Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchifambirana Nesangano raJehovha

Ramba Uchifambirana Nesangano raJehovha

Ramba Uchifambirana Nesangano raJehovha

“Mwari worugare . . . ngaakushongedzei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake.”—VAHEBHERU 13:20, 21.

1. Nhamba yose yevanhu vanogara pasi pose chii, uye vangani vanoverengwa senhengo dzezvimwe zvitendero?

MUGORE ra1999, vanhu vanogara pasi pose vakasvika mabhiriyoni matanhatu! Bhuku rinonzi The World Almanac rinoratidza kuti panhamba iyi 1 165 000 000 vaMuslim; 1 030 000 000 vaRoma Katurike; 762 000 000 vaHindu; 354 000 000 vaBuddha; 316 000 000 vaPurotesitendi; uye 214 000 000 vaOrthodox.

2. Chii chinogona kutaurwa nezvemamiriro ezvinhu echitendero aripo nhasi?

2 Tichitarira kupesana nokuvhiringidzika kwechitendero kuripo nhasi, mamiriyoni ose aya angadaro ari kuita zvinoenderana nokuda kwaMwari here? Aiwa, “nokuti Mwari ndiMwari, kwete wenyongano, asi worugare.” (1 VaKorinde 14:33) Kune rimwe divi, zvakadini nesangano rose rehama revashumiri vaJehovha? (1 Petro 2:17) Kunyatsoongorora kunoratidza kuti ‘Mwari worugare anovashongedza nezvinhu zvose zvakanaka kuti vaite kuda kwake.’—VaHebheru 13:20, 21.

3. Chii chakaitika muJerusarema paPendekosti ya33 C.E., uye nei?

3 Chokwadi, kuwanda kwaavo vanosonganirana neZvapupu zvaJehovha hakusi nzira yokuziva nayo kana vachidiwa naMwari; uye nhamba haimufadzi. Haana kusarudza vaIsraeri nemhaka yokuti vakanga ‘vakapfuura vamwe vanhu nokuwanda.’ Chokwadi ndechokuti, vakanga vari “vashoma.” (Dheuteronomio 7:7) Asi nokuti Israeri akaratidza kusatendeka, paPendekosti ya33 C.E., Jehovha akachinjira nyasha dzake kuungano itsva yakanga yakaumbwa nevateveri vaJesu Kristu. Vakazodzwa nomudzimu mutsvene waJehovha uye vakazivisa vamwe chokwadi pamusoro paMwari naKristu nokushingaira.—Mabasa 2:41, 42.

Kuramba Richifambira Mberi

4. Nei ungataura kuti ungano yechiKristu yepakuvamba yairamba ichifambira mberi?

4 Muzana remakore rokutanga, ungano yechiKristu yairamba ichifambira mberi, ichizarura ndima itsva, ichiita vadzidzi, nokunzwisisa kwazvo zvinangwa zvaMwari. VaKristu vepakuvamba vakaramba vachifambirana nechiedza chomudzimu chaipiwa nomutsamba dzakafuridzirwa naMwari. Vakurudzirwa nokushanya kwevaapostora nevamwe, vakaita ushumiri hwavo. Izvi zvakanyatsonyorwa muMagwaro echiKristu echiGiriki.—Mabasa 10:21, 22; 13:46, 47; 2 Timoti 1:13; 4:5; VaHebheru 6:1-3; 2 Petro 3:17, 18.

5. Nei sangano raMwari riri kufambira mberi nhasi, uye nei tichifanira kuramba tichifambirana naro?

5 Kufanana nevaKristu vepakuvamba, Zvapupu zvaJehovha zvemazuva ano zvakakura kubva pamavambo maduku. (Zekaria 4:8-10) Kubvira mukupera kwezana remakore rechi19, pave pane uchapupu hwakajeka hwokuti mudzimu waMwari uri pasangano rake. Nokuti takavimba, kwete nesimba romunhu, asi nenhungamiro yomudzimu mutsvene, takaramba tichifambira mberi mukunzwisisa kwedu Magwaro nomukuita kuda kwaMwari. (Zekaria 4:6) Zvino zvatava mu“mazuva okupedzisira,” zvinokosha kuti tirambe tichifambirana nesangano raJehovha rinofambira mberi. (2 Timoti 3:1-5) Kuita kudaro kunoita kuti tikwanise kuchengeta tariro yedu iri mhenyu uye kuti tipupurirewo nezvoUmambo hwaMwari hwakagadzwa mugumo wokupedzisira usati waparadza gadziriro iripo yezvinhu.—Mateu 24:3-14.

