Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusiyana Kwakaita Dare Rinodzora Nesangano Repamutemo

Kusiyana Kwakaita Dare Rinodzora Nesangano Repamutemo

Kusiyana Kwakaita Dare Rinodzora Nesangano Repamutemo

MISANGANO yegore negore yeWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania yave ichiitwa kubvira muna January 1885. Apo kuunganidzwa kwevaKristu vakazodzwa kwakanga kuchienderera mberi mukupera kwezana remakore rechi19, vatungamiriri nevakuru vakuru vesangano iri vaiva netariro yokudenga. Chaizvoizvo, izvi zvave zvakada kudaro nguva dzose.

Kwaingova nechiitiko chimwe chakasiyana neizvi. Muna 1940, Hayden C. Covington—panguva iyoyo akanga ari gweta reSosaiti uye ari mumwe we“mamwe makwai,” ane tariro yepasi—akasarudzwa kuva mutungamiriri weSosaiti. (Johani 10:16) Akashanda somutevedzeri wapurezidhendi weSosaiti kubva muna 1942 kusvikira muna 1945. Panguva iyoyo, Hama Covington vakasiya kuva mutungamiriri kuti vaite maererano nezvairatidzika sokuda kwaJehovha panguva iyoyo—kuti vatungamiriri nevakuru vakuru vose vesangano rePennsylvania vave vaKristu vakazodzwa. Lyman A. Swingle akatsiva Hayden C. Covington muboka revatungamiriri, uye Frederick W. Franz akasarudzwa kuva mutevedzeri wapurezidhendi.

Chikonzero nei vashumiri vaJehovha vaidavira kuti vatungamiriri nevakuru vakuru vose veWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania vaifanira kuva vaKristu vakazodzwa? Nokuti panguva iyoyo, boka revatungamiriri nevakuru vakuru vesangano rePennsylvania vaiva veDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, iro nguva dzose rave richiumbwa nevarume vakazodzwa nomudzimu chete.

Musangano Wegore Negore Unokosha

Pamusangano wegore negore wakaitwa musi waOctober 2, 1944, muPittsburgh, nhengo dzesangano rePennsylvania dzakabvuma kushandisa zvisarudzo zvitanhatu zvaigadziridza bumbiro raro romutemo. Bumbiro romutemo racho rakanga richiti kuvhota kupiwe vaipa mipiro kubasa reSosaiti, asi kugadziridzwa kwaro kwechitatu kwakabvisa gadziriro iyoyo. Mushumo womusangano wacho wakati: “Nhengo dzeSosaiti hadzizopfuuri 500 . . . Mumwe nomumwe anosarudzwa anofanira kuva mushumiri wenguva yakazara weSosaiti kana kuti mushumiri wenguva isina kuzara wekambani [ungano] yeZvapupu zvaJehovha uye anofanira kuratidza mudzimu waShe.”

Pashure pacho, vatungamiriri veSosaiti vaizovhoterwa nevanhu vakanga vakazvipira zvakazara kuna Jehovha, pasinei zvapo nemari yavaipa kufambisira mberi basa roUmambo. Izvi zvakaratidza kuva zvaienderana nokunatsiridza kunofambira mberi kwakafanotaurwa pana Isaya 60:17, patinoverenga kuti: “Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yamatanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, nokururama kuve vabati vako.” Huchitaura nezve‘vatariri’ uye “vabati,” uprofita uhwu hwakaratidza kunatsiridza mumafambisirwe ezvinhu zvesangano pakati pevanhu vaJehovha.

Iri danho rinokosha mukuita kuti sangano rienderane nokuronga kwaMwari rakauya pakupera kwe“madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu,” anotaurwa pana Dhanieri 8:14. Panguva iyoyo, “nzvimbo tsvene” ‘yakanatswa.’

