murume asingatendi, Pesisi aida kutsungirira nouchenjeri kuti arere vana vake munaShe here, uye Asinikirito, airwara zvinouraya, aida kumwe kunyaradzwa here? Hungu, Epafurasi aiziva vaya vakanga vari muungano yokumusha kwake, uye akavanyengeterera nomwoyo wose nokuti iye naPauro vaida vakanga vakazvipira kudaro kuti vafambe zvakafanira Jehovha.

12. Tingava sei vakanyatsonanga muminyengetero yedu pachedu?

12 Unoona zvatingatevedzera here—nzira yokuti tibatsire vamwe? Sezvaratidzwa, minyengetero yokumirira vamwe pamisangano yechiKristu kazhinji inobata zvinhu zvakawanda, tichirangarira kuti panenge pane vanhu vakasiyana-siyana. Asi minyengetero yedu pachedu kana kuti yemhuri inogona kunyatsonanga chaizvo. Kunyange zvazvo dzimwe nguva tingakumbira Mwari kuti atungamirire nokukomborera vatariri vanofambira kana kuti vafudzi vokumudzimu, dzimwe nguva hatigoni kuva vakanyatsonanga here? Somuenzaniso, unodii kunyengetera uchidudza zita romutariri wedunhu anenge achishanyira ungano yenyu kana kuti muitisi weChidzidzo Chebhuku Cheungano chenyu? VaFiripi 2:25-28 na1 Timoti 5:23 dzinoratidza kuitira hanya kwaiita Pauro utano hwaTimoti naEpafurodhito somunhu oga oga. Tingaratidza kufarira kwakadaro kune vanorwara vatinoziva nezita here?

13. Zvinhu zvakadii zviri nhau dzakakodzera kuti tisanganisire muminyengetero yedu pachedu?

13 Ichokwadi kuti tinofanira kudzivisa kupindira munhau dzavanhu pachavo, asi zvakakodzera kuti minyengetero yedu iratidze kufarira kwechokwadi vaya vatinoziva uye vatine hanya navo. (1 Timoti 5:13; 1 Petro 4:15) Hama inogona kunge yaburitswa basa, uye hatingagoni kuipinza rimwe. Asi, tinogona kuidudza nezita rayo totaura nezvechinetso chayo mumunyengetero wedu pachedu. (Pisarema 37:25; Zvirevo 10:3) Tinoziva nezvehanzvadzi yakura isina murume navana nemhaka yokuti yakatsunga kuroorwa “munaShe bedzi” here? (1 VaKorinde 7:39) Muminyengero yako pachako, unodii kukumbira Jehovha kuti aikomborere nokuibatsira kuti irambe yakatendeka mubasa rayo? Somumwe muenzaniso, vakuru vaviri vangadaro vakapa zano imwe hama yakatadza. Zvingadii kana vose vakaidudza nezita muminyengetero yavo pachavo nguva nenguva?

14. Minyengetero yakananga yakabatana papi nokubatsira vamwe?

14 Une mikana yakawanda yokududza muminyengetero yako pachako vamwe vanhu vaunoziva vanoda kutsigirwa naJehovha, kunyaradzwa, uchenjeri, mudzimu mutsvene, kana kuti zvimwe zvibereko zvaunopa. Nemhaka yedaro kana mamwe mamiriro ezvinhu, unganzwa uchishaya kuti ungapa zvinhu zvipi kana kuti ungabatsira sei zvakananga. Asi usakanganwa kunyengeterera hama dzako nehanzvadzi. Unoziva kuti dzinoda kufamba zvakafanira Jehovha, asi zvechokwadi dzingada kubatsirwa kuti dziite kudaro nokusingaperi. Chinokosha kuti ubatsire minyengetero yako.—Pisarema 18:2; 20:1, 2; 34:15; 46:1; 121:1-3.

Shanda Kuti Usimbise Vamwe

15. Nei tichifanira kufarira chikamu chokupedzisira chaVaKorose?

15 Asika, kunyengetera kwazvo, kunoitirwa mumwe munhu zvakananga haisiriyo nzira yoga yokubatsira vamwe, zvikurukuru vaya vari pedyo newe uye vaunoda. Bhuku raVaKorose rinojekesa izvozvo. Vadzidzi vakawanda vanoti pashure pokunge Pauro agovera dzidziso inofanira kuteverwa uye zano rinoshanda, aizongowedzerawo kwaziso dzake. (VaKorose 4:7-18) Mukupesana, tatoona kuti ichi chikamu chokupedzisira chebhuku chine zano rinokosha, uye pane zvakawanda zvokudzidza muchikamu ichi.

