Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vaiti Veshoko raMwari Vanowana Mufaro

Vaiti Veshoko raMwari Vanowana Mufaro

Vaiti Veshoko raMwari Vanowana Mufaro

“Tinoona kokorodzano ino seimwe yezvinhu zvatinopiwa naJehovha kuti atigadzirire rimwe basa roUmambo,” akadaro mumwe mukurukuri mukutanga kweKokorodzano Yoruwa ye“Vaiti veShoko raMwari” yeZvapupu zvaJehovha. Akapfuurira achiti: “Tazvigadzirira kuti tirayiridzwe nezvoupenyu hwemhuri hunofadza, kuti tikurudzirwe kuramba tiri pedyo nesangano raJehovha, kuti tikurudzirwe kuramba tichishingairira basa roUmambo, uye kuti tiyeuchidzwe kudiwa kwokuramba takarinda.”

KUBVIRA mukupera kwaMay 2000, mamiriyoni evaiti veshoko raMwari neshamwari dzavo akaungana munzvimbo dzinosvika zviuru kupota pasi kuti agamuchire dzidzo yeBhaibheri inokosha. Chii chaakadzidza pakokorodzano yacho yemazuva matatu?

Zuva Rokutanga—Kusakanganwa Zvakaitwa naJehovha

Muhurukuro yokutanga, sachigaro akakurudzira vateereri kuwana zvikomborero zvinobva mukunamata Jehovha takabatana pakokorodzano. Vose vakanga varipo vakavimbiswa kuti kutenda kwavo kwaizowedzera uye kuti ukama hwavo voga naJehovha hwaizosimbiswa.

“Mwari anofara” anoziva zvatinoda kuti tifare somunhu oga. (1 Timoti 1:11) Nokudaro, Hurukuro yaiti “Kuita Zvinodiwa naMwari Kunounza Mufaro” yakasimbisa kuti Shoko raJehovha, Bhaibheri, rinoratidza nzira yakanakisisa yokurarama. (Johani 13:17) Kubvunzurudzwa kunoverengeka kwevave vari Zvapupu zvaJehovha kwenguva yakareba kwakaratidza kuti kuita kuda kwaMwari mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana kunoita sei kuti upenyu hwedu huwedzere kuva nezvahunoreva. Hurukuro yaitevera yaiti, “Penyai Norunako rwaJehovha,” yakasimbisa kuti, sa“vatevedzeri vaMwari,” vaKristu vanoda kubereka “kunaka kworudzi rwose” muupenyu hwavo. (VaEfeso 5:1, 9) Imwe nzira huru yokuita izvi kuparidza mashoko akanaka nokuita vadzidzi.—Pisarema 145:7.

Hurukuro yaiti “Ramba Wakatsiga Sounoona Uyo Asingaoneki” yakaratidza kuti kutenda kwakasimba kunotibatsira sei ku“ona” Mwari asingaoneki. Mukurukuri wacho akarondedzera nzira iyo vanhu vanoda zvinhu zvomudzimu vanoziva nayo unhu hwaMwari, kusanganisira kukwanisa kwake kuziva kunyange zvatinofunga. (Zvirevo 5:21) Vakabvunzurudzwa vakarondedzera nhano dzavakatora kuitira kuti vakudziridze kutenda kwakasimba uye kuisa zvinodiwa zvomudzimu pakutanga muupenyu hwavo.

Purogiramu yemangwanani yakaguma nehurukuro inokosha yaiti, “Rumbidza Jehovha—Muiti Wezvinhu Zvinoshamisa.” Yakabatsira vateereri kuziva kuti patinodzidza zvakawanda nezvaJehovha, ndipo patinowanawo zvikonzero zvakawanda zvokumurumbidza soMuiti wezvinhu zvinoshamisa. Mukurukuri wacho akati: “Sezvatinofungisisa mabasa aMwari okusika anoshamisa pamwe nezvimwe zvinhu zvose zvinoshamisa zvaari kutiitira iye zvino, kuonga kunobva pamwoyo kunoita kuti timurumbidze. Sezvatinofungisisa zvinhu zvinoshamisa zvaakaitira vanhu vake munguva yakapfuura, tinoda kumurumbidza. Uye sezvatinofungisisa zvipikirwa zvezvinhu zvinoshamisa zvichaitwa naJehovha, tinotsvakawo nzira dzokuratidza nadzo kuonga.”

