Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurwisa Urombo—Ihondo Isingakundiki Here?

Kurwisa Urombo—Ihondo Isingakundiki Here?

Kurwisa Urombo—Ihondo Isingakundiki Here?

VANOSHANYIRA Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose muNew York City vanoona Horo Yedare Rezvoupfumi Nemagariro Evanhu, pombi dzayo nemapaipi emagetsi zviri pachena musirin’i iri pamusoro pomunogarwa nevanhu. Anoratidza vashanyi nzvimbo anotsanangura kuti: “Sirin’i ‘isina kupera’ inowanzoonekwa sechiyeuchidzo chokufananidzira chokuti upfumi nebasa romunzanga zveSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose hazvimbopedzwi, nguva dzose pachava nechimwe chinhu chinogona kuitwa kuvandudza mararamiro evanhu vari munyika.”

Kunyange zvazvo Sangano racho rakazvipira kukurudzira mararamiro akanaka kwazvo kuvanhu vose, basa racho rinoita serisingaperi. Zvinofadza kuti panguva youshumiri hwaJesu Kristu pasi pano muzana remakore rokutanga C.E., akati: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo.” (Ruka 4:18) “Mashoko akanaka” aaizivisa aiva echii? Aiva mashoko ezvoUmambo uhwo Jehovha Mwari, anova “nhare younoshayiwa pakutambudzika,” achagadza, Jesu Kristu ari Mambo. Umambo ihwohwo huchaitei? Isaya akaprofita kuti: “Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka. [Acha]paradza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:4-6, 8.

Ungada kuziva zvakawanda here nezvokuti Umambo hwaMwari hucha“vandudza [sei] mararamiro evanhu vari munyika,” kuitira kuti parege kuzovazve nourombo? Ona zviri pasi apa kuti uzive zvaungaita kuti mudzidzisi anokwanisa akushanyire okuratidza zvakawanda nezvezvinotaura Bhaibheri panyaya dzakadaro.