Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurapa Maronda Omuhondo

Kurapa Maronda Omuhondo

Kurapa Maronda Omuhondo

ABRAHAM akanga ari muuto remagandanga kwemakore 20. * Asi akarega kurwa uye haafi akaenda kuhondo zvakare. Chaizvoizvo, vamwe vaichimbova vavengi vake zvino vava shamwari dzake dzapedyo zvikuru. Chii chakamuita kuti achinje? Bhaibheri rakaita kudaro. Rakapa Abraham tariro nenzwisiso, zvichimubatsira kuona nhau dzevanhu nemaonero anoita Mwari. Bhaibheri rakabvisa chido chake chokurwa, uye kusuruvara kwake, nhamo, ruvengo, uye hasha zvakatanga kupora. Akawana kuti Bhaibheri rine mushonga une simba nokuda kwomwoyo.

Bhaibheri rinobatsira sei munhu kurapa maronda omupfungwa? Harina kuchinja zvakanga zvaitika kuna Abraham. Asi, kuverenga nokufungisisa Shoko raMwari kwakaita kuti kufunga kwake kufanane nekwoMusiki. Zvino ava netariro yenguva yemberi, uye ava nezvimwe zvaava kuisa panzvimbo yokutanga. Zvinhu zvinokosha kuna Mwari zvave kukosha kwaari. Pakangotanga kuitika izvi, maronda akanga ari mumwoyo wake akatanga kupora. Ndokubatsirwa kwakaitwa Abraham kuti achinje.

Kupinzwa Muhondo Yevagari Vomunyika

Abraham akaberekwa kuma1930 muAfrica. Hondo yenyika yechipiri yapera, nyika yaaigara yaitongwa neyakavakidzana nayo ine simba, asi vanhu vakawanda vomunyika yaAbraham vaida rusununguko. Muna 1961, Abraham akabatana nechikwata chokuunza rusununguko chakatanga hondo yougandanga nenyika ine simba yakavakidzana neyavo.

“Vakanga vari mhandu dzedu. Vakaronga kutiuraya, saka takatangisa kuenda kunovauraya,” anotsanangura kudaro Abraham.

Kakawanda upenyu hwaAbraham hwakanga huri pangozi, saka muna 1982, pashure pemakore 20 okurwisana, akatizira kuEurope. Zvino akanga ava mumakore ake okunopera kwama40, uye achizviwana aine nguva, akafungisisa zvaiitika muupenyu hwake. Chii chakanga chaitika kune zvaaida kuita muupenyu? Nguva yemberi yakanga inei? Abraham akasangana nevamwe veZvapupu zvaJehovha uye akatanga kupinda misangano yavo. Akayeuka kuti kuAfrica makore akanga apfuura, akanga averenga turakiti raakanga apiwa neChapupu. Turakiti racho raitsanangura paradhiso yaiuya panyika uye hurumende yokudenga yaizotonga vanhu. Izvozvo zvaiva zvechokwadi chaizvoizvo here?

Abraham anoti: “MuBhaibheri, ndakadzidza kuti makore ose iwayo andakapedza ndichirwa ndakanga ndaatambisa. Hurumende bedzi yaizobata munhu wose zvakarurama Umambo hwaMwari.”

Nguva pfupi Abraham abhabhatidzwa seChapupu chaJehovha, murume anonzi Robert akatiza kubva muAfrica achienda kuguta reEurope raigara Abraham. Robert naAbraham vakanga varwa muhondo imwe chete asi vari kumativi akasiyana. Robert kakawanda akanga atadza kuziva kuti chinangwa chaicho muupenyu ndechei. Akanga ari murume anonamata, uye zvaakanga averenga zvimwe zvikamu zveBhaibheri, aiziva kuti zita raMwari ndiJehovha. Apo Zvapupu zvomuungano yaiva naAbraham zvakati zvinoda kubatsira Robert kunzwisisa Bhaibheri zviri nani, akabva angobvuma pakarepo.

Robert anotsanangura kuti: “Kubva pakutanga chaipo, ndakaororwa nokushandisa kunoita Zvapupu mazita aJehovha naJesu, zvichibvuma kuti vanhu vakasiyana. Izvozvo zvaiwirirana nezvandaiziva nechekare kubva muBhaibheri. Zvapupu zvinopfekawo zvakatsvinda uye zvine mwoyo wakanaka kune vamwe, pasinei zvapo norudzi rwazvo. Zvinhu zvakadaro zvakandibaya pamwoyo zvikuru.”

