Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kurarama Nokuora Mwoyo!

Unogona Kurarama Nokuora Mwoyo!

Unogona Kurarama Nokuora Mwoyo!

MUMWE murume akachenjera akambonyora kuti: “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” (Zvirevo 24:10) Kana wakamboora mwoyo, ungangobvumirana nemashoko iwayo.

Hapana asingavhiringidzwi nezvinokonzerwa nokuora mwoyo. Kuora mwoyo kuduku kungavapo kwezuva rimwe kana maviri kwozopera. Asi kana chinetso chacho chiine chokuita nokurwadziswa kana kutsamwiswa, chinogona kuramba chiripo kwenguva yakareba. Vamwe vaKristu vave vakatendeka kwemakore akawanda vakaodzwa mwoyo zvokuti vakatorega kupinda misangano yeungano uye kuitawo basa romumunda.

Kana ukanzwa kuora mwoyo, shinga! Vashumiri vakatendeka munguva dzekare vakabudirira kurarama nokuora mwoyo, uye unogonawo kudaro uchibatsirwa naMwari.

Vamwe Pavanoita Kuti Unzwe Kurwadziwa

Haungatarisiri kudzivirirwa pamashoko ose anotaurwa asina kunyatsofungwa kana kuti pazviito zvose zvisina musoro. Zvisinei, unogona kuita kuti kusakwana kwevamwe kusavhiringidza basa raunoitira Jehovha. Kana mumwe munhu akakurwadzisa, ungazviwana zvichibatsira kufunga kuti Hana, amai vaSamueri, akabata sei nemamiriro ezvinhu aiodza mwoyo.

Hana aida vana zvikuru, asi akanga asingabereki. Mukadzinyina wake Penina, akanga atoberekera murume wake vanakomana nevanasikana. Pane kuti anzwisise chinetso chaHana, Penina akamuona somuvengi uye akamuratidza unhu hwakaita kuti Hana ‘acheme, arambe kudya.’—1 Samueri 1:2, 4-7.

Rimwe zuva Hana akaenda kutebhenekeri kunonyengetera. Eri, mupristi mukuru waIsraeri akaona miromo yake ichitamba-tamba. Asingazivi kuti Hana akanga achinyengetera, Eri akagumisa kuti akanga adhakwa. “Ucharamba wakabatwa kusvikira riniko?” akabvunza kudaro. “Rasha waini yako.” (1 Samueri 1:12-14) Ungafungidzira here kuti Hana anofanira kunge akanzwa sei? Akanga auya kutebhenekeri kuzokurudzirwa. Zvechokwadi akanga asingatarisiri kupomerwa zvenhema nomumwe wevarume vakakwirira zvikuru muIsraeri!

Izvi zvingadai zvakaita kuti Hana akurumidze kuora mwoyo. Angadai akabuda mutebhenekeri pakarepo, achipika kuti akanga asingazodzokizve chero bedzi Eri akanga achiri kushanda somupristi mukuru. Zvisinei, Hana akakoshesa zvakajeka ukama hwake naJehovha. Akaziva kuti haaizofara kudai aizodaro. Tebhenekeri ndiyo yakanga iri muzinda wokunamata kwechokwadi. Jehovha akanga aisa zita rake ipapo. Uye kunyange zvake aive asina kukwana, Eri akanga ari mumiririri waJehovha akasarudzwa.

Kupindura kwomunhu anotya Mwari kwakaitwa naHana kupomera kwaEri kunotipa muenzaniso wakanaka wokutevera nhasi. Haana kuzvibvumira kupomerwa zvenhema, asi akapindura nenzira yokuremekedza zvikuru. “Kwete Ishe wangu,” akapindura kudaro. “Ndiri mukadzi ane shungu pamweya, handina kunwa waini, kana zvinobata, asi ndadurura mweya wangu pamberi paJehovha. Musati murandakadzi wenyu mwanasikana wakaisvoipa, nokuti kusvikira zvino ndakanga ndichitaura nokuda kwokuchema kwangu kukuru nokuda kwokutambudzika kwangu.”—1 Samueri 1:15, 16.

Hana akaburitsa pfungwa dzake here? Chaizvo. Asi, akataura nounyanzvi kuna Eri, kwete kuda kumupikisa nemhaka yokuti akanga amupomera zvenhema. Iyewo akazoita nenzira yomutsa kwaari, achiti: “Enda hako norugare; Mwari waIsraeri ngaakupe chawakakumbira kwaari.” Nyaya yacho payakangopera, Hana “akaenda hake, akazodya, chiso chake chikashanduka.”—1 Samueri 1:17, 18.

Tinodzidzei munhau iyi? Hana akaita nokukurumidza kuti agadzirise kusanzwisisana, asi akaita kudaro noruremekedzo rukuru. Zvakazoguma nokuti akachengetedza ukama hwakanaka naJehovha uye naEri. Kugona kukurukurirana uye kuti ngwarirei kunowanzodzivisa kuti zvinetso zviduku zvisakura sei!

