“Basa Rakanaka Kwazvo”
Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba
“Basa Rakanaka Kwazvo”
KUBVA mumazuva okutanga enhoroondo yazvo yanhasi, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichifarira zvikuru humwe hwouprofita hwaJesu Kristu hwokuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14) Pakasvika 1914—kutanga kwe“mazuva okupedzisira”—vadzidzi veBhaibheri vepachokwadi vakaita nokutendiswa kwakasimba basa guru renyika yose redzidzo inobva muMagwaro Matsvene.—2 Timoti 3:1.
Kuti vabudirire kuita chinangwa chavo chokuzivisa mashoko akanaka pasi pose, vashumiri vaJehovha ava vakashandisa nzira yakanga iri itsva, yokusatya, uye yaioneka. Kuti tidzidze zvakawanda nezvayo, ngatidzoke shure ikoko.
Nzira Itsva Yokuzivisa Mashoko Akanaka
NdiJanuary wegore ra1914. Fungidzira kuti wakagara pakati pevanhu 5 000 muhoro ine rima muNew York City. Mberi kwako kune madziro okuratidzira bhaisikopu. Murume achena bvudzi akapfeka jasi anooneka pamadziro. Wakamboona mabhaisikopu asingaburitsi mashoko, asi uyu murume anotaura, uye unogona kunzwa mashoko ake. Uri pakutanga kuratidzwa kwechimwe chinhu chitsva, uye mashoko acho akasiyana nemamwe ose. Mukurukuri wacho ndiCharles Taze Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, uye chiri kuratidzwa chacho i“Photo-Drama of Creation.”
C. T. Russell akaona kuti bhaisikopu remifananidzo inofamba rine mukana wokuonekwa nevanhu vakawanda. Naizvozvo, muna 1912, akatanga kugadzira “Photo-Drama of Creation.” Pakupedzisira, yakasvika pakuva masiraidhi amapikicha nemifananidzo inofamba zvinoratidzwa kwemaawa masere, zvose zvine ruvara nemashoko.
Yakagadzirwa kuti ionekwe muzvikamu zvina, “Photo-Drama of Creation” yakaratidza vanhu kubva pakusikwa zvichifamba nomunhau yevanhu kusvika pakuguma kwechinangwa chaJehovha Mwari chepasi nevanhu pakupera kwoKutonga kweMakore ane Chiuru kwaKristu. Kwaizopfuura makore unyanzvi hwokugadzira zvinhu hwakashandiswa ipapo husati hwave kuwanika mune vezvokutengeserana. Asi, mamiriyoni evanhu akaona “Photo-Drama of Creation” pachena!
Nziyo dzakarekodwa zvakanaka kwazvo pamwe nehurukuro 96 dzaizokurukurwa pachishandiswa giramufomu dzakagadzirirwa “Photo-Drama.” Masiraidhi anoitwa ari maviri maviri akagadzirwa nemifananidzo yakanaka kwazvo yairatidza nhau yenyika yose. Zvakanga zvakakodzerawo kuita mazana emifananidzo mitsva yokunyora nokudhirowa. Mamwe emasiraidhi nemafirimu oruvara akadhirowewa nemaoko nounyanzvi. Uye izvi zvaiitwa kakawanda, nokuti pakupedzisira, seti 20 dzine zvikamu
zvina dzakagadzirwa. Izvi zvakaita kuti zvigoneke kuratidza “Photo-Drama” mumaguta 80 akasiyana-siyana chero pazuva ripi zvaro!Zvakanga Zvisingaonekwi Noruzhinji Pakuratidza
Ndezvipi zvaiitwa zvakanga zvisingaonekwi noruzhinji pairatidzwa “Photo-Drama”? Mutambo wacho waitanga nokuratidza Hama Russell,” akadaro mudzidzi weBhaibheri Alice Hoffman. “Pavaitanga kuoneka pamadziro uye miromo yavo ichitanga kufamba-famba, giramufomu rairidzwa . . . uye tainakidzwa nokuteerera kuinzwi ravo.”
Achitaura nezvemifananidzo inoratidzwa nenzira yokuti chinhu chinoitwa chichinonokera chinoita sechiri kukurumidza, Zola Hoffman anoyeuka kuti: “Ndakagara ipapo ndakatarisa ndichishamisika sezvataiona kuratidzwa kwemazuva okusikwa. Ipapo pakanga pane maruva ataiona achinyatsovhurika zvishoma nezvishoma.”
