Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Uchishumira Mwari?

Nei Uchishumira Mwari?

Nei Uchishumira Mwari?

Mumwe mambo aitya Mwari akambopa mwanakomana wake zano iri: “Ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama uye nomweya unoda kwazvo.” (1 Makoronike 28:9) Zviri pachena kuti Jehovha anoda kuti vashumiri vake vamushumire nomwoyo inofara, inoonga.

SEZVAPUPU zvaJehovha, tinobvuma nyore nyore kuti apo zvipikirwa zveBhaibheri zvakatanga kutsanangurwa, mwoyo yedu yakapfachukira nomufaro. Zuva roga roga, takadzidza chimwe chinhu chitsva nezvezvinangwa zvaMwari. Patakadzidza zvakawanda nezvaJehovha, ndopakasimbawo chido chedu chokumushumira “nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo.”

Vakawanda vanova Zvapupu zvaJehovha vanopfuurira kushumira Jehovha nomufaro mukuru kwazvo muupenyu hwavo hwose. Zvisinei, vamwe vaKristu vanotanga zvakanaka, asi nokufamba kwenguva, vanokundikana kuona zvikonzero zvinogombedzera zvinotikurudzira kushumira Mwari. Izvi zvakaitika kwauri here? Kana zvakaitika, usaora mwoyo. Mufaro wakarasika unogona kuwanikwazve. Sei?

Funga Nezvezvikomborero Zvako

Kutanga, fungisisa nezvezvikomborero zvezuva nezuva zvaunowana kubva kuna Mwari. Funga nezvezvipo zvaJehovha zvakanaka: mabasa ake akawanda okusika—anoonekwa navose pasinei zvapo namamiriro ezvinhu emararamiro kana kuti oupfumi—nzira dzake dzakasikwa dzakadaro dzokugovera zvokudya nokunwa, utano hwaunahwo, kuziva kwako chokwadi cheBhaibheri, uye zvikurukuru, chipo cheMwanakomana wake. Rufu rwake rwakagadzirira nzira yokuti ushumire Mwari nehana yakachema. (Johani 3:16; Jakobho 1:17) Kana ukafungisisa kunaka kwaMwari kakawanda, ndopanowedzerawo kumukoshesa kwaunoita. Mwoyo wako zvino uchakutuma kuti umushumire nemhaka yokuonga zvose zvaakaita. Pasina kupokana uchatanga kunzwa zvakaita munyori wepisarema akanyora kuti: “Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, nemifungo yenyu kwatiri; hapana ungaenzaniswa nemi. . . . Hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.”—Pisarema 40:5.

Mashoko aya akanyorwa naDhavhidhi, murume aivawo nezvinetso. Ari murume muduku, Dhavhidhi akapedza yakawanda yenguva yake achitiza sezvo Mambo Sauro akaipa navarindi vake vaimutsvaka kuti vamuuraye. (1 Samueri 23:7, 8, 19-23) Dhavhidhi akanga ane zvimwewo zvaakanga akaneta mazviri zvaaifanira kurwisa kuti akurire. Akabvuma izvi muPisarema rechi40 achiti: “Madambudziko asingaverengwi akandikomberedza, zvakaipa zvangu zvakandibata, naizvozvo handigoni kutarira kumusoro; zvakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu.” (Pisarema 40:12) Hungu, Dhavhidhi akanga ane zvinetso, asi haana kukurirwa zvachose nazvo. Akanyanyofunga nzira idzo Jehovha aimukomborera nadzo, pasinei zvapo nezvinetso zvake, uye akaona kuti zvikomborero izvozvo zvaikurira nhamo dzake nokure.

Kana ukanzwa wamomoterwa nezvinetso zvako pachako kana kuti nokunzwa kuti hausi kukwanisa, zviri nani kuti umire wofunga nezvezvikomborero zvako, sezvakaitwa naDhavhidhi. Pasina kupokana, kukoshesa zvikomborero zvakadaro kwakakuita kuti uzvitsaurire kuna Jehovha; pfungwa dzakadaro dzinogonawo kukubatsira kumutsidzira mufaro wako wakarasika ndokukubatsira kuti ushumire Mwari nomwoyo unoonga.