6, 7. Tichakurukura nharaunda dzipi nhatu umo sangano raJehovha rafambira mberi?

6 Pakati pedu pane vaya vakatanga kusonganirana nesangano raJehovha muma1920, ma1930, nema1940. Mumakore iwayo epakuvamba, ndiani wedu angadai akafungidzira kukura kunoshamisa uye kufambira mberi kwesangano kusvikira kuzuva rino? Funga nezvezvinhu zvinokosha zvakaitwa munhau yedu yemazuva ano! Zvechokwadi, zvinopa mubayiro mumudzimu kufunga nezvezvakaitwa naJehovha achishandisa vanhu vake vakarongwa maererano nokutonga kwake.

7 Dhavhidhi wekare akaororwa kwazvo paakafungisisa mabasa anoshamisa aJehovha. “Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva,” akadaro, “hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.” (Pisarema 40:5) Tinowana matinokundikanawo kudaro, kusakwanisa kutsanangura mabasa mazhinji uye anofanira kurumbidzwa aJehovha muzuva redu. Kunyange zvakadaro, ngatikurukurei nharaunda nhatu umo sangano raJehovha rafambira mberi: (1) chiedza chinowedzera chomudzimu, (2) ushumiri hwakavandudzwa nohwakawedzerwa, uye (3) kugadziridza kunoenderana nenguva mumafambisirwe ezvinhu zvesangano.

Kuonga Chiedza Chomudzimu

8. Maererano naZvirevo 4:18, kujekesa kwomudzimu kwakaita kuti tinzwisisei pamusoro poUmambo?

8 Tichitaura nezvokujekesa kwomudzimu kunofambira mberi, Zvirevo 4:18 yakaratidza kuva yechokwadi. Inoti: “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.” Tinoonga zvakadini kujekesa kwomudzimu kunofambira mberi kwatakava nakwo! Pakokorodzano yokuCedar Point, Ohio, muna 1919, Umambo hwaMwari hwakanyanyotaurwa nezvahwo. Jehovha anoshandisa Umambo kutsvenesa zita rake nokureverera uchangamire hwake. Kutaura zvazviri, kujekesa kwomudzimu kwakaita kuti tinzwisise kuti kubvira muna Genesi kusvikira muna Zvakazarurwa, Bhaibheri rinopupurira chinangwa chaJehovha chokutsvenesa zita rake achishandisa Umambo hunotongwa noMwanakomana wake. Maari mune tariro huru yevose vanoda kururama.—Mateu 12:18, 21.

9, 10. Muma1920, chii chakazivikanwa nezvoUmambo uye nezvemasangano maviri ari kurwisana, uye izvi zvave zvichibatsira sei?

9 Pakokorodzano yokuCedar Point muna 1922, mukurukuri mukuru, J. F. Rutherford, akakurudzira vanhu vaMwari kuti “zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Munyaya yaiva nomusoro unoti “Kuberekwa Kworudzi,” yakabudiswa muNharireyomurindi yechiRungu yaMarch 1, 1925, uprofita hwakanga hwataura nezvokugadzwa kwoUmambo hwaMwari muna 1914 hwakaitwa kuti hunzwisiswe mumudzimu. Muma1920 zvakanzwisiswawo kuti kune masangano maviri anorwisana—raJehovha neraSatani. Kurwisana kwawo kuri kuenderera mberi, uye tichava kudivi richakunda chete kana tikaramba tichifambirana nesangano raJehovha.

10 Kujekesa kwomudzimu kwakadai kwakatibatsira sei? Sezvo Umambo hwaMwari naMambo Jesu Kristu zvisiri zvenyika, isuwo hatigoni kuva vayo. Nokuramba takaparadzana nenyika, tinoratidza kuti tiri kudivi rechokwadi. (Johani 17:16; 18:37) Patinoona zvinetso zvakaoma zvinotambudza gadziriro ino yakaipa, tinoonga sei kuti hatisi vesangano raSatani! Uye takaitirwa nyasha zvakadini nokuti takadzivirirwa mumudzimu musangano raJehovha!

