Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakwa Norudo

Vakwa Norudo

Vakwa Norudo

“Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” —MATEU 22:37.

1. (a) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinokudziridzwa nomuKristu? (b) Unhu hwechiKristu hunokosha zvikuru ndohupi, uye nei?

MUKRISTU anokudziridza zvinhu zvakawanda kuti ave mushumiri anokwanisa kwazvo. Bhuku raZvirevo rinoratidza kukosha kwezivo, nzwisiso, uye uchenjeri. (Zvirevo 2:1-10) Muapostora Pauro akakurukura nezvokudiwa kwokutenda kwakasimba netariro yakasimba. (VaRoma 1:16, 17; VaKorose 1:5; VaHebheru 10:39) Kushivirira nokuzvidzora zvinokoshawo. (Mabasa 24:25; VaHebheru 10:36) Zvisinei, pane chimwe chinhu chokuti kana chichishayika chinochinja zvimwe zvinhu zvose uye chinotogona kuzvishayisa basa. Chinhu ichocho rudo.—1 VaKorinde 13:1-3, 13.

2. Jesu akaratidza sei kukosha kworudo, uye izvi zvinomutsa mibvunzo ipi?

2 Jesu akaratidza kukosha kworudo paakati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Sezvo rudo rwuri chiratidzo chomuKristu wechokwadi, tinofanira kubvunza mibvunzo yakaita seyokuti, Rudo chii? Nei ruchikosha zvokuti Jesu akati, kupfuura zvimwe zvose, runozivisa vadzidzi vake? Tingakudziridza sei rudo? Ndiani watinofanira kuda? Ngatikurukure mibvunzo iyi.

Rudo Chii?

3. Rudo rungatsanangurwa sei, uye nei ruchibatanidza zvose pfungwa nomwoyo?

3 Imwe tsananguro yorudo ndeyokuti, ‘kunzwa kubatanidzwa nomumwe munhu noushamwari kana kuti, kunzwa kukuru, kuda kwoushamwari kana kuti kufarira mumwe munhu.’ Unhu hunoita kuti vanhu vaitire vamwe zvakanaka, dzimwe nguva nokurega zvimwe zvinhu zvikuru. Rudo, sokutsanangurwa kwarunoitwa muBhaibheri, runosanganisira zvose pfungwa nomwoyo. Pfungwa, kana kuti simba rokuziva, dzinoshanda nokuti munhu anoda anoita izvi achiziva, achicherechedza kuti iye nevamwe vanhu vaanoda vose vane zvavasingakwanisi kuita uyewo unhu hwakanaka. Simba rokuziva rinobatanidzwazve sezvo paine vaya vanodiwa nomuKristu—dzimwe nguva, zvichida, zvinopesana nounhu hwake hwomuzvarirwo—nemhaka yokuti anoziva kubva mukuverenga kwake Bhaibheri kuti Mwari anoda kuti aite kudaro. (Mateu 5:44; 1 VaKorinde 16:14) Zvakare, chaizvoizvo rudo runobva mumwoyo. Rudo chairwo sokutsanangurwa kwarunoitwa muBhaibheri harusi rwepfungwa chete. Runosanganisira kuvimbika kukuru uye kuzvipira kukuru mumanzwire.—1 Petro 1:22.

4. Rudo chisungo chine simba munzirai?

4 Vanhu vane udyire mumwoyo kazhinji havagoni kuva noukama hworudo hwechokwadi nemhaka yokuti munhu anoda akagadzirira kuisa zvinodiwa nomumwe pamberi pezvake. (VaFiripi 2:2-4) Mashoko aJesu okuti “pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira” ndeechokwadi zvikuru kana kupa kwacho chiri chiito chorudo. (Mabasa 20:35) Rudo chisungo chine simba. (VaKorose 3:14) Runowanzosanganisira ushamwari, asi zvisungo zvorudo zvakasimba kupfuura zvoushamwari. Ukama huri pakati pomurume nomudzimai wake dzimwe nguva hunotsanangurwa sorudo; zvisinei, rudo runokurudzirwa neBhaibheri kuti tisakurire runogarisa kupfuura kungokwezvwa nechimiro chomunhu. Apo vakaroorana vanodanana zvechokwadi, vanoramba vari pamwe kunyange kana ukama hwokunyama hunenge husisaiti nemhaka yourwere hwokukwegura kana nemhaka yokuti mumwe wavo anenge asisakwanisi kuita zvimwe zvinhu.