Zvisinei, pashure pomusangano wegore negore unokosha muna 1944, mubvunzo unokosha wakaramba uripo. Sezvo Dare Rinodzora raiumbwa nenhengo nomwe dzeboka revatungamiriri vesangano rePennsylvania, izvi zvaireva here kuti Dare Rinodzora raisazombofa rakaumbwa nevaKristu vakazodzwa vanopfuura vanomwe? Uyezve, sezvo vatungamiriri vacho vachisarudzwa nenhengo dzesangano, nhengo dzesangano racho dzakanga dzichisarudza nhengo dzeDare Rinodzora pamusangano wegore negore gore rimwe nerimwe here? Vatungamiriri nevakuru vakuru veWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania nenhengo dzeDare Rinodzora vanhu vamwe chetevo here, kana kuti vakasiyana?

Mumwe Musangano Wegore Negore Usingakanganwiki

Mibvunzo iyi yakapindurwa pamusangano wegore negore wakaitwa musi waOctober 1, 1971. Pachiitiko ichocho, mumwe wevakurukuri akaratidza kuti dare rinodzora ro“muranda akatendeka, akangwara” rakatangira Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania nemazana emakore. (Mateu 24:45-47) Dare rinodzora rakaumbwa paPendekosti ya33 C.E., anopfuura mazana emakore 18 sangano rePennsylvania risati ravapo. Pakutanga, dare rinodzora raiumbwa, kwete nevarume 7, asi nevaapostora 12. Zviri pachena kuti nhamba yaro yakawedzerwa gare gare, nokuti ‘vaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema’ vakanga vachitungamirira.—Mabasa 15:2.

Muna 1971 mukurukuri mumwe chete iyeye akatsanangura kuti nhengo dzeWatch Tower Society dzakanga dzisingakwanisi kusarudza nhengo dzeDare Rinodzora rakazodzwa. Nei? “Nokuti,” akadaro, “dare rinodzora reboka ro‘muranda’ harigadzwi nomunhu upi noupi. Rinogadzwa . . . naJesu Kristu, Musoro weungano yechiKristu yechokwadi uye Ishe naTenzi weboka ‘romuranda akatendeka, akangwara.’” Zvakajeka kuti nhengo dzeDare Rinodzora hadzigoni kuvhoterwa nenhengo dzesangano ripi neripi repamutemo.

Achipfuurira, mukurukuri wacho akataura aya mashoko anokosha: “Dare Rinodzora harina vakuru vakuru sezvakaita Boka reVatungamiriri veSosaiti, kureva kuti, purezidhendi, mutevedzeri wapurezidhendi, munyori nomubati wehomwe uye mubatsiri womunyori nomubati wehomwe. Rinongova nasachigaro.” Kwemakore akawanda, purezidhendi wesangano rePennsylvania akanga ariye nhengo yaiva pamberi yeDare Rinodzora. Izvi zvaisazoramba zvakadaro. Nepo dzisina kuenzana paruzivo kana kuti mano, nhengo dzeDare Rinodzora dzaizova dzakaenzana pamitoro. Mukurukuri wacho akawedzera kuti: “Chero nhengo yedare rinodzora inogona kuva sachigaro waro pasina kuva purezidhendi . . . weSosaiti panguva imwe chete. . . . Zvose zvinotsamira pagadziriro yokuchinjana kuva sachigaro mudare rinodzora.”

Pamusangano wegore negore iwoyo usingakanganwiki muna 1971, mutsauko uri pakati penhengo dzakazodzwa nomudzimu dzeDare Rinodzora nevatungamiriri vesangano rePennsylvania wakaratidzwa zvakajeka. Kunyange zvakadaro, nhengo dzeDare Rinodzora dzakaramba dzichishanda sevatungamiriri nevakuru vakuru veSosaiti. Zvisinei, nhasi mubvunzo unomuka wokuti: Pane chikonzero chipi nechipi chiri muMagwaro nei vatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania vachifanira kuva nhengo dzeDare Rinodzora here?

