Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsika dzepaKrisimasi—NdedzechiKristu Here?

Tsika dzepaKrisimasi—NdedzechiKristu Here?

Tsika dzepaKrisimasi—NdedzechiKristu Here?

NGUVA yeKrisimasi yasvika. Izvi zvinorevei kwauri, kumhuri yako, uye kushamwari dzako? Chiitiko chokunamata here, kana kuti inongova nguva yemhemberero nokufara? Inguva yokufunga nezvokuzvarwa kwaJesu Kristu here kana kuti yokusafunga nezvetsika dzechiKristu?

Uchifunga nezvemibvunzo iyoyo, yeuka kuti tsika dzepaKrisimasi dzinogona kusiyana maererano nekwaunogara. Somuenzaniso, muMexico nedzimwe nyika dzeLatin America, kunyange zita racho rakatosiyana. Imwe enisaikoropidhiya inodudza kuti zita rechiRungu rokuti Christmas “rinobva pashoko rakare rokuti Christes Masse, Misa yaKristu.” Zvisinei, La Navidad, Kuberekwa, sezvainodanwa munyika idzi dzeLatin America, inoreva kuberekwa, kana kuti kuzvarwa, kwaKristu. Chimbomira kuti uone zvimwe zvinobva kuMexico. Izvi zvingakubatsira kuti uumbe mafungiro ako pachako eiyi nguva yezororo.

MaPosada, “Varume Vatatu Vakachenjera,” neNacimiento

Kupemberera kwacho kunotanga musi waDecember 16 namaposada. Bhuku rinonzi Mexico’s Feasts of Life rinoti: “Inguva yemaposada, mazuva mapfumbamwe amafaro anotungamirira kumanheru anotangira Krisimasi, okuyeuka kudzungaira kwaJosefa naMariya vari voga muguta reBheterehema uye pavakazopedzisira vawana nyasha nepokugara. Mhuri neshamwari dzinoungana usiku hwoga hwoga kuti vadzokorore mazuva anotangira kuzvarwa kwaKristu.”

Setsika yagara iripo, boka ravanhu rinotakura mifananidzo yaMariya naJosefa richienda kune mumwe musha uye richiimba rokumbira pokugara, kana kuti posada. Vanenge vari mumba vanoimba vachipindura kusvikira vashanyi vacho vazobvumirwa kupinda. Ipapo panotanga kuitwa mutambo, apo vamwe—vakavharwa kumeso uye vane tsvimbo muruoko—vanochinjana vachiedza kupwanya piñata, hari hombe yakashongedzwa inenge yakarembera patambo. Kana yangoputsika, zvinenge zviri mukati (shuga, muchero, nezvimwewo) zvinounganidzwa navanenge vachipemberera. Izvi zvinoteverwa nezvokudya, zvokunwa, mimhanzi, uye kutamba. Mitambo misere yeposada inoitwa kubva musi waDecember 16 kusvika December 23. Nomusi wa24, Nochebuena (usiku hunotangira Krisimasi) hunopembererwa, uye mhuri dzinoedza kuti dzive pamwe nokuda kwokudya chaiko kwamanheru.

Pasina nguva refu panozouya Zuva reGore Idzva, rinopembererwa nemitambo ine ruzha zvikuru. Pamanheru aJanuary 5, Tres Reyes Magos (“varume vatatu vakachenjera”) vanonzi vanounza zvokutambisa zvavana. Zvinozopera nokuita mutambo musi waJanuary 6, apo rosca de Reyes (keke rakagadzirwa serin’i) rinodyiwa. Panodyiwa keke iri, mumwe munhu anoona muchidimbu chake kachidhori kanomirira mwana Jesu. Anokawana anosungirwa kuronga ndokuita mutambo wemhuri musi waFebruary 2. (Mune dzimwe nzvimbo panenge pane zvidhori zviduku zvitatu, zvinomirira “varume vatatu vakachenjera.”) Sezvaungaona, kuita mitambo ine chokuita neKrisimasi kunongoramba kuchienderera mberi.

