Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu vaJehovha Vakadzorerwa Vanomurumbidza Mupasi Rose

Vanhu vaJehovha Vakadzorerwa Vanomurumbidza Mupasi Rose

Vanhu vaJehovha Vakadzorerwa Vanomurumbidza Mupasi Rose

“Ndichavigira vanhu [“mutauro wakachena,” NW] kuti vose vadane zita raJehovha.”—ZEFANIA 3:9.

1. Nei mashoko okutonga akazadzika panyika yeJudha nemamwe marudzi?

MASHOKO okutonga akasimba zvakadini ayo Jehovha akafuridzira Zefania kutaura! Mashoko iwayo okutonga akazadzika parudzi rweJudha neguta rayo guru, Jerusarema, nokuti vatungamiriri nevanhu vose zvavo vakanga vasiri kuita kuda kwaJehovha. Marudzi aiva pedyo, akadai seFiristia, Moabhi, uye Amoni, aizotsamwirwawo naMwari. Nei? Nemhaka yokushora noutsinye kwavakanga vaita vanhu vaMwari, kwemazana emakore akawanda. Nokuda kwechikonzero ichocho, simba renyika reAsiria raizoparadzwa, zvokusazovapozve.

2. Sezviri pachena ndivanaani vaitaurwa navo pana Zefania 3:8?

2 Zvisinei, kwaiva nevamwe vanhu vaiva nemafungiro akarurama muJudha yekare. Vaitarisira mberi kuti vakaipa vatongwe naMwari uye sezviri pachena ndivo vaiudzwa mashoko okuti: “Ndimirirei—ndizvo zvinotaura Jehovha—kusvikira zuva randichasimuka kuzopamba; nokuti ndatonga kuti ndichaunganidza ndudzi dzavanhu, kuti ndikokere ushe hwose, ndidire pamusoro pavo hasha dzangu, iko kutsamwa kwangu kukuru; nokuti nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rangu.”—Zefania 3:8.

“Mutauro Wakachena” Nokuda Kwaani?

3. Zefania akafuridzirwa kutaura shoko ripi retariro?

3 Hungu, Zefania akataura mashoko aJehovha okutonga. Asi muprofita wacho akafuridzirwawo kutaura shoko rinofadza retariro—riya raizonyaradza kwazvo kune vaya vairamba vakatendeka kuna Jehovha. Sezvakanyorwa pana Zefania 3:9, Jehovha Mwari akazivisa kuti: “Nenguva iyo ndichavigira vanhu [“mutauro wakachena,” NW] kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire nomwoyo mumwe.”

4, 5. (a) Chii chaizoitika kune vasina kururama? (b) Ndivanaani vaizobatsirwa nazvo, uye nei?

4 Kwaizova nevanhu vakanga vasingazopiwi mutauro wakachena. Uprofita hwacho hunotaura nezvavo, huchiti, “Ndichabvisa pakati pako vanhu vako vanofarisisa vachizvikudza.” (Zefania 3:11) Saka vanozvikudza vaizvidza mitemo yaMwari vachiita kusarurama vaizobviswa. Uye ndivanaani vaizobatsirwa neizvi? Zefania 3:12, 13 inoti: “[Ini Jehovha] ndicharega mukati mako vanhu vanotambudzika navarombo; ivo vachavimba nezita raJehovha. Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa, kana kureva nhema; rurimi runonyengera harungawanikwi mumiromo yavo; nokuti vachafura nokuvata pasi, hakuna ungavatyisa.”

5 Vakasara vakatendeka vaiva muJudha vaizobatsirwa. Nei? Nokuti vakanga vaita maererano nemashoko aya anoti: “Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”—Zefania 2:3.

6. Chii chakaitika mukuzadzika kwokutanga kwouprofita hwaZefania?

6 Mukuzadzika kwokutanga kwouprofita hwaZefania, Mwari akaranga Judha yakanga isina kutenda nokubvumira Simba Renyika reBhabhironi kuikunda ndokutapa vanhu vayo muna 607 B.C.E. Vamwe, kusanganisira muprofita Jeremia, vakasiyiwa, uye vamwe vakaramba vakatendeka kuna Jehovha vari nhapwa. Muna 539 B.C.E., Bhabhironi rakakundwa nevaMedhia nevaPersia vaitungamirirwa naMambo Koreshi. Anenge makore maviri gare gare, Koreshi akapa mutemo waibvumira vakasara vechiJudha kudzoka kunyika yokumusha kwavo. Pashure penguva yakati, temberi yeJerusarema yakavakwazve, uye vapristi vakanga vava kukwanisazve kurayiridza vanhu Mutemo. (Maraki 2:7) Saka Jehovha akaita kuti vakasara vakadzorerwa vabudirire—chero bedzi vairamba vakatendeka.

