Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakaita Kuti Chokwadi Chive Chako Here?

Wakaita Kuti Chokwadi Chive Chako Here?

Wakaita Kuti Chokwadi Chive Chako Here?

“Shandurwai nokuvandudza pfungwa dzenyu, kuti muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.”—VAROMA 12:2.

1, 2. Nei zvisiri nyore kuva muKristu wechokwadi nhasi?

KUVA muKristu wechokwadi mumazuva ano okupedzisira—mune dzino “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo”—hakusi nyore. (2 Timoti 3:1) Chokwadi ndechokuti, kuti atevere muenzaniso waKristu munhu anofanira kukunda nyika. (1 Johani 5:4) Yeuka zvakataura Jesu nezvenzira yechiKristu kuti: “Pindai nepasuo rakatetepa; nokuti mugwagwa unoenda mukuparadzwa wakafara uye wakapamhama, vakawanda ndivo vanopinda nawo; asi suo rakatetepa uye mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.” Akatiwo: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atore danda rake rokutambudzikira zuva nezuva arambe achinditevera.”—Mateu 7:13, 14; Ruka 9:23.

2 Kana awana mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu, basa rangosara kumuKristu kuramba ari mauri. Nei riri basa? Imhaka yokuti kuzvitsaurira kwedu uye kubhabhatidzwa zvinoita kuti Satani ade kutibata nemanomano, kana kuti nemazano asiri nyore kuona. (VaEfeso 6:11; NW, Ref., mashoko omuzasi) Anocherechedza matakaneta ndokutsvaka kumushandisa achiedza kukanganisa kunamata kwedu. Handiti akatomboedza kuparadza Jesu, saka isu angatisiya nepapi?—Mateu 4:1-11.

Nzira dzaSatani Dzemanomano

3. Satani akadyara sei kusava nechokwadi mupfungwa dzaEvha?

3 Imwe nzira inoshandiswa naSatani ndeyokudyara kusava nechokwadi mupfungwa dzedu. Anotsvaka pakaita zinyekenyeke panhumbi dzedu dzokuzvidzivirira nadzo dzomudzimu. Pamavambo chaipo, akashandisa nzira iyoyo kuna Evha, achibvunza kuti: “Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?” (Genesi 3:1) Nemamwe mashoko, Satani akanga ari kuti, ‘Nhai zvingadaro here kuti Mwari angave akakurambidzai zvakadaro? Aizokunyimai chimwe chinhu chakanaka zvakadai here? Maiwe, Mwari anoziva kuti nomusi chaiwo wamunodya zviri mumuti wacho maziso enyu anobva avhurika uye munobva maita saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa!’ Satani akadyara mbeu yokusava nechokwadi ndokumirira kuti imere.—Genesi 3:5.

4. Vamwe vangabatwa nokusava nechokwadi chei nhasi?

4 Satani anoshandisa sei nzira iyi nhasi? Kana tikaregeredza kuverenga kwedu Bhaibheri, kudzidza tiri toga, minyengetero yedu, uye ushumiri nemisangano yedu yechiKristu, tingazvisiya tiri pangozi yokusava nechokwadi kunomutswa nevamwe. Somuenzaniso: “Tinoziva sei kuti ichi ndicho chokwadi sokudzidzisa kwachakaitwa naJesu?” “Ano mazuva okupedzisira chaizvoizvo here? Zvatatova muzana remakore rechi21 wani.” “Tava pedyo neAmagedhoni here, kana kuti ichiri kure?” Kana kusava nechokwadi kwakadaro kukamuka, tinofanira kuita sei kuti tikubvise?

5, 6. Tinofanira kuita sei kana kusava nechokwadi kukavapo?