16, 17. Tingatii nezvehama dzinodudzwa pana VaKorose 4:10, 11?

16 Pauro akanyora kuti: “Arisitako musungwa pamwe neni anokukwazisai, uye Mako hama yaBhanabhasi anodarowo, (wamakarayirwa kuti mumugamuchire kana zvikaitika kuti auye kwamuri,) naJesu anonzi Justo, ava zvavari vevakadzingiswa. Ava bedzi ndivo vashandi pamwe neni nokuda kwoumambo hwaMwari, uye ivava vakava yamuro inosimbisa kwandiri.”—VaKorose 4:10, 11.

17 Ipapo Pauro akataura nezvehama dzaifanira kufungwa nezvadzo. Akati dzakanga dziri pakati pevakadzingiswa, vaiva vaJudha. MuRoma makanga mune vaJudha vakawanda vakanga vakadzingiswa, uye vamwe zvino vakanga vava vaKristu. Asika, vaya vakadudzwa naPauro vakanga vamuyamura. Zvichida, havana kuzengurira kusonganira navaKristu vaiva vaMamwe Marudzi, uye vanofanira kunge vakafarira kugoverana naPauro mukuparidza kune vaMamwe Marudzi.—VaRoma 11:13; VaGaratiya 1:16; 2:11-14.

18. Pauro akarumbidza sei vamwe vaakanga anavo?

18 Cherechedza zvakataurwa naPauro: “Ivava vakava yamuro inosimbisa kwandiri.” Akashandisa shoko rechiGiriki rinowanika kamwe ikaka muBhaibheri. Vashanduri vakawanda vanorishandura kuti “nyaradzo.” Zvisinei, pane rimwe shoko rechiGiriki (pa·ra·ka·le’o) rinowanzoshandurwa kuti “nyaradzo.” Pauro akashandisa rakadaro mutsamba iyoyi asi kwete pana VaKorose 4:11.—Mateu 5:4; Mabasa 4:36; 9:31; 2 VaKorinde 1:4; VaKorose 2:2; 4:8.

19, 20. (a) Pfungwa yemashoko akashandiswa naPauro kuhama dzaimubatsira muRoma ndeipi? (b) Hama idzodzo dzingadaro dzakabatsira Pauro munzirai?

19 Vaya vakadudzwa naPauro vanofanira kunge vakaita zvinopfuura kungonyaradza namashoko. Shoko rechiGiriki rinonzi “yamuro inosimbisa” pana VaKorose 4:11 pane dzimwe nguva raishandiswa mumashoko enyika richireva mushonga wokunyevenutsa kurwadziwa. New Life Version inoverenga kuti: “Vakandibatsira kwazvo!” Today’s English Version inoshandisa mashoko okuti: “Vave vachindibatsira zvikuru.” Hama idzodzo dzechiKristu dzaigara pedyo naPauro dzingadaro dzakaitei kuti dzimubatsire?

20 Pauro aikwanisa kuwana vaenzi, asi pakanga pane zvinhu zvakawanda zvaakanga asingakwanisi kuita, zvakadai sokutenga zvinhu zvaaida zvinokosha—zvokudya nezvokupfeka muchando. Aizowana sei mipumburu yokudzidza kana kutenga zvokushandisa pakunyora? (2 Timoti 4:13) Haugoni here kufungidzira hama idzodzo dzichipa Pauro zvinhu zvaaida, dzichiita zvinhu zvinokosha zvakadaro zvakadai sokutenga kana kuti kumuitira tumabasa? Zvimwe aida kuongorora nokuvaka imwe ungano. Zvaakanga akasungwa, haaikwanisa, saka hama idzodzo dzingadaro dzaishanya panzvimbo yaPauro, dzichienda namashoko, dzichidzoka nemishumo. Zvinosimbisa sei!

21, 22. (a) Nei mashoko ari pana VaKorose 4:11 achifanira kutifadza? (b) Ndedzipi dzimwe nzira dzatinogona kushandisa muenzaniso wavaya vakanga vana Pauro?

