Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mushonga Weguvhu Rako”

“Mushonga Weguvhu Rako”

“Mushonga Weguvhu Rako”

ZVINOFUNGWA kuti zvirwere zvevanhu vakawanda zvinokonzerwa nepfungwa dzokunetseka dzakadai sokutya, kusuruvara, shanje, kutsamwa, ruvengo, uye kuva nemhaka. Nemhaka yeizvi, anonyaradza sei mashoko eBhaibheri okuti ‘kutya Jehovha’ ndiwo “mushonga [weguvhu rako, NW] nomwongo wamapfupa ako”!—Zvirevo 3:7, 8.

Mapfupa ndiwo anotsigira muviri. Saka, Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “mapfupa” sedimikira, kumirira kuvapo kwomunhu wacho—zvikurukuru sokunge abatwa nepfungwa uye kunzwa kwakadzama. Asi kutya Jehovha kunova sei “mushonga weguvhu rako”?

Nyanzvi dzeBhaibheri dzinosiyana mumafungiro adzo maererano nokutaurwa kwe“guvhu” mundima ino. Mumwe murondedzeri anotaura kuti nemhaka yokuti riri “nechepakati pomuviri,” “guvhu” ringamiririra nhengo dzose dzinokosha. Imwe nyanzvi yakafunga kuti shoko rokuti “guvhu” ringareva rukuvhute, sokushandiswa kwarakaitwa pana Ezekieri 16:4. Kana zvirizvo, Zvirevo 3:8 ingava ichisimbisa kuti tinofanira kutsamira pana Mwari zvizere—sezvinongoita rusvava rusingabatsiri runotsamira chose chose pana amai varwo nokuda kwezvokudya. Kunyange zvakadaro imwe pfungwa ndeyokuti shoko rokuti “guvhu” pano ringareva tsandanyama nemarunda zvomuviri. Semashandisirwo arakaitwa mundima ino, zvingaita kuti nhengo idzi dziri kuenzaniswa ne“mapfupa”—nhengo dzomuviri dzakasimba kupfuura dzimwe.

Chero zvazvingareva chaizvo, chinhu chimwe ndechechokwadi: Kuratidza kutya Jehovha kwokuremekedza ndiyo nzira yokuchenjera. Kuomerera kune zvinodiwa naMwari kungabatsira kuti tive noutano hwomuviri hwakanaka iye zvino. Zvinotopfuura izvozvo, kungatiunzira nyasha dzaJehovha, dzichatitungamirira kuupenyu husingaperi tiine utano hwakakwana—mumuviri nomupfungwa—munyika yake itsva iri kuuya.—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:4; 22:2.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Dr. G. Moscoso/SPL/Photo Researchers