5 Jakobho akapa zano rinoshanda paakanyora kuti: “Kana upi noupi wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, nokuti anopa zvikuru vose asingazvidzi; uye achapiwa. Asi ngaarambe achikumbira nokutenda, asingambovi asina chokwadi, nokuti asina chokwadi akafanana nemafungu egungwa anofambiswa nemhepo achisairirwa kwose kwose nemhepo. Chaizvoizvo, munhu iyeye ngaarege kufunga kuti achagamuchira chimwe chinhu kuna Jehovha; iye munhu ane mwoyo miviri, asina kutsiga munzira dzake dzose.”—Jakobho 1:5-8.

6 Saka, chii chatinofanira kuita? Tinofanira ku‘ramba tichikumbira Mwari’ mumunyengetero kuti atipe kutenda nokunzwisisa tosimbisa zvatinoita patinodzidza tiri toga nezvemibvunzo ipi neipi kana kuti zvatisina chokwadi nazvo. Tinogonawo kukumbira kubatsirwa nevaya vakasimba mukutenda, tisingamboregi kuva nechokwadi chokuti Jehovha achatipa rutsigiro rwatinoda. Jakobho akatiwo: “Naizvozvo, zviisei pasi paMwari; asi dzivisai Dhiyabhorosi, uye achakutizai. Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” Hungu, kusava kwedu nechokwadi kuchapera sezvatinoswedera pedyo naMwari nokudzidza nokunyengetera.—Jakobho 4:7, 8.

7, 8. Ndezvipi zvimwe zvinodiwa zvinokosha zvokuziva nazvo kunamata kwaidzidziswa naJesu uye ndivanaani vari kuzviita?

7 Somuenzaniso, tora mubvunzo wokuti: Tinoziva sei kuti tiri kutevedzera kunamata kwakadzidziswa naJesu? Kuti tipindure izvi, zvii zvinodiwa zvinofanira kutariswa? Bhaibheri rinozivisa kuti vaKristu chaivoivo vanofanira kuva norudo rwechokwadi pakati pavo. (Johani 13:34, 35) Vanofanira kutsvenesa zita raMwari, Jehovha. (Isaya 12:4, 5; Mateu 6:9) Uye vanofanira kuita kuti zita iroro rizivikanwe.—Eksodho 3:15; Johani 17:26.

8 Chimwe chinhu chinoratidza kunamata kwechokwadi kuremekedza Shoko raMwari, Bhaibheri. Ndiro bhuku rakasiyana nemamwe ose rinozivisa unhu hwaMwari nezvinangwa zvake. (Johani 17:17; 2 Timoti 3:16, 17) Uyezve, vaKristu vechokwadi vanozivisa kuti Umambo hwaMwari ndiyo tariro chete yevanhu youpenyu husingaperi mupasi riri paradhiso. (Mako 13:10; Zvakazarurwa 21:1-4) Vanoramba vakaparadzana nezvematongerwe enyika ino zvakashata nemararamiro ayo anosvibisa. (Johani 15:19; Jakobho 1:27; 4:4) Ndivanaani nhasi vanoita chaizvoizvo izvi zvinodiwa? Chokwadi chinoratidza kuti panongova nemhinduro imwe chete—Zvapupu zvaJehovha.

Zvakadini Kana Kusava Nechokwadi Kukaramba Kuripo?

9, 10. Tingaitei kuti tikunde kusava nechokwadi kunoramba kuripo?

9 Zvakadini tikazviwana tava kukundwa nokusava nechokwadi? Ipapo tinofanira kuita sei? Mambo akachenjera Soromoni anogovera mhinduro yacho, inoti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.”—Tisu tatsveyamisa mabhii; Zvirevo 2:1-5.

10 Iyoyo haisi pfungwa inoshamisa here? Kana tichida kuteerera nomwoyo wose uchenjeri hwaMwari, ticha“wana zivo yaMwari.” Hungu, tinokwanisa kuwana zivo yaChangamire Ishe wezvose zvakasikwa kana tichida kugamuchira nokuchengeta zvaanotaura. Zvinoreva kutaura naJehovha mumunyengetero uye nokudzidza tiri toga. Pfuma yakavanzwa yeShoko rake inogona kubvisa kusava nechokwadi kupi nokupi ndokutibatsira kuona chiedza chechokwadi.