11. Izita ripi riri muMagwaro rakagamuchirwa nevanhu vaMwari muna 1931?

11 Pakokorodzano yokuColumbus, Ohio, muna 1931, Isaya 43:10-12 yakashandiswa zvakakodzera. Vadzidzi veBhaibheri vakagamuchira zita rinovasiyanisa nevamwe rokuti Zvapupu zvaJehovha. Iropafadzo yakakura zvakadini kuita kuti zita raMwari rizivikanwe kuitira kuti vamwe vadane pariri kuti vaponeswe!—Pisarema 83:18; VaRoma 10:13.

12. Kujekesa kupi kwomudzimu kwakaitwa pamusoro peboka guru revanhu muna 1935?

12 Ma1930 asati asvika, vakawanda vevanhu vaMwari vakanga vasina chokwadi netariro yavo youpenyu hwomunguva yemberi. Vamwe vaiva nepfungwa dzoupenyu hwokudenga asi vaifadzwa nedzidziso yeBhaibheri nezvepasi riri paradhiso. Pakokorodzano yokuWashington, D.C., muna 1935, zvaifadza kuziva kuti vakawanda zvikuru, kana kuti boka guru revanhu, raZvakazarurwa chitsauko 7 iboka rine tariro yepasi. Kubvira ipapo, kuunganidzwa kweboka guru revanhu kwafambira mberi nokukurumidza zvikuru. Hationgi here kuti kuzivikanwa kweboka guru revanhu hakuna kuvanzika kwatiri? Chokwadi chokuunganidzwa kwevanhu vakawanda vanobva mumarudzi ose, madzinza, nendimi chinoita kuti tikurumidze kufamba sezvatinoramba tichifambirana nesangano raJehovha.

13. Inhau ipi huru yakataurwa nezvayo pakokorodzano yokuSt. Louis muna 1941?

13 Nhau huru inofanira kunetsa nzanga yevanhu yakataurwa nezvayo pakokorodzano yokuSt. Louis, Missouri, muna 1941. Kudzora kana kuti uchangamire hwomunyika yose. Iyi ndiyo nhau inofanira kugadziriswa nokukurumidza, uye zuva guru nerinotyisa rokuti izvozvo zviitike riri kuuya richikurumidza! Chakanyanya kutaurwawo nezvacho muna 1941 inhau yakafanana neiyoyo yokutendeseka, inotibvumira kuratidza patakamira somunhu oga panhau youchangamire hwaMwari.

14. Pakokorodzano yemarudzi akawanda muna 1950, chii chakazivikanwa nezvemachinda anotaurwa pana Isaya 32:1, 2?

14 Pakokorodzano yemarudzi akawanda yomuna 1950 kuNew York City, machinda aIsaya 32:1, 2 akataurwa zvakajeka kuti ndivanaani. Yaiva nguva inofadza apo Hama Frederick Franz vakakurukura nhau yacho ndokutsanangura kuti machinda epasi idzva aiva pakati pedu. Pakokorodzano iyoyo uye pane dzimwe dzakazotevera, pave pane kupenya kunoverengeka kwechiedza chomudzimu. (Pisarema 97:11) Tinoonga sei kuti gwara redu “rakaita sechiedza chinoramba chichiwedzera kubwinya”!

Kufambira Mberi Muushumiri Hwedu

15, 16. (a) Takafambira mberi sei muushumiri hwedu muma1920 nomuma1930? (b) Mabhuku api akatsigira ushumiri hwechiKristu mumakumi emakore achangopfuura?

15 Nzira yechipiri iyo sangano raJehovha rafambira mberi nayo ine chokuita nebasa redu guru—kuparidza Umambo nokuita vadzidzi. (Mateu 28:19, 20; Mako 13:10) Kuti tiite basa iri, sangano rakaita kuti tirambe tichiona kukosha kwokuwedzera ushumiri hwedu. Muna 1922 vaKristu vose vakakurudzirwa kuitawo basa rokuparidza. Zvaiva kune mumwe nomumwe kuita kuti chiedza chake chipenye nokudaro oshandawo iye pachake mukupupurira chokwadi. (Mateu 5:14-16) Muna 1927, matanho akatorwa okutsaura musi weSvondo kuva zuva rebasa romumunda. Kutanga muna February 1940, zvakatanga kujairwa kuona Zvapupu zviri mumigwagwa munharaunda dzebhizimisi zvichigovera Nharireyomurindi neConsolation (yava kunzi Mukai!).

