Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuchengeteka Munyika ine Ngozi

Kuchengeteka Munyika ine Ngozi

Kuchengeteka Munyika ine Ngozi

KUFAMBA munzvimbo ine zvimbambaira kunogona kuurayisa. Kunyange zvakadaro, zvaisazoita mutsauko here kudai waiva nemepu yairatidza pane zvimbambaira zvacho? Uyezve, ngatiti wakanga warovedzwa kuziva zvimbambaira zvakasiyana-siyana. Zviri pachena kuti ruzivo irworwo rwaizoderedza zvikuru ngozi yokukuvadzwa kana kuurayiwa kwako.

Bhaibheri ringafananidzwa nemepu iyoyo pamwe nokurovedzwa kuziva zvimbambaira. Bhaibheri rine uchenjeri husina hunoenzana nahwo kana totaura nezvokudzivisa ngozi nokubata nezvinetso zvinomuka muupenyu.

Cherechedza mhiko iyi inokurudzira inowanika pana Zvirevo 2:10, 11 inoti: “Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta.” Uchenjeri nenjere zvinodudzwa pano hazvibvi kuvanhu asi kuna Mwari. “Asi ani naani uno[teerera uchenjeri hwaMwari] uchagara zvakasimba, uchagadzikana, asingatyi zvakaipa.” (Zvirevo 1:33) Ngationei kuti Bhaibheri ringawedzera sei kuchengeteka kwedu ndokutibatsira kudzivisa zvinetso zvakawanda.

Kudzivisa Ngozi Dzinouraya

Nhamba dzichangobva kubudiswa neWorld Health Organization (WHO) dzinoratidza kuti nhamba yevanhu vanofa pagore nemhaka yetsaona dzomumigwagwa munyika yose inenge 1 171 000. Vamwe vanoda kusvika mamiriyoni 40 vanokuvara, uye vanoti pfuurei mamiriyoni 8 vanoremara kwenguva refu.

Kunyange zvazvo kusapinda mungozi zvachose patinenge tichityaira kusingabviri, kuchengeteka kwedu kunowedzerwa zvikuru patinoteera mitemo yomumigwagwa. Richitaura nezvevane simba vehurumende, vanoita mitemo yomumigwagwa nokuita kuti iteererwe, Bhaibheri rinoti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevane simba zvikuru.” (VaRoma 13:1) Vatyairi vanoteerera zano iri vanoderedza ngozi yokupinda mutsaona, nemigumisiro yayo inowanzova yakaipa zvikuru.

Chimwe chinoita kuti munhu atyaire zvisina ngozi kuremekedza upenyu. Bhaibheri rinoti nezvaJehovha Mwari: “Kwamuri ndiko kune tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Nokudaro upenyu chipo chinopiwa naMwari. Saka, hatina kodzero yokutorera munhu upi noupi chipo ichocho kana kuratidza kusaremekedza upenyu, kusanganisira hweduwo.—Genesi 9:5, 6.

Kuremekedza upenyu hwomunhu kunosanganisira kuva nechokwadi chokuti motokari yedu nomusha hazvina ngozi sezvinobvira. MuIsraeri yekare, kuchengeteka chaiva chinhu chinokosha kwazvo muzvinhu zvose zvoupenyu. Somuenzaniso, paivakwa imba, Mutemo waMwari waida kuti denga rayo—nzvimbo yaiitirwa zvinhu zvakati kuti zvemhuri—rive norumhanda. “Unofanira kuisa rumhanda padenga rako, kuti urege kuuyisa mhosva yeropa pamusoro peimba yako, kana mumwe munhu akawapo.” (Dheuteronomio 22:8) Kana mumwe munhu aiwa nemhaka yokuti mutemo wokuchengeteka uyu wakanga usina kuteererwa, Mwari aiti muridzi wayo ane mhosva. Hapana mubvunzo kuti kushandisa nheyo yorudo yaiva mumutemo uyu kwaizoderedza tsaona pabasa kana kuti kunyange pakutandara.

Kukunda Kupindwa Muropa Kunouraya

Maererano neWHO, iye zvino kwava nevanosvuta vanodarika bhiriyoni munyika yose, uye kufa kwevanhu vanenge mamiriyoni mana pagore kunogona kunzi kuri kukonzerwa nefodya. Nhamba iyi inotarisirwa kuwedzera kusvika kuanenge mamiriyoni 10 mumakore 20 kusvika ku30 ari kuuya. Mamwe mamiriyoni evasvuti, uyewo vanoshandisa zvinodhaka kuti “vanakidzwe,” vachakanganisa utano hwavo nokunaka kwoupenyu hwavo nemhaka yokupindwa kwavo muropa.

Kunyange zvazvo Shoko raMwari risingatauri zvakananga nezvokushandiswa kwefodya nokushandiswa zvisina kunaka kwezvinodhaka, nheyo dzaro dzinogona kutidzivirira pamiitiro iyi. Somuenzaniso, 2 VaKorinde 7:1 inopa zano rokuti: “Ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose.” Hapana mubvunzo kuti fodya nezvinodhaka zvinosvibisa, kana kuti kushatisa nyama nemakemikari akawanda anokuvadza. Uyezve, Mwari anoda kuti miviri yedu ive mi“tsvene,” zvinoreva kuti isina kusvibiswa uye yakachena. (VaRoma 12:1) Haubvumi here kuti kushandisa nheyo idzi kuchaderedza ngozi huru muupenyu hwomunhu?