Zvinofanira kucherechedzwa kuti kugadzirisa zvinetso nevamwe kunoda kuzvininipisa uye kuva munyoro kune vose vanobatanidzwa. Kana mumwe mutendi akakundikana kuita maererano nokuedza kwako kugadzirisa chinetso, ungafanira kusiya nyaya yacho mumaoko aJehovha, uchivimba kuti achaigadzirisa munguva yake uye nenzira yake pachake.

Wakarasikirwa Neropafadzo Yebasa Here?

Vamwe vakaora mwoyo nemhaka yokufanira kusiya ropafadzo yavaida mubasa raMwari. Vainakidzwa nokushandira hama dzavo, uye pakapera ropafadzo yacho, vakanzwa kuti vakanga vasisina basa kuna Jehovha kana kusangano rake. Kana ariwo manzwiro aunoita, ungawana nzwisiso nokufunga nezvomuenzaniso womunyori weBhaibheri Mako, anonziwo Johani Mako.—Mabasa 12:12.

Mako akaperekedza Pauro naBhanabhasi parwendo rwavo rwokutanga rwoumishinari, asi vave pakati perwendo, akavasiya ndokudzokera kuJerusarema. (Mabasa 13:13) Gare gare, Bhanabhasi aida kuti vaende pamwe naMako pane rumwe rwendo. Zvisinei, Bhaibheri rinoti: “Pauro haana kufunga kuti zvakanga zvakafanira kuti vaende naiyeyu, sezvo akanga abva kwavari paPamufiriya uye akanga asina kuenda navo kubasa.” Bhanabhasi haana kubvumirana nazvo. Nhoroondo yacho inopfuurira kuti, “Ipapo pakatsamwiranwa kwazvo, zvokuti [Pauro naBhanabhasi] vakabva vaparadzana; Bhanabhasi akaenda naMako nechikepe kuKupro. Pauro akasarudza Sirasi akaenda.”—Mabasa 15:36-40.

Mako angadai akaora mwoyo nokuziva kuti muapostora Pauro anoremekedzwa aisada kushanda naye uye kuti nharo dzaiva pamusoro pokuti aikwanisa here dzakanga dzapesanisa Pauro naBhanabhasi. Asi hazvina kuperera ipapo.

Pauro naSirasi vakanga vachiri kuda wokufamba naye. Pavakasvika paRisitira, vakawana mumwe wokutsiva naye Mako, jaya rainzi Timoti. Zvino Timoti angadai aive akabhabhatidzwa kwemakore maviri kana matatu chete panguva yaakasarudzwa. Kune rimwe divi, Mako akanga asonganira neungano yechiKristu kubvira pakutanga kwayo—kwenguva yakareba, kunyange kutopfuura Pauro pachake. Asi, Timoti ndiye akawana ropafadzo yebasa racho.—Mabasa 16:1-3.

Mako akaita sei paakaziva kuti akanga atsiviwa nejaya duku, risina unyanzvi hwakakwana? Bhaibheri haritauri. Kunyange zvakadaro, rinoratidza kuti Mako akaramba achishingaira mubasa raJehovha. Akashandisa ropafadzo dzaaiwana. Kunyange zvazvo akanga asingakwanisi kushanda naPauro naSirasi, akakwanisa kufamba naBhanabhasi kuenda kuKupro, yaiva ndima yokumusha kwaBhanabhasi. Mako akashandawo naPetro muBhabhironi. Pakupedzisira, akazowana mukana wokushanda naPauro—naTimoti—muRoma. (VaKorose 1:1; 4:10; 1 Petro 5:13) Gare gare Mako akatozofuridzirwa kuti anyore imwe yeEvhangeri ina!

Muzvose izvi mune chidzidzo chinokosha. Mako haana kunyanya kufunga zvikuru nezveropafadzo yakanga yarasika zvokuti akatadza kukoshesa ropafadzo dzaakanga achiri kukwanisa kuwana. Mako akaramba akabatikana mubasa raJehovha, uye Jehovha akamukomborera.

Saka kana wakarasikirwa neropafadzo, usaora mwoyo. Kana ukaramba uine mafungiro akanaka uye ukaramba wakabatikana, unogona kupiwa dzimwe ropafadzo. Pane zvakawanda zvokuita mubasa raShe.—1 VaKorinde 15:58.

Mushumiri Akatendeka Anoora Mwoyo

Hazvisi nyore kurwira kwazvo kutenda. Dzimwe nguva, ungaora mwoyo. Uye ipapo ungatonzwa uine mhaka nokuodzwa mwoyo, uchigumisa kuti mushumiri akatendeka waMwari haafaniri kumbonzwa nenzira iyoyo. Funga nezvaEriya, mumwe wevaprofita vaMwari vakatanhamara.

