Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mudzimai wechiKristu akatendeka anofanira kuramba kurambwa nomurume wake kusvika papi?

Pakatanga kuroorana kwavanhu, Mwari akati murume nomudzimai vanofanira ku‘namatirana.’ (Genesi 2:18-24) Vanhu vakava vasina kukwana, zvichiguma nezvinetso mumichato yakawanda, asi chido chaMwari ndechokuti vakaroorana vanofanira kuramba vakanamatirana. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kune vanhu vakaroora ndinopa mirayiridzo, asi kwete ini asi Ishe, kuti mukadzi haafaniri kubva kumurume wake; asi kana akabva chaizvoizvo, ngaarambe asina kuroorwa kana kuti zvimwe adzokerane nomurume wake; uye murume haafaniri kusiya mukadzi wake.”—1 VaKorinde 7:10, 11.

Mashoko iwayo anoratidza kuti pavanhu vasina kukwana dzimwe nguva mumwe angasarudza kuenda. Somuenzaniso, Pauro akati kana mumwe akabva, vose vari vaviri vaifanira kuti ‘varambe vasina kuroora.’ Nei? Hungu, mumwe akabva, asi vaviri vacho vakaramba vakasunganidzwa mukuona kwaMwari. Pauro aigona kutaura izvi nokuti Jesu akanga agadza zvinofanira kuitwa mumuchato wechiKristu achiti: “Munhu wose anoramba mukadzi wake, kunze kwechikonzero choufeve [chiGiriki, por·neiʹa], akaroora mumwe anoita upombwe.” (Mateu 19:9) Hungu, chikonzero choga chokurambana chinogumisa muchato zviri paMagwaro “ufeve,” kureva kuti, unzenza. Maererano nouchapupu hwaivapo, muchiitiko chaitaurwa naPauro hapana akanga aita unzenza, saka murume kana kuti mudzimai paakaenda, muchato hauna kupera mukuona kwaMwari.

Pauro akazotaura nezvamamiriro ezvinhu omuKristu wechokwadi ane waakaroorana naye asingatendi. Cherechedza zvakanzi naPauro zviitwe: “Kana asingatendi akabva, ngaabve hake; hama kana hanzvadzi haisi muuranda mumamiriro ezvinhu akadaro, asi Mwari akakudanirai rugare.” (1 VaKorinde 7:12-16) Mudzimai akatendeka angaitei kana murume wake asingatendi akamusiya, kunyange kutsvaka kurambana naye zviri pamutemo?

Angada kuti arambe anaye. Angave achiri kuda murume wacho, achiziva zvavanoda mupfungwa uye zvokurara pamwe, uye achiziva kuti iye navana vapi navapi vavanavo vanoda kutsigirwa mune zvokunyama. Angatarisirawo kuti, mukufamba kwenguva, murume wake angava mutendi ndokuponeswa. Asi, kana murume wacho akatora matanho okugumisa muchato (nemhaka yechikonzero chisiri chomumagwaro), mudzimai wacho angamu‘rega achibva hake,’ sokunyora kwakaita Pauro. Izvozvo zvingashandawo kana murume anotenda akarega kuteerera maonero anoita Mwari muchato ndokuomerera pakuda kubva.

Zvisinei, mumamiriro ezvinhu akadaro, mudzimai angafanira kuzvidzivirira pachake navana vake. Sei? Angada kusara achitarisira vana vake vaanoda kuitira kuti apfuurire kuvaratidza rudo rwaamai, kuvarovedza mutsika, uye kuroverera mavari kutenda kunobva mudzidziso dzeBhaibheri. (2 Timoti 3:15) Kurambana kungaisa kodzero dzake pangozi. Saka, angatora matanho kuti amiririrwe munyaya yake zvakakodzera kumatare kuitira kuti adzivirire kodzero yake yokukwanisa kutarisira vana vake uye kuti ave nechokwadi chokuti murume wake aifanira kutsigira mhuri yaakanga achisiya. Mune dzimwe nzvimbo, mudzimai anotaura kuti haadi kurambwa angasaina magwaro apamutemo anoratidza gadziriro dzokuchengetwa kwavana uye kutsigirwa nemari, asingabvumirani nokurambana kuri kudiwa nomurume wake. Kumwewo, mashoko ari pamagwaro acho anoratidza kuti anobvuma kurambwa kwacho; saka, kana murume wake akanga aine mhosva youpombwe, kuasaina kwomudzimai kungareva kuti anomuramba.

