Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kurarama Maererano Nokuzvitsaurira Kwako Here?

Uri Kurarama Maererano Nokuzvitsaurira Kwako Here?

Uri Kurarama Maererano Nokuzvitsaurira Kwako Here?

“Zvose zvamunoita, zvishandei nemweya wose sokuna Jehovha, kwete kuvanhu.”—VAKOROSE 3:23.

1. Semashandisirwe aro kunyika, shoko rokuti “tsaurira” rinorevei?

VATAMBI vanosvika sei pakugonesesa? Mutenisi, nhabvu, basketball, baseball, kumhanya, gorofu, kana mumwe mutambo upi noupi, shasha dzinosvika pamusoro-soro nokuzvipira zvakazara. Kugadzirira muviri uye pfungwa ndizvo zvinotanga. Izvi zvinonyatsopindirana neimwe yetsananguro yeshoko rokuti “tsaurira,” yokuti kuzvipira zvachose kupfungwa yakati kana kuti chiito.

2. “Kutsaurira” kunorevei muBhaibheri? Enzanisira.

2 Zvisinei, “kutsaurira” zvinorevei, mupfungwa yeBhaibheri? “Tsaurira” ishoko rinoshandura chiito chechiHebheru chinoreva kuti “ramba wakaparadzana; iva akaparadzana; ibva.” * MuIsraeri yekare, Mupristi Mukuru Aroni aipfeka pangowani yake “chiratidzo chitsvene chokuzvitsaurira,” chaiva hwendefa raipenya rendarama yakachena rakanyorwa mashoko echiHebheru anoshandurwa kuti “Utsvene ndohwaJehovha.” Chaishanda sechiyeuchidzo kumupristi mukuru kuti aisafanira kuita chinhu chipi nechipi chaizosvibisa nzvimbo tsvene “nokuti mafuta okugadza aMwari wake [aiva] pamusoro pake.”—Eksodho 29:6; 39:30, NW; Revhitiko 21:12.

3. Kuzvitsaurira kunofanira kuchinja sei mufambiro wedu?

3 Tinogona kuona panyaya iyi kuti kuzvitsaurira inhau hombe. Kunoreva kuzvizivisa nokuzvidira somushumiri waMwari, uye kunoda mufambiro wakachena. Naizvozvo, tinogona kunzwisisa chikonzero nei muapostora Petro akanyora mashoko akataurwa naJehovha achiti: “Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” (1 Petro 1:15, 16) Zvatiri vaKristu vakazvitsaurira, tine mutoro unorema wokurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu, tichiva vakatendeka kusvikira kumugumo. Asi kuzvitsaurira kwechiKristu kunosanganisirei?—Revhitiko 19:2; Mateu 24:13.

4. Tinosvika sei danho rokuzvitsaurira, uye zvingafananidzwa nei?

4 Patakanga tawana zivo yakarurama yaJehovha Mwari nezvinangwa zvake neyaJesu Kristu nebasa rake muzvinangwa izvozvo, takazvisarudzira kushumira Mwari nomwoyo wose, pfungwa, mweya, uye simba. (Mako 8:34; 12:30; Johani 17:3) Izvozvo zvingatorangarirwa semhiko yomunhu pachake, kuzvitsaurira zvakazara kuna Mwari. Kuzvitsaurira kwedu hakuna kungoitwa pasina kufunga zvakakwana. Kwakafungwa nezvakwo nokungwarira uye nokunyengetera, pachishandiswa simba rokufunga. Saka, kwakanga kusiri kusarudza kwenguva pfupi. Hatingavi somumwe munhu anotanga kurima munda ozorega ava pakati nokuti ibasa rakanyanya kuoma kana kuti nokuti kukohwa kunoita sokuri kure zvakanyanya kana kuti hakuna chokwadi. Funga mienzaniso yevamwe vaka‘bata gejo’ romutoro wokunamata Mwari kunyange zvaiva zvakaoma kwazvo.—Ruka 9:62; VaRoma 12:1, 2.

