Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vatariri Nevashumiri Vanoshumira Vanogadzwa naMwari

Vatariri Nevashumiri Vanoshumira Vanogadzwa naMwari

Vatariri Nevashumiri Vanoshumira Vanogadzwa naMwari

“Zvichenjererei imi neboka rose, iro mudzimu mutsvene wakakugadzai kuva vatariri pariri.”—MABASA 20:28.

1, 2. Isaya 60:22 iri kuzadzika sei?

JEHOVHA akafanotaura kare kare kuti chimwe chinhu chinoshamisa chaizoitika munguva yomugumo. Nokumuprofita Isaya, zvakanzi: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.”—Isaya 60:22.

2 Pane uchapupu hwokuti uprofita uhwu huri kuzadzika nhasi here? Hungu, zvechokwadi! Kuma1870, imwe ungano yevanhu vaJehovha yakaumbwa muAllegheny, Pennsylvania, U.S.A. Kubva pamavambo madiki akadaro, makumi ezviuru zveungano akanyuka uye ari kupfuurira munyika yose. Mamiriyoni evazivisi voUmambo—rudzi rune simba—zvino ari kusonganira neungano dzinopfuura 91 000 munyika 235 kupota pasi. Pasina mubvunzo, izvi zvinosimbisa kuti Jehovha ari kumhanyisa kuunganidzwa kwevanamati vechokwadi “kutambudzika kukuru,” zvino kwava pedyo zvikuru, kusati kwaitika.—Mateu 24:21; Zvakazarurwa 7:9-14.

3. Zvinorevei kubhabhatidzwa ‘muzita raBaba, neroMwanakomana, neromudzimu mutsvene’?

3 Azvitsaurira pachawo kuna Jehovha, uye maererano nemirayiridzo yaJesu, mamiriyoni aya akabhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mateu 28:19) Kubhabhatidzwa “muzita raBaba” kunoreva kuti vanhu vakazvitsaurira ava vanoziva kuti Jehovha ndiye Baba vavo vokudenga neAnopa Upenyu uye vanozviisa pasi pouchangamire hwake. Kubhabhatidzwa ‘muzita roMwanakomana’ kunoratidza kuti vanobvuma kuti Jesu Kristu ndiye Mudzikinuri, Mutungamiri, uye Mambo wavo. Vanozivawo basa romudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, mukutungamirira upenyu hwavo. Izvi zvinoratidza kuti vakabhabhatidzwa ‘muzita romudzimu mutsvene.’

4. Vashumiri vechiKristu vanogadzwa sei?

4 Pavanobhabhatidzwa, vadzidzi vatsva vanogadzwa kuva vashumiri vaJehovha Mwari. Ndiani anovagadza? Maererano nenheyo, mashoko akanyorwa pana 2 VaKorinde 3:5 anoshanda kwavari, anoti: “Kunyatsokwanisa kwedu [sevashumiri] kunobva kuna Mwari.” Havangadi kumwe kukudzwa kunopfuura kugadzwa naJehovha Mwari pachake! Vabhabhatidzwa, vanopfuurira kukura mumudzimu sevashumiri ve“mashoko akanaka” chero bedzi vachigamuchira kutungamirira kwomudzimu waMwari uye voramba vachishandisa Shoko rake.—Mateu 24:14; Mabasa 9:31.

Kugadzwa naMwari—Kwete Nevanhu

5. Vatariri vechiKristu nevashumiri vanoshumira vanosarudzwa nevanhu here? Tsanangura.

5 Kutarisira kwechikuru kunoitwa nevatariri vanokwanisa uye kubatsira kwevashumiri vanoshumira kunodiwa kutarisira zvinodiwa zvomudzimu zvenhamba iri kukura yevashumiri vanoita basa. (VaFiripi 1:1) Varume vomudzimu vakadaro vanogadzwa sei? Kwete nenzira dzinoshandiswa muchiKristudhomu. Somuenzaniso, vatariri vechiKristu havasarudzwi nevanhu, kureva kuti, nokuwana mavhoti evanhu vakawanda vanopinda neungano. Asi, kugadza uku kunoitwa naMwari. Izvozvo zvinorevei?

