Chiziviso Chinokosha
Chiziviso Chinokosha
PAKUPERA kwomusangano wegore negore weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania musi waOctober 7, 2000, chiziviso chinokosha chakaitwa nasachigaro, John E. Barr weDare Rinodzora. Chiziviso ichi chakanga chakavakirwa pahurukuro dzakanga dzapiwa pakuvamba zuva iroro naTheodore Jaracz naDaniel Sydlik.—Ona mapeji 12-16 uye 28-31 emagazini ino.
Vachitaura pfungwa inokosha zvikuru, Hama Barr vakati: “‘Muranda akatendeka, akangwara’ neDare rake Rinodzora vakapiwa zvinhu zvakakwirira uye zvinobatanidza zvakawanda kwazvo pane zvakapiwa kumasangano epamutemo. Zvakaiswa muzvinangwa zvakanyorwa zverimwe nerimwe remasangano aya inhau dzine padzinogumira muchinangwa chadzo. Zvisinei, Tenzi wedu Jesu Kristu, akagadza boka romuranda akatendeka pa‘zvinhu’ zvake zvose, kana kuti zvinodiwa noUmambo pasi pano.”—Mateu 24:45-47.
Nezvesangano rePennsylvania, Hama Barr vakawedzera kuti: “Kubvira payakaumbwa muna 1884, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania yakaita basa rinokosha munhau yedu yemazuva ano. Kunyange zvakadaro, rinongova sangano repamutemo riripo kuti rishandiswe no‘muranda akatendeka, akangwara’ pazvinenge zvakakodzera.”
Muhurukuro dzavo, Hama Sydlik naHama Jaracz vakanga vatsanangura kuti chokwadi chokuti “muranda akatendeka, akangwara” akanzi atarisire zvinhu zvose zvepasi zvaShe hachidzivisi boka romuranda kubvumira varume vanokwanisa kubva pakati pe“mamwe makwai” kuita mimwe mitoro yokutarisira yenguva dzose. (Johani 10:16) Uyewo hapana chikonzero chiri muMagwaro chokuda kuti vose kana kuti upi noupi wevatungamiriri vemasangano epamutemo anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha vanofanira kuva vaKristu vakazodzwa.
Hama Barr vakaudza vateereri kuti munguva ichangopfuura dzimwe nhengo dzeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha dzakanga dzichishanda sevatungamiriri uye vakuru vakuru dzakazvipira kusiya zvinzvimbo zvadzo mumapoka evatungamiriri emasangano ose anoshandiswa no“muranda akatendeka, akangwara” muUnited States. Hama dzakavimbika dzeboka remamwe makwai dzakasarudzwa sevatsivi.
Chisarudzo ichi chinobatsira zvechokwadi. Chinobvumira nhengo dzeDare Rinodzora kupedza nguva yakawanda dzichigadzira zvokudya zvomudzimu uye dzichitarisira zvinodiwa zvomudzimu zvesangano romunyika yose rehama mudzimwe nzira.
Mukugumisa, sachigaro akaudza vateereri vake vaifara kuti: “Nepo mabasa epamutemo uye okutarisira akasiyana-siyana akapiwa kuvatariri vane ruzivo, . . . vose zvavo vanoshanda pasi pokudzora kwomudzimu kweDare Rinodzora. . . . Tose zvedu tinotarira kuna Jehovha tichinyengeterera chikomborero chake pane zvatinoita takabatana mukuita kuda kwake, kuti zita rake guru rikudzwe uye ripiwe mbiri.”