Havana Kuramba Kuzvitsaurira Kwavo

5. Jeremia aiva sei muenzaniso mukuru womushumiri waMwari akazvitsaurira?

5 Ushumiri hwaJeremia hwokuprofita muJerusarema hwakanga hwakareba makore 40 (647-607 B.C.E.), uye rakanga risiri basa riri nyore. Aiziva kwazvo zvaakanga asingagoni kuita. (Jeremia 1:2-6) Aida ushingi nokutsungirira kuti atarisane nevanhu veJudha vakanga vakaoma musoro zuva nezuva. (Jeremia 18:18; 38:4-6) Zvisinei, Jeremia akavimba naJehovha Mwari, uyo akamusimbisa zvokuti akaratidza kuti mushumiri waMwari akazvitsaurira zvechokwadi.—Jeremia 1:18, 19.

6. Muapostora Johani akatiitira muenzanisoi?

6 Zvakadiniko nomuapostora akanga akatendeka Johani, akadzingirwa kuchitsuwa chakanga chisingagariki chePatimosi muukweguru hwake pamusana poku“taura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu”? (Zvakazarurwa 1:9) Akatsungirira ndokurarama maererano nokuva kwake muKristu akazvitsaurira kwemakore anenge 60. Jerusarema rakaparadzwa nemauto eRoma iye achiri mupenyu. Akapiwa ropafadzo yokunyora Evhangeri, tsamba nhatu dzakafuridzirwa, uye bhuku raZvakazarurwa, umo akafanoona hondo yeAmagedhoni. Akarega here paakaziva kuti Amagedhoni yaisazouya achiri kurarama? Akava munhu asina hanya nazvo here? Aiwa, Johani akaramba akatendeka kusvikira afa, achiziva kuti kunyange zvazvo ‘nguva yakatemwa yakanga yava pedyo,’ kuzadzika kwezvaakaratidzwa kwaizoitika rimwe zuva raiva mberi.—Zvakazarurwa 1:3; Dhanieri 12:4.

Mienzaniso Yemazuvano Yokuzvitsaurira

7. Imwe hama yaiva sei muenzaniso wokuzvitsaurira kwechiKristu?

7 Munguva dzazvino, zviuru zvevaKristu vakatendeka zvakaomerera nokushingaira pakuzvitsaurira kwazvo kunyange zvikasararama kuti zvione Amagedhoni. Mumwe munhu akadaro aiva Ernest E. Beavor wokuEngland. Akava Chapupu muna 1939 pakutanga kweHondo Yenyika II, uye akarega bhizimisi rokubudisa mifananidzo rakanga richibudirira kuti aite basa renguva yakazara. Pamusana pokuramba asina kwaakarerekera somuKristu, akaenda kujeri kwemakore maviri. Mhuri yake yakamutsigira, uye muna 1950 vana vake vatatu vakapinda Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi kuti varovedzwe basa roumishinari, muNew York. Hama Beavor vaishingaira kwazvo mubasa ravo rokuparidza zvokuti shamwari dzaivadana kuti Amagedhoni Ernie. Vakaita maererano nokuzvitsaurira kwavo vakavimbika, uye kusvikira parufu rwavo muna 1986, vakazivisa kuva pedyo kwehondo yeAmagedhoni. Havana kuona kuzvitsaurira kwavo sechibvumirano chenguva shoma naMwari! *1 VaKorinde 15:58.

8, 9. (a) Muenzanisoi wakaitwa nemajaya akawanda muSpain panguva yokutonga kwaFranco? (b) Ndeipi mibvunzo yakakodzera?

8 Mumwe muenzaniso wokushingaira kusina kuderera unobva kuSpain. Panguva yokutonga kwaFranco (1939-75), mazana eZvapupu zvechiduku zvakazvitsaurira akasarudza kuva vaKristu vasina kwavakarerekera. Vakawanda vavo vakapedza makore gumi kana kudarika vari mumajeri echiuto. Chimwe Chapupu, Jesús Martín, chakatova nemitongo yakasvika makore 22 mujeri. Akarohwa zvakaipisisa paakanga ari mujeri rechiuto kuNorth Africa. Hapana nechimwe cheizvi chakanga chiri nyore, asi akaramba kubvumirana pane zvisina kufanira.