6. (a) Hurumende yechokwadi yaMwari chii? (b) Nei kugadzwa kwevatariri nevashumiri vanoshumira kuchiitwa naMwari?

6 Zvichitaurwa nenzira iri nyore, hurumende yechokwadi yaMwari kutonga kunoitwa naMwari. Zvapupu zvaJehovha zvinozviisa pasi poutongi hwake zvichida uye zvinoshandira pamwe kuti zviite kuda kwaMwari. (Pisarema 143:10; Mateu 6:9, 10) Kugadzwa kwevatariri veungano, kana kuti vakuru, nevashumiri vanoshumira kunoitwa naMwari nokuti kurumbidza nokugadza varume vakavimbika vakadaro kunoitwa maererano nokuronga kwaMwari sezvakanyorwa muMagwaro Matsvene. Uye so“musoro wezvose,” Jehovha ane kodzero yokusarudza kuti sangano rake rinooneka richashanda sei.—1 Makoronike 29:11; Pisarema 97:9.

7. Zvapupu zvaJehovha zvinodzorwa sei?

7 Kusiyana nemapoka akawanda ezvitendero ari muchiKristudhomu, Zvapupu zvaJehovha hazvisarudzi pachazvo rudzi rwehurumende yomudzimu yazvinofanira kushandira zviri. Ava vaKristu vechokwadi vanoedza kuomerera kune zvinodiwa naJehovha. Vatariri vanovatungamirira havagadzwi nehurumende yechechi yeungano, yedare revakuru vakuru, kana kuti yevamiririri vechechi. Kana zvinhu zvenyika zvikada kupindira kugadza uku, vanhu vaJehovha vanoramba kubvumirana nezvisina kufanira. Vachipfuurira, vanoomerera pane zvakaratidzwa zvakajeka nevaapostora muzana remakore rokutanga pavakati: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:29) Nokudaro, Zvapupu zvinozviisa pasi paMwari muzvinhu zvose. (VaHebheru 12:9; Jakobho 4:7) Kutevera maitirwe ezvinhu aMwari kunoita kuti utenderwe naye.

8. Maitirwe ezvinhu anoitwa nevanhu neanoitwa naMwari anosiyana sei?

8 Zvatiri vashumiri voMutongi Mukuru, Jehovha, tinoita zvakanaka kuziva kusiyana kwakaita maitirwe ezvinhu anoitwa nevanhu neanoitwa naMwari. Maitiro evanhu anoda kumiririrwa zvakaenzana uye kazhinji anoonekwa nokutsvaka rutsigiro rwokuwana chinzvimbo uye kusarudza nokuita vhoti yoruzhinji. Maitirwe ezvinhu akadaro haabatanidzwi mukugadza kunoitwa naMwari. Izvi hazvibvi kune vanhu; uye hazvibvi kune sangano repamutemo rerudzi rwakati. Sezviri pachena, achitaura nezvokugadzwa kwake pachake kwaakaitwa naJesu naJehovha so“muapostora kumamwe marudzi,” Pauro akaudza vaGaratiya kuti akanga agadzwa kwete ne“vanhu kana nemhaka yomunhu, asi naJesu Kristu naMwari Baba, vakamumutsa kubva kuvakafa.”—VaRoma 11:13; VaGaratiya 1:1.

Kugadzwa Nomudzimu Mutsvene

9. Mabasa 20:28 inotii nezvokugadzwa kwevatariri vechiKristu?

9 Pauro akayeuchidza vatariri vaigara muEfeso kuti vakanga vagadzwa naMwari achishandisa mudzimu mutsvene. Akati “Zvichenjererei imi neboka rose, iro mudzimu mutsvene wakakugadzai kuva vatariri pariri, kuti mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa reMwanakomana wake.” (Mabasa 20:28) Vatariri vechiKristu ivavo vaida kupfuurira kutungamirirwa nomudzimu mutsvene pavaiita mabasa avo sevafudzi veboka raMwari. Kana murume aiva nenzvimbo yakagadzwa akanga asisasvitsi zvinodiwa naMwari, nokufamba kwenguva mudzimu mutsvene waizoshanda kumubvisa panzvimbo yake.