Rudo—Unhu Hunokosha

5. Nei rudo rwuri unhu hunokosha kumuKristu?

5 Nei rudo rwuri unhu hunokosha kumuKristu? Kutanga, nokuti Jesu akarayira vateveri vake kuti vadanane. Akati: “Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai. Ndinokurayirai zvinhu izvi, kuti mudanane.” (Johani 15:14, 17) Chechipiri, nokuti Jehovha rudo, uye isu savanamati vake tinofanira kumutevedzera. (VaEfeso 5:1; 1 Johani 4:16) Bhaibheri rinoti kupinza zivo yaJehovha naJesu kunoreva upenyu husingaperi. Tingataura sei kuti tinoziva Mwari kana tisingaedzi kuita saiye? Muapostora Johani akagumisa kuti: “Uyo asingadi haasati asvika pakuziva Mwari, nokuti Mwari rudo.”—1 Johani 4:8.

6. Rudo rungadzikamisa sei zvinhu zvakasiyana-siyana zvomuupenyu hwedu?

6 Rudo runokosha nokuda kwechimwe chikonzero chechitatu: Runotibatsira kudzikamisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvoupenyu hwedu uye runowedzera chinangwa chakanaka pane zvatinoita. Somuenzaniso, zvinokosha kuramba uchipinza zivo yeShoko raMwari. KumuKristu, zivo yakadaro yakafanana nezvokudya. Inomubatsira kuti akure uye kuti aite maererano nokuda kwaMwari. (Pisarema 119:105; Mateu 4:4; 2 Timoti 3:15, 16) Zvisinei, Pauro akanyevera kuti: “Zivo inotutumadzisa, asi rudo runovaka.” (1 VaKorinde 8:1) Aiwa, hapana chakashata nezivo yakarurama. Isu tisu tine chinetso—tinonzwa tichida kutadza. (Genesi 8:21) Kana simba rorudo rokudzikamisa zvinhu risipo, zivo inogona kuita kuti munhu azvitutumadze, achifunga kuti ari nani kupfuura vamwe. Izvozvo hazvingaitiki kana achiitiswa kudaro norudo. “Rudo . . . haruzvikudzi, haruzvitutumadzi.” (1 VaKorinde 13:4) MuKristu ane rudo haadadi, kunyange kana akawana zivo yakadzama. Rudo runomuita kuti azvininipise uye runomudzivisa pakuda kuzviitira mukurumbira.—Pisarema 138:6; Jakobho 4:6.

7, 8. Rudo runotibatsira sei kuramba takatarira zvinhu zvinokosha zvikuru?

7 Pauro akanyorera vaFiripi kuti: “Izvi ndizvo zvandinoramba ndichinyengeterera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchiwanda nezivo yakarurama uye nenzwisiso yakazara; kuti muve nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaFiripi 1:9, 10) Rudo rwechiKristu ruchatibatsira kutevera kukurudzira uku kwokuti tive nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe. Somuenzaniso, funga mashoko aPauro kuna Timoti anoti: “Kana murume upi noupi ari kusvasvavirira nzvimbo youtariri, ari kuda basa rakanaka kwazvo.” (1 Timoti 3:1) Mugore rebasa ra2000, nhamba yeungano pasi pose yakawedzera ne1 502, zvichiita kuti pave nenhamba yose itsva ye91 487. Nokudaro, pane kudiwa kukuru kwevamwe vakuru, uye vaya vanosvasvavirira ropafadzo dzacho vanofanira kurumbidzwa.

8 Zvisinei, vaya vanosvasvavirira ropafadzo dzoutariri vacharamba vaine maonero akanaka kana vakagara vachifunga chinangwa cheropafadzo dzakadaro. Kungova nesimba kana kuzivikanwa zvikuru hachisiricho chinhu chinokosha. Vakuru vanofadza Jehovha nemhaka yokumuda uye nokuda hama dzavo. Havasi kutsvaka mukurumbira kana simba. Apedza kupa zano vakuru vomuungano kuti varambe vaine maonero akanaka, muapostora Petro akasimbisa kudiwa kwe“pfungwa dzinozvidukupisa.” Akapa zano vose vaiva muungano kuti: “Zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba.” (1 Petro 5:1-6) Wose ari kusvasvavirira anoita zvakanaka kufunga muenzaniso wevakuru vakawanda pasi pose vari kushanda nesimba, vanozvininipisa, uye naizvozvo vari chikomborero kuungano dzavo.—VaHebheru 13:7.