9 Kakawanda kacho, majaya aya akanga asingambozivi kana aizombosunungurwa, nokuti airamba achingopiwa mitongo inotevedzana. Kunyange zvakadaro, akaramba akatendeka ndokuramba achishingaira muushumiri paakanga ari muusungwa. Pakupedzisira apo mamiriro ezvinhu acho akatanga kuvandudzika muna 1973, zvakawanda zveZvapupu izvi, zvakanga zvava mumavambo emakore okuma30, zvakabudiswa mujeri ndokubva zvananga muushumiri hwenguva yakazara, zvimwe zvichiva mapiyona chaiwo uye vatariri vanofambira. Zvakararama mujeri maererano nokuzvitsaurira kwazvo, uye zvakawanda zvakapfuurira kuita kudaro kubva pazvakasunungurwa. * Zvakadini nesu nhasi? Tiri kuva vakatendeka here pakuzvitsaurira kwedu sezvakaita vakavimbika ava?—VaHebheru 10:32-34; 13:3.

Kuona Zvakanaka Kuzvitsaurira Kwedu

10. (a) Tinofanira kuona sei kuzvitsaurira kwedu? (b) Jehovha anoona sei basa ratinomuitira?

10 Tinoona sei kuzvitsaurira kwedu kuna Mwari kuti tiite kuda kwake? Ndicho chinhu chokutanga here muupenyu hwedu? Pasinei zvapo nemamiriro edu ezvinhu, tingava tiri vaduku kana vakuru, vakaroora kana vasina kuroora, vakagwinya kana vanorwara, tinofanira kuedza zvakasimba kurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu, zvichienderana nemamiriro edu ezvinhu. Mamiriro ezvinhu omumwe munhu angamubvumira kushumira muushumiri hwenguva yakazara ari piyona, ari muzvipiri pahofisi yebazi yeWatch Tower Society, ari mumishinari, kana kuti muushumiri hwokufambira. Ukuwo, vamwe vabereki vangave vakatowandirwa nezvokuita, vachitarisira zvinodiwa nemhuri zvokunyama nezvokumudzimu. Maawa avo mashomanana avanopedzera muushumiri mwedzi woga woga anokosha zvishoma mumaziso aJehovha kudarika maawa akawanda anopedzwa nomushumiri wenguva yakazara here? Aiwa. Mwari haambotitarisiri zvatisina. Muapostora Pauro akataura nheyo iyi achiti: “Kana mwoyo unoda uripo pakutanga, zvinogamuchirika zvikuru maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvisina munhu.”—2 VaKorinde 8:12.

11. Ruponeso rwedu runotsamira pachii?

11 Chero zvazviri, ruponeso rwedu runotsamira, kwete pachinhu chipi nechipi chatingaita, asi pamutsa usina kufanirwa waJehovha waanopa nokuna Kristu Jesu, Ishe wedu. Pauro akatsanangura zvakajeka kuti: “Vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari, uye zviri sechipo chepachena kuti vari kunzi vakarurama nomutsa wake usina kufanirwa nokusunungurwa norudzikinuro rwakaripwa naKristu Jesu.” Zvisinei, mabasa edu anoratidza kutenda kwedu kwechokwadi muzvipikirwa zvaMwari.—VaRoma 3:23, 24; Jakobho 2:17, 18, 24.

12. Nei tisingafaniri kuenzanisa zvatinoita?

12 Hapana chikonzero chokuti tienzanise nguva yatinopedzera mubasa raMwari neyevamwe, mabhuku eBhaibheri atinogovera, kana kuti nhamba yezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa. (VaGaratiya 6:3, 4) Pasinei zvapo nezvatinoita muushumiri hwechiKristu, tose zvedu tinofanira kurangarira mashoko aJesu anoita kuti tizvininipise okuti: “Nokudaro nemiwo, kana maita zvinhu zvose zvamakagoverwa, itii, ‘Tiri varanda pasina. Zvataita ndizvo zvataifanira kuita.’” (Ruka 17:10) Kakawanda sei patinganyatsoti taita ‘zvinhu zvose zvatakagoverwa’? Saka mubvunzo ndewokuti, Basa ratinoitira Mwari rinofanira kuva rakanaka zvakadini?—2 VaKorinde 10:17, 18.