Vakawanda vari munharaunda kana muungano vangasaziva zvose zvinobatanidzwa, zvakadai sokuti kurambana kwacho kwakaitwa maererano nezvikonzero zvapaMagwaro here. Saka zvinhu zvisati zvaenda kure kudaro, zvinganaka kuti mudzimai wacho azivise mutariri anotungamirira nomumwe mukuru muungano mamiriro akaita nyaya yacho (zvimwe nokuita zvokunyora tsamba). Nokuita kudaro mashoko iwayo angazotaurwa kana mubvunzo ukamuka—panguva iyoyo kana gare gare.

Ngatidzokei kune zvakataurwa naJesu: “Munhu wose anoramba mukadzi wake, kunze kwechikonzero choufeve, akaroora mumwe anoita upombwe.” Kana murume akanga ariye chaizvoizvo ane mhosva younzenza asi aida kuramba akaroorana nomudzimai wake, mudzimai wacho (asina mhosva mumuenzaniso waJesu) anofanira kusarudza kana achida kumukanganwira opfuurira kurara naye kana kuti kumuramba. Kana achida kukanganwira ndokuramba aine murume wake wapamutemo, haasi kuva nzenza nokuita kudaro.—Hosea 1:1-3; 3:1-3.

Kana kuri kuti murume akaita unzenza ndiye anoda kurambana, mudzimai angangodaro achiri kuda kukanganwira, achitarisira kuti adzoke. Zviri kwaari kuti asarudze kana achida kutaura kuti haadi kuti amurambe, zvichibva pahana yake namamiriro ezvinhu. Mune dzimwe nzvimbo mukadzi anotaura kuti haadi kurambwa angakwanisa kusaina magwaro anoratidza kuchengetwa kwavana uye kutsigirwa nemari asingaratidzi kuti anobvumirana nokurambana kwacho; kusaina kwake mapepa iwayo ikwo pachakwo hakungaratidzi kuti akanga achimuramba. Zvisinei, kumwewo mudzimai anoramba kurambwa angakumbirwa kusaina magwaro anoratidza kuti anobvumirana nokurambana kwacho; kusaina zvakadaro kungaratidza pachena kuti anoramba murume wake ane mhosva.

Kuitira kuti pasava nomukana wokusanzwisiswa, zvinganaka kuti naipapawo mudzimai wacho ape vamiririri veungano tsamba inotaura matanho ari kutorwa nechaari kuitirwa. Anganyora kuti akaudza murume wake kuti aida kumukanganwira uye kuti ave mudzimai wake. Izvozvo zvingareva kuti kurambana kwacho kwaiitwa mukupesana nezvaaida; pane kuramba murume wake, akanga achakagadzirira kukanganwira. Kana ajekesa kuti akanga achida kumukanganwira ndokuramba vakaroorana, kusaina kwake mapepa anongoratidza kuti nyaya dzemari uye/kana kuti dzokutarisira dzinofanira kugadziriswa sei hakungaratidzi kuti akanga achiramba murume wake. *

Aratidza kuda kwake kukanganwira kunyange pashure pokurambana, iye kunyange murume wake havangavi vakasununguka kuroorana nomumwe. Kana iye, asina mhosva akarambirwa chikumbiro chake chokukanganwira, akazosarudza kumuramba pamusana pounzenza hwake, vose vanenge vasununguka. Jesu akaratidza kuti asina mhosva ane kodzero yokuita chisarudzo chakadaro.—Mateu 5:32; 19:9; Ruka 16:18.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Maitiro apamutemo namapepa zvinosiyana munzvimbo nenzvimbo. Zvinodiwa pakurambana zvakarongwa mumagwaro apamutemo zvinofanira kunyatsoongororwa munhu asati asaina. Kana asina mhosva akasaina mapepa anoratidza kuti haasi kuramba kurambwa kwaari kuitwa, izvozvo zvinoreva kuti ari kuramba mumwe wake.—Mateu 5:37.