11. Muranda waErisha akabatwa sei nokusava nechokwadi?

11 Muenzaniso uri pachena wokuti munyengetero wakabatsira sei muranda waMwari akanga asina chokwadi unowanika pana 2 Madzimambo 6:11-18. Muranda waErisha akanga asina nzwisiso yomudzimu. Akanga asingagoni kunzwisisa kuti mauto okudenga akanga aripo kuti atsigire muprofita waMwari, akanga akombwa neuto reSiriya. Achitya muranda wacho akachema achiti: “Haiwa! tenzi wangu, tichadiniko?” Erisha akapindura sei? “Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” Asi muranda wacho aizobata sei chokwadi? Akanga asingaoni mauto acho okudenga.

12. (a) Kusava nechokwadi kwomuranda kwakapedzwa sei? (b) Tingapedza sei kusava nechokwadi kupi nokupi kwatingava nakwo?

12 “Erisha akanyengetera, akati: Jehovha, svinudzai henyu meso ake, aone. Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.” Nokudaro Jehovha akaita kuti muranda aone mauto okudenga akanga achidzivirira Erisha. Zvisinei, hatifaniri kutarisira kubatsirwa naMwari zvakadaro nhasi. Yeuka, muranda iyeye womuprofita akanga asina Bhaibheri rakazara rokudzidza kuti asimbise kutenda kwake. Isu tine Bhaibheri. Kana tikarishandisa zvakanaka, kutenda kwedu kunogona kusimbiswa saizvozvo. Somuenzaniso, tingafungisisa nhoroondo dzakasiyana-siyana dzinorondedzera Jehovha ari mudare rake rokudenga. Izvi hazvisiyi mukana wokusava nechokwadi chokuti Jehovha ane sangano rokudenga riri kutsigira vashumiri vake mubasa rokudzidzisa romunyika yose nhasi.—Isaya 6:1-4; Ezekieri 1:4-28; Dhanieri 7:9, 10; Zvakazarurwa 4:1-11; 14:6, 7.

Ngwarira Manomano aSatani!

13. Satani anoedza kunetesa kubata kwatakaita chokwadi nenzira dzipi?

13 Ndedzipi dzimwe nzira dzaSatani dzokunetesa kunamata kwedu uye kubata kwatakaita chokwadi? Imwe yacho unzenza, mumarudzi ahwo ose akasiyana-siyana. Munyika yanhasi yava kupengereka nenyaya dzokusangana kwevanhu pabonde, runonzi rudo (kusavimbika kunotaurwa nechibhende) kana kuti kusangana pabonde kwousiku humwe chete (ufeve hwemafaro) kwazova chinhu chinoitwa zuva nezuva nechizvarwa chinoda zvokunakirwa kunyange zvokora muto. Mabhaisikopu, TV, uye mavhidhiyo zvinokurudzira mararamire aya. Zvinonyadzisira zvakazara muzvinobudisa nhau, kunyanya Internet. Muedzo wakamirira vanoda kuona zvakadai nemhaka yokungoda kuziva.—1 VaTesaronika 4:3-5; Jakobho 1:13-15.

14. Nei vamwe vaKristu vakabatwa nemanomano aSatani?

14 Vamwe vaKristu vakabvumira kungoda kuziva kwavo kuvakurira uye vakasvibisa pfungwa nemwoyo yavo nokuona mifananidzo yezvinonyadzisira isina kunyanya kuipa kana kuti yakaipisisa. Vakazvibvumira kuwira mumusungo waSatani unokwezva. Kuita kudaro kakawanda kacho kwakatungamirira kukufa mumudzimu. Vakadaro vakatadza kuramba vari “vacheche pakureva nezveuipi.” Havana kuva “vakuru zvakakwana mumasimba okunzwisisa.” (1 VaKorinde 14:20) Gore roga roga, zviuru zvinokohwa mibayiro yacho pamusana pokusaomerera kunheyo uye zvinodiwa neShoko raMwari. Vakarega kupfeka “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari” ndokuramba vanadzo.—VaEfeso 6:10-13; VaKorose 3:5-10; 1 Timoti 1:18, 19.

