Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba

Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba

Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba

“Anogarozvishandisa nesimba nokuda kwenyu muminyengetero yake, kuti pakupedzisira mumire makakwana muchitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.”—VAKOROSE 4:12.

1, 2. (a) Vakanga vari kunze vakacherechedza chii pavaKristu vokutanga? (b) Bhuku raVaKorose rinoratidza sei kufarira kune rudo?

VATEVERI vaJesu vaifarira zvikuru vavainamata navo. Tertullian (munyori wezana ramakore rechipiri nerechitatu C.E.) akataura nezvomutsa wavairatidza kunherera, varombo, navakwegura. Kuratidzwa ikoko kworudo muzviito kwakaorora vakanga vasingatendi zvokuti vamwe vakati nezvavaKristu, ‘Onai kudanana kwavanoita.’

2 Bhuku raVaKorose rinoratidza kufarira kworudo kwakadaro kwaiitwa nomuapostora Pauro nomumwe wake Epafurasi kuhama nehanzvadzi dzaiva muKorose. Pauro akadzinyorera kuti: Epafurasi “anogarozvishandisa nesimba nokuda kwenyu muminyengetero yake, kuti pakupedzisira mumire makakwana muchitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.” Muna 2001, Zvapupu zvaJehovha zvichava namashoko aya ari pana VaKorose 4:12 sorugwaro rwazvo rwegore anoti: “Mumire makakwana muchitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.”

3. Epafurasi akanyengeterera zvinhu zvipi zviviri?

3 Unogona kuona kuti minyengetero yaEpafurasi yaaiitira vaaida yakanga ine mativi maviri: (1) kuti ‘pakupedzisira vamire vakakwana’ uye (2) kuti vamire va“chitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.” Mashoko aya akanyorwawo muMagwaro kuti tibatsirwe. Nokudaro zvibvunze kuti, ‘Ini pachangu ndinofanira kuitei pakupedzisira kuti ndimire ndakakwana ndichitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose? Uye sezvandinoita kudaro, zvichaguma sei?’ Ngationei.

Edzai Kuti “Mumire Makakwana”

4. VaKorose vaida kuva vaka“kwana” mupfungwai?

4 Epafurasi aida kwazvo kuti hama dzake nehanzvadzi dzaainamata nadzo dzaiva muKorose ‘pakupedzisira dzimire dzakakwana.’ Shoko rakashandiswa naPauro, pano rashandurwa kuti “kwana,” rinogona kuva nepfungwa yokukwana, kukura zvakakwana kana kuti kukukura mupfungwa. (Mateu 19:21; VaHebheru 5:14; Jakobho 1:4, 25) Zvichida unoziva kuti kuva kwomumwe munhu Chapupu chaJehovha chakabhabhatidzwa hakurevi pachakwo kuti munhu atova muKristu akakura zvakakwana. Pauro akanyorera vaEfeso, vaigara kumadokero kweKorose, kuti vafudzi navadzidzisi vaedze kubatsira ‘vose kusvika pakuva vamwe mukutenda nezivo yakarurama pamusoro peMwanakomana waMwari, vave munhu akura zvakakwana, vave nemwero woukuru hwokuzara kwaKristu.’ Kumwewo Pauro akakurudzira vaKristu kuti vave “vakuru zvakakwana mumasimba okunzwisisa.”—VaEfeso 4:8-13; 1 VaKorinde 14:20.

5. Tingaita sei kuti kukwana kuve vavariro yedu inokosha?

5 Kana vamwe vaiva muKorose vakanga vasati vakura mumudzimu zvakakwana, kana kuti kukura mupfungwa, izvozvo ndozvavaifanira kuvavarira. Izvozvo hazvifaniri kuva zvakadarowo nhasi here? Tingava takabhabhatidzwa makumi amakore akadarika kana kuti tichangobhabhatidzwa, tinogona kuona kuti tafambira mberi zvisina mubvunzo mumano edu okufunga namaonero here? Tinombofunga nheyo dzeBhaibheri here tisati taita zvisarudzo? Nhau dzine chokuita naMwari nezvinhu zveungano dziri kuva nenzvimbo yakakura nguva dzose muupenyu hwedu, pane kungoerekana zvaitika here? Pano hatingaenzanisiri nzira dzose dzatingaratidza kukura kwakadaro kuti tinyatsokwana, asi funga mienzaniso miviri.

