Zvapupu zvaJehovha—Zvinofambira Mberi Zvichitendiswa Zvakasimba!
Zvapupu zvaJehovha—Zvinofambira Mberi Zvichitendiswa Zvakasimba!
Mushumo Wemusangano Wegore Negore
MUMAZUVA ano okusatenda nokusava nechokwadi, Zvapupu zvaJehovha zvinomira sevaKristu vanotendiswa zvakasimba. Izvi zvakajekeswa pamusangano wegore weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, wakaitirwa paHoro yeMagungano yeZvapupu zvaJehovha yeJersey City, New Jersey, musi woMugovera, October 7, 2000. *
Mumashoko ake okuvhura, sachigaro, John E. Barr, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akati: “Kusiyana nemamwe mabhiriyoni epasi pose, tinoziva nokudavira kuti Mwanakomana waJehovha waanoda, Kristu Jesu, zvino akagadzwa mudenga, achitonga pakati pevavengi vake.” Uchapupu hwokutendiswa kwakasimba kwakadaro hwakaratidzwa mumishumo mitanhatu inofadza inobva munyika yose.
Kukurira Kuita Zvemidzimu Nechokwadi cheBhaibheri muHaiti
Kuita zvemidzimu kwakakurumbira chaizvo muHaiti. “Kakawanda,” akarondedzera kudaro mutarisiri weDare reBazi John Norman, “vanhu vachaita mashiripiti kuti vazvidzivirire.” Imwe n’anga yakatanga kusava nechokwadi payakadambuka gumbo mutsaona. ‘Izvi zvingaitika sei kwandiri kana ndiri kudzivirirwa nemidzimu?’ akanetseka kudaro. Kufanana nevamwe vakawanda, murume uyu akadzidziswa chokwadi neZvapupu zvaJehovha uye akabatsirwa kurega zvemidzimu. Mukana wokuwedzera muHaiti unoratidzwa nokuti pana April 19, 2000, vanhu vanopeta kana nhamba yevaparidzi voUmambo vari munyika iyoyo vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu.
Kushingaira Mundima Huru yeKorea
MuKorea, Zvapupu zvaJehovha zvinosvika 40 muzana zviri mubasa renguva yakazara. “Neiri uto guru revazivisi,” akadaro mutarisiri weDare reBazi Milton Hamilton, “ndima yedu yevanhu vanopfuura mamiriyoni 47 inofukidzwa kanenge kamwe pamwedzi.” Kuwedzera muungano dzomutauro wemasaini kuri kuonekawo. Mune rimwe dunhu romutauro wemasaini, zvidzidzo zveBhaibheri 800 zviri kuitiswa. Iyi iavhareji yomudzidzi mumwe pamuparidzi. Zvinosuruvarisa kuti majaya achiri kuiswa mumajeri nokuda kwokusava nekwaakarerekera mune zvenyika. Zvisinei, vaKristu
ivava vakatendeka vari kubatwa zvakanaka, uye kakawanda vari kupiwa mabasa anoda kuvimbika.Kusvitsa Zvinodiwa Zvokuwedzera muMexico
Nhamba yepamusoro yevaparidzi voUmambo 533 665 yakashuma mubasa romumunda muMexico muna August 2000. Vanhu vanopfuura nhamba iyoyo nekatatu vakapinda Chirangaridzo. “Vavariro yedu gore rino ndeyokuvaka dzimwe Horo dzoUmambo 240,” akadaro mutarisiri weDare reBazi Robert Tracy. “Asi tinoda dzimwe dzakawanda,” akawedzera kudaro.
Vechiduku pakati peZvapupu zvaJehovha muMexico vane muenzaniso wakanaka. Nezvomumwe wechiduku, mupristi weKaturike akati: “Ndinoda kuva nomumwe bedzi akafanana naye pakati pevateveri vangu. Ndinoyemura vanhu ava nokuda kwechido chavo chakasimba uye kushandisa kwavo Bhaibheri nokuchenjera. Vakareverera Mwari, kunyange upenyu hwavo huri pangozi.”