Purogiramu yemasikati yakatanga nehurukuro yaiti, “Musarega Kuita Zvakanaka Kwazvo,” iyo yakayeuchidza vose vaiva muvateereri kuti zvinetso zvenyika ino zvinosimbisa kuti mugumo wava pedyo. (2 Timoti 3:1) Zvisinei, nokusarega, tinogona kuratidza kuti tiri “vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.”—VaHebheru 10:39.

Izanoi reBhaibheri rakapiwa maererano noupenyu hwemhuri? Hurukuro yokusiyirana yokutanga yekokorodzano yacho yaiti—“Teerera Shoko raMwari”—yakatanga nechikamu chaiti “Pakusarudza Wokuroorana Naye.” Kusarudza wokuroorana naye chimwe chezvisarudzo zvakaoma zvinoitwa nevanhu. Saka, vaKristu vanoda kumira kuroora kana kuti kuroorwa kusvikira vakura, uye vanofanira kuroorana “munaShe bedzi.” (1 VaKorinde 7:39) Chikamu chaitevera chehurukuro yokusiyirana yacho chakataura nezvechido chaJehovha chokuti mhuri dzose dzechiKristu dzibudirire sevanhu vakabatana vakasimba mumudzimu, uye chakaratidza nzira dzinoshanda dzazvinogona kuitwa nadzo. Chikamu chokupedzisira chakayeuchidza vabereki kuti kudzidzisa vana vavo kuda Mwari kunotanga nokumuda kwevabereki.

Pfungwa dzakapiwa muhurukuro yaiti “Chenjerera Runyerekupe Nemakuhwa” dzakabatsira vose kuona kuti nepo zvinhu zvinoshamisa zvichiitika, tinofanira kuita nokuchenjera, kwete kunyengedzwa, patinonzwa mishumo inoti shamisei. Zviri nani kuti vaKristu vataure nezvezvavanoziva kuti ichokwadi—mashoko akanaka oUmambo. Vakawanda vakawana hurukuro yaitevera yaiti, “Kurarama No‘munzwa Munyama,’” ichizorodza nokukurudzira. Yakavabatsira kuona kuti pasinei zvapo nemiedzo inoramba ichipfuurira yatingatarisana nayo, Jehovha anogona kutisimbisa achishandisa mudzimu mutsvene wake, Shoko rake, uye ukama hwedu hwechiKristu. Kurudziro yakakura yakawanwa pane zvakaitika kumuapostora Pauro pachake panhau iyi.—2 VaKorinde 12:7-10; VaFiripi 4:11, 13.

Zuva rokutanga rakaguma nehurukuro yaiti “Kuramba Uchifambirana Nesangano raJehovha.” Nharaunda nhatu umo sangano raMwari rafambira mberi zvikurukuru dzakakurukurwa: (1) kunzwisiswa kunowedzera kwechiedza chomudzimu chinobva kuna Jehovha, (2) ushumiri uhwo Mwari akatipa, uye (3) kugadziridza kunoenderana nenguva mumafambisirwe ezvinhu zvesangano. Ipapo mukurukuri wacho akataura nechivimbo kuti: “Tiri kufadzwa nezvatiri kutarisira zviri mberi.” Akabvunza kuti: “Pangava here nomubvunzo wokuti tine chikonzero chose chokuita kuti chivimbo chataiva nacho pakutanga chirambe chakasimba kusvikira kumugumo?” (VaHebheru 3:14) Mhinduro yacho yaiva pachena. Izvozvo zvakatungamirira kukubudiswa kwebhurocha idzva rine musoro unoti Unogona Kuva Shamwari yaMwari! Richashanda sechishandiso chine simba chokudzidzisa, kubatsira vanhu vasina kudzidza zvakanyanya kana vasinganyatsogona kuverenga kuti vadzidze nezvaJehovha.

