Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvakai Jehovha Zuva Rokutsamwa Kwake Risati Rasvika

Tsvakai Jehovha Zuva Rokutsamwa Kwake Risati Rasvika

Tsvakai Jehovha Zuva Rokutsamwa Kwake Risati Rasvika

“Tsvakai Jehovha . . . tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”—ZEFANIA 2:3.

1. Mamiriro ezvinhu omudzimu eJudha akanga akaita sei Zefania paakatanga basa rake rokuprofita?

ZEFANIA akatanga basa rake rokuprofita panguva yakaoma munhau yeJudha. Mamiriro ezvinhu omudzimu orudzi rwacho akanga akaderera kwazvo. Pane kuvimba naJehovha, vanhu vakanga vachitarisira kutungamirirwa nevapristi vechihedheni nevaongorori venyeredzi. Kunamata Bhaari, netsika dzakwo dzokuzvara, zvakanga zvakapararira munyika yacho. Vatungamiriri vehurumende—machinda, vakangwara, nevatongi—vaidzvinyirira vacho vavaifanira kudzivirira. (Zefania 1:9; 3:3) Ndicho chikonzero nei zvisingashamisi kuti Jehovha akasarudza ku‘tambanudzira ruoko rwake’ kunyika yeJudha neJerusarema kuitira kuti aiparadze!—Zefania 1:4.

2. Vashumiri vaMwari vakatendeka vaiva munyika yeJudha vaiva netariro yei?

2 Zvisinei, kunyange zvinhu zvakanga zvakaipa seizvi, paiva nekatariro. Josia mwanakomana waAmoni zvino akanga ava pachigaro choumambo. Kunyange aingova kakomana zvako, Josia aida Jehovha zvechokwadi. Kudai mambo mutsva aizodzorera kunamata kwakachena munyika yeJudha, zvaizokurudzira zvakadini vashoma vaishumira Mwari vakatendeka! Vamwe vaizonzwa vachida kubatana navo vochengetedzwawo pazuva rokutsamwa kwaJehovha.

Zvinodiwa Kuti Uchengetedzwe

3, 4. Zvinhu zvipi zvitatu zvinofanira kuitwa kuti munhu aponeswe pa“zuva rokutsamwa kwaJehovha”?

3 Vamwe vanhu vaizoponeswa chaizvoizvo here pazuva iroro rokutsamwa kwaJehovha? Hungu, ndokunge vaita zvinhu zvitatu zvakanyorwa pana Zefania 2:2, 3. Sezvatinoverenga ndima idzi, ngatinyatsocherechedzai zvinhu izvi zvinodiwa. Zefania akanyora kuti: “Chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu. Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”

4 Saka, kuti munhu achengetedzwe, aifanira (1) kutsvaka Jehovha, (2) kutsvaka kururama, uye (3) kutsvaka unyoro. Zvinodiwa izvi zvinofanira kuva zvinokosha kwazvo mazuvano. Nei? Nokuti sezvo Judha neJerusarema zvakatarisana nezuva rokutonga muzana remakore rechinomwe B.C.E., marudzi echiKristudhomu—chaizvoizvo, vakaipa vose—vari kuenda kunotongwa naJehovha Mwari pazuva riri kuuya “rokutambudzika kukuru.” (Mateu 24:21) Vose vanoda kuvandiswa panguva iyoyo vanofanira kusarudza zvavanofanira kuita iye zvino. Sei? Nokutsvaka Jehovha, kutsvaka kururama, uye kutsvaka unyoro kusati kwava kunyanyononoka!

5. ‘Kutsvaka Jehovha’ kunosanganisirei nhasi?

5 Ungati: ‘Ndiri mushumiri akazvitsaurira, akabhabhatidzwa, waMwari, mumwe weZvapupu zvaJehovha. Handisati ndatoita zvinodiwa izvozvo here?’ Chaizvoizvo, zvakawanda zvinodiwa kupfuura kuzvitsaurira kuna Jehovha. Israeri rwaiva rudzi rwakatsaurirwa, asi muzuva raZefania vanhu veJudha vakanga vasiri kurarama maererano nokutsaurirwa ikoko. Somugumisiro, rudzi rwacho rwakaguma rwaraswa. ‘Kutsvaka Jehovha’ nhasi kunosanganisira kutanga uye kuramba uine ukama hwoushamwari, hwomunhu oga naye pamwe nesangano rake repasi. Zvinoreva kusvika pakuziva maonero anoita Mwari nhau uye kuteerera manzwiro aanoita. Tinotsvaka Jehovha patinodzidza nokungwarira Shoko rake, kurifungisisa, uye kushandisa zano raro muupenyu. Sezvatinonyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha tichitsvaka kutungamirirwa naye uye tichitevera kutungamirira kwomudzimu wake mutsvene, ukama hwedu naye hunokura uye tinokurudzirwa kumushumira ‘nomwoyo wedu wose, mweya, nesimba.’—Dheuteronomio 6:5; VaGaratiya 5:22-25; VaFiripi 4:6, 7; Zvakazarurwa 4:11.

