Nyanzvi Yemaziso Inokusha Mbeu
Nyanzvi Yemaziso Inokusha Mbeu
Kuedza kwenyanzvi yemaziso yokuLviv, Ukraine, kunei nechokuita nokuumbwa kweungano yeZvapupu zvaJehovha zvomutauro wokuRussia muHaifa, kuIsrael, iri kure nemakiromita 2 000 uye nyika dzinoverengeka? Iyi inyaya inoratidza kukosha kwemashoko eBhaibheri ari pana Muparidzi 11:6 anoti: “Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi.”
NYAYA yedu inotanga muna 1990 apo Ella, muongorori muduku wemakemikari wechiJudha, akanga achigara muLviv. Ella nemhuri yake vaigadzirira kutamira kuIsrael. Nguva pfupi vasati vatama, Ella aifanira kuona nyanzvi yemaziso yaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Panguva iyoyo, basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rarambidzwa muUkraine. Kunyange zvakadaro, nyanzvi yemaziso yakatanga kukurukura naElla zvayaidavira zviri muBhaibheri. Yakamushamisa nokutaura kuti Mwari ane zita rake pachake. Izvozvo
zvakaita kuti Ella ade kuziva, uye kukurukurwa kweBhaibheri kwakaisvonaka kwakatevera.Ella akanakidzwa chaizvo nokukurukurirana kwacho zvokuti akakumbira kuti vazokurukurazve vhiki yaitevera uye kunyange yaitevera yacho. Kufarira kwake kwaiwedzera, asi paiva nechinetso. Nguva yokuti mhuri yacho iende kuIsrael yaiva iri kuswedera nokukurumidza. Ella akanga achine zvakawanda zvokudzidza! Kuti ashandise zvakanakisisa nguva yaiva yasara, akakumbira kudzidza Bhaibheri mazuva ose kusvikira paaizoenda. Kunyange zvazvo Ella asina kupfuudzira kudzidza kwaaiita paakatanga kusvika muIsrael, mbeu yechokwadi yakanga yatodzika mudzi mumwoyo make. Pakapera gore, akanga ava kutodzidzazve Bhaibheri nomwoyo wose.
Hondo yakatanga muPersian Gulf, uye Israel yakarwiswa nezvombo neIraq. Iyi yaiva nyaya yaikurukurwa nguva dzose. Rimwe zuva mune chimwe chitoro, Ella akaita manzwira imwe mhuri inotaura chiRussia yakanga ichangotama ichikurukura. Kunyange zvazvo iye akanga achiri kudzidza Bhaibheri, Ella akaenda kumhuri yacho ndokukurukura nayo chipikirwa cheBhaibheri chenyika itsva ine rugare. Somugumisiro, ambuya vacho, Galina; amai vacho, Natasha; mwanakomana wacho, Sasha (Ariel); uye mwanasikana wacho, Ilana, vose vakabatana naElla kudzidza Bhaibheri.
Sasha ndiye aiva nhengo yemhuri yakatanga kubhabhatidzwa—pasinei nemiedzo yakawanda. Kunyange zvazvo aiva mudzidzi anokudzwa, akadzingwa chikoro nemhaka yokuti hana yake yechiKristu yaisamubvumira kufanorovedzwa zvehondo, kwaiva chimwe chezvinhu zvaifanira kudzidzwa. (Isaya 2:2-4) Nyaya yaSasha yakaenda kuDare Repamusoro reIsrael muJerusalem, iro nenzira inorumbidzwa rakati Sasha adzorerwe kuitira kuti agone kupedza temu yechikoro. Nyaya yacho yakagamuchirwa munyika iyoyo yose. Somugumisiro, vanhu vomuIsrael vakawanda vakaziva zvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha. *
Apedza chikoro chesekondari, Sasha akapinda muushumiri hwenguva yakazara hweZvapupu zvaJehovha. Nhasi anoshanda sapiyona chaiye uye somukuru muungano. Hanzvadzi yake, Ilana, iri kushanda naye muushumiri hwenguva yakazara. Amai vavo naambuya vavo vose Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Mbeu yakakushwa nenyanzvi yemaziso yakanga ichiri kubereka chibereko!