Koshesa Zvatinazvo

15. Nei vamwe vangazviona zvakaoma kukoshesa nhaka yavo yomudzimu?

15 “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai,” akadaro Jesu. (Johani 8:32) Zvapupu zvakawanda zvaitofanira kurega mararamiro azvaimboita uye vazvaimbosonganira navo vechitendero. Naizvozvo, vangakurumidza zvikuru kunzwisisa rusununguko runounzwa nechokwadi. Ukuwo, vamwe vechiduku vakarerwa nevabereki vari muchokwadi vangazviwana zvakaoma kukoshesa nhaka yavo yomudzimu. Havana kumbopinda muchitendero chenhema kana kuti kuva venyika ino nokutsvaka kwayo mafaro, kupindwa kwayo muropa nezvinodhaka, uye unzenza hwayo. Saka vangatadza kuona musiyano mukuru uripo pakati peparadhiso yedu yomudzimu nenyika yakaora yaSatani. Vamwe vangatobvuma kukundwa nomuedzo wokuda kuravidza chepfu yenyika kuti vaone zvavakarasikirwa nazvo!—1 Johani 2:15-17; Zvakazarurwa 18:1-5.

16. (a) Tingazvibvunza mibvunzo ipi? (b) Chii chatinodzidziswa uye chatinokurudzirwa kuita?

16 Chaizvoizvo tinofanira kupisa minwe yedu kuti tizive kuti kurwadza nokutambura zvinoita sei here? Hatingadzidzi mune zvakashata zvakaitika kune vamwe here? Tinofanira kutendeukira ku“matope” enyika ino kuti tione kana tine zvatakarasikirwa nazvo here? (2 Petro 2:20-22) Petro akayeuchidza vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakanga vambova vamwe venyika yaSatani kuti: “Nguva yakapfuura yakakwana kuti munge makaita kuda kwemamwe marudzi pamakaramba muri pamabasa ounzenza, kuchiva kwazvo, kunyanyisa pawaini, mitambo yokuzvifadza, nguva dzokunwira kudhakwa, nokunamata zvidhori kusingabvumirwi nomutemo.” Chokwadi, hatifaniri hedu kuziva “matope ezvakaipa” enyika kuti tione kuti upenyu hunogona kuva hwakashata sei. (1 Petro 4:3, 4) Panzvimbo peizvozvo, tinodzidziswa tsika dzinodiwa naJehovha dzakanaka kwazvo paHoro dzedu dzoUmambo, dziri nzvimbo dzokudzidza Bhaibheri. Uye tinokurudzirwa kushandisa simba redu rokufunga kuti tizviratidze kuti tine chokwadi uye nokudaro kuita kuti chokwadi chive chedu.—Joshua 1:8; VaRoma 12:1, 2; 2 Timoti 3:14-17.

Zita Redu Hachisi Chiratidzo Chete

17. Tingava sei Zvapupu zvaJehovha zvinobudirira?

17 Kana tikaita kuti chokwadi chive chedu, tichatsvaka kuchiudzawo vamwe pamukana wose wakafanira. Izvi hazvirevi kuti tichaedza kuchimanikidza pane vaya vasingafariri. (Mateu 7:6) Asi, hatizotyi kuzvizivisa seZvapupu zvaJehovha. Kana munhu akaratidza kufarira kwakati nokumutsa mubvunzo wechokwadi kana kuti nokutambira bhuku reBhaibheri, tichava takagadzirira kumuudzawo tariro yedu. Ichokwadi kuti izvi zvingareva kuti nguva dzose tive nemabhuku pasinei nokuti tingava tiri kupi—pamusha, kubasa, kuchikoro, kuchitoro, kana kuti kunzvimbo dzokutandarira.—1 Petro 3:15.