6. Tino‘tsvaka kururama’ sei, uye nei izvi zvichibvira kunyange munyika ino?

6 Chinhu chechipiri chinodiwa chinotaurwa pana Zefania 2:3 ku‘tsvaka kururama.’ Vakawanda vedu takachinja zvinokosha kuti tikwanise kuva norubhabhatidzo rwechiKristu, asi tinofanira kuramba tichisimudzira zvinodiwa naMwari zvakarurama muupenyu hwedu hwose. Vamwe vakatanga zvakanaka munhau iyi vakazvibvumira kuti vasvibiswe nenyika. Hazvisi nyore kutsvaka kururama, nokuti takakomberedzwa nevanhu vanoona unzenza, kureva nhema, nezvimwe zvivi sezvinhu zvakajairwa. Asi, chido chakasimba chokufadza Jehovha chingakunda kuda kutsvaka kugamuchirwa nenyika kupi nokupi nokuedza kushamwaridzana nayo. Nyika yeJudha yakarasikirwa nenyasha dzaMwari nokuti yakaedza kutevedzera vavakidzani vayo vechihedheni. Pane kutevedzera nyika, ngativei “vatevedzeri vaMwari,” tichikudziridza “unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.”—VaEfeso 4:24; 5:1.

7. Tino‘tsvaka unyoro’ sei?

7 Chinhu chechitatu chakataurwa pana Zefania 2:3 ndechokuti kana tichida kuvanzwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha, tinofanira ku‘tsvaka unyoro.’ Zuva rimwe nerimwe, tinosangana nevarume, vakadzi, uye vechiduku vasiri vanyoro. Kwavari, kuva munyoro urema. Kuzviisa pasi kunoonekwa soutera hukuru chaizvo. Vanorayira, vane udyire, uye vanoda kuita zvavanoda ivo, vachidavira kuti “kodzero” dzavo uye zvavanoda zvinofanira kuitwa nyangwe zvodii. Zvinosuruvarisa sei kana mamwe emafungiro iwayo aizotinamatira! Ino ndiyo nguva yoku‘tsvaka unyoro.’ Sei? Nokuzviisa pasi paMwari, tichibvuma kurangwa naye nokuzvininipisa uye kuchinjira kune zvaanoda.

Nei Zvichinzi “Zvimwe” Mungavandika?

8. Chii chinoratidzwa nokushandiswa kweshoko rokuti “zvimwe” pana Zefania 2:3?

8 Cherechedza kuti Zefania 2:3 inoti: “Zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” Nei shoko rokuti “zvimwe” richishandiswa pakutaura ne“vanyoro venyika”? Vanyoro ivavo vakanga vatora matanho akanaka, asi kuzvivimba kwakanga kusingadiwi. Vakanga vasati vasvika panogumira upenyu hwavo vakatendeka. Zvainzwisisika kuti vamwe vavo vaigona kuita chivi. Ndizvo zvazvakaitawo kwatiri. Jesu akati: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mateu 24:13) Hungu, kuponeswa pazuva rokutsamwa kwaJehovha kunotsamira pakuramba kwedu tichiita zvakarurama mukuona kwake. Ndizvo zvawakatsunga kuita here?

