Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ruvengo Rwakanaka Norusina Kunaka

Ruvengo Rwakanaka Norusina Kunaka

Ruvengo Rwakanaka Norusina Kunaka

BHAIBHERI rinoshora anovenga hama yake. Kune rimwe divi rinotaura nezvoruvengo runofanira kuva nevashumiri vaMwari.

Kuti munhu anzwisise zvizere maonero anoita Mwari ruvengo, anofanira kunzwisisa kuti muMagwaro shoko rokuti “ruvengo” rinoreva zvakawanda-wanda. Ringareva kuvenga kwakanyanya, kunowanzova noutsinye mukati. Kuvenga kwakadaro kunogona kuzadza pfungwa kuchitsvaka kukuvadza ari kuvengwa wacho. “Ruvengo” rungaratidzawo kusada chimwe chinhu zvakasimba asi pasina kuda kuchikuvadza, asi kutsvaka kusada kuchiona nokuti unonzwa kuchisema. Bhaibheri rinoshandisawo shoko rokuti “ruvengo” kureva kuda zvishoma.—Genesi 29:31, 33; Dheuteronomio 21:15, 16.

Ruvengo Rusina Kunaka

Mutemo waMwari kuna Israeri waiti: “Usavenga hama yako mumwoyo mako.” (Revhitiko 19:17) Munhu aisvika achitaura kuti akauraya munhu asina kuzvironga uye achitsvaka kuchengeteka mumaguta outiziro, pakati pezvimwe ainzi anofanira kunge asina kumbovenga munhu akaurayiwa wacho.

Zano raJesu rokuti munhu ade vavengi vake rinonyatsowirirana nepfungwa iri muMagwaro echiHebheru. (Mateu 5:44) Jobho akatendeka aiziva kuti kufarira kutambura kwomunhu aimuvenga zvikuru kwaizova kusina kururama. (Jobho 31:29) Mutemo waMosesi waiisa pavaIsraeri mutoro wokubatsira vamwe vaIsraeri vavangadaro vaiona sevavengi vavo. (Eksodho 23:4, 5) Pane kufarira dambudziko romuvengi, vashumiri vaMwari vanorayirwa kuti: “Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; kana ane nyota, umupe mvura anwe.”—Zvirevo 25:21.

Pfungwa yokuti vavengi vaifanira kuvengwa yaiva chimwe chezvinhu zvakawedzerwa kumutemo waMwari nevadzidzisi vetsika vechiJudha. Sezvo Mutemo wairayira kuti vaIsraeri vade vavakidzani vavo, vadzidzisi ava vakaturikira vachiti izvi zvaireva kuvenga vavengi vavo. (Revhitiko 19:18) “Shamwari” uye “muvakidzani” zvakasvika pakuonekwa sezvinongoshanda kuvaJudha chete, nepo vamwe vose vaionekwa sevanongova vavengi. Tichifunga nezvokunzwisisa kwavaiita chinonzi “muvakidzani” maererano netsika dzavo uye tichitarira tsika yakatsigira kuvenga Vemamwe Marudzi, zvinogona kuoneka nyore kuti nei vakawedzera mashoko asingatenderwi anoti “uye venga muvengi wako” pamashoko ari mumutemo waMwari.—Mateu 5:43.

Kusiyana neizvi, muKristu anosungirwa kuda vavengi vake, kureva kuti, vaya vanozviita vavengi. Rudo rwakadaro (chiGiriki, agape) hakusi kuda kwakanyanyisa, kunovakirwa pakungozivana nomunhu, sezvinowanzofungwa nezvazvo, asi rudo rwetsika kana kuti runobatanidza vanhu vakawanda runoratidzwa nokuzvidira senhau yenheyo, basa, uye ruremekedzo, runonyatsotsvaka zvakanakira mumwe maererano nechakarurama.

Agape (rudo) runokurira kuvengana kwevanhu, rusingabvumiri ikoko kuita kuti munhu arege nheyo dzakarurama uye kutsiva. Kana vari vaya vanoshora nzira yake yechiKristu nokumutambudza, vachiita kudaro vasingazivi, mushumiri waMwari achatonyengeterera vakadaro kuti maziso avo avhurwe kuti vaone chokwadi pamusoro paMwari nezvinangwa Zvake.—Mateu 5:44.

Dzivisa Ruvengo Rusina Kunaka

Pavanova vaKristu, vanhu vaimbovengana havazovenganizve. (Tito 3:3) Munhu anovenga hama yake achiri kufamba murima, uye kutaura kwose kwose kwaangaita kuti anoda Mwari kungava kureva nhema chaizvoizvo. Kuvenga kwomunhu hama yake kwakangofanana nokuuraya.—1 Johani 4:20; 3:15.

Kuda kwakanyanyisa kunogona kuita kuti munhu atadze kuona rudo noruvengo nenzira ine musoro, sezvakaita Dhavhidhi chaizvo kumwanakomana wake Absaromi. (2 Samueri 18:33; 19:1-6) Naizvozvowo, “unorega shamhu unovenga mwanakomana wake; asi unomuda, unomuranga zvakanaka.”—Zvirevo 13:24.

Nokuziva kuti vamwe vanoda kumbova voga uye kuratidza kufunga kune rudo, munhu anogona kudzivisa kuzviita munhu anovengwa, nepazvanga zvisingafaniri kudaro. Ndokusaka pane zano rinoti: “Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; arege kuzoneta newe, akakuvenga.”—Zvirevo 25:17.

Ruvengo Rwakanaka

Mumamwe mamiriro ezvinhu uye pane dzimwe nguva zvakafanira kuvenga. “[Pane] nguva yokuda, nenguva yokuvenga.” (Muparidzi 3:1, 8) Kunyange Jehovha anonzi akavenga Esau. (Maraki 1:2, 3) Asi izvi hazvigoni kunzi zvakaitwa nemhaka yokuti Mwari anongoita zvaanenge ada. Esau akaratidza kuti akanga asina kukodzera kudiwa naJehovha nokuzvidza kodzero yake youdangwe nokuitengesa uyewo zvipikirwa nezvikomborero zvaMwari zvakanga zvakabatanidzwa nayo. Uyezve, akaronga kuuraya munun’una wake Jakobho.—Genesi 25:32-34; 27:41-43; VaHebheru 12:14-16.

Mukuvimbika kwechokwadi kuna Jehovha, vashumiri vake vanovenga chaanovenga nevaanovenga. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handina shungu here navanokumukirai? Ndinovavenga nembengo huru; vava vavengi vangu.”—Pisarema 139:21, 22.

Asi ruvengo urwu harutsvaki kukuvadza vamwe uye haruna kufanana noruvengo rwoutsinye. Asi runoratidzwa nokusema kwarwo zvakaipa, ruchidzivisa zvakashata nevaya vanovenga Jehovha zvikuru. (VaRoma 12:9, 17, 19) VaKristu vanoita zvakarurama kuvenga vavengi chaivo vaMwari, vakadai saDhiyabhorosi nemadhimoni ake, uyewo vanhu vanorwisana naJehovha noune uye vachiziva.

Kunyange vaKristu vasingadi vaya vanoona kunge mutsa usina kufanirwa waMwari unopembedza mufambiro usingadzorwi, havavengi vanhu vanoita zvisina kururama asi vakakodzera kuratidzwa ngoni. Pane kuvenga mutadzi anopfidza, vanovenga chiito chakaipa, hungu, “kunyange nguvo yomukati yakasvibiswa nenyama.”—Judha 4, 23.