Zuva Rechipiri—Ramba Uchitaura Nezvemabasa Anoshamisa aMwari

Pashure pokukurukurwa kworugwaro rwezuva, zuva rechipiri rekokorodzano rakapfuurira nehurukuro yokusiyirana yaiti “Vashumiri veShoko raMwari.” Chikamu chokutanga chakataura nezvokubudirira kwazvino uno kwebasa redu rokuparidza pasi pose. Zvisinei, kutsungirira kwedu mubasa iri, kunoshorwa nevakawanda, vanoramba mashoko oUmambo. Vave vari vaparidzi kwenguva yakareba vanoverengeka vakatsanangura kuti vakaramba sei vane mufaro muushumiri nokusimbisa pfungwa dzavo nomwoyo kuti vatarisane nokusava nehanya kana kuti kushorwa. Chikamu chechipiri chakayeuchidza vakokorodzani kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuenda kwose kwose kune vanhu, zvakarongwa kana kuti zvisina kurongwa. Uye chikamu chokupedzisira chakarondedzera nzira dzakawanda zvikuru idzo vaKristu vose vanogona kuwedzera nadzo ushumiri hwavo pachavo. Mukurukuri wacho akasimbisa kuti, kuitira kuti tiite izvi, tinofanira kuisa Umambo hwaMwari pakutanga, kunyange kana kuita kudaro kuchibatanidza kuomerwa nokuzviramba.—Mateu 6:19-21.

Sezvo tichirarama munyika yakazara nokusada Mwari isingagutsikani nokuda zvinhu zvokunyama, hurukuro yaiti “Kudziridza Kuzvipira Kuna Mwari Nokuzvitsigira Pachako” yakapiwa panguva yakakodzera. Achitora mamwe emashoko ake pana 1 Timoti 6:6-10, 18, 19, mukurukuri akaratidza kuti kuzvipira kuna Mwari kunobatsira sei vaKristu kudzivisa kuda mari, kunogona kuvatsausa zvoita kuti vave nokurwadziwa kwakawanda. Akasimbisa kuti chero zvakaita mamiriro edu ezvinhu ezvemari, mufaro unotsamira paukama hwedu naJehovha nokugara kwedu zvakanaka mumudzimu. Vakawanda vakabayiwa mwoyo zvikuru nepfungwa dzakapiwa muhurukuro yaiti “Kusanyadzisa Mwari.” Chokwadi chokuti Jehovha haambokanganwi Zvapupu zvake zvakatendeka chakasimbiswa. Muenzaniso usina vamwe waJesu Kristu—uyo “anogara akadaro zuro nanhasi, uye nokusingaperi”—uchabatsira vakawanda kuramba vachimhanya munhangemutange youpenyu nokutsungirira.—VaHebheru 13:8.

Yakagumisa purogiramu yemangwanani yaiva hurukuro yorubhabhatidzo—nguva dzose iri chinhu chinokosha pakuungana kukuru kweZvapupu zvaJehovha. Zvinofadza zvakadini kuona vachangobva kuzvitsaurira vachitevera tsoka dzaJesu nokubhabhatidzwa mumvura! (Mateu 3:13-17) Vose vakatora nhanho iyi vakanga vatoita zvakawanda sevaiti veshoko raMwari. Uyezve, pavanobhabhatidzwa vanova vashumiri vakagadzwa vemashoko akanaka, vachiwana mufaro mukuru pakuziva kuti vari kutsvenesawo zita raJehovha.—Zvirevo 27:11.

Zano rakananga rakapiwa muhurukuro yaiti “Kukura Mupfungwa Kunodiwa Kuti Ti“siyanis[e] Zvakanaka Nezvakaipa.”’ Zvinonzi nenyika ndizvo zvakanaka nezvakaipa hazvitombokodzeri zvachose. Naizvozvo tinofanira kuvimba nezvinodiwa naJehovha. (VaRoma 12:2) Vose vakakurudzirwa kushanda nesimba kuti vanzwisise zvakarurama nzira dzaMwari uye kuti vakure mupfungwa. Ipapo, nokushandiswa, masimba edu okunzwisisa acharovedzwa “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaHebheru 5:11-14.