10. Zvinodaro sei kuti mudzimu mutsvene unoita basa rinokosha mukugadza kunoitwa naMwari?

10 Zvinodaro sei kuti mudzimu mutsvene unoita basa rinokosha? Kutanga, zvakanyorwa zvinoratidza zvinodiwa zvokutarisira kwomudzimu zvakafuridzirwa nomudzimu mutsvene. Mutsamba dzake kuna Timoti naTito, Pauro akanyora zvinofanira kusvitswa nevatariri nevashumiri vanoshumira. Kubatanidza zvose, akadudza zvinodiwa 16 zvakasiyana-siyana. Somuenzaniso, vatariri vaifanira kushayiwa chavanopomerwa, vane tsika dzine mwero, vane pfungwa dzakanaka, vakarongeka, vanogamuchira vaeni zvakanaka, vanokwanisa kudzidzisa, uye vane muenzaniso wakanaka semisoro yemhuri. Vaifanira kushandisa zvinodhaka zvine mwero, vaisafanira kuda mari, uye vaifanira kuzvidzora. Nenzira yakafanana, zvinodiwa zvakakwirira zvairongwa nokuda kwevarume vaisvasvavirira kugadzwa sevashumiri vanoshumira.—1 Timoti 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9.

11. Ndezvipi zvimwe zvinodiwa zvinofanira kuva nevarume vanosvasvavirira basa romuungano?

11 Kuongorora zvinodiwa izvi kunoratidza kuti vaya vanotungamirira mukunamata Jehovha vanofanira kuva nomuenzaniso wakanaka mumufambiro wechiKristu. Varume vanosvasvavirira basa romuungano vanofanira kupa uchapupu hwokuti mudzimu mutsvene uri kushanda pavari. (2 Timoti 1:14) Zvinofanira kuoneka kuti mudzimu waMwari uri kuburitsa zvibereko zvo“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora” muvarume ava. (VaGaratiya 5:22, 23) Zvibereko izvozvo zvinoratidzwa mukubata kwavo nevavanonamata navo nevamwe. Chokwadi, vamwe vangabudirira mukuratidza zvimwe zvibereko zvomudzimu, nepo vamwe vangasvitsa zvimwe zvinodiwa zvevatariri kumwero mukuru kwazvo. Zvisinei, mukurarama kwavo kwose, vose vane tariro yokugadzwa sevatariri kana vashumiri vanoshumira vanofanira kuratidza kuti varume vomudzimu, vachisvitsa zvinodiwa neShoko raMwari.

12. Ndiani anogona kunzi agadzwa nomudzimu mutsvene?

12 Pauro paakakurudzira vamwe kuti vamutevedzere, aigona kudaro norusununguko rwokutaura nokuti iye pachake aitevedzera Jesu Kristu, ‘akatisiyira muenzaniso wokuti tinyatsotevera tsoka dzake.’ (1 Petro 2:21; 1 VaKorinde 11:1) Vaya vanosvitsa zvinodiwa zvomuMagwaro panguva yokugadzwa kwavo sevatariri kana kuti vashumiri vanoshumira vanogona zvino kunzi vagadzwa nomudzimu mutsvene.

13. Mudzimu mutsvene unobatsira sei vaya vanorumbidza varume kuti vashande muungano?

13 Pane chimwe chinoratidza kuti mudzimu mutsvene unoshanda sei mukurumbidzwa nokugadzwa kwevatariri. Jesu akati ‘Baba vari kudenga vanopa mudzimu mutsvene kune vanovakumbira.’ (Ruka 11:13) Nokudaro apo vakuru vari muungano vanoungana kuti varumbidze varume vari muungano nokuda kwebasa romuungano, vanonyengetera kuti mudzimu waMwari uvatungamirire. Vanovakira kurumbidza kwavo pane zvakanyorwa muShoko raMwari rakafuridzirwa, uye mudzimu mutsvene unovagonesa kuona kana munhu ari kuda kugadzwa aine zvinodiwa zvomuMagwaro. Vaya vanorumbidza havafaniri kupesvedzerwa zvisina kufanira nechitarisiko chokunze, dzidzo, kana kuti mano omuzvarirwo. Zvavanofanira kutarisa zvikuru ndezvokuti munhu wacho ndewomudzimu here, munhu wokuti vanhu vomuungano havanzwi vachizeza kuenda kwaari kuti vapiwe zano romudzimu.