9. Matanhoi akarurama akatorwa naMambo Josia muduku?

9 Sezviri pachena maererano nemashoko aZefania, Mambo Josia akakurudzirwa ku‘tsvaka Jehovha.’ Magwaro anoti: “Pagore rorusere rokubata kwake ushe, [Josia] achiri muduku [ane makore anenge 16], akatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi baba vake.” (2 Makoronike 34:3) Josia akarambawo ‘achitsvaka kururama,’ nokuti tinoverenga kuti: “Pagore regumi namaviri [Josia paakanga ava nemakore anenge 20] akatanga kunatsa Judha neJerusarema, achibvisa matunhu akakwirira, namatanda okunamata nawo nemifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yakaumbwa. Vakakoromora artari dzavaBhaari, iye aripo.” (2 Makoronike 34:3, 4) Josia ‘akatsvakawo unyoro,’ achiita chiito nokuzvininipisa kuti afadze Jehovha nokuchenesa nyika pakunamata zvidhori nemimwe miitiro yechitendero chenhema. Vamwe vanyoro vanofanira kuva vakafara sei nezvakaitwa izvi!

10. Chii chakaitika muJudha muna 607 B.C.E., asi ndivanaani vakaponeswa?

10 VaJudha vakawanda vakadzokera kuna Jehovha paitonga Josia. Zvisinei, mambo afa, vakawanda vakadzokera kunzira dzavo dzekare—kumiitiro isingagamuchirwi zvachose naMwari. Sezvakanga zvarayirwa naJehovha, vaBhabhironi vakakunda Judha ndokuparadza guta rayo guru, Jerusarema, muna 607 B.C.E. Asi, havasi vose vakaparara. Muprofita Jeremia, Ebhedhi-mereki muEtiopiya, vazukuru vaJonadhabhi, uye vamwe vakatendeka kuna Mwari vakavanzwa muzuva iroro rokutsamwa kwaJehovha.—Jeremia 35:18, 19; 39:11, 12, 15-18.

Vavengi vaMwari—Cherechedzai!

11. Nei kuramba wakatendeka kuna Mwari mazuvano kwakaoma, asi vavengi vevanhu vaJehovha vanofanira kufungei?

11 Takamirira zuva raJehovha rokutsamwira gadziriro ino yakaipa, tino“sangana nemiedzo yakasiyana-siyana.” (Jakobho 1:2) Munyika dzinoverengeka dzinoti dzinokoshesa rusununguko rwokunamata, vafundisi vanoda kushandisa vamwe vakashandisa simba ravanaro kune vane simba venyika kuti vatambudze kwazvo vanhu vaMwari. Vanhu vasina tsika vanorevera Zvapupu zvaJehovha nhema dzakaipa, vachiita kuti zvionekwe se“chitendero chine ngozi.” Mwari anoziva zviito zvavo—uye ava havazoregi kurangwa. Vavengi vake vangaita zvakanaka kufunga zvakaitika kuvavengi vekare vevanhu vake vakadai sevaFiristia. Uprofita hwacho hunoti: “Gaza richasiyiwa, Ashkeroni richaitwa dongo; vachadzinga Ashdhodhi masikati makuru, Ekroni richadzurwa.” Maguta eFiristia anoti Gaza, Ashkeroni, Ashdhodhi, uye Ekroni aizoparadzwa.—Zefania 2:4-7.

12. Chii chakaitika kuFiristia, Moabhi, neAmoni?

12 Uprofita hwacho hunopfuurira huchiti: “Ndakanzwa kuzvidza kwaMoabhi, nokutuka kwavana vaAmoni, kwavakazvidza nako vanhu vangu, vachiita manyawi pamuganho wavo.” (Zefania 2:8) Chokwadi, Ijipiti neEtiopiya dzakatambudzwa nevavhozhokeri veBhabhironi. Asi Mwari akatonga sei Moabhi neAmoni, marudzi akabva kuna Roti mwana womunun’una waAbrahamu. Jehovha akafanotaura kuti: “Moabhi vachaita seSodhoma, navana vaAmoni seGomora.” Kusiyana nevakabereka tateguru vavo—vanasikana vaviri vaRoti, avo vakapukunyuka kuparadzwa kweSodhoma neGomora—Moabhi neAmoni dzinodada dzaisazovanzwa pakutonga kwaMwari. (Zefania 2:9-12; Genesi 19:16, 23-26, 36-38) Nhasi, Firistia iri kupi uye maguta ayo ari kupi? Zvakadini neMoabhi neAmoni dzaimbodada? Tsvaka sezvaungagona, asi hausi kuzodziwana.