Kukunda Miitiro ine Ngozi

Vanhu vakawanda vanodyisa uye vanonwisa. Migumisiro yokudyisa ingasanganisira chirwere cheshuga, kenza, uye chirwere chomwoyo. Kushandisa zvinodhaka zvisina kunaka kunotungamirira kuzvimwe zvinetso, zvakadai soudhakwa, kuomarara kwechiropa, kuparara kwemhuri, netsaona dzomumigwagwa. Kune rimwe divi, kudya zvokudya zvishoma-shoma kunogonawo kuva nengozi uye kunogona kutungamirira kuzvirwere zvokusadya zvakanaka zvinouraya zvakadai seanorexia nervosa.

Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rezvoutano, rinopa zano rakananga rokuti kuva nomwero pakudya nepakunwa kunodiwa. “Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, ururamisire mwoyo wako munzira. Usava pakati pavanokarira waini, pakati pavanokarira nyama. Nokuti munwi noune madyo vachava varombo.” (Zvirevo 23:19-21) Asi, Bhaibheri rinoti kudya nokunwa zvinofanira kuva zvinofadza. “Chipo chaMwari kuti Munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.”—Muparidzi 3:13.

Bhaibheri rinokurudzirawo kuona kurovedza muviri zviri pakati nepakati, richisimbisa kuti “kurovedza muviri kunobetsera zvishoma.” Asi rinowedzera kuti: “Kuzvipira kuna Mwari kunobetsera muzvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu huno nehuchauya.” (1 Timoti 4:8) Ungabvunza kuti, ‘Kuzvipira kuna Mwari kunobatsira sei kunyange iye zvino?’ Munzira dzakawanda. Kunze kwokuwedzera unhu hwomudzimu hunokosha kuupenyu hwomunhu, kuzvipira kuna Mwari kunopa unhu hunobatsira hwakadai sorudo, mufaro, rugare, uye kuzvidzora—hwose hunobatsira kuti pave nemaonero ane tariro noutano hwakanaka.—VaGaratiya 5:22, 23.

Migumisiro Inorwadza Younzenza

Nhasi, mamiriyoni hapana paachiri kuzvidzora mutsika. Mukondombera weAIDS mumwe wemigumisiro yacho. Maererano neWHO, vanhu vanopfuura mamiriyoni 16 vakafa kubva zvakatanga mukondombera weAIDS, uye panguva ino, vanenge mamiriyoni 34 vane HIV, utachiona hunokonzera AIDS. Vakawanda vanorwara neAIDS vakabata chirwere chacho nokuita unzenza, nemajekiseni ane utachiona anoshandiswa nevakapindwa muropa nezvinodhaka, kana kuti kuisirwa ropa rine utachiona.

Mimwe migumisiro younzenza inosanganisira herpes, chinzonono, hepatitis B neC, uye njovhera. Kunyange zvazvo mashoko ezvokurapa akadaro akanga asingashandiswi munguva inotaurwa muBhaibheri, nhengo dzinokuvadzwa nezvimwe zvirwere zvounzenza zvaivako panguva yacho dzaizivikanwa. Somuenzaniso, Zvirevo 7:23 inorondedzera mugumisiro unotyisa woufeve so‘museve unobaya chiropa.’ Njovhera inowanzokuvadza chiropa, sezvinoita hepatitis. Hungu, zano reBhaibheri rokuti vaKristu ‘varege ropa uye ufeve’ rinofambirana nenguva uye nderorudo sei!—Mabasa 15:28, 29.

Musungo Wokuda Mari

Vachiedza kupfuma nokukurumidza, vanhu vakawanda vanozviisa pangozi huru nemari yavo. Zvinosuruvarisa kuti kuzviisa pangozi kwakadaro kunowanzotungamirira kukurasikirwa nemari uye kupera kwayo. Zvisinei, kumushumiri waMwari, Bhaibheri rinoti: “Ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechimwe chinhu chokugovera mumwe munhu anoshayiwa.” (VaEfeso 4:28) Ichokwadi kuti hadzisi nguva dzose apo anoshanda nesimba angapfuma. Asi, ane rugare rwepfungwa, anozviremekedza, uye angatova nemari yaangapa nokuda kwechinangwa chakanaka.

Bhaibheri rinoyambira kuti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa, uye vachitsvaka kuda ikoku vamwe . . . vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.” (1 Timoti 6:9, 10) Hazvirambiki kuti vakawanda “vakatsunga kupfuma” vanopfuma. Asi zvinozodaro vaita sei? Hachisi chokwadi here kuti utano hwavo, mhuri, kunamata, uye kurara kwavo, zvinokanganiswa?—Muparidzi 5:12.