7, 8. Mashoko ouprofita ari pana Zefania 3:14-17 anoshanda kuna vanaani, uye nei uchipindura kudaro?

7 Nezvevaya vaizodzorerwa zvakadaro, Zefania akafanotaura kuti: “Imba, iwe mukunda weZiyoni, pururudza, iwe Israeri; fara ufarisise nomwoyo wako wose, iwe mukunda weJerusarema. Jehovha akabvisa zvawakatongerwa, akadzinga muvengi wako; mambo waIsraeri, iye Jehovha, uri pakati pako, haungazoonizve zvakaipa. Nezuva iro vachati kuJerusarema: Usatya hako iwe; iwe Ziyoni, maoko ako ngaarege kushayiwa simba. Jehovha Mwari wako uri mukati mako, iye une simba, uchaponesa; uchakufarira nomufaro; uchanyarara parudo rwake; uchakufarira nokupururudza.”—Zefania 3:14-17.

8 Mashoko iwayo ouprofita aitaura nezvevakasara vakanga vaunganidzwa kunze kwoutapwa hwomuBhabhironi ndokudzorerwa kunyika yemadzitateguru avo. Izvi zvinojekeswa pana Zefania 3:18-20, patinoverenga kuti: “[Ini Jehovha] ndichaunganidza vanochemera ungano yakatarwa, ivo vaibva kwamuri, vairemerwa nokuzvidzwa kwavo. Tarirai, nenguva iyo ndichatonga vose vanokumanikidza, ndichaponesa vanokamhina, nokuunganidza vakadzingwa; ndichavaitira mbiri nezita rakanaka, ivo vainyadziswa panyika yose. Nenguva iyo ndichakuuyisai, nenguva iyo ndichakuunganidzai, nokuti ndichakuitira zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika, kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imi muchizviona—ndizvo zvinotaura Jehovha.”

9. Jehovha akazviitira sei zita maererano neJudha?

9 Fungidzira kuvhunduka kwevaya vaiva mumarudzi akanga akapoteredza aivenga vanhu vaMwari! Vagari vomuJudha vakanga vatapwa neBhabhironi raiva nesimba, pasina tariro inooneka yokuzombosunungurwazve. Uyezve, nyika yavo yakagara yava dongo. Zvisinei, nesimba raMwari vakadzorerwa kunyika yokumusha kwavo kwapera makore 70, nepo marudzi aivavenga akanga ava kunoparara. Jehovha akazviitira zita rakadini nokudzorera vakasara ivavo vakatendeka! Akavaita kuti vave “zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose.” Kudzorerwa ikoko kwakaunza sei mbiri kuna Jehovha nokune vaya vaitakura zita rake!

Kunamatwa kwaJehovha Kunokudzwa

10, 11. Kuzadzika kukuru kwouprofita hwaZefania hwokudzorerwa kwaizoitika rini, uye tinozviziva sei?

10 Kumwe kudzorerwa kwakaitika muzana remakore rokutanga reNguva Yavose, apo Jesu akaunganidzira vakasara vaIsraeri kukunamata kwechokwadi. Izvozvo zvakafanoratidza zvaizouya, nokuti kuzadzika kukuru kwokudzorerwa kwacho kwakanga kuchiri mberi. Uprofita hwaMika hwakafanotaura kuti: “Namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri.”—Mika 4:1.

11 Izvi zvaizoitika rini? Sezvakataura uprofita hwacho, “namazuva okupedzisira”—hungu, mu“mazuva okupedzisira” ano. (2 Timoti 3:1) Izvi zvaizoitika gadziriro ino yezvinhu isati yaguma marudzi paanenge achiri kunamata vanamwari venhema. Mika 4:5 inoti: “Marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita raMwari warwo.” Uye zvakadini nevanamati vechokwadi? Uprofita hwaMika hunopindura, kuti: “Asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.”