Munguva iyoyo, Ella akaramba achifambira mberi mumudzimu uye munguva pfupi yakatevera akanga ava kuparidza paimba neimba. Paimba yake yokutanga chaiyo, Ella akasangana naFaina, uyo akanga achangosvika achibva kuUkraine. Faina akanga achitambura nokuora mwoyo. Gare gare Ella akaziva kuti chinguva chiduku asati agogodza pamusuo waFaina, mukadzi wacho airwadziwa akanga anyengetera kuna Mwari achiti: “Handizivi kuti ndimi ani, asi kana muchindinzwa, ndibatsirei.” Iye naElla vakakurukura zvinotokonya pfungwa. Faina akabvunza mibvunzo yakawanda uye ainyatsofunga mhinduro dzaaipiwa. Pashure penguva yakati, akagutsikana kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa chokwadi chiri muBhaibheri. Akagadziridza purogiramu yake yezvidzidzo zvokuyunivhesiti kuitira kuti agopedza nguva yakawanda aine ungano uye mubasa rokuparidza. Muna May 1994, Faina
akabhabhatidzwa. Iyewo akaita basa rokupayona, achizvitsigira nebasa risiri renguva dzose mune zvemakombiyuta.Muna November 1994, paaiita basa rokuparidza, Ella kamwe kamwe akanzwa kupera simba zvikuru. Akaenda kuchipatara uko kwaakaongororwa kuti aiva neronda romuura raibuda ropa. Manheru uwandu hwehemoglobin yaElla hwakanga hwaderera kusvika pa7,2. Mumwe mukuru womuungano yaElla, ari sachigaro weDare Rokubata Nechipatara (HLC), akaudza vanachiremba mashoko ane chokuita nemarapiro akawanda asingadi kushandiswa kweropa. * Kuvhiya kwakaitwa zvinobudirira pasina ropa, uye Ella akanaya zvizere.—Mabasa 15:28, 29.
Chiremba waElla anoona nezvehosha dzevakadzi, Karl, muJudha akaberekerwa kuGermany, akaororwa zvikuru. Ipapo akayeuka kuti vabereki vake, vakanga vapukunyuka kuparadzwa muHolocaust, vakanga vaziva Zvapupu zvaJehovha mumisasa yevasungwa. Karl akabvunza mibvunzo yakawanda. Kunyange zvazvo akanga akabatikana zvikuru nebasa rake rokurapa, Karl akava nenguva yokudzidza Bhaibheri nguva dzose. Gore rakatevera racho, akanga ava kupinda misangano yechiKristu yevhiki nevhiki.
Mbeu yakakushwa nenyanzvi yemaziso yakaguma nei? Tatoona kare zvakaitika kuna Sasha nemhuri yake. Kana ari Ella, anoshumira sapiyona chaiye. Mwanasikana wake Eina, achangopedza chikoro chesekondari, ari kutanga basa rake pachake rokupayona. Faina anoshumirawo sapiyona chaiye. Kana ari Karl, chiremba waElla wehosha dzevakadzi, iye zvino Chapupu chakabhabhatidzwa uye mushumiri anoshumira, achiudzawo varwere vake uye vamwe nezvesimba rokuporesa rechokwadi cheBhaibheri.
Boka duku revatami vanotaura mutauro wokuRussia rakatanga riri chikamu cheungano yeHaifa yomutauro wechiHebheru zvino rava Ungano yomutauro wokuRussia inoshingaira ine vaparidzi voUmambo vanopfuura 120. Kumwe kwokuwedzera uku kunokonzerwa nokuti nyanzvi yemaziso yokuLviv yakashandisa mukana wokukusha mbeu!
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 6 Nokuda kwemamwe mashoko, ona Mukai! yechiRungu yaNovember 8, 1994, mapeji 12-15.
^ ndima 9 MaHLC anomiririra Zvapupu zvaJehovha mupasi rose, achibatsira nokukurukurirana pakati pomurwere nevashandi vomuchipatara. Anopawo mashoko pamusoro pemamwe marapiro akavakirwa patsvakurudzo yokurapa kwemazuva ano.
[Mepu iri papeji 29]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
UKRAINE
ISRAEL
[Kwazvakatorwa]
Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.
[Mifananidzo iri papeji 30]
Ella nomwana wake, Eina
[Mufananidzo uri papeji 31]
Boka rinofara reZvapupu zvinotaura mutauro wokuRussia muHaifa. Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Sasha, Ilana, Natasha, Galina, Faina, Ella, Eina, naKarl