Mhinduro ndiaiwa. Sangano rePennsylvania harisiro roga sangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Kune mamwe. Rimwe racho iWatchtower Bible and Tract Society of New York, Incorporated. Rinoita kuti basa redu rive nyore muUnited States. Zvakajeka kuti chikomborero chaJehovha chave chiri pasangano iroro, kunyange zvazvo vatungamiriri nevakuru vakuru varo vave vari zvikurukuru ve“mamwe makwai.” International Bible Students Association inoshandiswa muBritain. Mamwe masangano epamutemo ari kushandiswa kufambisira mberi zvinodiwa noUmambo mudzimwe nyika. Ose zvawo anobatsira akabatana uye ane basa raanoitawo mukuita kuti mashoko akanaka aparidzwe pasi pose. Pasinei nokuti ari kupi kana kuti ndivanaani vanoshanda sevatungamiriri kana kuti vakuru vakuru, masangano aya anotungamirirwa naMwari uye anoshandiswa neDare Rinodzora. Nokudaro, masangano akadai ane mabasa aakapiwa okuita mukufambisira mberi basa roUmambo.

Zvinobatsira kwatiri kuva nemasangano epamutemo. Nokudaro tinoita maererano nemitemo yomunharaunda uye yenyika, sezvinodiwa neShoko raMwari. (Jeremia 32:11; VaRoma 13:1) Masangano epamutemo anoita kuti basa redu rokuparidza mashoko oUmambo rive nyore nokudhinda maBhaibheri, mabhuku, magazini, mabhurocha, nezvimwe zvinhu. Masangano akadai anoshandawo semasangano epamutemo kuti abate nhau dzine chokuita nekodzero yokuva varidzi vezvinhu, mabasa okuyamura, makondirakiti okushandisa zvinhu zvekokorodzano, nezvimwewo. Tinoonga zvikuru mabasa emasangano epamutemo akadai.

Zita raJehovha Pamberi

Muna 1944, Article II yebumbiro remitemo reWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania yakagadziriswa kusimbisa zvinangwa zvesangano iri. Maererano nebumbiro racho, zvinangwa zveSosaiti yacho zvinosanganisira chinangwa chikuru ichi: “Kuparidza mashoko akanaka oumambo hwaMwari hunodzorwa naKristu Jesu kumarudzi ose souchapupu kuzita, shoko noukuru zvaMwari Wemasimba Ose JEHOVHA.”

Kubvira muna 1926 ‘muranda akatendeka’ akaisa zita raJehovha pamberi. Gore rimwe rinokosha zvikuru raiva ra1931 apo Vadzidzi veBhaibheri vakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10-12) Mabhuku eSosaiti akasimbisa zita raMwari anosanganisira anonzi Jehovah (1934), “Let Your Name Be Sanctified” (1961), uye “The Nations Shall Know That I Am Jehovah”—How? (1971).

Kutaura chaiko kunofanira kuitwa nezveNew World Translation of the Holy Scriptures, yakabudiswa yose muchiRungu muna 1960. Ine zita raJehovha munzvimbo yose inowanikwa Tetragrammaton muMagwaro echiHebheru. Shanduro iyi ine zita raMwari munzvimbo 237 muMagwaro echiKristu echiGiriki umo kunyatsoongorora kwakaratidza kuti izvi zvaikodzera. Tinoonga sei kuti, munzira dzakasiyana-siyana, Jehovha akabvumira “muranda” neDare rake Rinodzora kushandisa zvinhu zvokubudisa mabhuku zvaanazvo uye masangano epamutemo mukuita kuti zita rake rizivikanwe pasi pose!