Chinangwa Chakanaka Chinotibatsira Kutsungirira

9. Nei vaKristu vachigara vachifunga nezvezvikomborero zvakapikirwa naJehovha?

9 Kukosha kwokukurudzirwa norudo kunoonekwa mune imwe nzira. Kune vaya vanoramba vachizvipira kuna Mwari nemhaka yorudo, Bhaibheri rinovimbisa zvikomborero zvakapfuma zvino uye zvikomborero zvinoshamisa zvisingafungidziriki munguva yemberi. (1 Timoti 4:8) MuKristu anotenda zvipikirwa izvi zvakasimba uye anogutsikana nokuti Jehovha “anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose,” anobatsirwa kuramba akasimba mukutenda. (VaHebheru 11:6) Vakawanda vedu tinoshuva kuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari uye tinodzokorora zvakataurwa nomuapostora Johani kuti: “Ameni! Uyai, Ishe Jesu.” (Zvakazarurwa 22:20) Hungu, kufungisisa zvikomborero zvatakachengeterwa kana takatendeka kunotisimbisa kuti titsungirire, kungofanana nokubatsirwa kwakaitwa Jesu nokuramba achifunga “mufaro wakaiswa pamberi pake” kuti atsungirire.—VaHebheru 12:1, 2.

10, 11. Kukurudzirwa norudo kunotibatsira sei kutsungirira?

10 Zvisinei, zvakadini kana kuda kwedu kurarama munyika itsva kuri iko chinhu chete chinotiita kuti tishumire Jehovha? Ipapo tingakurumidza kutadza kushivirira kana kuti kusagutsikana kana zvinhu zvikaoma kana kuti zviitiko zvikasaita sezvatinofunga kana panguva yatinofunga. Tingava mungozi yakakura yokukukurwa. (VaHebheru 2:1; 3:12) Pauro akataura nezveyaichimbova shamwari yake yainzi Dhemasi, yakamusiya. Nei? Nokuti “akada gadziriro ino yezvinhu iripo.” (2 Timoti 4:10) Vose vanoshumira vaine zvinangwa zvoudyire chaizvo vari mungozi yokuita kudaro. Vangakwezvwa nemikana yokukurumidza inopiwa munyika vova vasingadi kurega zvimwe zvinhu iye zvino vaine tariro yezvikomborero zvichauya.

11 Kunyange zvakakodzera uye zviri zvokuberekwa nazvo kuva nechido chokuwana zvikomborero zvomunguva yemberi nezororo rokubva mumiedzo rinotarisirwa, rudo runovaka kunzwisisa kwedu zvinofanira kukosha muupenyu hwedu. Chinhu chinokosha kuda kwaMwari, kwete kwedu. (Ruka 22:41, 42) Hungu rudo runotivaka. Runotiita kuti tigutsikane nokumirira Mwari wedu nokushivirira, tichigutsikana nechero zvikomborero zvaanopa uye tichivimba kuti munguva yake yakafanira tichagamuchira zvose zvaakapikira—uye nezvimwe zvakawanda. (Pisarema 145:16; 2 VaKorinde 12:8, 9) Tichimirira kudaro, rudo runotibatsira kuti tirambe tichishumira tisina udyire nemhaka yokuti “rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo.”—1 VaKorinde 13:4, 5.

VaKristu Vanofanira Kuda Ani?

12. Maererano naJesu, tinofanira kuda ani?

12 Jesu akapa murayiro unobatanidza zvakawanda wokuti ndiani watinofanira kuda paakataura zvinhu zviviri zvakanyorwa muMutemo waMosesi. Akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose” uye, “Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.”—Mateu 22:37-39.