Misangano yeUngano Inogona Kubatsira

Mukuwedzera pakufungisisa uri woga nezvokunaka kwaJehovha, tinoda kusonganira nevamwe vaKristu. Zvinokurudzira kusangana nguva nenguva navarume, vakadzi, navaduku vanoda Mwari uye vakatsunga kumushumira. Muenzaniso wavo unogona kuita kuti tishande nomwoyo wose mubasa raJehovha. Kuvapo kwedu paHoro dzoUmambo kunogona kuvakurudzirawo.

Ichokwadi kuti, patinouya kumba pashure pokushanda zvakaoma muswere wezuva kana kuti patinoodzwa mwoyo nemhaka yechimwe chinetso kana kuti kuneta, zvingasava nyore kufunga nezvokupinda musangano paHoro yoUmambo. Panguva dzakadaro, tingada kuzvimanikidza, sokunge tiri kuzvi‘rwadzisa muviri wedu,’ kuitira kuti titeerere murayiro wokuungana nevamwe vaKristu.—1 VaKorinde 9:26, 27; VaHebheru 10:23-25.

Kana izvozvo zvatova zvakafanira, tinofanira kugumisa kuti hatidi Jehovha zvechokwadi here? Kana. VaKristu vakakura vomunguva yakapfuura vaida Mwari zvisingambobvunzwi vaifanira kuzvishandisa nesimba kuti vaite kuda kwaMwari. (Ruka 13:24) Muapostora Pauro akanga ari mumwe muKristu akadaro. Akatsanangura manzwiro ake pachena achiti: “Ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti, munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti mano okuda arimo mandiri, asi mano okuita zvakanaka kwazvo haamo. Nokuti zvakanaka zvandinoda handizviiti, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita.” (VaRoma 7:18, 19) Uye akaudza vaKorinde kuti: “Zvino, kana ndiri kuparidza mashoko akanaka, hachisi chikonzero chokuti ndizvirumbidze, nokuti ndine musengwa. . . . Kana ndichiita izvi nokuzvidira, ndine mubayiro; asi kana ndikazviita mukupesana nechido changu, kunyange zvakadaro ndine utariri hwandakaronzeswa.”—1 VaKorinde 9:16, 17.

Kufanana navakawanda vedu, Pauro aiwanzonzwa achida kutadza zvichivhiringidza chido chake chokuita zvakanga zvakanaka. Zvisinei, airwisa zvikuru kunzwa achida kutadza ikoko, uye kakawanda kacho, aikurira. Ichokwadi kuti Pauro haana kuita zvose izvozvi nesimba rake. Akanyora kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Jehovha, akapa Pauro simba, achakupawo simba kuti uite zvakanaka kana ukamukumbira kuti akubatsire. (VaFiripi 4:6, 7) Saka “rwir[a] kwazvo kutenda,” uye Jehovha achakukomborera.—Judha 3.

Haufaniri hako kurwa hondo iyi uri woga. Muungano dzeZvapupu zvaJehovha, vakuru vechiKristu vakura, vari kutsungirira mu‘kurwira kutenda’ pachavo, varipo kukubatsira. Kana ukasvika kune mukuru uchida kuti akubatsire, achaedza ku“taura . . . nenzira inonyaradza” kwauri. (1 VaTesaronika 5:14) Vavariro yake inenge iri yokuita “soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura.”—Isaya 32:2.

“Mwari rudo,” uye anoda kuti vashumiri vake vamushumire norudo. (1 Johani 4:8) Kana kuda kwako Mwari kuchida kumutsidzirwa, tora matanho akafanira kuti uite kudaro, sezvadudzwa pamusoro apa. Uchafara kuti wakaita kudaro.