6. Ndapapi apo munhu angagona kufambira mberi kuti ave akakwana, sezvakaita Jehovha?

6 Muenzaniso wokutanga: Tomboti takakurira mumamiriro ezvinhu anoratidza rusaruro kana kuti kuda kumukira vanhu verimwe dzinza, rudzi, kana kuti nyika. Zvino tinoziva kuti Mwari haasaruri uye kuti isu hatifaniri kusarura. (Mabasa 10:14, 15, 34, 35) Muungano yedu kana kuti dunhu, mune vanhu vakabva mumamiriro ezvinhu iwayo, nokudaro tiri pakati pavo. Asi, tinoramba tine pfungwa dzakaipa mumwoyo kana kuti kufungira vanhu vakabva mumamiriro ezvinhu iwayo kusvika kumweroi? Tinokurumidza kugumbuka here, tichikurumidza kufunga chimwe chinhu chakaipa kana mumwe anobva mumamiriro ezvinhu iwayo akatadza kana kuti akatiitira kachikanganiso kaduku-duku? Zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kufambira mberi zvikuru pakuva namaonere aMwari asiri okusarura here?

7. Kuva akakwana somuKristu kungasanganisira kuona vamwe sei?

7 Muenzaniso wechipiri: Maererano naVaFiripi 2:3, tinofanira kusaita ‘chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa tichifunga kuti vamwe vakuru kwatiri.’ Tiri kufambira mberi sei panhau iyi? Munhu mumwe nomumwe ane zvaasingagoni nezvaanogona. Kana munguva yakapfuura taikurumidza kuona zvaitadza kuitwa navamwe, takafambira mberi here, tisingachavatarisiri kuva vaka“kwana”? (Jakobho 3:2) Zvino, zvakatonyanya kupfuura kare, tinogona here kuona—kana kutotsvaka—nzira idzo vamwe vanotipfuura madziri? ‘Ndinofanira kubvuma kuti hanzvadzi iyi inondipfuura pakuva nomwoyo murefu.’ ‘Uyu anoratidza kutenda kwakati simbei.’ ‘Chokwadi, anodzidzisa zviri nani kundikunda.’ ‘Anondipfuura pakuzvidzora.’ Zvichida vamwe vaKorose vaida kufambira mberi munhau iyi. Ko Isu tinodaro here?

8, 9. (a) Epafurasi akanyengeterera vaKorose kuti va“mire” vakakwana mupfungwai? (b) ‘Kumira ‘wakakwana’ kwaireva chii nezvenguva yemberi?

8 Epafurasi akanyengetera kuti vaKorose va‘mire vakakwana.’ Zviri pachena kuti Epafurasi ainyengetera kuna Mwari kuti kusvika pachinhanho icho vaKorose vakanga vava vaKristu vakakwana, vakura mupfungwa, vakakura zvakakwana, va‘mire,’ kana kuti kuramba vakadaro.

9 Hatingati mumwe nomumwe anova muKristu, kunyange akakura mupfungwa, acharamba akadaro. Jesu akati mwanakomana waMwari aiva ngirozi “haana kumira zvakasimba muchokwadi.” (Johani 8:44) Uye Pauro akayeuchidza vaKorinde nezvavamwe munguva yakare vakanga vashumira Jehovha kwenguva yakati asi vakazoregera. Akanyevera hama dzakazodzwa nomudzimu kuti: “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.” (1 VaKorinde 10:12) Izvi zvinowedzera simba kumunyengetero wokuti vaKorose ‘pakupedzisira vamire vakakwana.’ Vangokwana, vakura zvakakwana, vaifanira kuramba vakadaro, kusadzokera shure, kuneta, kana kukukurwa. (VaHebheru 2:1; 3:12; 6:6; 10:39; 12:25) Nokudaro vaizova vaka“kwana” pazuva rokuongororwa kwavo nokutenderwa kwokupedzisira.—2 VaKorinde 5:10; 1 Petro 2:12.

10, 11. (a) Epafurasi akatigadzira muenzaniso upi wokunyengetera? (b) Maererano nezvakaitwa naEpafurasi, iwe ungada kutsunga kuitei?

10 Tatokurukura kukosha kwokunyengeterera vamwe tichidudza mazita avo, tichinyatsonanga pakukumbira kuti Jehovha avabatsire, kuvanyaradza, kuvakomborera, nokuvapa mudzimu mutsvene. Minyengetero yaEpafurasi yaaiitira vaKorose yakanga yakadaro. Uye isu tingadaro—chaizvoizvo tinofanira—kuwana mumashoko iwayo zvingaitwa zvinokosha pamusoro pezvatinotaura kuna Jehovha pakuzvinyengeterera. Pasina mubvunzo, tinofanira kukumbira kubatsirwa naJehovha kusvikira isu pachedu ‘pakupedzisira tamira takakwana.’ Unodaro here?