14. Tinodzidzei muna Mabasa 6:1-3?

14 Nepo matare evakuru achigoverana nevatariri vanofambira mukurumbidza hama kuti dzishande sevakuru nevashumiri vanoshumira, kugadza chaikoiko kunoitwa maererano nemaitirwo akaratidzwa muzana remakore rokutanga. Pane imwe nguva, pakava nokudiwa kwevarume vanokwanisa mumudzimu kuti vaite basa rinokosha. Dare rinodzora rakapa nhungamiro iyi: “Zvitsvakirei varume vanomwe vanopupurirwa pakati penyu, vazere nomudzimu nouchenjeri, kuti tivagadze pairi basa rakafanira.” (Mabasa 6:1-3) Kunyange zvazvo varume vaibata nenhau yacho vakaita kurumbidza kwacho, kugadza kwacho kwakaitwa nevarume vakanga vapiwa basa racho vaiva muJerusarema. Nhasi izvozvo ndizvo zvinotevedzerwa.

15. Dare Rinodzora rinobatanidzwa sei munhau yokugadzwa kwevarume?

15 Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha rinogadza zvakananga nhengo dzose dzeMatare eMapazi. Pakusarudza kuti ndiani angaita basa guru iroro, Dare Rinodzora rinenge richifunga mashoko aJesu okuti: “Munhu wose akapiwa zvakawanda, zvakawanda zvichadiwa kwaari; uye uya akanzi nevanhu atarisire zvakawanda, vachada zvinopfuura zvenguva dzose.” (Ruka 12:48) Mukuwedzera pakugadza nhengo dzeDare reBazi, Dare Rinodzora rinogadza vakuru vepaBheteri nevatariri vanofambira. Zvisinei, rinotuma hama dzakavimbika kuti dzirimiririre mukumwe kugadza. Izvi zvinoitwawo pachitevedzerwa zviri muMagwaro.

‘Ugadze, Sokukurayira Kwandakaita’

16. Nei Pauro akasiya Tito muKirete, uye izvi zvinoratidzei nezvokugadza kunoitwa naMwari nhasi?

16 Pauro akaudza waaishanda naye Tito kuti: “Ndakakusiya muKirete nokuda kwaizvozvi, kuti ururamise zvinhu zvakanga zvakakombama uye kuti ugadze varume vakuru muguta rimwe nerimwe, sokukurayira kwandakaita.” (Tito 1:5) Pauro akabva adudza zvinodiwa izvo Tito aizofanira kutarisa muvarume vaizokodzera kuti vagadzwe. Naizvozvo, nhasi, Dare Rinodzora rinogadza hama dzinokwanisa dziri pamapazi kuti dzirimiririre pakugadza vakuru nevashumiri vanoshumira. Zvinoitwa kuti pave nechokwadi chokuti vaya vanenge vachishanda vakamiririra Dare Rinodzora vanonzwisisa zvakajeka uye vanotevedzera zvinonzi neMagwaro zvinofanira kuitwa pakugadza kwakadaro. Nokudaro, varume vanokwanisa vanogadzwa kuti vashande muungano dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose zvichitungamirirwa neDare Rinodzora.

17. Kurumbidza kwokugadzwa kwevatariri nevashumiri vanoshumira kunoitwa sei nehofisi yebazi?

17 Apo kurumbidza kwokugadzwa kwevatariri nevashumiri vanoshumira kunotumirwa kuhofisi yebazi yeWatch Tower Society, varume vave noruzivo vanovimba nomudzimu waMwari kuti uvatungamirire mukugadza kwacho. Varume ava vanonzwa vane mutoro, vachiziva kuti havafaniri kuchimbidza kuisa maoko avo pamunhu upi noupi, kutyira kuti vangazogoverana muzvivi zvake.—1 Timoti 5:22.

18, 19. (a) Kumwe kugadza kunotumirwa sei? (b) Maitirwo ose okurumbidza nokugadza anoitwa sei?