Kuita Kuti Zuva Roga Roga Rishande

13. Tinofanira kuva nemafungiroi sezvatinoita maererano nokuzvitsaurira kwedu?

13 Apedza kupa zano kuvadzimai, varume, vana, vabereki, uye varanda, Pauro anonyora kuti: “Zvose zvamunoita, zvishandei nemweya wose sokuna Jehovha, kwete kuvanhu, nokuti munoziva kuti muchawana mubayiro wakafanira wenhaka kubva kuna Jehovha. Shandirai Tenzi, Kristu.” (VaKorose 3:23, 24) Hatisi kushumira kuti tiorore vanhu nezvatinoita mubasa raJehovha. Tiri kuedza kushumira Mwari nokutevedzera muenzaniso waJesu Kristu. Akaita ushumiri hwake hwenguva pfupi pfupi nepfungwa yokukurumidzira.—1 Petro 2:21.

14. Petro akapa yambiro yei pamusoro pemazuva okupedzisira?

14 Muapostora Petro akaratidzawo pfungwa yokukurumidzira. Mutsamba yake yechipiri, akayambira kuti mumazuva okupedzisira, kwaizova nevaseki—vakaramba kutenda uye vasina chokwadi—avo, maererano nokuda kwavo, vaizomutsa mibvunzo pamusoro pokuvapo kwaKristu. Zvisinei, Petro akati: “Jehovha haanonoki pachipikirwa chake, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza. Asi zuva raJehovha richauya sembavha.” Hungu, zuva raJehovha rine chokwadi chokuuya. Naizvozvo, tinofanira kufunga zuva nezuva kuti kutenda kwedu ndekwechokwadi uye kwakasimba zvakadini chaizvoizvo muchipikirwa chaMwari.—2 Petro 3:3, 4, 9, 10.

15. Tinofanira kuona sei zuva roga roga muupenyu hwedu?

15 Kuti tirarame maererano nokuzvitsaurira kwedu munzira yokungwarira, tinofanira kushandisa zuva roga roga zvinoita kuti Jehovha arumbidzwe. Panopera zuva roga roga, tingatarira shure here ndokuona kubatsira kwataita munzira yakati kuti zita raMwari ritsveneswe uye mashoko akanaka oUmambo aziviswe? Zvichida tazviita nomufambiro wedu wakachena, kurukurirano yedu inovaka, kana kuti kuratidza hanya kworudo kumhuri neshamwari. Tashandisa mikana yanga iripo kutaurirawo vamwe tariro yedu yechiKristu here? Tabatsira mumwe munhu kufungisisa zvipikirwa zvaMwari here? Ngatiwanei chimwe chinhu chinokosha mupfungwa yomudzimu zuva roga roga, tichiita setiri kuvaka akaundi yakanaka yokubhengi rokumudzimu.—Mateu 6:20; 1 Petro 2:12; 3:15; Jakobho 3:13.

Ramba Uchiona Zvakajeka

16. Satani anoedza kunetesa kuzvitsaurira kwedu kuna Mwari munzira dzipi?

16 Tiri kurarama munguva dziri kuva dzakaoma zvikuru kuvaKristu. Satani nevaanoshandisa vanoedza kuita kuti pasaoneka mutsauko pakati pezvakanaka nezvakashata, zvakachena nezvisina kuchena, tsika dzakanaka nedzisina kunaka, zvinokudzwa nezvisingakudzwi. (VaRoma 1:24-28; 16:17-19) Akaita kuti zvive nyore kwazvo kuti tisvibise mwoyo yedu uye pfungwa neTV kana kuti kombiyuta. Kuona kwedu kwomudzimu kungadzikatidzwa, kana kuti kungasava kwakanaka, zvokuti tinotadza kuziva zviito zvake zvemanomano. Kutsunga kwedu kurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu kunganeteswa, uye torega kubata “gejo” zvakasimba kana tikaita kuti zvatinokoshesa mumudzimu zvibvumiraniswe pane zvisina kufanira.—Ruka 9:62; VaFiripi 4:8.