Apo Mambokadzi waIsraeri Jezebheri, mutsigiri anonyanyisa wokunamata Bhaari, akaziva kuti vaprofita vaBhaari vakanga vaurayiwa naEriya, akapika kuti aizomuuraya. Eriya akanga ambonangana nevamwe vavengi vakuru kuna Jezebheri, asi asingafungire akaora mwoyo zvokuti akada kufa. (1 Madzimambo 19:1-4) Izvozvo zvaizoitika sei? Akanga akanganwa chimwe chinhu.

Eriya akanga akanganwa kutarira kuna Jehovha saiye Anomupa simba. Ndiani akanga apa Eriya simba rokumutsa vakafa uye rokunangana nevaprofita vaBhaari? NdiJehovha. Zvechokwadi, Jehovha aizokwanisa kumupa simba rokunangana nokutsamwa kwaMambokadzi Jezebheri.—1 Madzimambo 17:17-24; 18:21-40; 2 VaKorinde 4:7.

Munhu wose anogona kumboti tsaukei pakuvimba kwake naJehovha. Kufanana naEriya, ungava nemaonero evanhu pane chimwe chinetso pane kuti ushandise “uchenjeri hunobva kumusoro” kuti uchigadzirise. (Jakobho 3:17) Zvisinei, Jehovha haana kusiya Eriya nokumbotadza kufunga uku.

Eriya akanga atizira kuBheeri-shebha ndokuzoenda kurenje, kwaakafunga kuti hapana aizomuwana. Asi Jehovha akamuwana. Akatuma ngirozi kuzomunyaradza. Ngirozi yakava nechokwadi chokuti Eriya awana chingwa chichangobikwa kuti adye uye mvura inotonhorera kuti anwe. Eriya azorora, ngirozi yakamurayira kufamba anoda kusvika makiromita 300 kuenda kuGomo reHorebhi, kwaaizosimbiswazve naJehovha.—1 Madzimambo 19:5-8.

Pagomo reHorebhi, Eriya akaona kuratidzwa kwesimba raJehovha kunosimbisa kutenda. Uye ipapo, muinzwi rakadzikama, riri pasi pasi, Jehovha akamuita kuti ave nechokwadi chokuti akanga asiri oga. Jehovha akanga anaye, uye hama dzake 7 000 dzakanga dzinayewo, kunyange zvazvo Eriya akanga asingazvizivi. Pakupedzisira, Jehovha akamupa basa rokuita. Akanga asina kusiya Eriya somuprofita wake!—1 Madzimambo 19:11-18.

Rubatsiro Runowanika

Kana uchigara uchiora mwoyo, ungawana kuti uchanzwa zviri nani kana ukazorora kana kudya zvokudya zvakanaka. Nathan H. Knorr, akashanda senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha kusvikira pakufa kwake muna 1977, akambocherechedza kuti zvinetso zvikuru kakawanda zvinooneka zvave zviduku zvikuru pashure pokurara zvakakwana usiku. Zvisinei, kana chinetso chacho chichipfuurira, chigadzikiso chakadaro chingasava chakakwana—unenge wave kuda kubatsirwa kuti urwise kuora mwoyo.

Jehovha akatuma ngirozi kunosimbisa Eriya. Nhasi, Mwari anokurudzira achishandisa vakuru nevamwe vaKristu vakura. Chaizvoizvo vakuru vanogona kuva “soutiziro pamhepo.” (Isaya 32:1, 2) Asi kuti ukurudzirwe navo, iwe ungafanira kutanga kuita chiito. Nokuora mwoyo kwakanga kwakaita Eriya, akaenda kuGomo reHorebhi kunogamuchira murayiridzo kubva kuna Jehovha. Tinogamuchira murayiridzo unosimbisa nokuungano yechiKristu.

Patinowana rubatsiro toshinga kunangana nemiedzo, yakadai sokurwadziswa kana kurasikirwa neropafadzo, tinoramba tiri kudivi raJehovha renhau inokosha. Nhau ipi? Satani akaita nharo dzokuti vanhu vanoshumira Jehovha kuti vazviwanire chimwe chinhu chete. Satani haarambi kuti tichashumira Mwari apo chinhu chose muupenyu hwedu chiri kufamba zvakanaka, asi anoita nharo dzokuti tinomira kushumira Mwari patinopinda muzvinetso. (Jobho, chitsauko 1 ne2) Nokupfuurira mubasa raJehovha tisingazununguki pasinei nokuora mwoyo, tinogona kubatsira kupa mhinduro kupomero dzaDhiyabhorosi dzokuchera.—Zvirevo 27:11.

Hana, Mako, naEriya vose vakanga vane zvinetso zvakambovabira mufaro wavo kwenguva duku. Zvisinei, vakagona kurarama nezvinetso zvavo uye vakararama upenyu hwaiva nezvibereko. Uchibatsirwa naJehovha, iwewo unogona kurarama nokuora mwoyo!