13. Ndezvipi zvakawanwa mukuchera matongo eNinivhi?

13 Muzuva raZefania, ndipo apo Umambo hweAsiria hwaiva nesimba guru kwazvo. Achirondedzera chimwe chikamu cheimba yamambo yaakafukunura muguta reAsiria reNinivhi, anochera matongo Austen Layard akanyora kuti: “Sirin’i dzacho . . . dzakanga dzakaita mabhokisi-bhokisi, dzakapendwa maruva, kana kuti mifananidzo yemhuka. Dzimwe dzakanga dzakashongedzwa nenyanga dzenzou, chikamu chimwe nechimwe chakapoteredzwa nenhivi uye zviumbwa zvakaisvonaka. Mapango acho, uyewo madziro emakamuri acho, angave akanga akanamwa, kana kuti kutofukidzwa, nendarama nesirivha; uye miti yakanakisisa, umo musidhari waivapowo, yaishandiswa pane zvaigadzirwa nemiti.” Kunyange zvakadaro, sezvakafanotaurwa muuprofita hwaZefania, Asiria yaifanira kuparadzwa uye guta rayo guru, Ninivhi, raizova “dongo.”—Zefania 2:13.

14. Uprofita hwaZefania hwakazadzika sei paNinivhi?

14 Makore 15 chete Zefania ataura uprofita ihwohwo, Ninivhi rine simba rakaparadzwa, imba yaro yoUmambo ichisiyiwa hwava ungwanda-ngwanda. Hungu, guta iroro raidada rakaparadzwa zvachose. Maparadzirwo arakaitwa akafanotaurwa zvakajeka mumashoko aya anoti: “Hukurwizi nenungu zvichavata pamisoro yembiru dzaro [dzakawa]; inzwi rokurira kwazvo richanzwika pamawindo; kuparadzwa kuchavapo pazvikumbaridzo.” (Zefania 2:14, 15) Zvivako zveNinivhi zvakaisvonaka zvaizongokodzera kugarwa nenungu nehukurwizi chete. Mumigwagwa yeguta maizova musisina manzwi evanhu vanotengesa, kudaidzira kwevarwi, kuimba kwevapristi. Munzira idzodzo dzaichimbozara nevanhu, maizonzwika chete inzwi rokuimba riri pasi pasi pahwindo, zvimwe rwiyo rwenhamo rweshiri kana kuti kuvhuvhuta kwemhepo. Vavengi vose vaMwari ngavaparadzwe saizvozvowo!

15. Chii chingadzidzwa pane zvakaitika kuFiristia, Moabhi, Amoni, neAsiria?

15 Tingadzidzei pane zvakaitika kuFiristia, Moabhi, Amoni, neAsiria? Tinodzidza kuti: Zvatiri vashumiri vaJehovha, hapana chatinofanira kutya kuvavengi vedu. Mwari anoona zvinoitwa nevaya vanoshora vanhu vake. Jehovha akarwisa vavengi vake munguva yakapfuura, uye kutonga kwake kuchaitwa panyika yose inogarwa nhasi. Asi, pachava nevachapona—‘boka guru revanhu vanobva kumarudzi ose.’ (Zvakazarurwa 7:9) Ungava pakati pavo—asi chete kana ukaramba uchitsvaka Jehovha, kutsvaka kururama, uye kutsvaka unyoro.

Nhamo Kune Vaiti Vezvakaipa Vanodada!

16. Uprofita hwaZefania hwakati chii nezvemachinda nevatungamiriri vechitendero veJudha, uye nei mashoko aya achikodzera chiKristudhomu?

16 Uprofita hwaZefania hunotaurazve nezveJudha neJerusarema. Zefania 3:1, 2 inoti: “Rine nhamo iro guta rinomukira Jehovha, rakasvibiswa, rinomanikidza! Harina kuteerera inzwi, harina kutenda kurangwa, harina kuvimba naJehovha, harina kuswedera kuna Mwari waro.” Zvinosuruvarisa sei kuti zvakaitwa naJehovha kuti arange vanhu vake hazvina kuteererwa! Chokwadi, utsinye hwemachinda, vanokudzwa, uye vatongi hwaisiririsa. Zefania akashora kusanyara kwevatungamiriri vechitendero, achiti: “Vaprofita varo vanhu [“vanodada,” NW] vanonyengera; vapristi varo vakamhura nzvimbo tsvene, vakaitira murayiro simba.” (Zefania 3:3, 4) Mashoko iwayo akanyatsokodzera sei zvakaita vaprofita nevapristi vechiKristudhomu nhasi! Vachidada, vakabvisa zita raMwari mushanduro dzavo dzeBhaibheri uye vakadzidzisa dzidziso dzinoshora Uyo wavanoti vanonamata.