16 Mugore ra1937 kwakabudiswa kabhuku kanonzi Model Study, kaisimbisa kudiwa kwokudzokerazve kuitira kudzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri. Mumakore akazotevera, basa rezvidzidzo zveBhaibheri rakasimbiswa zvikuru. Urwu rudzi rwoushumiri rwakatsigirwa nokubudiswa kwebhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wazvokwadi” muna 1946 uye Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi muna 1968. Panguva ino, tinoshandisa bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Zvinotaura mabhuku aya zvinovaka nheyo yakasimba yomuMagwaro yokuita vadzidzi.

Kufambira Mberi Nokunatsiridza Kwesangano

17. Kuita maererano naIsaya 60:17, sangano raJehovha rafambira mberi sei?

17 Nzira yechitatu iyo sangano raJehovha rafambira mberi nayo ine chokuita nokunatsiridza kwesangano. Maererano naIsaya 60:17, Jehovha akapikira kuti: “Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yamatanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, nokururama kuve vabati vako.” Kuita maererano nouprofita uhwu, matanho akatorwa kuvandudza kutarisirwa kwebasa rokuparidza Umambo uye kufudzwa kweboka.

18, 19. Kunatsiridza kupi kwesangano kwave kuchiitwa mumakore ose aya?

18 Muna 1919 mutarisiri webasa akagadzwa muungano imwe neimwe yakakumbira kurongwa nokuda kwebasa romumunda. Izvi zvakasimbisa ushumiri hwedu mumunda. Kusarudzwa kwevakuru nevadhikoni kwakamiswa muna 1932, zvichiratidza kurega kwedu nzira dzinodiwa nevanhu. Chimwe chinhu chinokosha chakaitwa muna 1938 apo vashumiri vose muungano vakatanga kugadzwa zvinonyatsopindirana negadziriro dzokugadza kunoitwa naMwari dzaiva muungano yechiKristu yepakuvamba. (Mabasa 14:23; 1 Timoti 4:14) Muna 1972 vatariri nevashumiri vanoshumira vakagadzwa kuti vashumire, sezvakaita varume vakadaro pavaKristu vepakuvamba. Panzvimbo pokungova nomurume mumwe anoshumira somutariri weungano, VaFiripi 1:1 nemamwe magwaro anoratidza kuti avo vane zvinodiwa neMagwaro zvokuva vatariri vanoumba dare revakuru.—Mabasa 20:28; VaEfeso 4:11, 12.

19 Muna 1975 imwe gadziriro yakatanga kushanda yokuti matare eDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha atarisire mabasa omunyika yose esangano raMwari. Matare Emapazi akagadzwa kuti atarisire basa mundima dzawo. Kubvira ipapo, zvave zvichirongwa kuti basa padzimbahwe nomumapazi eWatch Tower Society rirerutswe kuitira kuva “nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaFiripi 1:9, 10) Mabasa anoitwa nevafudzi vaduku vaKristu anosanganisira kutungamirira mubasa rokuparidza evhangeri, kudzidzisa muungano, nokufudza zvakanaka boka raMwari.—1 Timoti 4:16; VaHebheru 13:7, 17; 1 Petro 5:2, 3.

Kutungamirira kwaJesu Kwokushingairira

20. Kuramba tichifambirana nesangano raJehovha kunoda kuti tizivei nezvenzvimbo yaJesu?

20 Kuramba tichifambirana nesangano raJehovha rinofambira mberi kunoda kuti tizive basa raJesu Kristu raakapiwa naMwari so“musoro weungano.” (VaEfeso 5:22, 23) Panokoshawo ndepana Isaya 55:4, patinoudzwa kuti: “Tarirai, [ini Jehovha] ndakamuita chapupu kumarudzi avanhu, ave mutungamiriri nomubati wamarudzi.” Jesu anoziva chaizvo nzira yokutungamirira nayo. Anozivawo makwai ake nezviito zvawo. Chaizvoizvo, paakaongorora ungano nomwe dzaiva muAsia Minor, akataura kashanu mashoko okuti: “Ndinoziva zviito zvako.” (Zvakazarurwa 2:2, 19; 3:1, 8, 15) Jesu anozivawo zvatinoda, sezvinoita Baba vake, Jehovha. Asati apa Munyengetero Womuenzaniso, Jesu akati: “Mwari Baba venyu vanoziva kuti zvinhu zvipi zvamunoda musati mambovakumbira.”—Mateu 6:8-13.