Munguva iyi, nacimiento, (mifananidzo yoKuberekwa) chinhu chakakurumbira kwazvo. Chii chinobatanidzwa imomu? Munzvimbo dzavose uyewo mumachechi nomudzimba, mifananidzo yezvidhori (zviduku kana zvihombe) zvakagadzirwa namadhaka, muti, kana mutapo inomiswa. Inomirira Josefa naMariya vakapfugama pamberi pechidyiro chezvipfuwo chinenge chine mwana achangoberekwa. Kakawanda panenge pane vafudzi neLos Reyes Magos (“varume vakachenjera”). Zvinenge zvakaitirwa munenge mudanga rezvipfuwo, uye dzimwe mhuka dzinogona kunge dziripo. Zvisinei, mufananidzo uri pakati ndouya womucheche achangoberekwa, anonzi el Niño Dios muchiSpanish (Mwana Mwari.) Uyu mufananidzo unokosha unogona kuiswa ipapo manheru anotangira Krisimasi.

Kuongorora Tsika Dzokuberekwa

Nezvokupemberera Krisimasi sokuzivikanwa kwakunoitwa pasi pose, The Encyclopedia Americana inoti: “Tsika zhinji dzava nechokuita neKrisimasi pakutanga dzakanga dzisiri dzapaKrisimasi asi panzvimbo pezvo dzakatangira chiKristu uye itsika dzisiri dzechiKristu dzakatorwa nechechi dzechiKristu. Saturnalia, bira ravaRoma raiitwa pakati paDecember, rakagovera muenzaniso wokutevera wetsika dzakawanda dzokufara dzapaKrisimasi. Somuenzaniso pakupemberera apa pakatorwa kudya kwoumbozha, kupa zvipo nokupiswa kwamakenduru.”

MuLatin America, tsika idzodzo dzinokosha Dzokuberekwa dzinogona kuitwa, pamwe nedzimwe dzokuwedzera. ‘Dzichibva kupi,’ ungashamiswa nazvo. Kutaura chokwadi, vakawanda vanoda kuomerera kuBhaibheri vanoona kuti dzimwe tsika dzakanyatsobva kutsika dzechiAztec. El Universal, pepanhau romuMexico City, rakati: “Vanhu vechiKaturike vanobva munzanga dzakasiyana-siyana dzinotongwa nechitendero vakashandisa mukana wokuti mhemberero dzepakarenda retsika revaIndia dzaiwirirana nekarenda retsika reKaturike, saka vakashandisa izvi kuti vatsigire basa ravo rokuparidza uye roumishinari. Vakatsiva kurangarirwa kwavanamwari vaivapo vanhu veSpain vasati vauya nemhemberero dzavanamwari vechiKristu, vakaunza mhemberero nezvimwe zvinoitwa zvokuEurope, uyewo vakasanganisira mhemberero dzechiIndia, zvakaguma nokubatana kwetsika dzakasiyana-siyana umo zvinhu chaizvoizvo zveMexico zvakabva.”

The Encyclopedia Americana inoti: “Mitambo Yokuberekwa yakakurumidza kuva rutivi rwokupemberera Krisimasi . . . Kuratidzwa kwemifananidzo yokuzvarwa muchechi [zvomuchidyiro chemhuka] kunonzi kwakatangwa naSaint Francis.” Mitambo iyi yairatidzira kuzvarwa kwaKristu yaiitwa mumachechi pakutanga kwokupambwa kweMexico. Yairongwa namamongi echechi yaFrancis kuitira kudzidzisa vaIndia nezvoKuberekwa. Gare gare maposada akakurumbira zvikuru. Zvisinei nokuti chinangwa chacho chokutanga chakanga chiri chei, maitirwe anoitwa maposada nhasi anotaura oga zvaari. Kana uri muMexico mumwaka iwoyu, unogona kuona kana kunzwa chimwe chinhu icho munyori weEl Universal akaratidza mutsinhiro yake: “Maposada, akanga ari okutiyeuchidza nezverwendo rwavabereki vaJesu vaitsvaka pokuzororera apo Mwana Mwari aizozvarwa, nhasi angova mazuva okudhakwa, kunyanyisa, nhafu, kuita zvisina maturo, uye kupara mhosva kwakawandisa.”