21 Zvakanyorwa naPauro nezvokuva “yamuro inosimbisa” zvinojekesa kuti tingabatsira vamwe sei. Vangadaro vachifamba zvakafanira Jehovha maererano netsika dzaanoda, kupinda misangano yechiKristu, uye kugoverana mubasa rokuparidza. Nokuda kwaizvozvo vanokodzerwa namashoko edu okuonga. Kunyage zvakadaro, tingaitawo zvakawanda here, kuva “yamuro inosimbisa” sezvakanga zvakaita vaya vaiva naPauro?

22 Kana uchiziva hanzvadzi yakaomerera nokuchenjera pana 1 VaKorinde 7:37 asi zvino isisina mhuri iri pedyo nayo, ungaisanganisira here mune zvimwe zvamunoita semhuri, zvichida sokuikoka kuzodya pamwe nemi kana kuti ivewo pakuungana kuduku kunoitwa nehama kana shamwari? Zvakadini nokuikumbira kuti ifambe nemhuri yenyu kuenda kukokorodzano kana kuzororo? Kana kuti paunoenda kunotenga zvokudya ikumbire kuti iende newe panguva yainokwanisa. Izvozvo zvinogona kuitwa kuchirikadzi navarume vakafirwa navakadzi, kana kuti zvichida kune vaya vasisagoni kutyaira. Uchazviwana zvichikomborera kunzwa zviitiko zvavo kana kuti kuwana mashoko kubva muruzivo rwavo rwezvinhu zvenguva dzose zvakadai sokusarudza michero kana kuti kusarudza mbatya dzavana. (Revhitiko 19:32; Zvirevo 16:31) Mugumisiro unowanzovapo unogona kuva ushamwari hwepedyo hwakawedzera. Nokudaro vanogona kunzwa vakasununguka zvikuru kukumbira kubatsirwa newe kana vachida mumwe mushonga kuchitoro chemishonga, kana zvimwewo zvakadaro. Hama dzaiva naPauro muRoma dzinofanira kunge dzakapa ruyamuro rwunoshanda, rwunosimbisa, sezvinogona kuita rwako. Zvose kare ikako nazvino, chimwe chikomborero chokuwedzera ndechokuti zvisungo zvorudo zvinosimbiswa, uye isu tinowedzera kutsunga kushumira Jehovha pamwe chete nokutendeka.

23. Zvingava zvakanaka kuti mumwe nomumwe wedu apedze nguva achiitei?

23 Mumwe nomumwe wedu anogona kufungisisa pamamiriro ezvinhu adudzwa munyaya ino. Inongova mienzaniso, asi iyoyi inogona kutiyeuchidza nezvamamiriro ezvinhu chaiwo ayo tingava “yamuro inosimbisa” zvikuru kuhama dzedu nehanzvadzi. Zviri kutaurwa pano hakusi kuti titevedzere zvinowanzoita vanhu vanosimudzira kugara zvakanaka kwavanhu. Izvozvo handizvo zvaida kuitwa nehama dzadudzwa pana VaKorose 4:10, 11. Vakanga vari “vashandi pamwe . . . nokuda kwoumambo hwaMwari.” Kusimbisa kwaivapo kwakanga kune chokuita zvakananga neizvozvo. Ngazvivewo zvakadaro kwatiri.

24. Chikonzero chipi chikuru chokunyengeterera vamwe nokutsvaka kuvasimbisa?

24 Tinodudza vamwe namazita avo muminyengetero yedu pachedu uye toedza kuvasimbisa nemhaka yeizvi: Tinodavira kuti hama dzedu nehanzvadzi dzinoda ku‘famba zvakafanira Jehovha dzichimufadza kwazvo.’ (VaKorose 1:10) Izvozvo zvakabatana nechimwewo chinhu icho Pauro akataura paainyora pamusoro peminyengetero yaEpafurasi nezvavaKorose, kuti va‘mire vakakwana vachitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.’ (VaKorose 4:12) Tingaita sei izvozvo pachedu? Ngationei.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona Insight on the Scriptures, Volume 1, mapeji 490-1, uye “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera,” mapeji 226-8, akaburitswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Wacherechedza Here?

• Tingava sei vanobatsira zvikuru muminyengetero yedu pachedu?

• Vamwe vaKristu vakanga vari “yamuro inosimbisa” kuna Pauro mupfungwa ipi?

• Tingava “yamuro inosimbisa” mumamiriro ezvinhu akaita sei?

• Tinonyengeterera uye kutsvaka kusimbisa hama dzedu nehanzvadzi nechinangwa chei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Ungaenda nomumwe muKristu pamunonobvakacha nemhuri yenyu here?

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of Green Chimney’s Farm