11 Wadii kutaura mamiriro ako ezvinhu mumunyengetero? Taura kuna Mwari nezvokufambira mberi kwawaita pakuva “akakwana,” akura zvakakwana, akura mupfungwa. Muteterere kuti akubatsire kuti uone paunoda kukura mumudzimu. (Pisarema 17:3; 139:23, 24) Hapana mubvunzo kuti une mumwe makadaro. Saka, pane kuodzwa mwoyo neizvi, teterera Mwari zvakajeka, uchikumbira zvakananga kubatsirwa kuti ufambire mberi. Ita izvi kanopfuura kamwe. Chaizvoizvo, wadii kutsunga kuti vhiki iyi iri kuuya uchanyengetera kwenguva yakareba kuti ‘pakupedzisira umire wakakwana.’ Uye ronga kuzviita kakawanda sezvaunofunga nezvorugwaro rwegore. Muminyengetero yako, nyanyotaura nezvemiitiro yaungava nayo yokudzokera shure, kuneta, kana kuti kukukurwa mubasa raMwari uye kuti ungadzivisa sei kuita izvozvo.—VaEfeso 6:11, 13, 14, 18.

Nyengeterera Kutendiswa Zvakasimba

12. Nei zvikurukuru vaKorose vaida ku“tendiswa zvakasimba”?

12 Epafurasi akanyengetererawo chimwe chinhu chaikosha kana vaKorose vaizowanikwa vachigamuchirika kuna Mwari. Ichocho chinokosha zvakafanana kwatiri. Chakanga chiri chii? Akanyengeterera kuti vamire va“chitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.” Vakanga vakapoteredzwa nokuramba kutenda nedzidziso dzinoshatisa, dzimwe dzacho dzakanga dzine kunyengera kwairatidzika sokunamata kwechokwadi. Somuenzaniso, vaimanikidzwa kuchengeta mamwe mazuva nokuzvinyima zvokudya kana kuti kuita mitambo yezvokudya, sezvakanga zvichimbodiwa mukunamata kwechiJudha. Vadzidzisi venhema vainyanyova nehanya nengirozi, midzimu iyoyo ine simba yakashandiswa kuunza Mutemo kuna Mosesi. Fungidzira uchimanikidzwa nenzira yakadaro! Pakanga pane pfungwa dzakawanda dzaivhiringidza.—VaGaratiya 3:19; VaKorose 2:8, 16-18.

13. Kuziva chii kwaigona kubatsira vaKorose, uye ikoko kunogona kutibatsira sei?

13 Pauro akaenzanisa nokusimbisa basa raJesu Kristu. “Sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, rambai muchifamba muri pamwe naye, makadzika midzi uye muchivakwa maari uye muchidzikamiswa pakutenda, sokudzidziswa kwamakaitwa.” Hungu, pakanga pane kudikanwa (navaKorose uye nesu) kwokutendiswa zvakazara nezvebasa raKristu muchinangwa chaMwari nomuupenyu hwedu. Pauro akatsanangura kuti: “Kuzara kwose kwokuva saMwari kunogara maari mumuviri. Nokudaro mune kuzara naye, iye ari musoro wehurumende dzose nesimba.”—VaKorose 2:6-10.

14. Nei tariro chakanga chiri chinhu chaichoicho nokuda kwavaya vakanga vari muKorose?

14 VaKorose vakanga vari vaKristu vakazodzwa nomudzimu. Vakanga vane tariro yechokwadi, upenyu mumatenga, uye vakanga vane chikonzero chose chokuita kuti tariro iyoyo irambe yakajeka. (VaKorose 1:5) Kwakanga kuri “kuda kwaMwari” kuti vave nokutendiswa kwakasimba nezvokuva nechokwadi kwetariro yavo. Ani naani wavo aifanira kusava nechokwadi netariro iyoyo here? Kana! Zvinofanira kuva zvakasiyana here nhasi kune vose vane tariro inopiwa naMwari youpenyu muparadhiso yapasi? Zvechokwadi, kwete! Tariro iyoyo yechokwadi zvechokwadi ndokumwe kwo“kuda kwaMwari.” Zvino chimbofunga mibvunzo iyi: Kana uri kuedza kuva mumwe we“boka guru revanhu” vachapukunyuka “kutambudzika kukuru,” tariro yako ndeyechokwadi sei? (Zvakazarurwa 7:9, 14) Ndokumwe kwoku“tendiswa [kwako] zvakasimba mukuda kwaMwari kwose” here?