Karl F. Klein anoda nziyo zvikuru weDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha anowedzera kuti: “Panguva imwe chete yairatidzwa mifananidzo iyi, pakanga pachiridzwawo nziyo dzakanaka kwazvo, nziyo dzakabikwa zvakanaka kwazvo dzakadai seNarcissus neHumoreske.”
Pakanga painewo zvimwe zviitiko zvisingakanganwiki. “Pane dzimwe nguva, zvinhu zvinosekesa zvaiitika,” anodaro Clayton J. Woodworth, Jr. “Pane imwe nguva nziyo yokuti ‘Tiza Seshiri Kugomo Rako’ yairira, uye pamadziro pakabuda mufananidzo werimwe zibukanana, zimhuka ziguru kwazvo rakararama Mafashamo asati aitika”!
Kunze kwe“Photo-Drama of Creation” yaigaroratidzwa, munguva pfupi pakanga pave neseti dze“Eureka Drama.” (Ona bhokisi.) Imwe yakanga yakaitwa nehurukuro dzakarekodwa, uyewo nziyo dzakarekodwa. Imwe yakanga ine zvose zvakarekodwa nemasiraidhi. Kunyange zvazvo “Eureka Drama” yakanga isina mifananidzo inofamba, yaibudirira kwazvo payairatidzwa munzvimbo dzinogara vanhu vashomanana.
Chishandiswa Chokupupura Chine Simba
Pakazosvika 1914, “Photo-Drama” yakanga yaratidzwa kuvanhu vanosvika 9 000 000 muNorth America, Europe, uye Australia. Kunyange vakanga vari vashoma, Vadzidzi veBhaibheri havana kushaya kutendiswa kwakasimba kwaidiwa kuti vazivise mashoko akanaka nomutoo uyu mutsva. Vakapa nomufaro mari yaidiwa pakushandisa nzvimbo dzakafanira nokuda kwokuratidzwa uku. Saka “Photo-Drama of Creation” yakaita basa guru mukuita kuti vaiiona vazive Shoko raMwari.
Mutsamba yaakanyorera C. T. Russell, mumwe munhu akanyora kuti: “Kushanya kwokutanga ikoko kwandakaita kuMutambo wenyu ndiko kwakava nguva yokuchinja muupenyu hwangu; kana kuti, ndingati, nguva yokuchinja muzivo yangu yeBhaibheri.” Mumwewo akati: “Kutenda kwangu kwakanga kwave kutoputsika uye ndinonzwa kuti ndakaponeswa ne‘Photo-Drama of Creation’ yakaratidzwa kuno zhizha rakapfuura . . . Zvino ndine rugare rwuya rusingagoni kupiwa nenyika uye rwandisingagoni kusiyana narwo nokuda kwoupfumi hwarwo hwose.”
Demetrius Papageorge, nhengo yenguva refu yevanhu vepadzimbahwe reSosaiti, akati: “‘Photo-Drama’ yakanga iri basa rakanaka kwazvo, patinofunga nezvenhamba duku yeVadzidzi veBhaibheri uye mari shoma kwazvo yakanga iripo. Zvechokwadi yakanga ichitsigirwa nomudzimu waJehovha!”
[Bhokisi/Mifananidzo riri papeji 8, 9]
“Eureka Drama”
Mwedzi misere pashure pokutanga kuratidzwa kwe“Photo-Drama,” Sosaiti yakaona zvakakodzera kuunza imwe yayo yainzi “Eureka Drama.” Apo “Photo-Drama” yose yaipfuurira kuratidzwa mumaguta makuru, seti dze“Eureka” dzairatidza mashoko iwayo anokosha mumisha nenzvimbo dzomumaruwa. Chimwe chikamu che“Eureka Drama” chakatsanangurwa sechaipa “hanzvadzi mukana usingawanzowaniki” kuti dziparidze. Nei zvakanga zvakadaro? Nokuti bhokisi rayo rezvakarekodwa zvegiramufomu raingorema makirogiramu 14 chete. Chokwadi, kuti uratidze bhaisikopo racho, zvaivawo zvakafanira kutakura giramufomu.