Vavengi Vanova Shamwari

Robert naAbraham, vaimbovengana, zvino vava shamwari dzapedyo. Vanoshanda sevaevhangeri venguva yakazara muungano imwe yeZvapupu zvaJehovha. “Muhondo, ndaishamisika kakawanda kuti zvaimboita sei kuti vanhu vomunyika dzakavakidzana—vakawanda vacho vaiva vechitendero chimwe—vavengane,” anotsanangura kudaro Abraham. “Ini naRobert taiva vechitendero chimwe, asi takaenda kuhondo kunorwisana. Zvino tose tava Zvapupu zvaJehovha, uye kutenda kwedu kwakatibatanidza.”

“Ndiwo musiyano wacho,” anowedzera kudaro Robert. “Zvino tava vokutenda kunotiita kuti tive vamwe voukama hwechokwadi. Hatichamboendi kuhondo zvakare.” Bhaibheri rakachinja zvikuru vaviri ava vaichimbova vavengi. Ruvengo nehasha zvakatsiviwa zvishoma nezvishoma nokuvimbana noushamwari.

Panguva imwe chete iyo Abraham naRobert vakanga vari muhondo, mamwe majaya maviri akanga ari kumativi akasiyana okumwe kurwisana pakati penyika mbiri dzakavakidzana. Pasina nguva refu, Bhaibheri rakashanda somushonga une simba zvikuru kurapa mwoyo yavowo. Sei?

Uraya—Wozofira Kuzvipira

Gabriel, akarererwa mumhuri inoita zvechitendero, akadzidziswa kuti nyika yake yakanga iri mumarwadzo ehondo tsvene. Nokudaro, aine makore 19, akazvipira kuenda kubasa rehondo uye akakumbira kuenda kwaipisa hondo. Kwemwedzi 13 akanga ari muhondo dzinotyisa zvisingatauriki, dzimwe nguva achingova inenge kiromita nehafu kubva kwaiva nomuvengi. “Ndinoyeuka chimwe chiitiko,” anodaro. “Mutungamiriri wedu akatiudza kuti muvengi aizorwisa usiku ihwohwo. Takanga takamanikidzwa zvikuru zvokuti takakanda zvombo zvedu usiku hwose.” Aiona vanhu vomunyika yavakanga vakavakidzana nayo sevavengi vake, vaifanira kufa. “Pfungwa yangu yakanga iri yokuuraya vakawanda sezvaibvira. Ipapo, kufanana nedzakawanda dzeshamwari dzangu, ndaida kufira kuzvipira.”

Zvisinei, nokufamba kwenguva Gabriel akashaya chinangwa. Akatizira kumakomo, akaenda chinyararire achipfuura nepamuganhu wenyika achipinda munyika yakanga isina hondo, uye akaenda kuEurope. Akaramba achibvunza kuna Mwari kuti nei upenyu hwakanga hwakaoma zvakadaro, uye kana zvinetso zvaiva chirango chaibva kuna Mwari. Akasangana neZvapupu zvaJehovha, zvakamuratidza kubva muBhaibheri kuti nei upenyu hwakazara kwazvo nezvinetso nhasi.—Mateu 24:3-14; 2 Timoti 3:1-5.

Gabriel paairamba achidzidza Bhaibheri, ndipo paaiwedzerawo kuona kuti rine chokwadi. “Ndakadzidza kuti tinogona kurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Zvinoshamisa ndezvokuti, izvozvo ndizvo zvandaishuva ndichiri mwana.” Bhaibheri rakanyaradza Gabriel uye rakafadza mwoyo wake wakanga uchinetseka kusvika panguva ino. Maronda ake omwoyo akanga akadzika zvikuru akatanga kupora. Nokudaro paakazosangana naDaniel, aichimbova muvengi wake, Gabriel haana kumbonzwa ruvengo zvakare. Asi chii chakaita kuti Daniel aende kuEurope?

“Kana Muripo Zvechokwadi, Ndapota Ndibatsirei!”

Daniel akarerwa ari muKaturike uye pazera remakore 18 akadanirwa basa rehondo. Akaendeswa kunorwa muhondo imwe chete saGabriel asi ari kune rimwe divi. Vari pedyo nekwaipisa hondo zvikuru, Daniel akanga akakwira tenga apo rakabhombwa. Shamwari dzake dzakaurayiwa, uye iye akakuvara zvakaipisisa uye akatorwa senhapwa. Akapedza mwedzi yakawanda ari muchipatara uye ari mumusasa asati aendeswa kunyika yakanga isina hondo. Ava oga uye asina kana kai zvako, akafunga kuzviuraya. Daniel akanyengetera kuna Mwari achiti: “Kana muripo zvechokwadi, ndapota ndibatsirei!” Zuva rakatevera chairo, Zvapupu zvaJehovha zvakamushanyira uye zvakagona kupindura yakawanda yemibvunzo yake. Pakupedzisira, akaenda kuEurope somupoteri. Zvakare, Daniel akasonganira neZvapupu uye akadzidza Bhaibheri. Zvaakadzidza zvakanyevenutsa kufunga kwake nehasha.