18. Kuzvizivisa zvakajeka kuti tiri vaKristu kungabatsira sei muupenyu hwedu?

18 Patinozvizivisa zvakajeka kuti tiri vaKristu, tinosimbisa chinotidzivirira pakudenha kwaSatani kwounyengeri. Pakunenge kune mutambo wezuva rokuzvarwa kana kuti pati yeKrisimasi kana kuti kubhejera kwepabasa, vamwe vaunoshanda navo vanowanzoti, “Musamunetsa. Mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Nokuda kwechikonzero ichocho, vanhu vangasanyanyoda kutaura majee akaipa patinenge tiripo. Saka, kuzivisa zvatinoda sevaKristu kunobatsira chaizvo muupenyu hwedu, kunyange sezvakataurwa nomuapostora Petro kuti: “Zvechokwadi, ndiani munhu achakukuvadzai kana mukashingairira zvakanaka? Asi kunyange kana mukatambura nokuda kwokururama, munofara.”—1 Petro 3:13, 14.

19. Tinoziva sei kuti tiri kumapeto-peto kwemazuva okupedzisira?

19 Chimwe chakanakira kuita kuti chokwadi chive chedu ndechokuti tichagutsikana kuti ano ndiwo chaiwoiwo mazuva okupedzisira egadziriro ino yezvinhu. Tichaziva kuti hwakawanda hwouprofita hweBhaibheri huri kusvika pahunonyatsozadzika chaipo munguva yedu. * Yambiro yaPauro yokuti “pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika” inosimbiswa zvakakwana nezviitiko zvinotyisa zvomuzana remakore rapfuura. (2 Timoti 3:1-5; Mako 13:3-37) Imwe nyaya yomupepanhau ichangobva kubuda pamusoro pezana remakore rechi20 yakanga ine musoro unoti “Richarangarirwa Senguva Youmhondi.” Nyaya yacho yakataura kuti: “1999 rakava gore rakaurayiwa vanhu vakawanda kwazvo muhafu yechipiri yezana remakore racho rakaurayiwa vanhu zvikuru.”

20. Iye zvino yava nguva yokuitei?

20 Iye zvino haisi nguva yokuzengurira. Chikomborero chaJehovha chiri kuoneka zvakajeka pabasa rokudzidzisa Bhaibheri rakakura kudarika mamwe ose rati ramboitwa munyika yose souchapupu kumarudzi. (Mateu 24:14) Ita kuti chokwadi chive chako, uye chiudzewo vamwe. Nguva yako yemberi yarini narini inotsamira pane zvaunoita iye zvino. Kurembedza ruoko hakuzofanirwi nechikomborero chaJehovha. (Ruka 9:62) Panzvimbo peizvozvo, inguva yokuva “vakasimba, musingazununguki, muchigarova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe.”—1 VaKorinde 15:58.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 19 Ona Nharireyomurindi yaJanuary 15, 2000, mapeji 12-14. Ndima 13-18 dzinopa kudzokororwa kwouchapupu hutanhatu hunoratidza kuti kubvira muna 1914 tave tichirarama mumazuva okupedzisira.

Unoyeuka Here?

• Tingabvisa sei kusava nechokwadi?

• Tingadzidzei mumuenzaniso womuranda waErisha?

• Tinofanira kugara takangwarira miedzo ipi yetsika?

• Nei tichifanira kuzvizivisa zvakajeka kuti tiri Zvapupu zvaJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Kudzidza Bhaibheri nguva dzose uye kunyengetera zvinogona kutibatsira kubvisa kusava nechokwadi

[Mufananidzo uri papeji 11]

Kusava nechokwadi kwomuranda waErisha kwakapedzwa nezvaakaratidzwa

[Mufananidzo uri papeji 12]

Tinodzidziswa tsika dzakanaka kwazvo dzinodiwa naJehovha kuHoro dzoUmambo, seino iri muBenin