Pfungwa yenacimiento yakatanga munguva dzokupambwa kweMexico kubva mukuratidzwa chaikoiko mumachechi. Kunyange vamwe vachiiona ichifadza, inomirira zvinotaurwa neBhaibheri zvakarurama chaizvoizvo here? Iwoyo mubvunzo unokosha. Apo vanonzi varume vatatu vakachenjera—avo chaizvoizvo vakanga vari vazivi venyeredzi—vakashanya, Jesu nemhuri yake vakanga vasisagari mudanga rezvipfuwo. Nguva yakanga yafamba, uye mhuri yacho yakanga yave kugara mumba. Uchazviwana zvichifadza kuona mashoko akakwana aya muzvakanyorwa zvakafuridzirwa pana Mateu 2:1, 11. Unogonawo kuona kuti Bhaibheri haridudzi kuti vazivi venyeredzi vaivepo. *

MuLatin America, varume vatatu vakachenjera vanotsiva pfungwa yaSanta Claus. Zvakare, sezvinoitwa mune dzimwe nyika, vabereki vakawanda vanoviga zvidhori zvavana mumba. Zvino pamangwanani aJanuary 6, vana vanozvitsvaka, sokunge kuti varume vatatu vakachenjera vazviunza. Iyi inguva yokuita mari yevanotengesa zvidhori zvevana, uye vamwe vakatoita madzamatsama emari nezvinhu izvo vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka vanoona sezvinhu zvokungofungidzira chete. Pfungwa yavarume vatatu vakachenjera iri kutanga kurega kudavirwa navanhu vakawanda, kunyange navamwe vana vaduku. Kunyange vamwe vasingafadzwi nokuti pfungwa iyi iri kurasikirwa navanoidavira, mumwe munhu angatarisirei pazvinhu zvokungofungidzira zvinongoitwa chete nokuda kutevedzera tsika uye nokuda kwokufambirwa zvakanaka kwevezvokutengeserana?

Krisimasi, kana kuti Kuberekwa kwaJesu, yakanga isingachengetwi navaKristu vepakuvamba. Imwe enisaikoropidhiya inoti nezveizvi: “Mhemberero yacho yakanga isingachengetwi mumazana amakore okutanga echechi yechiKristu, sezvo vaKristu vaiwanzochengeta kufa kwavanhu vakanaka kwete kuzvarwa kwavo.” Bhaibheri rinobatanidza kuchengetwa kwamazuva okuzvarwa navahedheni, kwete navanamati vaMwari vechokwadi.—Mateu 14:6-10.

Chokwadi, izvi hazvirevi kuti hazvibatsiri kudzidza uye kuyeuka zvakaitika chaizvoizvo zvaibatanidzwa mukuzvarwa kweMwanakomana waMwari. Nhoroondo yeBhaibheri yezvakaitika chaizvoizvo inopa nzwisiso inokosha uye zvidzidzo nokuda kwavaya vose vanoda kuita kuda kwaMwari.

Kuzvarwa kwaJesu Maererano neBhaibheri

Uchawana mashoko echokwadi nezvokuzvarwa kwaJesu muEvhangeri dzaMateu naRuka. Vanoratidza kuti ngirozi Gabrieri yakashanyira mhandara yakanga isina kuroorwa yainzi Mariya mutaundi raiva muGarireya reNarazeta. Yakataura mashoko api? “Tarira! uchanamba mudumbu mako wobereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Jesu. Iyeyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chaDhavhidhi baba vake, uye achatonga samambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.”—Ruka 1:31-33.