Gabriel naDaniel zvino vava shamwari dzakanaka, dzakabatanidzwa muukama hwomudzimu seZvapupu zvaJehovha zvakabhabhatidzwa. “Kuda kwangu Jehovha uye kuziva Bhaibheri zvakandibatsira kuona zvinhu sezvaanoita. Daniel haachisiri muvengi wangu. Makore akawanda akapfuura ndingadai ndakafara kumuuraya. Bhaibheri rakandidzidzisa zvakasiyana chaizvo—kuda kumufira,” anodaro Gabriel.

“Ndakaona vanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana nemarudzi akasiyana-siyana vachipondana,” anodaro Daniel. “Uye pakanga pane vanhu vechitendero chimwe vakanga vari kumativi akasiyana ehondo vaiurayana. Pandakaona izvi, ndakafunga kuti imhaka yaMwari. Zvino ndinoziva kuti Satani ndiye anokonzera hondo dzose. Ini naGabriel zvino tave vatendi pamwe. Hatichafi takarwa zvakare!”

“Shoko raMwari Ibenyu uye Rine Simba”

Nei Abraham, Robert, Gabriel, naDaniel vakachinja zvinoshamisa kudaro? Vakagona sei kubvisa ruvengo rwakadzika midzi mumwoyo yavo?

Mumwe nomumwe wevarume ava akaverenga, akafungisisa, uye akadzidza chokwadi kubva muBhaibheri, rinova “benyu uye rine simba.” (VaHebheru 4:12) Munyori weBhaibheri ndiye Musiki wevanhu, anoziva kuti angaita sei kuti mwoyo womunhu anoda kuteerera nokudzidza uite zvakanaka. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.” Kana muverengi angozvibvumira chete kuti atungamirirwe neBhaibheri, anotanga tsika nezvinofanira kutevedzerwa zvitsva. Anotanga kudzidza maonero anoitwa zvinhu naJehovha. Izvi zvinounza zvinobatsira zvakawanda, kusanganisira kurapa maronda omuhondo.—2 Timoti 3:16.

Shoko raMwari rinotsanangura kuti hapana boka revanhu venyika, rorudzi, kana redzinza riri nani kana rakaipa kudarika rimwe. “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” Muverengi anobvuma izvi anobatsirwa zvishoma nezvishoma kuti akurire kunzwa kuvenga vanhu vorumwe rudzi kana veimwe nyika.—Mabasa 10:34, 35.

Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti Mwari achakurumidza kutsiva gadziriro iripo yokutonga kwevanhu noUmambo hwake hunotongwa naMesiya. Achishandisa hurumende iyoyi, Mwari ari ku“gumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” Masangano anosimudzira hondo uye anokurudzira vanhu kurwa madziri achabviswa. Vakaurayiwa muhondo vachamutswa vopiwa mukana wokurarama muparadhiso yapasi. Hapana anozofanira kutiza mudenhi kana mudzvinyiriri.—Pisarema 46:9; Dhanieri 2:44; Mabasa 24:15.

Nezvevanhu vachararama panguva iyoyo, Bhaibheri rinoti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo . . . havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana, vachakurumidza kuparadzwa.” Hapana pakakuvadzwa kana ronda risingazorapwi. Kutenda tariro yakadaro kunobvisa marwadzo nokusuruvara mumwoyo womunhu zvishoma nezvishoma.—Isaya 65:21-23.

Zvechokwadi Bhaibheri mushonga une simba kumwoyo. Zvarinodzidzisa zviri kutorapa maronda omuhondo. Vaichimbova vavengi vari kubatanidzwa muukama humwe hwepasi pose. Kurapa uku kuchapfuurira mugadziriro itsva yaMwari kusvikira pasisina ruvengo nehasha, kusuruvara nenhamo mumwoyo yevanhu. Musiki anovimbisa kuti “zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.”—Isaya 65:17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

“MuBhaibheri, ndakadzidza kuti makore ose iwayo andakapedza ndichirwa ndakanga ndaatambisa”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Bhaibheri rinogona kuchinja zvikuru mwoyo yevaichimbova vavengi

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Ruvengo nehasha zvakachinja zvishoma nezvishoma kusvika pakuvimbana nokuva shamwari

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Kana muverengi angozvibvumira chete kuti atungamirirwe neBhaibheri, anotanga tsika nezvinofanira kutevedzerwa zvitsva

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vaichimbova vavengi vari kubatanidzwa muukama humwe hwepasi pose

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

Musasa wevapoteri: UN PHOTO 186811/J. Isaac