Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Mhanyai Saizvozvo’

‘Mhanyai Saizvozvo’

‘Mhanyai Saizvozvo’

FUNGIDZIRA uri munhandare yemitambo yakazara kuti pamu nevanhu vari kufara. Vamhanyi vanopinda munhandare. Boka rinoita ruzha sezvo magamba aro anotanga kuoneka. Vanopa mitemo vatovapo kuti vape mirau. Zviitiko zvazvinotanga, kudanidzira kwokukunda kunovhengana nokushevedzera kwokusafara. Kuombera maoko kunovhara nzeve kunokorokotedza vakundi!

Uri kupinda, kwete chiitiko chomutambo wemazuva ano, asi chiya chakaitwa makore anenge 2 000 akapfuura muIsthmus yeKorinde. Muno, makore maviri oga oga kubvira muzana remakore rechitanhatu B.C.E. kusvikira muzana remakore rechina C.E., Mitambo yeIsthmia yakakurumbira yaiitwa. Kwemazuva akawanda chiitiko chacho chaitaurwa muGirisi yose. Mitambo yacho yaisanganisira zvakawanda zvinopfuura makwikwi evamhanyi chete. Vamhanyi vaiva chiratidzo chokugadzirira kweuto. Vakundi—vainamatwa semagamba—vaigamuchira korona dzakagadzirwa nemashizha emiti. Vaipiwa zvipo zvakawanda, uye guta raivapa mari yakawanda yokushandisa muupenyu hwavo hwose.

Muapostora Pauro aiziva Mitambo yeIsthmia yaiitirwa pedyo neKorinde uye akaenzanisa upenyu hwomuKristu nemakwikwi evamhanyi. Paaitaura nezvevamhanyi, vanoita mutsimba, uye vatambi vetsiva, chaizvoizvo airatidza mibayiro yokurovedza kwakanaka, kuita nomazvo, uye kutsungirira. Zvechokwadi, vaKristu vaainyorera vaizivawo nezvemitambo yacho. Pasina mubvunzo vamwe vaiva pakati pemapoka aidanidzira munhandare. Saka vaizokurumidza kunzwisisa mienzaniso yaPauro. Zvakadii nesu nhasi? Isuwo tiri munhangemutange—youpenyu husingaperi. Tingabatsirwa sei nokutaura kwakaita Pauro paaitaura nezvemakwikwi iwayo?

‘Kukwikwidza Maererano Nemirau Yacho’

Zvaidiwa kuti munhu akwikwidze mumitambo yekare zvaiva zvakati omei chaizvo. Mushamarari aimisa mutambi oga oga pamberi pevaiona odanidzira kuti: ‘Pane munhu angapomera murume uyu mhosva ipi neipi here? Itsotsi kana kuti munhu akaipa uye anoita uori muupenyu hwake here?’ Maererano neArchaeologia Graeca, “hapana munhu aiva mupari wemhosva wemakoko, kana [zvakada] kudaro, aibvumirwa kukwikwidza.” Uye, chirango chokutyora mirau yemitambo yacho chaiva chokurambidza vaiityora vacho kukwikwidza.

Izvi zvinotibatsira kunzwisisa mashoko aPauro anoti: “Kana munhu achikwikwidza kunyange mumitambo, haapiwi korona kunze kwokuti akwikwidza maererano nemirau yacho.” (2 Timoti 2:5) Saizvozvowo, kuti timhanye munhangemutange youpenyu, tinofanira kusvitsa zvinodiwa naJehovha, tichiita maererano nezvaanoda zvakakwirira sokuratidzwa kwazvinoitwa muBhaibheri. Zvisinei, Bhaibheri rinotinyevera kuti: “Kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake.” (Genesi 8:21) Saka, kunyange tapinda mumakwikwi, tinofanira kungwarira kupfuurira kukwikwidza maererano nemirau yacho kuitira kuti tirambe tine tendero yaJehovha towana upenyu husingaperi.

Chinhu chinobatsira kwazvo kuti tiite saizvozvi kuda Mwari. (Mako 12:29-31) Rudo rwakadaro ruchaita kuti tide kufadza Jehovha ndokuita maererano nokuda kwake.—1 Johani 5:3.

‘Bvisa Zvinorema Zvose’

Mumitambo yekare, vamhanyi vakanga vasingaremerwi nezvipfeko kana zvokushandisa. “Panhangemutange dzetsoka, . . . vakwikwidzi vaioneka sevasina kana nokupfeka kwose,” rinodaro bhuku rinonzi The Life of the Greeks and Romans. Kusapfeka zvipfeko kwaiita kuti vamhanyi vakurumidze kumhanya, vamhanye nyore nyore, uye vamhanye nounyanzvi. Hapana simba raitambiswa nemhaka youremu husina basa. Zvichida Pauro aifunga izvi paakanyorera vaKristu vechiHebheru kuti: “Ngatibviseiwo zvinorema zvose . . . , uye ngatimhanyei nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.”—VaHebheru 12:1.