Mariya akashamiswa zvikuru namashoko aya. Zvaakanga asina kuroorwa, akati: “Izvi zvingaitika sei, sezvo ndisiri kurara nomurume?” Ngirozi yakapindura kuti: “Mudzimu mutsvene uchaburukira pauri, uye simba roWokumusorosoro richakufukidza.Saka ichochowo chichaberekwa chichanzi chitsvene, Mwanakomana waMwari.” Achiziva kuti izvozvo ndozvaidiwa naMwari, Mariya akati: “Tarirai! Murandasikana waJehovha! Ngazviitike kwandiri sezvamazivisa.”—Ruka 1:34-38.

Ngirozi yakaudza Josefa nezvokuzvarwa kwenenji kuitira kuti asaramba Mariya, zvaaironga kuita paakaziva nezvepamuviri pake. Zvadaro akanga ava kuda kutakura mutoro wokuchengeta Mwanakomana waMwari.—Mateu 1:18-25.

Ipapo chirevo chakabva kuna Kesari Agasito chakamanikidzira Josefa naMariya kufamba kubva kuNazareta iri muGarireya kuenda kuBheterehema reJudhiya, guta ravanasekuru vavo, kuti vanonyoresa. “Pavakanga vari ikoko, mazuva akakwana okuti abereke. Zvino akabereka mwanakomana wake, dangwe, akamuputira nemicheka akamuradzika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti mumba mevaeni makanga musina nzvimbo.”—Ruka 2:1-7.

Ruka 2:8-14 inotsanangura zvakazotevera: “Munyika iyoyowo makanga mune vafudzi vaigara kunze kwemisha vachichengeta nguva dzokurinda pamapoka avo usiku. Zvino kamwe kamwe ngirozi yaJehovha yakamira pedyo navo, mbiri yaJehovha ikan’aima pavari, vakatya zvikuru. Asi ngirozi yakati kwavari: ‘Musatya, nokuti, tarirai! ndinokuzivisai mashoko akanaka omufaro mukuru uchava nevanhu vose, nokuti nhasi maberekerwa Muponesi, uyo ari Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi. Zvino ichi ndicho chiratidzo kwamuri: muchawana mucheche akaputirwa nemicheka akarara muchidyiro chezvipfuwo.’ Zvino kamwe kamwe kukavapo pamwe nengirozi vazhinji veuto rokudenga, vachirumbidza Mwari vachiti: “Mbiri kumusorosoro kuna Mwari, uye pasi pano rugare pakati pevanhu vaanotendera.’”

Vazivi Venyeredzi

Nhoroondo yaMateu inotaura kuti vazivi venyeredzi vakabva kuMabvazuva vakauya kuJerusarema vachitsvaka kwakazvarirwa Mambo wavaJudha. Mambo Herodhi akanga achida kuziva zvikuru nezveizvi—asi asina zvinangwa zvakanaka. “Pakuvatuma kuBheterehema, akati: ‘Endai munyatsotsvake mwana muduku wacho, uye pamunenge mamuwana mudzoke mundiudze, kuti neniwo ndiende ndimukotamire.’” Vazivi venyeredzi vakawana mwana muduku uye “vakasunungurawo pfuma yavo vakamupa zvipo, ndarama nezvinonhuhwira zvichena nemura.” Asi havana kudzoka nokuna Herodhi. “Vakanyeverwa naMwari muchiroto kuti varege kudzokera kuna Herodhi.” Mwari akashandisa ngirozi kunyevera Josefa nezvezvaida kuitwa naHerodhi. Ipapo Josefa naMariya vakatizira kuIjipiti nemwanakomana wavo. Uye, achiedza kuuraya Mambo mutsva, Mambo Herodhi ane utsinye akarayira kuurawa kwevakomana munharaunda yeBheterehema. Vakomana vapi? Vaya vakanga vane makore maviri zvichidzika.—Mateu 2:1-16.

Tingadzidzei Munhoroondo Yacho?