15. Pauro akaburitsa pachena nhevedzano yei inosanganisira tariro?

15 Kana tichiti “tariro” hatirevi kungodawo, kana kuti kungofungidzirawo zvakwo. Tinogona kuona izvi kubva munhevedzano yepfungwa dzakagoverwa naPauro pakutanga kuvaRoma. Munhevedzano iyoyo, chinhu chimwe nechimwe chinodudzwa chinobatanidzwa kana kuti chinotungamirira kune chimwe chinotevera. Ona apo Pauro anoisa “tariro” mukufunga kwake kwokuti: “Ngatifarei zvikuru patinenge tiri pakutambudzika, sezvo tichiziva kuti kutambudzika kunobereka kutsungirira; kutsungirira kuchibereka kutenderwa; kutenderwa kuchibereka tariro, uye tariro haitungamiriri kukuora mwoyo; nokuti rudo rwaMwari rwakadururirwa mumwoyo medu nomudzimu mutsvene, watakapiwa.”—VaRoma 5:3-5.

16. Sezvawakadzidza chokwadi cheBhaibheri, wakawana tariro yei?

16 Zvapupu zvaJehovha pazvakatanga kugoverana mashoko eBhaibheri newe, ungadaro wakabatwa pfungwa nechimwe chokwadi chakati, zvakaita samamiriro ezvinhu avakafa kana kuti rumuko. Kune vakawanda, chinhu chikuru chavakatanga kuona kwakanga kuri kugona kuvapo kwoupenyu muparadhiso kunotaurwa nezvakwo muBhaibheri. Chimboyeuka pawakatanga kunzwa kudzidzisa ikoko. Itariro inoshamisa zvakadini—kurwara nokukwegura zvinenge zvisisipo, unogona kurarama kuti unakidzwe nezvibereko zvokushanda kwako, uye kuchava norugare nemhuka! (Muparidzi 9:5, 10; Isaya 65:17-25; Johani 5:28, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Wakawana tariro inoshamisa!

17, 18. (a) Nhevedzano yakapiwa naPauro kuvaRoma yakatungamirira sei kutariro? (b) Rudzii rwetariro rwunorehwa pana VaRoma 5:4, 5, uye une rudzi irworwo rwetariro here?

17 Nokufamba kwenguva, zvichida wakashorwa kana kuti kutambudzwa. (Mateu 10:34-39; 24:9) Kunyange munguva dzichangobva kupfuura, Zvapupu zvinobva munzvimbo dzakasiyana-siyana zvakatorerwa zvinhu mudzimba nechisimba kana kuti zvakamanikidzwa kuva vapoteri. Zvimwe zvakakuvadzwa mumuviri, kutorerwa mabhuku azvo eBhaibheri, kana kuti zvave zviri vanhu vanonyeperwa muzvinobudisa nhau. Kungava kutambudzwa kupi kwaungave wakasangana nakwo, sezvinotaura VaRoma 5:3, waifara mukutambudzika, uye zvakaguma nezvakanaka. Kunyange sokunyora kwakaita Pauro, kutambudzika kwakaunza mauri kutsungirira. Ipapo kutsungirira kwakatungamirira kukutenderwa. Waiziva kuti waiita zvakanga zvakarurama, uchiita kuda kwaMwari, saka wakava nechokwadi chokuti unotenderwa naye. Mumashoko aPauro, wakanzwa uchi“tenderwa.” Achipfuurira, Pauro akanyora kuti “kutenderwa ku[no]bereka tariro.” Izvozvo zvingaratidzika sezvisiri zvenguva dzose. Nei Pauro akanyora “tariro” nechemberi kudaro munhevedzano iyi? Kare wakanga usina tariro here, pawakatanga kunzwa mashoko akanaka?

18 Zviri pachena kuti pano Pauro haasi kureva manzwiro edu apakutanga etariro youpenyu hwakakwana. Zvaanoreva zvinopfuura ipapo; zvakadzika, zvinokurudzira kwazvo. Patinotsungirira takatendeka uye toziva kuti tinotenderwa naMwari, izvi zvine zvazvinoita zvikuru zvokuwedzera nokusimbisa tariro yedu yokutanga. Tariro yatakanga tinayo izvozvi yava yechokwadi zvikuru, yakasimba zvikuru, yedu pachedu. Iyi tariro yakadzika inopenya zvakajeka kwazvo. Inotizadza, isu pachedu. “Uye tariro haitungamiriri kukuora mwoyo; nokuti rudo rwaMwari rwakadururirwa mumwoyo medu nomudzimu mutsvene.”