Kuremai kungatipingirisha munhangemutange youpenyu? Kumwe kungava kuda kuunganidza zvinhu zvisingakoshi kana kuchengetedza mararamire anodhura. Vamwe vangatarira kuchengetwa nepfuma kana kuiona seinokonzera mufaro. “Zvinorema” zvakanyanyisa kudaro zvingaita kuti mumhanyi amhanye zvishoma zviya zvokuti, pakupedzisira, angasava nebasa naMwari chaizvoizvo. (Ruka 12:16-21) Upenyu husingaperi hungasvika pakuoneka setariro iri kure. ‘Nyika itsva ichauya rimwe zuva,’ munhu wacho angafunga kudaro, ‘asi iye zvino tingabatsirikawo nezvinhu zvinopiwa nenyika ino.’ (1 Timoti 6:17-19) Kuona zvinhu nenzira yakadaro kungatsausa munhu nyore nyore munhangemutange youpenyu kana kumudzivisa kuti aitange.

Mumharidzo yepaGomo, Jesu akati: “Hapana munhu anogona kushandira vatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari uye Pfuma.” Ipapo, apedza kutaura nezvokutarisira kwaJehovha zvinodiwa nemhuka nezvirimwa uye ataura kuti vanhu vanokosha kwazvo kupfuura izvozvo, akarayira kuti: “Nokudaro musambofunganya muchiti: ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinorondwa nemarudzi nemwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:24-33.

‘Mhanyai Nokutsungirira’

Dzaisava nhangemutange dzose dzetsoka dzaiva kumhanya madaro mapfupi. Imwe nhangemutange, yainzi doʹli·khos, yaiva yakareba makiromita mana. Yaiedza simba uye kutsungirira. Maererano nezvinotaurwa, muna 328 B.C.E., mumwe mumhanyi ainzi Ageas, ahwina nhangemutange iyoyi, akasimuka ndokumhanya daro rose achidzokera kuguta rokumusha kwake, Argos, kunozivisa kukunda kwake. Zuva iroro, akamhanya makiromita 110!

Nhangemutange yechiKristu idaro refuwo rokumhanya rinoedza kutsungirira kwedu. Kutsungirira munhangemutange iyoyi kusvika kumugumo kunodiwa kuti uwane tendero yaJehovha uye mubayiro woupenyu husingaperi. Pauro akamhanya nhangemutange yacho saizvozvo. Upenyu hwake hwava kupera, aigona kutaura kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda. Kubvira panguva ino ndakachengeterwa korona yokururama.” (2 Timoti 4:7, 8) Kufanana naPauro, tinofanira kumhanya “kusvika kumugumo.” Kana kutsungirira kwedu kukadzikira nemhaka chete yokuti nhangemutange yacho inoita seyakareba kupfuura zvataitarisira pakutanga, tichatadza kuwana mubayiro wedu. (VaHebheru 11:6) Zvaizosuruvarisa sei, tichiona kuti tava pedyo chaizvo nomutsetse womugumo!

Mubayiro

Mumakwikwi ekare okumhanya evaGiriki, vakundi vaipiwa korona dzaiwanzogadzirwa nemashizha emiti uye vaishongedzwa nemaruva. MuMitambo yePythia, vakundi vaigamuchira korona yakagadzirwa nomuti welaurel. Mumitambo yeOlympia vaipiwa korona dzemashizha emiorivhi yomusango, nepo muMitambo yeIsthmia vaipiwa korona dzakagadzirwa nomupaini. “Kuwedzera simba ravakwikwidzi,” inodaro imwe nyanzvi yeBhaibheri, “korona, mibayiro yokukunda, uye mapazi emichindwe, zvaiiswa pazvaionekwa navose munguva yemakwikwi zviri pachituru kana patafura, yaiiswa munhandare.” Kumukundi, kupfeka korona chaiva chiratidzo chokukudzwa kukuru. Pakudzokera kumusha, aikwira ngoro yemabhiza nomufaro achipinda muguta.

Aine izvi mupfungwa, Pauro akabvunza vaverengi vake vokuKorinde kuti: “Hamuzivi here kuti vamhanyi munhangemutange vanomhanya vose, asi mumwe bedzi anogamuchira mubayiro? Mhanyai nenzira yokuti muuwane. . . . Zvino ivo, zvechokwadi, vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu isingaori.” (1 VaKorinde 9:24, 25; 1 Petro 1:3, 4) Musiyano wakadini! Kusiyana nekorona dzemitambo yekare dzaisvava, mubayiro wakamirira vaya vanomhanya nhangemutange youpenyu kusvikira kumugumo hauzomboparari.

Nezvekorona iyoyi yakanaka kwazvo, muapostora Petro akanyora kuti: “Apo mufudzi mukuru anenge aitwa kuti aoneke, muchagamuchira korona isingasvavi yembiri.” (1 Petro 5:4) Pane mubayiro here unopiwa nenyika ino ungaenzaniswa nokusafa, mubayiro woupenyu husingaori mumbiri yokudenga naKristu?