13. Tingadzidza sei kuda Jehovha, kunyange tisingamuoni?

13 Kubva mumashoko aJesu, zvakajeka kuti chokutanga chaicho, tinofanira kuda Jehovha. Zvisinei, hatiberekwi tichida Jehovha zvakazara. Chimwe chinhu chatinofanira kukudziridza. Patakatanga kunzwa nezvake, takakweverwa kwaari nezvatakanzwa. Zvishoma nezvishoma, takadzidza kuti akagadzirira sei vanhu pasi. (Genesi 2:5-23) Takadzidza mabatire aakaita nevanhu, asingatisiyi apo chivi chakatanga kuwira mhuri yevanhu, asi achitora matanho okutidzikinura. (Genesi 3:1-5, 15) Akabata nomutsa nevaya vakanga vakatendeka, uye pakupedzisira akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kuti tikanganwirwe zvivi zvedu. (Johani 3:16, 36) Iyi zivo iri kuwedzera yakaita kuti kuda kwedu Jehovha kuwedzere. (Isaya 25:1) Mambo Dhavhidhi akati aida Jehovha nemhaka yokutarisira Kwake kworudo. (Pisarema 116:1-9) Nhasi, Jehovha anotitarisira, anotitungamirira, anotisimbisa, uye anotikurudzira. Patinodzidza nezvake kakawanda, ndipo panokurawo rudo rwedu.—Pisarema 31:23; Zefania 3:17; VaRoma 8:28.

Tingaratidza sei Rudo Rwedu?

14. Tingaratidza sei kuti kuda kwedu Mwari ndekwechokwadi?

14 Chokwadi, vakawanda kupota pasi vanoti vanoda Mwari, asi maitiro avo anosiyana nezvavanoti vanoita. Tingaziva sei kuti tinoda Jehovha chaizvoizvo? Tinogona kutaura kwaari mumunyengetero ndokumuudza manzwiro atinoita. Uye tinogona kuita nenzira inoratidza rudo rwedu. Muapostora Johani akati: “Munhu wose anochengeta shoko ra[Mwari], kuda Mwari kwakakwaniswa zvechokwadi mumunhu uyu. Neizvi tinoziva kuti tiri pamwe naye.” (1 Johani 2:5; 5:3) Pazvimwe zvinhu, Shoko raMwari rinotiudza kuti tisonganire pamwe torarama upenyu hwakachena, hwetsika dzakanaka. Tinodzivisa unyengeri, tinotaura chokwadi, uye tinoita kuti kufunga kwedu kurambe kwakachena. (2 VaKorinde 7:1; VaEfeso 4:15; 1 Timoti 1:5; VaHebheru 10:23-25) Tinoratidza rudo nokupa rubatsiro rwezvinhu kune vanoshaya. (1 Johani 3:17, 18) Uye hatiregi kuudza vamwe nezvaJehovha. Izvozvo zvinosanganisira kuparidza mashoko akanaka oUmambo pasi pose. (Mateu 24:14; VaRoma 10:10) Kuteerera Shoko raMwari muzvinhu zvakadaro chiratidzo chokuti kuda kwedu Jehovha ndekwechokwadi.

15, 16. Kuda Jehovha kwakachinja sei upenyu hwakawanda gore rakapera?

15 Kuda Jehovha kunobatsira vanhu kuti vaite zvisarudzo zvakanaka. Gore rakapera, rudo rwakadaro rwakaita kuti vanhu 288 907 vatsaurire upenyu hwavo kwaari ndokuratidzira chisarudzo ichocho nokubhabhatidzwa mumvura. (Mateu 28:19, 20) Kuzvitsaurira kwavo kwakanga kuine zvakunoreva. Kwakaratidza kuchinja muupenyu hwavo. Somuenzaniso, Gazmend akanga ari mumwe wenyanzvi dzepamusoro dzebasketball muAlbania. Kwemakore akati, iye nomudzimai wake vakadzidza Bhaibheri uye pasinei nezvinetso pakupedzisira vakakwanisa kuva vaparidzi voUmambo. Gore rakapera, Gazmend akabhabhatidzwa, mumwe we366 vakabhabhatidzwa muAlbania mugore rebasa ra2000. Rimwe pepanhau rakabudisa nyaya yaitaura nezvake richiti: “Upenyu hwake hune chinangwa, uye nemhaka yeizvi, iye nemhuri yake vari kunakidzwa nemazuva anofadza kwazvo muupenyu hwavo. Kwaari, hazvichakoshi kuti aone kuti angawana zvakawanda sei muupenyu asi, kuti angapa zvakawanda sei kuti abatsire vamwe vanhu.”