19. Tariro yako inofanira sei kuva chimwe chinhu chaunonyengeterera nguva dzose?

19 Wakanga uri munyengetero womwoyo wose waEpafurasi kuti hama dzake nehanzvadzi dzaiva muKorose dzirambe dzichiororwa uye dzichitendiswa nezvakanga zviri mberi kwavo, va“chitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.” Mumwe nomumwe wedu ngaataure naMwari nguva nenguva nezvetariro yedu. Muminyengetero yako pachako, sanganisira tariro yako yenyika itsva. Taurira Jehovha kuti unoishuva sei, nokutendiswa kwakazara kuti ichauya. Mukumbire kuti akubatsire kuita kuti kutendiswa kwako kudzike uye kuve kwakafara. Sokunyengetera kwakaita Epafurasi kuti vaKorose vave vaka“tendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose,” itawo izvozvo. Zviite kakawanda.

20. Kana vashoma vakatsauka munzira yechiKristu, nei izvi zvisingafaniri kuva chikonzero chokuora mwoyo?

20 Haufaniri kutsauswa kana kuodzwa mwoyo nokuti havasi vose vanomira vakakwana vachitendiswa zvakasimba. Vamwe vangatadza, vangatsauswa, kana kuti kungorega. Izvozvo zvakaitika kune vaya vakanga vari pedyo zvikuru naJesu, vaapostora vake. Asi apo Judhasi akava mutengesi, vamwe vaapostora vakaneta kana kurega here? Zvechokwadi, kwete! Petro akashandisa Pisarema 109:8 kuratidza kuti mumwe aizotora nzvimbo yaJudhasi. Wokutsiva akasarudzwa, uye vakavimbika vaMwari vakapfuurira nebasa ravo rokuparidza. (Mabasa 1:15-26) Vakanga vakatsunga kumira vakakwana vachitendiswa zvakasimba.

21, 22. Kumira kwako wakakwana nokutendiswa zvakasimba kuchaonekwa mupfungwai?

21 Unogona kuva nechokwadi chokuti kumira kwako wakakwana nokutendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose hakungaregi kuonekwa. Kuchacherechedzwa ndokukosheswa. Naani?

22 Hama dzako nehanzvadzi, dzinokuziva nokukuda, dzichaona. Kunyange kana dzakawanda dzikasataura, zvichafanana nezvatinoverenga pana 1 VaTesaronika 1:2-6 kuti: “Tinogaroonga Mwari patinodudza nezvenyu mose muminyengetero yedu, nokuti tinoramba tichirangarira basa renyu rokutendeka nebasa renyu rorudo nokutsungirira kwenyu nemhaka yetariro yenyu munaShe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari wedu uye Baba vedu . . . Nokuti mashoko akanaka atinoparidza haana kuuya kwamuri nokutaura kwoga asiwo nesimba nomudzimu mutsvene nokutendiswa kwakasimba . . . ; uye makava vatevedzeri vedu nevaShe.” VaKristu vakavimbika vakakupoteredza vachanzwa zvakafanana sezvavanocherechedza kuti uri ‘kumira wakakwana uchitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.’—VaKorose 1:23.

23. Mugore rino riri kuuya, unofanira kutsunga kuitei?

23 Chaizvoizvo, baba vako vokudenga vachazviona uye vachafadzwa. Iva nechokwadi chaizvozvo. Nei? Nokuti uri kumira wakakwana uye nokutendiswa zvakasimba “mukuda kwaMwari kwose.” Pauro akanyora achikurudzira vaKorose nezvokufamba kwavo “zvakafanira Jehovha [va]chimufadza kwazvo.” (VaKorose 1:10) Hungu, zvinogoneka kuti vanhu vasina kukwana vamufadze zvizere. Hama dzako nehanzvadzi dzokuKorose dzakadaro. VaKristu vakakupota izvozvi vari kuita kudaro. Iwewo unogona kuita kudaro! Nokudaro, mugore rino riri kuuya, minyengetero yako yezuva nezuva uye zviito zvako zvenguva dzose ngazviratidze kuti wakatsunga ‘pakupedzisira kumira wakakwana uchitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.’

Ungayeuka Here?

• ‘Kumira kwako wakakwana’ kunobatanidzei?

• Zvinhu zvipi zvine chokuita newe zvaunofanira kusanganisira mumunyengetero?

• Sezviri pana VaRoma 5:4, 5, itariro yorudzii yaunoda kuva nayo?

• Chidzidzo chedu chakukurudzira kuti uve nevavariroi mugore rino?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 20]

Epafurasi akanyengetera kuti hama dzake dzimire dzakakwana, dzichitendiswa zvikuru nezvaKristu netariro yadzo

[Mifananidzo iri papeji 23]

Mamwe mamiriyoni anewo tariro yakasimba yaunayo uye kutendiswa kwakasimba