Ipapo kwakauya hurukuro yokusiyirana yaiti “Shanda Nesimba Kuti Ukudziridze Kukura Mumudzimu.” VaKristu vechokwadi vanoziva kukosha kwokukudziridza kukura mumudzimu uye kuramba vachidaro. Izvi zvinosanganisira kushanda nesimba—kuverenga, kudzidza, uye kufungisisa. (Mateu 7:13, 14; Ruka 13:24) Vanhu vakakura mumudzimu vanoitawo ku“nyengetera kworudzi rwose nokuteterera.” (VaEfeso 6:18) Tinoziva kuti minyengetero yedu inoratidza kudzama kwakaita kutenda uye kuzvipira kwedu, kuti tiri vakuru mumudzimu zvakadini, uyewo zvatinoona se“zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaFiripi 1:10) Kukosha kwokukudziridza ukama hwakanaka, hworudo naJehovha sohuya hunova nemwana anoteerera nababa vane mutsa kwakasimbiswawo. Hatingovi nechitendero chete—kunyange kana chiri chechokwadi—asi tinoda kuvaka kutenda kwakasimba, ‘setinoona Mwari.’—VaHebheru 11:6, 27.

Nhau yokufambira mberi mumudzimu yakakurukurwazve muhurukuro yaiti “Ita Kuti Kufambira Mberi Kwako Kuonekwe.” Nharaunda nhatu dzokufambira mberi kwakadaro dzakakurukurwa: (1) Kuwedzera zivo, kunzwisisa, nouchenjeri, (2) kubereka zvibereko zvomudzimu waMwari, uye (3) kuita mabasa edu senhengo dzemhuri.

Pakupera kwehurukuro yokupedzisira yezuva racho yaiti, “Kufamba Muchiedza Chinoramba Chichijeka cheShoko raMwari,” vakokorodzani vakafara kugamuchira bhuku idzva rinonzi, Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I. Iri ndiro rokutanga remabhuku maviri anotsanangura bhuku reBhaibheri raIsaya chitsauko nechitsauko. “Bhuku raIsaya rine shoko kwatiri nhasi,” akadaro mukurukuri wacho. Akapfuurira achiti: “Hungu, huzhinji hwouprofita hwaro hwakazadzika kare mumazuva aIsaya. . . . Zvisinei, huzhinji hwouprofita hwaIsaya huri kuzadzika nhasi, uye humwe huchazadzika munyika itsva yaMwari yakapikirwa.”

Zuva Rechitatu—Ivai Vaiti veShoko raJehovha

Zuva rokupedzisira rekokorodzano rakatanga nokukurukurwa kworugwaro rwezuva. Ipapo kwakauya hurukuro yokusiyirana yaiti “Uprofita hwaZefania Hune Zvahunoreva Kune Vanoita Kuda kwaMwari.” Hurukuro nhatu dzokusiyirana idzi dzakaratidza kuti, sezvaakaita mumazuva evaJudha vakarasika, Jehovha achaunza kumanikidzwa paavo zvino vanoramba kuteerera nyevero yake. Nokuti vanotadzira Mwari, vachadzedzereka semapofu asingagoni kuzvibatsira, vasingakwanisi kununurwa. Zvisinei, vaKristu vechokwadi vanoramba vachitsvaka Jehovha nokutendeka, uye vachavanzwa pazuva rokutsamwa kwaMwari. Uyezve, vanova nezvikomborero zvakawanda kunyange zvino. Vakakomborerwa nomukana wokutaura “rurimi rwakachena” rwechokwadi cheBhaibheri. (Zefania 3:9) Mukurukuri wacho akati: “Kutaura rurimi rwakachena hakungosanganisiri chete kutenda chokwadi nokuchidzidzisa vamwe asiwo kuita kuti mufambiro wedu uwirirane nemitemo nenheyo dzaMwari.”