Kuparadzirwa kweShoko raMwari Kunosimudzirwa

Vanhu vaJehovha vakaramba vachipupurira nezvezita rake uye vakasimudzira Shoko rake nokubudisa uye kuparadzira mamiriyoni emabhuku anotsanangura Bhaibheri neBhaibheri pacharo. Mukutanga kwema1900, Watch Tower Society yakava nekodzero dzokubudisa Emphatic Diaglott, chinyorwa chaBenjamin Wilson cheGreek-English interlinear yeMagwaro echiKristu echiGiriki. Sosaiti yakabudisa King James Version yeVadzidzi veBhaibheri, yaisanganisira mapeji 500 ane mashoko okuwedzera. Muna 1942 yakabudisa King James Version ine zviratidzo mumucheto. Ipapo muna 1944 Sosaiti yakatanga kudhinda American Standard Version ya1901, iyo inoshandisa zita raMwari. Zita raJehovha rakanga riri chinhu chinokosha muThe Bible in Living English, rakashandurwa naStephen T. Byington, rakabudiswa neSosaiti muna 1972.

Masangano epamutemo anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha abatsira kudhinda nokuparadzira shanduro dzeBhaibheri dzose idzi. Zvisinei, chinonyanya kukosha, kwave kuri kushandira pamwe chaizvo pakati peWatch Tower Society neboka reZvapupu zvaJehovha zvakazodzwa zvinoumba Dare Rokushandura Bhaibheri reNyika Itsva. Tinofara kuti, rose kana kuti chikamu charo, kusvika nhasi makopi anopfuura 106 400 000 eshanduro iyi akadhindwa mumitauro 38. Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania isosaiti yeBhaibheri zvechokwadi!

‘Muranda akatendeka’ aka‘gadzwa pazvinhu zvose zvatenzi wake.’ Izvi zvinosanganisira zvivako zviri padzimbahwe muNew York State, kuU.S.A., nemapazi 110 ari kushanda iye zvino pasi pose. Nhengo dzeboka romuranda dzinoziva kuti dzichakumbirwa kuzvidavirira pamusoro penzira yavakashandisa nayo zvavakapiwa. (Mateu 25:14-30) Asi, izvi hazvidzivisi ‘muranda’ kubvumira vatariri vanokwanisa kubva pakati pe“mamwe makwai” kuti vaite mitoro yepamutemo uye yokutarisira yenguva dzose. Chaizvoizvo, izvi zvinobvumira nhengo dzeDare Rinodzora kupa nguva yakawanda “pakunyengetera nepaushumiri hweshoko.”—Mabasa 6:4.

Chero bedzi mamiriro ezvinhu munyika ino achiri kubvumira, Dare Rinodzora, richimiririra “muranda akatendeka, akangwara,” richashandisa masangano epamutemo. Aya anobatsira, asi haana kunyanya kukosha. Kana sangano repamutemo rikasabvumirwa nomurayiro wehurumende, basa rokuparidza richangoramba richienderera mberi. Kunyange zvino, munyika umo kurambidzwa kuri kushanda uye musina sangano repamutemo riri kushandiswa, shoko roUmambo riri kuziviswa, vadzidzi vari kuitwa, uye kuwedzera kwokutonga kunoitwa naMwari kunopfuurira. Izvi zviri kuitika nokuti Zvapupu zvaJehovha zvinodyara nokudiridza, uye ‘Mwari anoramba achiita kuti zvikure.’—1 VaKorinde 3:6, 7.

Sezvatinotarira nguva yemberi, tine chivimbo chokuti Jehovha achatarisira zvinodiwa zvomudzimu nezvokunyama zvevanhu vake. Iye noMwanakomana wake, Jesu Kristu, vacharamba vachipa nhungamiro inobva kudenga norutsigiro runodiwa kupedza basa rokuparidza Umambo. Chokwadi, zvipi kana zvipi zvatinoita sevashumiri vaMwari zvinoitwa ‘kwete nehondo, kana nesimba, asi nomudzimu waJehovha.’ (Zekaria 4:6) Naizvozvo tinonyengeterera kubatsira kwaMwari, tichiziva kuti musimba rinopiwa naJehovha, tichakwanisa kupedza basa raakatipa kuti tiite munguva ino yomugumo!