16 Saizvozvowo, imwe hanzvadzi yakanga ichangobhabhatidzwa yaishandira kambani yemafuta muGuam yakapiwa mukana unoedza. Yakwidziridzwa pabasa kwemakore, pakupedzisira yakapiwa mukana wokuva mukadzi wokutanga kuva mutevedzeri womukuru-mukuru munhoroondo yekambani iyoyo. Zvisinei, zvino yakanga yatsaurira upenyu hwayo kuna Jehovha. Saka yakurukura nhau yacho nomurume wayo, hanzvadzi itsva yacho yakaramba mukana wacho uye pane kudaro yakaronga kuita basa risingaitwi nguva dzose kuitira kuti igone kufambira mberi kuti ive mushumiri wenguva yazara, piyona. Kuda Jehovha kwakaiita kuti ide kumushumira iri piyona panzvimbo pokuronda zvinhu zvemari munyika. Kutaura zvazviri, munyika yose rudo rwakadaro rwakaita kuti vanhu 805 205 vagoverane mumativi akasiyana-siyana oushumiri hwoupiyona mugore rebasa ra2000. Kuratidza rudo kwakadini kwakaitwa nemapiyona iwayo!

Kukurudzirwa Kuda Jesu

17. Muenzaniso upi wakanaka worudo watinoona muna Jesu?

17 Jesu muenzaniso unoshamisa womumwe munhu anokurudzirwa norudo. Pakuvapo kwake asati ava munhu, aida Baba vake uye aida vanhu. Sezvo ane uchenjeri hwose, akati: “Ndaiva na[Jehovha], ndiri mhizha; ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, ndichitamba pamberi pake nguva dzose. Ndichitamba panyika yake, ndichifadzwa navanakomana vavanhu.” (Zvirevo 8:30, 31) Rudo rwaJesu rwakamuita kuti asiye kwaaigara kudenga uye oberekwa ari kacheche kasingagoni kuzvitarisira. Akabata nokushivirira uye nomutsa nevanyoro uye vanozvininipisa uye akatambura pamaoko evavengi vaJehovha. Pakupedzisira, akafira vanhu vose padanda rokutambudzikira. (Johani 3:35; 14:30, 31; 15:12, 13; VaFiripi 2:5-11) Muenzaniso wakanaka zvakadini wechinangwa chakanaka!

18. (a) Tinokudziridza sei kuda Jesu? (b) Tingaratidza sei kuti tinoda Jesu?

18 Apo vaya vane mwoyo yakanaka vanoverenga nhoroondo dzoupenyu hwaJesu muEvhangeri vofungisisa kuti zvikomborero zvingani izvo upenyu hwake hwokutendeka hwakaunza pavari, izvi zvinoita kuti vave norudo rukuru zvikuru kwaari. Nhasi isu takafanana nevaitaurwa navo naPetro paakati: “Kunyange musina kumboona, [Jesu] munomuda.” (1 Petro 1:8) Rudo rwedu runooneka patinomutenda ndokutevedzera upenyu hwake hwokuzvibayira. (1 VaKorinde 11:1; 1 VaTesaronika 1:6; 1 Petro 2:21-25) Pana April 19, 2000, vanosvika 14 872 086 vakayeuchidzwa nezvezvikonzero zvedu zvokuda Jesu pavakapinda Chirangaridzo chorufu rwake chegore negore. Vakanga vakazowanda! Uye zvinosimbisa sei kuziva kuti vakawanda kudaro vanofarira kuponeswa nechibayiro chaJesu! Zvechokwadi, tinovakwa nokudiwa kwatinoitwa naJehovha naJesu nokuvada kwatinoita.

19. Mibvunzo ipi inotaura nezvorudo ichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Jesu akati tinofanira kuda Jehovha nomwoyo, mweya, pfungwa, uye simba rose. Asi akatiwo tinofanira kuda muvakidzani wedu sezvatinozviita. (Mako 12:29-31) Izvozvo zvinosanganisira ani? Uye kuda muvakidzani kunotibatsira sei kuramba tiine maonero akanaka uye kuva nechinangwa chakanaka? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

• Nei rudo rwuri unhu hunokosha?

• Tingadzidza sei kuda Jehovha?

• Mufambiro wedu unoratidza sei kuti tinoda Jehovha?

• Tinoratidza sei kuda kwedu Jesu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10, 11]

Rudo runotibatsira kumirira tichishivirira kuti tibvisirwe zvinonetsa

[Mufananidzo uri papeji 12]

Chibayiro chikuru chaJesu chinotiita kuti timude