17. Zano raPauro ringatibatsira sei kuramba tine ukama hwedu naMwari?

17 Naizvozvo mashoko aPauro kuungano yeTesaronika anoenderana nenguva, anoti: “Izvi ndizvo zvinoda Mwari, kutsveneswa kwenyu, kuti murege ufeve; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete mukuchochora kwokushumba sezvinoitawo mamwe marudzi iwayo asingazivi Mwari.” (1 VaTesaronika 4:3-5) Unzenza hwakaita kuti vamwe vadzingwe muungano yechiKristu—vaya vakaregeredza kuzvitsaurira kwazvo kuna Mwari. Vakabvumira ukama hwavo naMwari kuneta, zvokuti akanga asingachakoshi muupenyu hwavo. Asi Pauro akati: “Mwari akatidana, asingarangariri kusachena, asi maererano noutsvene. Naizvozvo, munhu anozvidza haasi kuzvidza munhu, asi Mwari, anoisa mudzimu mutsvene wake mamuri.”—1 VaTesaronika 4:7, 8.

Watsunga Kuitei?

18. Tinofanira kutsunga kuitei?

18 Kana tichinzwisisa kukosha kwokuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha Mwari, tinofanira kutsunga kuitei? Zvatinofanira kutsunga chaizvo kuita ndezvokuva nehana yakanaka ine chokuita nomufambiro wedu noushumiri. Petro akapa zano rokuti: “Ivai nehana yakanaka, kuti pachinhu chacho chamunopomerwa vanyare ivo vari kuzvidza mufambiro wenyu wakanaka pamusoro paKristu.” (1 Petro 3:16) Zvingaitika kuti titambure uye kubatwa zvisina kufanira nemhaka yomufambiro wedu wechiKristu, asi ndizvo zvakaitawo Kristu nemhaka yokutenda kwake nokuvimbika kuna Mwari. “Naizvozvo,” akadaro Petro, “sezvo Kristu akatambura panyama, nemiwo ivai nokufunga kwakafanana; nokuti munhu anenge atambura panyama arega zvivi.”—1 Petro 4:1.

19. Chii chatinoda kuti chitaurwe nezvedu?

19 Chokwadi, kutsunga kwedu kwazvo kurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu kuchatidzivirira pamisungo yenyika yaSatani inorwara mumudzimu, mutsika, uye munyama. Asi kupfuura izvozvo, tichava nechivimbo chokuti tine tendero yaMwari, iri nani kwazvo kudarika chipi nechipi chingapiwa naSatani nevaanoshandisa. Nokudaro, ngazvisambonzi takasiya rudo rwataiva narwo patakatanga kuziva chokwadi. Panzvimbo peizvozvo, ngazvinzi nezvedu sezvakataurwa nezveungano yomuzana remakore rokutanga yaiva muTiatira: “Ndinoziva mabasa ako, norudo rwako nokutenda noushumiri nokutsungirira, uye kuti mabasa ako enguva pfupi yapfuura anopfuura aya ekare.” (Zvakazarurwa 2:4, 18, 19) Hungu, ngatiregei kudziya pakuzvitsaurira kwedu, asi ngati‘pise nomudzimu,’ tichishingaira kusvikira kumugumo—uye mugumo wacho wava pedyo.—VaRoma 12:11; Zvakazarurwa 3:15, 16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Ona Nharireyomurindi yaApril 15, 1987, peji 31.

^ ndima 7 Ona Nharireyomurindi yaSeptember 15, 1980 mapeji 8-13, yechiRungu yaMarch 15, 1980, mapeji 8-11, nokuda kwenhoroondo ine mashoko akawanda youpenyu hwaErnest Beavor.

^ ndima 9 Ona 1978 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 156-8, 201-18, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Unoyeuka Here?

• Kuzvitsaurira kunosanganisirei?

• Mienzaniso ipi yekare neyemazuvano yevashumiri vaMwari vakazvitsaurira yakakodzera kutevedzerwa nesu?

• Tinofanira kuona sei basa redu kuna Mwari?

• Tinofanira kutsunga kuitei pamusoro pokuzvitsaurira kwedu kuna Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jeremia akaramba akatendeka pasinei zvapo nokubatwa zvisina kunaka

[Mufananidzo uri papeji 16]

Ernest Beavor akaitira vana vake muenzaniso somuKristu anoshingaira

[Mufananidzo uri papeji 17]

Mazana eZvapupu zvechiduku zvaiva mumajeri eSpain akaramba akatendeka

[Mifananidzo iri papeji 18]

Ngatibudise chimwe chinhu chakanaka mupfungwa yomudzimu zuva roga roga