Munhu akachenjera anoziva kuti “upenyu . . . hahubvi pazvinhu zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Mari nezvimwe zvinhu zvinokosha munzanga dzakawanda. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinotaura kuti “mari . . . chitaviridzo,” asi rinowedzera kuti “kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye anahwo.” (Muparidzi 7:12) Kusiyana nemari, zivo yakarurama nouchenjeri zvinogona kutibatsira mumamiriro ezvinhu ose, asi kunyanya munhau dzine chokuita noupenyu hwedu.—Zvirevo 4:5-9.

Apo Uchenjeri Hwoga Huchatidzivirira

Munguva pfupi iri kutevera uchenjeri hwechokwadi hucha“chengeta upenyu hwaiye anahwo” munzira isingaenzani neimwe—kudzivirirwa mu“kutambudzika kukuru” kuri kuuya nokukurumidza, Mwari paanoparadza vakaipa. (Mateu 24:21) Panguva iyoyo vanhu vachange vachikanda mari yavo mumigwagwa “sechinhu chisina kunaka,” maererano neBhaibheri. Nei? Nokuti vachave vadzidza nenzira yakaoma kuti ndarama nesirivha hazvizovatengeri upenyu mu“zuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Ezekieri 7:19) Ukuwo, “boka guru revanhu,” vaka‘chengeta pfuma yavo mudenga’ nokuchenjera nokuisa zvinhu zvomudzimu pakutanga muupenyu hwavo, vachabatsirwa nepfuma yavo yechokwadi ndokuwana upenyu husingaperi mupasi riri paradhiso.—Zvakazarurwa 7:9, 14; 21:3, 4; Mateu 6:19, 20.

Tingawana sei remangwana rakachengeteka iri? Jesu anopindura kuti: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Mamiriyoni akawana zivo iyi muShoko raMwari, Bhaibheri. Vakadai ava havana tariro yakanaka kwazvo yeramangwana chete asi vanewo rugare rwakati nokuchengeteka iye zvino. Zvakaita sezvakataura munyori wepisarema chaizvo kuti: “Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.”—Pisarema 4:8.

Ungafunga nezvokumwezve kungawanikwa mashoko anogona kukubatsira kuderedza ngozi dzoutano noupenyu hwako sokubatsira kunoita Bhaibheri here? Hapana rimwezve bhuku rine simba rinopfuura reBhaibheri, uye hapana rimwezve bhuku rinogona kukubatsira kuwana kuchengeteka kwechokwadi munyika yanhasi yakazara nengozi. Wadii waenderera mberi kuriongorora?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Utano Huri Nani Nokuchengeteka—Nemhaka yeBhaibheri

Kuti apukunyuke zvinhu chaizvo zvinoitika muupenyu, mumwe mukadzi wechiduku anonzi Jane * aiva nomuitiro wokusvuta mbanje, fodya, cocaine, maamphetamine, LSD, nezvimwe zvinodhaka. Ainwawo zvakanyanyisa. Maererano naJane, ndizvo zvakanga zvakangoitawo murume wake. Remangwana ravo rakanga risina kujeka. Ipapo Jane akasangana neZvapupu zvaJehovha. Akatanga kupinda misangano yechiKristu uye kuverenga magazini eNharireyomurindi neMukai!, aaiverenga pamwe nomurume wake. Vose vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Sezvavakatanga kukoshesa zvinodiwa naJehovha zvakakwirira, vakarega kushandisa zvisina kufanira zvinhu zvose zvinodhaka. Zvakaguma nei? “Upenyu hwedu hutsva hwatiunzira mufaro mukuru,” Jane akanyora kudaro makore mashoma akazotevera. “Ndinoonga Jehovha zvikuru nokuda kwesimba rinochenesa reShoko rake uye nokuda kwoupenyu hwakasununguka uye hune utano hwatava kukwanisa kurarama.”

Kukosha kwokuva mushandi akatendeseka kunonyatsoenzanisirwa nenyaya yaKurt, aiva nebasa rokutarisira zvinhu zvinoshanda nekombiyuta. Midziyo mitsva yaidiwa, uye mushandirwi waKurt akamupa basa rokuitenga nomutengo wakanaka. Kurt akatsvaka mutengesi akakodzera, uye vakabvumirana mutengo wacho. Zvisinei, mabharani womutengesi wacho akaita chikanganiso papepa rairatidza kuti zvinhu zvingatengwa nemarii, zvokuti mutengo wacho wakanga wakaderera neinenge US$40,000 [Z$2 200 000]. Achiona chikanganiso chacho, Kurt akataura nekambani yacho, uye maneja wacho akataura kuti pamakore ake 25 ari pabasa, akanga asati amboona kutendeseka kwakadaro. Kurt akatsanangura kuti hana yake yakaumbwa neBhaibheri. Zvakaguma nokuti maneja wacho akakumbira magazini 300 anonzi Mukai! anotaura nezvokutendeseka mubhizimisi kuitira kuti agoapa kune vaanoshanda navo. Kana ari Kurt, kutendeseka kwake kwakaita kuti asimudzirwe pabasa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 30 Mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira.”—ISAYA 48:17