18 Kumwe kugadza kunogona kutumirwa netsamba inenge iine chidhindo inobva kusangano repamutemo. Tsamba yakadaro inogona kushandiswa kugadza hama dzakawanda muungano.

19 Kugadza kunoitwa naMwari kunobva kuna Jehovha nokuMwanakomana wake uye nzira inooneka yepasi pano inoshandiswa naMwari, “muranda akatendeka, akangwara” neDare rake Rinodzora. (Mateu 24:45-47) Maitirwo ose okurumbidza nokugadza kwakadaro anotungamirirwa, kana kuti kudzorwa, nomudzimu mutsvene. Izvi ndozvazvakaita nokuti zvinodiwa zvacho zvakarongwa muShoko raMwari, rakafuridzirwa nomudzimu mutsvene, uye munhu anogadzwa anopa zvinoratidza kuti anobereka zvibereko zvomudzimu iwoyo. Nokudaro, kugadza kwacho kunofanira kuonekwa sokunoitwa nomudzimu mutsvene. Sezvo vatariri nevashumiri vanoshumira vaigadzwa naMwari muzana remakore rokutanga, izvozvo ndizvo zvinoitwa nhasi.

Kuonga Kutungamirirwa naJehovha

20. Nei tichibvumirana nepfungwa dzaDhavhidhi dzakanyorwa pana Pisarema 133:1?

20 Munguva ino yokukura mumudzimu uye kuwedzera kwebasa rinoitirwa Mwari mukuparidza Umambo, tinoonga kuti Jehovha ndiye anoita kuti vatariri nevashumiri vanoshumira vagadzwe. Iyi gadziriro yomudzimu inotibatsira kuramba tichiita zvinodiwa naMwari zvakakwirira zvokururama pakati pedu seZvapupu zvaJehovha. Uyezve, mudzimu wechiKristu nokuedza kwomwoyo wose kwevarume ava kunobatsira zvikuru pakuva norugare rwedu runoshamisa nokubatana sevashumiri vaJehovha. Kufanana nomunyori wepisarema Dhavhidhi, naizvozvo tinokurudzirwa kudanidzira kuti: “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.”—Pisarema 133:1.

21. Isaya 60:17 iri kuzadzika sei nhasi?

21 Tinoonga sei kutungamirira kunoita Jehovha achishandisa Shoko rake nomudzimu mutsvene! Uye zvechokwadi, mashoko akanyorwa pana Isaya 60:17 anokosha, okuti: “Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yamatanda safuri, napanzvimbo yemabwe dare. Rugare ndicharugadza ave madzishe ako, nokururama kuve vabati vako.” Sezvo nzira dzaMwari dzokuita nadzo zvinhu dzakashandiswa zvinofambira mberi pakati peZvapupu zvaJehovha, takava nemamiriro ezvinhu aya akakomborerwa musangano rose raMwari repasi.

22. Tinofara nokuda kwechii nenzira yakarurama, uye tinofanira kutsunga kuitei?

22 Tinofara zvikuru nokuda kwegadziriro dzaMwari dziri pakati pedu. Uye tinoonga zvikuru basa rakaoma asi rinogutsa rinoitwa nevatariri nevashumiri vanoshumira vakagadzwa naMwari. Tinorumbidza Baba vedu vokudenga vane rudo nomwoyo wose, vakatiita kuti tibudirire mumudzimu uye vakatibatsira zvakakura kudai. (Zvirevo 10:22) Naizvozvo, ngatitsunge kufambirana nesangano raJehovha. Kupfuura zvose, ngatipfuurire kushanda pamwe takabatana kuti zita guru uye dzvene raJehovha rikudzwe, rirumbidzwe, uye ripiwe mbiri.

Ungapindura Sei?

• Nei tingati kugadzwa kwevatariri nevashumiri vanoshumira kunoitwa naMwari, kwete nevanhu?

• Varume vechiKristu vakavimbika vanogadzwa sei nomudzimu mutsvene?

• Dare Rinodzora rinobatanidzwa sei mukugadzwa kwevatariri nevashumiri vanoshumira?

• Nezvokugadzwa kunoitwa naMwari, nei tichifanira kuonga Jehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 15]

Vakuru nevashumiri vanoshumira vane ropafadzo yokushanda vagadzwa naMwari