21. Kutungamirira kwaJesu kunoratidzwa sei muungano yechiKristu?

21 Kutungamirira kwaJesu kunoratidzwa sei? Imwe nzira ndeyevatariri vechiKristu, “zvipo zviri varume.” (VaEfeso 4:8) Zvakazarurwa 1:16 inoratidza vatariri vakazodzwa sevari muruoko rworudyi rwaKristu, vachidzorwa naye. Nhasi, Jesu anotungamirira gadziriro yevakuru, pasinei nokuti varume vakadaro vane tariro yokudenga kana kuti tariro yepasi. Sezvatsanangurwa munyaya yatangira ino, vanogadzwa nomudzimu mutsvene maererano nezvinodiwa neMagwaro. (1 Timoti 3:1-7; Tito 1:5-9) Muzana remakore rokutanga, boka revarume vakuru muJerusarema rakaumba dare rinodzora raitarisira ungano uye basa rose zvaro rokuparidza Umambo. Muenzaniso wakadaro unoteverwa musangano raJehovha nhasi.

Ramba Uchifambirana Naro!

22. Ruyamuro rwupi rwunopiwa neDare Rinodzora?

22 Zvinodiwa noUmambo pasi pano zvakapiwa ku“muranda akatendeka, akangwara,” anomirirwa neDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. (Mateu 24:45-47) Dare Rinodzora rine hanya zvikurukuru nokupa mirayiridzo nenhungamiro yomudzimu kuungano yechiKristu. (Mabasa 6:1-6) Zvisinei, apo vavanonamata navo vanowirwa nenhamo dzinongoitika dzoga, Dare Rinodzora rinokumbira sangano repamutemo rimwe kana kupfuura kuti ape ruyamuro nokugadzirisa kana kuti kuvakazve dzimba neHoro dzoUmambo dzinenge dzadhirika. Kana vamwe vaKristu vakabatwa zvisina kunaka kana kuti kutambudzwa, matanho anotorwa kuti vabatsirwe kuramba vakasimba mumudzimu. Uye “mumwaka unotambudza,” zvose zvinobvira zvinoitwa kuti basa rokuparidza rirambe richifambira mberi.—2 Timoti 4:1, 2.

23, 24. Zvisinei nokuti chii chingauya pavanhu vake, Jehovha anopa chii nguva dzose, uye tinofanira kutsunga kuitei?

23 Zvisinei nokuti chii chingauya pavanhu vake, nguva dzose Jehovha anopa zvokudya zvomudzimu nenhungamiro inodiwa. Mwari anopawo uchenjeri nokunzwisisa kuhama dzine mitoro kuti dzigadzirire kumwe kufambira mberi nokunatsiridza musangano raMwari. (Dheuteronomio 34:9; VaEfeso 1:16, 17) Jehovha haambokundikani kupa zvatinoda kuti tizadzikise basa redu rokuita vadzidzi uye kuita ushumiri hwedu munyika yose.—2 Timoti 4:5.

24 Tine chivimbo chakazara chokuti Jehovha haazombosiyi vanhu vake vakatendeka; achavaponesa no“mukutambudzika kukuru” kuri kuuya. (Zvakazarurwa 7:9-14; Pisarema 94:14; 2 Petro 2:9) Tine chikonzero chose chokuchengeta chivimbo chataiva nacho pakutanga kusvika kumugumo. (VaHebheru 3:14) Naizvozvo, ngatitsungei kuramba tichifambirana nesangano raJehovha.

Ungapindura Sei?

• Chikonzero nei tichigona kutaura kuti sangano raJehovha rinoramba richifambira mberi?

• Uchapupu hupi huripo hwokuti vanhu vaMwari vanofadzwa nokujekesa kwomudzimu kunofambira mberi?

• Pakava nokufambira mberi sei muushumiri hwechiKristu?

• Kugadziridza kupi kunofambirana nenguva kwakaitwa mumafambisirwe ezvinhu zvesangano pakati pevashumiri vaJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

SaDhavhidhi, hatigoni kutsanangura mabasa ose anoshamisa aJehovha

[Mufananidzo uri papeji 18]

Boka raMwari rabatsirwa nokugadziridza kunofambirana nenguva muzvinhu zvesangano