Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurarama Nengozi

Kurarama Nengozi

Kurarama Nengozi

“Hapana chinhu chimwe chete chaungaita muupenyu hwemazuva ose—kusanganisira kurara—chisina ngozi yokukukuvadza.”—Magazini inonzi Discover.

UPENYU hwakafananidzwa nokufamba munzvimbo ine zvimbambaira, nokuti kukuvara kana rufu zvinogona kuitika chero nguva, kakawanda kacho pasina yambiro. Zvinhu zvine ngozi zvinosiyana munyika nenyika. Zvinosanganisira tsaona dzemotokari, hondo dzevagari vomunyika imwe, kuperevedza kwezvokudya, AIDS, kenza, chirwere chomwoyo, nezvimwe zvinhu zvakawanda. Somuenzaniso, kudivi reAfrica riri kumaodzanyemba kweSahara, AIDS yazova muurayi mukuru, murimwe gore richangopfuura “ichiuraya vanhu mamiriyoni 2,2, zvinopeta kagumi kuurayiwa kunoitwa vanhu nehondo dzose dzevagari vomunyika yeAfrica,” inodaro U.S.News & World Report.

Panguva ino, nyika inopedza mabhiriyoni emari kuedza kuita kuti upenyu hurebe nokuderedza ngozi yokurwara nokuremara. Pfungwa dzakawanda dzinokurudzirwa, dzakadai semiitiro yokudya nokunwa kunopa utano uye kurovedza muviri, dzinogona kuva nemigumisiro inobatsira. Zvisinei, pane kunowanika mashoko anogona kuvimbwa nawo pachinhu chose choupenyu chinokosha chingakubatsira kuva noupenyu husina ngozi zvikuru, hwakachengeteka. Anowanika muBhaibheri. Rine nhungamiro dzokutarisira nadzo zvakawanda zvinovhiringidza utano hwedu nokugara kwedu zvakanaka. Ichokwadi kuti Bhaibheri haritauri zvakazara nezvechinetso chimwe nechimwe. Asi, rinopa nheyo dzakanaka kwazvo dzokutitungamirira munhau dzakadai semiitiro yokudya, kugwinya, mafungiro, zvepabonde, kunwa doro, fodya, nezvinowanzonzi zvinodhaka zvokushandisira kunakidzwa, nezvimwe zvinhu zvakawanda-wanda.

Upenyu hwevakawanda hwakazarawo nokusava nechokwadi mune zvemari. Ipapawo Bhaibheri rinotibatsira. Haringokurudziri kuona mari nouchenjeri uye kuronga mashandisirwe emari asi rinoratidzawo kuti munhu angava sei mushandi kana mushandirwi akanaka. Zvichitaurwa zviri nyore, Bhaibheri inhungamiro yakanaka, kwete chete nokuda kwokuchengeteka mune zvemari nokuva noutano hwakanaka, asi youpenyu pachahwo. Ungada here kuona kuti nhasi Bhaibheri rinogona kushanda sei? Kana zvakadaro, pfuurira kuverenga.