Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukudziridza Kwatingaita Kunaka

Kukudziridza Kwatingaita Kunaka

Kukudziridza Kwatingaita Kunaka

MADURAMAZWI emazuva ano anotsanangura “kunaka” so“kukwirira mutsika; kuita zvakanaka.” “Chiito uye kufunga kwakarurama; unhu hwakanaka.” Munyori weduramashoko Marvin R. Vincent anoti pfungwa yokutanga yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kunaka” inoratidza “kukwirira kworudzi rwose.” Nokudaro, hazvishamisi kuti humwe unhu hwakadai sokungwara, ushingi, kuzviranga, kururamisira, tsitsi, kutsungirira, kutendeka, kuzvininipisa, uye kuvimbika hwave huchirumbidzwa sokunaka pane imwe nguva. Kunaka kwakatsanangurwawo so“kuita maererano nezvakarurama zvinofanira kutevedzerwa.”

Tinofanira kuita maererano nokukwirira, kunaka, uye kururama kwaani? “Maererano nevanhu vanodavira uzivi hwetsika,” yakadaro magazini yeNewsweek, “kusava nechokwadi kwakakonzerwa neboka rainzi Enlightenment kwakaderedza pfungwa dzose dzezvakarurama nezvisina kururama kuti dzive dzokuzvisarudzira kwomunhu, manzwire aanoda kuita kana kuti tsika dzaanoda.” Asi kungosarudza zvaunoda kana zvaunofarira inzira inogutsa yokuona nayo zvakarurama nezvisina kururama here? Kwete. Kuti tikudziridze kunaka, tinoda chokuyera nacho zvakanaka nezvakaipa—chokuyeresa nacho kuti mamwe maitiro, mafungiro, kana kuti unhu hunogona kunzi hwakarurama kana kuti hahuna kururama.

Munhu Oga Anopa Tsika Dzinofanira Kutevedzerwa

Panongova nomumwe bedzi Anopa tsika dzinofanira kutevedzerwa—Musiki wevanhu, Jehovha Mwari. Apedza kusika munhu wokutanga, Adhamu, Jehovha Mwari akarayira munhu achiti: “Ungadya hako miti yose yomunda; asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) Jehovha Mwari akapa muti wacho zita iroro rakasiyana neremimwe kuti aratidze kodzero yake oga yokusarudzira zvisikwa zvake chakanaka nechakaipa. Nokudaro zvinonzi naMwari zvakanaka kana kuti zvakaipa zvakava hwaro hwokutonga, kana kuti kuyera, zviito zvomunhu, kuoneka kwake, uye unhu hwake. Pasina zvinofanira kutevedzerwa izvozvo hataigona kutsauranisa zvakarurama nezvakaipa nenzira kwayo.

Murayiro wezvomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa wakaisa chisarudzo pamberi paAdhamu naEvha—kuti vateerere kana kuti varege kuteerera. Kwavari, kunaka kwaireva kuteerera murayiro iwoyo. Nokufamba kwenguva, Jehovha akawedzera kuratidza zvinomufadza nezvisingamufadzi, uye akaita kuti izvi zvinyorerwe isu muBhaibheri. Naizvozvo kukudziridza kunaka kunosanganisira kuita maererano nezvinodiwa naJehovha zvakarurama zvakanyorwa muMagwaro.

Nyatsoziva Zvinodiwa naMwari

Sezvo Jehovha Mwari akagadza nzira dzokuratidza zvakanaka nezvakaipa uye akadziratidza muBhaibheri, hatifaniri kudziziva zvizere here? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari ave anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.”—2 Timoti 3:16, 17.

Somuenzaniso, chimbofunga kusanzwisiswa uko Kunihito, adudzwa munyaya yatangira ino, akasangana nakwo paairatidza kuzvininipisa samaonerwo akunoitwa mutsika dzekwake. Gare gare kunyatsoongorora zvinofanira kutevedzerwa zviri muMagwaro kwakazomubatsira kuti aone zvinhu nenzira yakanaka. Chaizvoizvo Bhaibheri rinokurudzira kuzvininipisa, uye rinoti tinofanira kudzivisa kuzvivimba zvakanyanya uye kuzvikudza. (Zvirevo 11:2; Mika 6:8) Asi, paaidudza zvinodiwa zve“nzvimbo youtariri,” muapostora Pauro akataura nezvo“kusvasvavirira” ropafadzo iyoyo. (1 Timoti 3:1) “Kusvasvavirira” uku kunofanira kuitwa kwete chete munhu asingazvitutumadzi kana kuzvikudza asiwo asingazvininipisi zvisina kufanira.