Vakokorodzani vakanga vakamirira nomwoyo wose mutambo waiti “Mienzaniso Yokutinyevera Muzuva Redu.” Uyu mutambo wevanhu vakapfeka nguo dzaipfekwa nevanhu vanotaurwa muBhaibheri wakaratidza kuti vaIsraeri vakarasikirwa sei noupenyu hwavo pamuganhu weNyika Yakapikirwa nokuti vakakanganwa Jehovha uye vakanyengerwa nevakadzi vechihedheni kuita ufeve nokunamata kwenhema. Mumwe wavatambi vakuru—Jamini—pakutanga akanga asisazivi kuti oita chipi, zvazvakanga zvati uku ari kutorwa mwoyo nevakadzi vechiMoabhi uku anoda kuzvipira kuna Jehovha. Kutaura kwenhema uye kufunga kwokunyengera kwaZimri aisada Mwari kwakaoneka zvakajeka, sezvakaita kutenda nokuzvipira kwaPinehasi. Ngozi yokushamwaridzana nevasingadi Jehovha yakaratidzwa zvakajeka.

Mutambo wakagadzirira pfungwa nokuda kwehurukuro yaiutevera yaiti, “Musava Vanzwi Vanokanganwa.” Kuongororwa kwa1 VaKorinde 10:1-10 kwakaratidza kuti Jehovha anoedza kuteerera kwedu kuti aone kukodzera kwedu kugamuchira nhaka munyika itsva. Kuvamwe, zvido zvenyama zvinotorera vavariro dzomudzimu nzvimbo kunyange zvino, pedyo nokupinda kwedu mugadziriro itsva. Vose vakakurudzirwa kusarasa mukana woku‘pinda muzororo raJehovha.’—VaHebheru 4:1.

Hurukuro yavose yaiva nomusoro waiti “Chikonzero nei Tichifanira Kufunga Nezvemabasa aMwari Anoshamisa.” “Mabasa anoshamisa” aJehovha anoratidza uchenjeri hwake nechiremera chake pane zvaakasika zvakatipoteredza. (Jobho 37:14) Mibvunzo mikukutu inoverengeka yaibva kuna Jehovha yakanga yakakwana kuita kuti Jobho anyatsonzwisisa simba roMusiki wemasimba ose. Jehovha achaitirawo vashumiri vake vakatendeka “mabasa anoshamisa” munguva yemberi. Mukurukuri wacho akagumisa achiti: “Tine chikonzero chokufunga nezvemabasa anoshamisa aJehovha—zvaakaita munguva yakapfuura, zvaari kuita makatipoteredza mune zvakasikwa nhasi, uye zvaanopikira kuita munguva pfupi iri kuuya.”

Pashure pepfupikiso yechidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki iyoyo, hurukuro yokupedzisira yekokorodzano yakapiwa. Yaiva nomusoro waiti “Koshesa Kwazvo Ropafadzo Yako Yokuva Muiti weShoko raMwari,” hurukuro inokurudzira iyi yakasimbisa kuti kukudzwa kuva vaiti veshoko raMwari. (Jakobho 1:22) Vateereri vakayeuchidzwa kuti ropafadzo yedu sevaiti veshoko raMwari yakasiyana nedzimwe, uye kuti kana tikaishandisawo kwenguva yakareba, tichaikoshesawo zvikuru kwazvo. Vose vaivapo vakakurudzirwa kuratidza kukurudzira kunobatsira kweiyi kokorodzano yoruwa muchido chavo chokuva vaiti veshoko raMwari kusvikira pamwero wakazara. Ndiyo chete nzira yokuva nayo nomufaro mukuru unobvira.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]

Unogona Kuva Shamwari yaMwari!

Musi weChishanu masikati bhurocha idzva rine musoro unoti Unogona Kuva Shamwari yaMwari! rakabudiswa. Pane kudiwa kukuru kwedzidzo yeBhaibheri iri nyore mumativi akawanda epasi, uye bhurocha iri richashandiswa kuzadzikisa chinodiwa ichocho. Richava chikomborero chikuru kuvanhu vasina kunyatsodzidza kana vasingagoni kunyatsoverenga.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 26]

Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose

Vakokorodzani vakafadzwa kuwana Bhuku rokutanga remabhuku maviri anonzi Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose. Mubhuku iri, kushanda kwouprofita hwaIsaya muzuva redu kwakanyanya kutaurwa nezvakwo.