Nhasi, vamhanyi vakawanda kwazvo vechiKristu havana kuzodzwa naMwari kuti vave vanakomana vake vomudzimu uye havana tariro yokudenga. Havasi kumhanyira mubayiro wokusafa. Zvisinei, Mwari anoisawo mubayiro usingaenzaniswi pamberi pavo. Upenyu husingaperi mukukwana muparadhiso yepasi pasi poUmambo hwokudenga. Chero mubayiro upi kana upi uyo mumhanyi wechiKristu anoedza kuwana, anofanira kumhanya akatsunga kwazvo uye nesimba kupfuura mumhanyi upi noupi wemakwikwi okumhanya. Nei? Nokuti mubayiro wacho hauzombosvavi: “Ichi ndicho chinhu chakapikirwa chaakatipikira iye pachake, upenyu husingaperi.”—1 Johani 2:25.

Mubayiro usingaenzaniswi wakadaro uri pamberi chaipo pomumhanyi wechiKristu, anofanira kuva nemaoneroi pazvinokwezva zvenyika ino? Anofanira kuva aya aPauro, uyo akati: “Zvechokwadi ndinoonawo zvinhu zvose sokurasikirwa nemhaka yokukosha kukuru kwokuziva pamusoro paKristu Jesu Ishe wangu. Nemhaka yake ndakabvuma kurasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona semarara akawanda.” Maererano neizvi, Pauro akamhanya nesimba zvakadini! “Hama, handizvirangariri sendatoubata; asi kune chinhu chimwe pamusoro pawo: Ndichikanganwa zvinhu zviri shure uye kusveerera zvinhu zviri mberi, ndiri kutevera kuti ndibate vavariro yomubayiro.” (VaFiripi 3:8, 13, 14) Pauro akamhanya maziso ake akanyatsotarisa mubayiro. Isuwo tinofanira kudaro.

Muenzaniso Wedu Wakaisvonaka

Mumitambo yekare, vakundi vaiyemurwa kwose kwose. Vadetembi vainyora nezvavo, uye vavezi vemabwe vaigadzira mifananidzo yavo. Munyori wenhau dzakaitika anonzi Věra Olivová anotaura kuti “mbiri yavo yaipararira uye vaizivikanwa kwazvo.” Vaivawo mienzaniso yokutevedzera nokuda kwechizvarwa chiduku chevakundi.

Ndiani “mukundi” anogadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwevaKristu? Pauro anopindura kuti: “Ngatimhanyei nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu, sezvatinoramba takatarira Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu, Jesu. Nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akatsungirira danda rokutambudzikira, achizvidza nyadzi, akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.” (VaHebheru 12:1, 2) Hungu, kana tichizofanira kukunda munhangemutange yedu youpenyu husingaperi, tinoda kuramba takatarira Muenzaniso wedu, Jesu Kristu. Izvi tingazviita nokuverenga nhoroondo dzeEvhangeri nguva dzose uye kufungisisa nzira dzatingamutevedzera nadzo. Kudzidza kwakadaro kuchatibatsira kuziva kuti Jesu Kristu aiteerera Mwari uye kuti akaratidza kunaka kwokutenda kwake nokutsungurira kwake. Somubayiro wokutsungirira kwake, akagamuchira tendero yaJehovha Mwari nedzimwe ropafadzo dzakawanda.—VaFiripi 2:9-11.

Zvechokwadi, unhu hwaJesu hwaipfuura humwe hwose hwaiva rudo. “Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Johani 15:13) Akataura kuti shoko rokuti “rudo” rine zvikuru zvarinoreva nokutiudza kuda kunyange vavengi vedu. (Mateu 5:43-48) Pamusana pokuti aida Baba vake vokudenga, Jesu akawana mufaro mukuita kuda kwaBaba vake. (Pisarema 40:9, 10; Zvirevo 27:11) Kutarira kwedu kuna Jesu soMuenzaniso wedu uye somunhu anotigadzira nhano munhangemutange youpenyu inoda simba kuchaita kuti tide Mwari nomuvakidzani wedu ndokuwana mufaro chaiwo mubasa redu dzvene. (Mateu 22:37-39; Johani 13:34; 1 Petro 2:21) Ramba uchiziva kuti Jesu haakumbiri zvisingagoneki. Anotivimbisa kuti: “Ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”—Mateu 11:28-30.

SaJesu, tinoda kuti meso edu arambe akatarira mubayiro wakachengeterwa vose vanotsungirira kusvikira kumugumo. (Mateu 24:13) Kana tikakwikwidza maererano nemirau yacho, kana tikabvisa zvose zvinorema, uye tikamhanya nokutsungirira, tinogona kuva nechivimbo chokukunda. Vavariro inooneka inoita kuti tipfuurire! Inotipazve simba nemhaka yomufaro wainokonzera matiri, mufaro unoita kuti nzira iri mberi kwedu ive nyore kufamba.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Nhangemutange yechiKristu idaro refu rokumhanya—rinoda kutsungirira

[Mufananidzo uri papeji 30]

Kusiyana nevamhanyi vaipiwa korona, vaKristu vanogona kutarira mberi kumubayiro usingaparari

[Mufananidzo uri papeji 31]

Mubayiro ndewevose vanotsungirira kusvikira kumugumo

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]

Copyright British Museum