Bhaibheri rinotii nezvokukwirira mutsika munhau dzezvebhizimisi? Kushandisa nzira dzinomutsa mibvunzo kana kunzvenga mitemo yehurumende uye mitemo yokutera muitiro wakakurumbira munyika yezvebhizimisi nhasi. Zvisinei, pasinei zvapo nokuti vamwe vanoitei, zvinofanira kutevedzerwa zviri muBhaibheri ndezvokuti tinofanira “kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Nokudaro, tinokudziridza kunaka nokuva vakatendeseka uye vasingasaruri kune vanotishandira, vashandi, vatengi, uye hurumende dzenyika. (Dheuteronomio 25:13-16; VaRoma 13:1; Tito 2:9, 10) Kutendeseka chaizvoizvo kunosimudzira chivimbo uye kubudirira. Uye, kunyorerana zvibvumirano kakawanda kunodzivisa kusanzwisisana uye kuoma kwezvinhu kunogona kuvapo nemhaka ye“nguva nezvinoitika.”—Muparidzi 9:11; Jakobho 4:13, 14.

Nhau yokupfeka nokuchena ndeimwe yatinofanira kukudziridza kunaka. Kusarudza zvokupfeka kunoenderana netsika, uye tinogona kunzwa tichimanikidzirwa zvakasimba kufambirana nezvitayera nefashoni zvazvino uno. Asi pangava nechikonzero chokutevedzera fashoni yose inongouya here? Bhaibheri rinotikurudzira ku“sazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu.” (VaRoma 12:2) Pane kugadza mitemo, muapostora Pauro akanyora achifuridzirwa kuti: “Saizvozvowo ndinoda kuti vakadzi vashonge nguo dzakagadzirwa zvakanaka, vane mwero nokunaka kwepfungwa, kwete nemagadzirirwe okuruka bvudzi nendarama kana nemaparera kana nguo dzinodhura kwazvo, asi nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari.” (1 Timoti 2:9, 10) Izvi zvinofanira kutevedzerwa zvinoshanda kuvose varume nevakadzi. Asika, munhu anogona hake kupfeka zvinofadza zvakasiyana-siyana mumagadzirirwo nemhaka yezvinodiwa netsika kana kuti zvinodiwa nomunhu.

Bhaibheri rinoratidzawo miitiro younzenza inoshorwa naMwari zvakananga. Pana 1 VaKorinde 6:9, 10, tinoverenga nyevero iyi: “Chii! Hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havazogari nhaka yeumambo hwaMwari? Musatsauswa. Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa zvinhu zvisiri zvomuzvarirwo, kana varume vanorara nevarume, kana mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.” Rugwaro urwu rwakabatsira Maria, ambodudzwa, kuona kuti maererano nezvinofanira kutevedzerwa zvetsika dzakanaka zvakagadzwa noMusiki, zvaaiita naJuan zvakanga zvakaipa uye kuti aifanira kuzvirega kana aizotenderwa naMwari. Zviri pachena kuti, kuti tikudziridze kunaka, tinofanira kuziva zvikuru zvinodiwa naJehovha.

Dzidza Nomwoyo

Kunaka hakusi kungoregawo zvakaipa. Kune simba retsika. Munhu ane tsika dzakanaka anoita zvakanaka. “Kunaka,” anodaro mumwe purofesa, “kunoda kudzidzwa nomwoyo uyewo nomusoro.” Naizvozvo, kukudziridza kunaka, kunoreva zvinopfuura kungoziva zvizere Shoko raMwari. Kunoda kufungisisa zvakanyorwa imomo kuitira kuti mwoyo yedu izadzwe nokuonga Jehovha uye tinokurudzirwa kushandisa nheyo dzomuMagwaro muupenyu hwedu.

“Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko!” akadaro munyori wepisarema. “Ndicho chandinofungisisa zuva rose.” (Pisarema 119:97) Uye Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndinorangarira mazuva akare; ndinofungisisa zvose zvamakaita [Mwari]; ndinofunga basa ramaoko enyu.” (Pisarema 143:5) Isuwo tinofanira kuita kuti kufungisisa tichinyengetera kuve chinhu chinokosha chokudzidza kwedu Bhaibheri uye mabhuku eBhaibheri.

Chokwadi, kuwana nguva yokudzidza nokushingaira pamwe nokufungisisa kunogona kuva kwakaoma. Asi kutsvaka kunaka kunoda kuti titenge nguva kubva mune mamwe mabasa. (VaEfeso 5:15, 16) Aaron, ane makore 24, anotenga nguva yakadaro mazuva ose nokumuka maminiti 30 kutangira nguva yaaimbomuka. Anotsanangura kuti: “Pakutanga, ndaingoverenga Bhaibheri kwehafu yeawa yacho yose. Ndakatozoona kukosha kwokufungisisa zvino-zvino. Nokudaro zvino ndinoshandisa inenge hafu yenguva iyoyo ndichifunga zvandinenge ndichangoverenga. Izvi zvave zvichibatsira zvechokwadi.” Kufungisisa kunogona kuitwa pane dzimwe nguva. Mukuimbira Jehovha, Dhavhidhi akaimba kuti: “Ndi[no]kufungai panguva dzousiku.” (Pisarema 63:6) Uye Bhaibheri rinorondedzera kuti: “Isaka akabuda kundorangarira kusango nenguva yamadekwana.”—Genesi 24:63.