12. Kunamata kwechokwadi kwakasimudzirwa sei mumazuva ano okupedzisira?

12 Naizvozvo, mumazuva ano okupedzisira, “gomo reimba yaJehovha [ra]gadzwa pamisoro yamakomo.” Kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha kwakakwirira kwakadzorerwa, kwakasimbiswa zvikuru, uye kwakasimudzirwa pamusoro pemamwe marudzi ezvitendero ose zvawo. Sezvakafanotaurwawo nouprofita hwaMika, “marudzi avanhu achamhanyira kwariri.” Uye vaya vane chitendero chechokwadi va“chafamba nezita raJehovha Mwari [wavo] nokusingaperi-peri.”

13, 14. Nyika ino yakapinda rini mu“mazuva okupedzisira,” uye chii chave chichiitika kubvira ipapo chine chokuita nokunamata kwechokwadi?

13 Zviitiko zviri kuzadzika uprofita hweBhaibheri zvinoratidza kuti nyika ino yakapinda mu“mazuva okupedzisira”—mazuva ayo okupedzisira—mugore ra1914. (Mako 13:4-10) Zvakaitika zvinoratidza kuti Jehovha akatanga kuunganidzira vakasara vevakazodzwa vakatendeka vane tariro yokudenga kukunamata kwakachena. Izvi zvakateverwa nokuunganidzwa kwe“boka guru revanhu . . . vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi”—vaya vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano.—Zvakazarurwa 7:9.

14 Kubvira paHondo Yenyika I uye kusvika kuzuva rino, kunamatwa kwaJehovha nevaya vanotakura zita rake kwafambira mberi kwazvo mukutungamirira kwake. Vachiwedzera kubva pazviuru zvishoma pashure peHondo Yenyika I, vanamati vaJehovha zvino vava kusvika mamiriyoni anenge matanhatu, vakaungana muungano dzinopfuura 91 000 munyika 235. Gore roga roga, vazivisi voUmambo ava vari kupa maawa anopfuura bhiriyoni nokure vachirumbidza Mwari pachena. Zviri pachena kuti Zvapupu zvaJehovha izvi ndizvo zviri kuzadzika mashoko aJesu ouprofita okuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.”—Mateu 24:14.

15. Zefania 2:3 iri kuzadzika sei iye zvino?

15 Zefania 3:17 inoti: “Jehovha Mwari wako uri mukati mako, iye une simba, uchaponesa.” Kubudirira mumudzimu kuri kuva nevanhu vaJehovha mumazuva ano okupedzisira mugumisiro wakananga wokuva naye ‘mukati mavo’ saMwari wavo ane simba rose. Izvi ndezvechokwadi nhasi sezvazvakanga zviri mukudzorerwa kwenyika yeJudha yekare muna 537 B.C.E. Saka tinogona kuona nzira iyo Zefania 2:3 iri kuzadzika nayo munzira yakakura munguva yedu painoti: “Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika.” Muna 537 B.C.E., shoko rokuti “mose” raisanganisira vakasara vevaJudha vakadzoka kubva kuutapwa hwokuBhabhironi. Iye zvino vanomiririra vanyoro vemarudzi ose vari pasi pose, vaya vanobvuma zvakanaka basa rokuparidza Umambo romunyika yose ndokumhanyira ku“gomo reimba yaJehovha.”

Kunamata Kwechokwadi Kunobudirira

16. Ndezvipi zvingangodaro zvichinzwa vavengi vedu pavanoona kubudirira kwevashumiri vaJehovha mazuvano?

16 Pashure pa537 B.C.E., vakawanda vaiva mumarudzi akanga akapoteredza vakashamiswa nokudzorerwa kwevashumiri vaMwari kukunamata kwechokwadi munyika yokumusha kwavo. Asi, kudzorerwa ikoko kwakaitika pamwero muduku kwazvo. Ungafungidzira here kuti vamwe—kunyange vavengi vevanhu vaMwari—vari kuti kudini sezvavanoona kukura, kubudirira, uye kufambira mberi kunoshamisa kwevashumiri vaJehovha mazuvano? Zvichida, vamwe vevavengi ivava vanonzwa sezvakaita vaFarisi pavakaona kuti vanhu vaidirana sei kuna Jesu. Vakadanidzira kuti: “Onai! Nyika yamutevera.”—Johani 12:19.