Vazivi venyeredzi vaishanya—pasinei nokuti vakanga vakawanda zvakadini—vakanga vasinganamati Mwari wechokwadi. Rimwe Bhaibheri rinonzi La Nueva Biblia Latinoamérica (Romuna 1989) “Varume vakachenjera vakanga vasiri madzimambo, asi vazivisi vezvichaitika munguva yemberi uye vapristi vechitendero chechihedheni.” Vakauya maererano noruzivo rwavo rwenyeredzi rwavakanga vakazvipira kwarwuri. Dai Mwari aida kuvatungamirira kuenda kwaiva nemwana, vangadai vakaendeswa kunzvimbo chaiyo yaakanga ari pasina kumbotanga nokuenda nokuJerusarema uye kumuzinda waHerodhi. Gare gare, Mwari akapindira kuti achinje nzira yavo kuti adzivirire mwana.

Panguva yeKrisimasi nhoroondo iyi kakawanda inenge ine kapfungwa kengano uye kanoshamisa kanovhara chinhu chikuru chinokosha: kuti mwana uyu akazvarwa kuti ave Mambo mukuru, sezvakaziviswa kuna Mariya nokuvafudzi. Kwete, Jesu Kristu haachisiri mucheche, kunyange mwana muduku. Ndiye Mambo ari kutonga woUmambo hwaMwari, uhwo nokukurumidza huchabvisa utongi hwose hunopesana nezvinodiwa naMwari, uye achapedza zvinetso zvose zvavanhu. Ndihwo Umambo hwatinokumbira muMunyengetero waShe.—Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10.

Nokuzivisa kwakaitwa nengirozi kuvafudzi, tinodzidza kuti mukana wokuponeswa wakazaruka kune vose vanoda kunzwa zvinotaura mashoko akanaka. Vaya vanowana nyasha dzaMwari vanova “vanhu vaanotendera.” Pane tarisiro dzinoshamisa dzorugare munyika yose pasi poUmambo hwaJesu Kristu, asi vanhu vanofanira kunge vachida kuita kuda kwaMwari. Nguva yeKrisimasi inosimudzira izvi uye inoratidza chido ichocho here? Vanhu vakawanda vakatendeseka vanoda kutevera Bhaibheri vanonzwa kuti mhinduro yacho iri pachena.—Ruka 2:10, 11, 14.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Pane zvimwe zvisingafaniri kurega kucherechedzwa: Munacimiento yeMexico, mwana wacho anotaurwa nezvake sa“Mwana Mwari” nepfungwa yokuti Mwari pachake ndiye akauya kupasi somwana. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza Jesu soMwanakomana waMwari akazvarwa panyika; akanga asiri iye kana kuti akaenzana naJehovha, Mwari wemasimba ose. Chimbofunga nezvechokwadi cheizvi, chinoratidzwa pana Ruka 1:35; Johani 3:16; 5:37; 14:1, 6, 9, 28; 17:1, 3; 20:17.

[Bhokisi riri papeji 4]

VAMWE VANGASHAMISIKA

Mubhuku rake rinonzi The Trouble With Christmas, munyori Tom Flynn akanyora mhedziso dzakasvikwa pashure pamakore akapedzwa pachitsvakurudzwa nezveKrisimasi:

“Tsika dzakawanda kwazvo dzatava kubatanidza neKrisimasi dzakabva mutsika dzezvitendero zvechiHedheni zvakatangira chiKristu. Dzimwe dzacho dzine zvadzinoreva nezvemagariro avanhu, zvokurara pamwe kwavanhu, nezvomuchadenga zvingatungamirira vanhu vamazuva ano vakadzidza, vanoda kuziva kwakabva tsika kuti varase tsika kana vangonzwisisa zvakajeka kwadzakabva.”—Peji 19.

Pashure pokuunza mashoko akawanda okutsigira, Flynn anodzoka papfungwa inokosha: “Chimwe chezvinhu zvenhema pamusoro peKrisimasi kushomeka kwezvinoitwa mairi zviri zvechiKristu zvechokwadi. Kana tangobvisa zvinhu zvaiitwa chiKristu chisati chatanga, zvakawanda zvinosara ndezvakatanga chiKristu chatovapo pane kuva zvechiKristu chaizvoizvo, pamatangiro azvo.”—Peji 155.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kuziviswa kwokuzvarwa kwaJesu kwakagadza musimboti webasa rake romunguva yemberi saMambo waMwari akagadzwa