17. Kunyange vanhu vachiteerera kana kuti vasingateereri, nei tichifanira kuramba tichizivisa mashoko akanaka?

17 Jehovha nomutsa akanyevera vanhu vake vekare nezvezvaakanga ava kuda kuita. Akatumira vashumiri vake vaprofita—Zefania naJeremia, pamwe chete nevamwe—kuti vakurudzire vanhu kupfidza. Hungu, “Jehovha . . . haangaiti zvakaipa; zuva rimwe nerimwe mangwanani unobudisa pachena kururamisa kwake, asingadariki.” Chii chakaitwa? “Asi usina kururama [haana] kunyara,” akadaro Zefania. (Zefania 3:5) Nyevero yakadaro iri kuziviswa panguva ino. Kana uri muparidzi wemashoko akanaka, uri kuita basa iri rokunyevera. Ramba uchizivisa mashoko akanaka usingaregi! Kunyange vanhu vachiteerera kana kuti vasingateereri, mumaonero aMwari ushumiri hwako huri kubudirira chero uri kuhuita wakatendeka; haufaniri kunyara paunenge uchiita basa raMwari nokushingaira.

18. Zefania 3:6 ichazadzika sei?

18 Kutonga kwaMwari hakuzongogumiri pakuparadzwa kwechiKristudhomu. Jehovha anoita kuti kutonga kwake kuitwe kumarudzi ose, achiti: “Ndakaparadza ndudzi, shongwe dzavo ava matongo; nzira dzavo dzomumisha ndakadziparadza, hakuchina unopfuura napo; maguta avo akaparadzwa.” (Zefania 3:6) Mashoko aya ndeechokwadi zvokuti Jehovha anotaura nezvokuparadza sokuti kwakatoitika. Chii chakaitika kumaguta eFiristia, Moabhi, neAmoni? Uye zvakadini neguta guru reAsiria, Ninivhi? Kuparadzwa kwawo kunoshanda somuenzaniso wokunyevera kumarudzi nhasi. Mwari haafaniri kusekwa.

Ramba Uchitsvaka Jehovha

19. Mibvunzoi inotokonya pfungwa yatingabvunza?

19 Muzuva raZefania, kutsamwa kwaMwari kwakadururirwa pane vaya “vakasvibisa zvose zvavakaita” nouipi. (Zefania 3:7) Chinhu chakadaro chichaitika munguva yedu. Unoona uchapupu hwokuti zuva rokutsamwa kwaJehovha rava pedyo here? Uri kuramba uchi‘tsvaka Jehovha’ nokuverenga Shoko rake nguva dzose—zuva nezuva here? Uno‘tsvaka kururama’ nokurarama upenyu hwakachena mutsika maererano nezvinodiwa naMwari here? Uye uri ‘kutsvaka unyoro’ nokuratidza unhu hunyoro, hwokuzviisa pasi paMwari negadziriro dzake dzokuponesa here?

20. Mibvunzoi yatichakurukura munyaya yokupedzisira pane dzakatevedzana dzouprofita hwaZefania?

20 Kana tikaramba tichitsvaka Jehovha, kururama, uye unyoro takatendeka tingatarisira kuva nezvikomborero zvikuru iye zvino—hungu, kunyange mu“mazuva okupedzisira” aya anoedza kutenda. (2 Timoti 3:1-5; Zvirevo 10:22) Asi tingaita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Tiri kukomborerwa munzirai sevashumiri vaJehovha vemazuvano, uye zvikomboreroi zvenguva yemberi zvinovimbiswa nouprofita hwaZefania kune vaya vachavanzwa muzuva riri kukurumidza kusvika rokutsamwa kwaJehovha?’

Ungapindura Sei?

• Vanhu vano‘tsvaka Jehovha’ sei?

• ‘Kutsvaka kururama’ kunosanganisirei?

• Tinga‘tsvaka unyoro’ sei?

• Nei tichifanira kuramba tichitsvaka Jehovha, kururama, uye unyoro?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Uri kutsvaka Jehovha nokudzidza Bhaibheri uye munyengetero womwoyo wose here?

[Mufananidzo uri papeji 21]

Nemhaka yokuti rinoramba richitsvaka Jehovha, boka guru revanhu richapona zuva rokutsamwa kwake