Kutsunga Mukusagadzikana Kwezvinhu muSierra Leone
Kubva muna April 1991, hondo yevagari vomunyika iyoyo payakatanga muSierra Leone, zviuru zvevanhu zvakaurawa, kukuvadzwa, kana kuremadzwa. “Hondo nokuoma kwezvinhu zvakaita kuti vanhu vachinje zvikuru,” akashuma kudaro mutarisiri weDare reBazi Bill Cowan. “Vakawanda vakanga vasingadi kunzwa mashoko edu zvino vanoteerera nokufarira. Zvinowanzoitika kuti vanhu vauye kumisangano vasina kukokwa kuHoro dzoUmambo kuti vapinde musangano wavo wokutanga. Hama dzinowanzomiswa mumigwagwa ndokukumbirwa kuitisa chidzidzo cheBhaibheri.” Pasinei zvapo nokupfuurira kwokusagadzikana kwezvinhu munyika yacho, basa rokuparidza Umambo riri kubereka zvibereko muSierra Leone.
Purogiramu Huru Dzokuvaka muSouth Africa
Pari zvino, pane kudiwa kwezviuru zvinoverengeka zveHoro dzoUmambo mundima dzinotarisirwa nehofisi yeBazi yeSouth Africa. Mazana ehoro akatovakwa. “Pane kupindira muzvitangwena kana pasi pomuti, sezvaichimboitwa, hama dzedu dzave kugona kusangana panzvimbo yakakodzera ine pokugara pakanaka,” akadaro mutarisiri weDare reBazi John Kikot. “Kunyange zvazvo dzakawanda dzeidzi Horo dzoUmambo dzakavakwa zvisingashamisiri, dzinooneka saidzo dzinoorora pazvivako zvinenge zvakapoteredza. Mune dzimwe nharaunda, zvakaoneka kuti pashure pokuvaka Horo yoUmambo, ungano yacho inozowedzera zvinopfuura zvakapetwa kaviri gore rinotevera racho.”
Chizvarwa Chitsva cheZvapupu muUkraine
Mugore rebasa ra2000, nyika iyi yakava nenhamba yepamusoro yevaparidzi 112 720. Vanopfuura 50 000 vavo vakadzidza chokwadi cheBhaibheri mumakore mashanu adarika. “Chokwadi, Jehovha akamutsa chizvarwa chitsva cheZvapupu zviduku kuti zvizivise zita rake!” akadaro John Didur, mutarisiri weDare reBazi. “Kwemakore maviri apfuura,” akawedzera kudaro, “takagovera magazini anopfuura mamiriyoni 50, zvinova zvakaenzana nenhamba yevagari vomunyika yacho. Mwedzi mumwe nomumwe, paavhareji, tinogamuchira zviuru zvetsamba kubva kuvanhu vanofarira vachikumbira mamwe mashoko.”
Zvimwe Zvikamu Zvepurogiramu Yacho Zvainakidza
Daniel Sydlik, nhengo yeDare Rinodzora, akapa hurukuro yaiorora. Nyaya inoti “Kusiyana Kwakaita Dare Rinodzora neSangano Repamutemo,” iri mumagazini ino, yakavakirwa pahurukuro iyoyo inobatsira.
Theodore Jaracz weDare Rinodzora akapa hurukuro inonyandura yaiva nomusoro unoti “Vatariri Nevashumiri Vanoshumira Vanogadzwa naMwari.” Imwe yenyaya dziri mumagazini ino yakavakirwa pamusoro iwoyo.
Musangano wegore negore waisanganisirawo hurukuro inokurudzira yakapiwa naDavid Splane weDare Rinodzora parugwaro rwegore rwa2001. Ruchibva mumashoko aPauro, runoti: “Mumire makakwana muchitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.” (VaKorose 4:12) Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvakatsunga kuita izvozvo sezvazvinoparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari pasi pose nokutendeka.—Mateu 24:14.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 3 Purogiramu yacho yakanga yakabatanidzwa nemagetsi kune dzimwe nzvimbo dzakawanda, zvichiita kuti vakapinda vose vave 13 082.