Kufungisisa kunokosha pakukudziridza kunaka, nokuti kunotibatsira kuti tinzwe manzwiro anoita Jehovha uye kuti tione sezvaanoita. Somuenzaniso, Maria aiziva kuti Mwari anorambidza ufeve. Asi kuti ‘aseme zvakaipa uye kuti anamatire kune zvakanaka,’ aifanira kufungisisa pane mamwe mashoko eBhaibheri anotaura nezvazvo. (VaRoma 12:9) Akabatsirwa kuona kudiwa kwokuchinja pashure pokuverenga VaKorose 3:5, inotikurudzira ‘kuuraya mitezo yomuviri wedu kana toreva nezvoufeve, kusachena, kushumba, kuchiva kunokuvadza nokuchochora.’ Maria aitofanira kuzvibvunza kuti: ‘Kushumba kworudzii kwandinofanira kuuraya? Chii chandinofanira kudzivisa chingamutsa kuchiva kusina kuchena? Pane pandinofanira kuchinja here munzira yandinobata nayo vanhurume?’

Kufungisisa kunosanganisira kufunga migumisiro yechinoitwa. Pauro anokurudzira vaKristu kutiza ufeve uye kuti vazvidzore kuitira kuti “parege kuva nomunhu anosvika pakukuvadza nokupindira pakodzero dzehama yake.” (1 VaTesaronika 4:3-7) Mibvunzo yakanaka yokufunga ndeiyi: ‘Ndingazvikuvadza sei ini pachangu, mhuri yangu, kana vamwe nokuita chiito ichi? Ndingakanganiswa sei mumudzimu, mupfungwa, uye mumuviri? Zvinhu zvakasandukira sei vamwe vaya vakatyora mutemo waMwari munguva yakapfuura?’ Kufungisisa kwakadaro kwakasimbisa Maria mumwoyo, uye kunogona kudaro kwatiri.

Dzidza Mumienzaniso

Kunaka kungadzidziswa muchikoro here? Mubvunzo uyu ndomumwe wakakangaidza vafungi kwezviuru zvemakore. Muzivi wechiGiriki Plato aiva nepfungwa dzokuti kunogona. Aristotle, kune rimwe divi, akafunga kuti kunaka kunowanika nokudzidzira. Mutapi wenhau akapfupikisa nharo dzenyaya iyi achidai: “Muchidimbu, tsika dzokunaka hadzingadzidzwi uri woga. Uyewo hadzingadzidziswi kubva mumabhuku. Unhu hwakanaka hunouya nokurarama munzanga . . . umo kunaka kunokurudzirwa uye kunorumbidzwa.” Asi ndokupi kwatingawana vanhu vakanaka chaizvoizvo? Kunyange tsika dzakawanda dzichipa mimwe mienzaniso yokunaka, mimwe yacho ichibva mumagamba adzo engano nenhau, Bhaibheri rine mienzaniso yechokwadi yakawanda.

Muenzaniso mukuru kwazvo wokunaka ndiJehovha. Nguva dzose anoita zvinhu nenzira yakanaka uye anoita zvakarurama nezvakanaka. Tinogona kukudziridza kunaka nokuva “vatevedzeri vaMwari.” (VaEfeso 5:1) Uye Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, ‘akatisiyira muenzaniso kuti tinyatsotevera tsoka dzake.’ (1 Petro 2:21) Uyezve, Bhaibheri rine nhoroondo dzevanhu vakawanda vakatendeka, vakadai saAbrahamu, Sara, Josefa, Rute, Jobho, uye Dhanieri neshamwari dzake nhatu dzechiHebheru. Isingafaniri kurega kucherechedzwawo mienzaniso yokunaka pakati pevashumiri vaJehovha vomuzuva ranhasi.

Tinogona Kubudirira

Tingabudirira zvechokwadi mukuita zvakanaka mumeso aMwari here? Nokugara nhaka kusakwana kwatakaita, dzimwe nguva mukati medu munogona kugundika hondo inotyisa pakati pepfungwa nenyama—pakati pokuda kuita zvakanaka uye kutevera miitiro yedu yokutadza. (VaRoma 5:12; 7:13-23) Asi hondo yacho inogona kukundwa nokubatsirwa naMwari. (VaRoma 7:24, 25) Jehovha akagovera Shoko rake nemabhuku eBhaibheri. Nokudzidza Magwaro nokushingaira uye kufungisisa nezvawo tichinyengetera, tinogona kuva vakachena mumwoyo. Mumwoyo wakachena wakadaro munogona kubuda pfungwa, mashoko, uye zviito zvakanaka. (Ruka 6:45) Tichivakira pamienzaniso yaJehovha Mwari naJesu Kristu, tinogona kuvaka unhu hwakafanana nehwaMwari. Uye zvechokwadi tinogona kudzidza zvakawanda kubva kuvanhu vari kushumira Mwari vakatendeka nhasi.

Muapostora Pauro akakurudzira vaverengi vake ‘kuramba vachifunga’ kunaka nezvimwe zvinhu zvinorumbidzwa. Kuita izvi kune chokwadi chokuguma nokukomborerwa naMwari. (VaFiripi 4:8, 9) Tichibatsirwa naJehovha, tinogona kubudirira mukukudziridza kunaka.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Fungisisawo paunodzidza Bhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vaka unhu hwakafanana nehwaMwari nokutevedzera Kristu Jesu