17. Mumwe munyori akati kudini nezveZvapupu zvaJehovha, uye zvawedzera sei?

17 Mubhuku rake rinonzi These Also Believe, Purofesa Charles S. Braden akati: ‘Zvapupu zvaJehovha zvanyatsofukidza pasi nokupupura kwazvo. Zvingataurwa zvechokwadi kuti hapana rimwe boka rechitendero munyika rakaratidza kushingaira kwakakura uye kupfuurira mukuedza kuparadzira mashoko akanaka oUmambo kudarika Zvapupu zvaJehovha. Zviri pachena zvikuru kuti sangano iri richaramba richisimba.’ Akanga akarurama sei! Paakanyora mashoko iwayo makore 50 apfuura, Zvapupu 300 000 chete zvaiparidza munyika yose. Aizoti kudini nhasi, apo vanopeta nhamba iyoyo nekanenge ka20—mamiriyoni matanhatu—vari kuparidza mashoko akanaka?

18. Mutauro wakachena chii uye Mwari akaupa vanaani?

18 Achishandisa muprofita wake, Mwari akapikira kuti: “Ndichavigira vanhu [“mutauro wakachena,” NW] kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire nomwoyo mumwe.” (Zefania 3:9) Mumazuva ano okupedzisira, Zvapupu zvaJehovha ndizvo zviri kudana pazita raJehovha, zvinomushumira zvakabatana muchisungo chisingadambuki chorudo—hungu “nomwoyo wose.” Ndizvo zvakapiwa mutauro wakachena naJehovha. Mutauro wakachena uyu unosanganisira kunzwisisa zvakarurama chokwadi chaMwari nezvinangwa zvake. Jehovha oga ndiye anopa kunzwisisa uku achishandisa mudzimu mutsvene wake. (1 VaKorinde 2:10) Ndivanaani vaakapa mudzimu wake? Kune “vanomuteerera somutongi” chete. (Mabasa 5:32) Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zviri kuda kuteerera Mwari soMutongi mune zvose. Ndicho chikonzero nei zvichigamuchira mudzimu waMwari ndokutaura mutauro wakachena, chokwadi pamusoro paJehovha nezvinangwa zvake zvinoshamisa. Zvinoshandisa mutauro wakachena kurumbidza Jehovha mupasi rose pamwero mukuru uye unowedzera.

19. Kutaura mutauro wakachena kunosanganisirei?

19 Kutaura mutauro wakachena kunosanganisira kwete chete kudavira chokwadi nokuchidzidzisa vamwe asiwo kuita kuti mufambiro wedu uwirirane nemitemo yaMwari nenheyo. VaKristu vakazodzwa vakatungamirira mukutsvaka Jehovha nokutaura mutauro wakachena. Funga nezvezvakapedzwa! Kunyange zvazvo vakazodzwa vaderera kusvika pasi pe8 700, vamwe mamiriyoni matanhatu vari kutevedzera kutenda kwavo nokutsvaka Jehovha nokutaura mutauro wakachena. Ava ndeveboka guru revanhu vari kuwedzera vanobva mumarudzi ose vanotenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro, vanoita basa dzvene muchivanze chepasi chetemberi yaMwari yomudzimu, uye vachapona pa“kutambudzika kukuru” kuchakurumidza kuuya panyika ino isina kururama.—Zvakazarurwa 7:9, 14, 15.

20. Chii chiri mberi nokuda kwevakazodzwa vakatendeka nevaya vanoumba boka guru revanhu?

20 Boka guru revanhu richapinzwa munyika itsva yaMwari yakarurama. (2 Petro 3:13) Jesu Kristu nevakazodzwa vane 144 000 vanenge vamutsirwa kuupenyu hwokudenga kuti vanoshumira naye semadzimambo nevapristi vachaumba dare idzva rinotonga repasi. (VaRoma 8:16, 17; Zvakazarurwa 7:4; 20:6) Vachapona pakutambudzika kukuru vachashanda kuti vaite kuti pasi rive paradhiso uye vachapfuurira kutaura mutauro wakachena unopiwa naMwari. Maererano nenheyo, mashoko aya anoshanda kwavari: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako rwuchava rukuru. Uchasimbiswa mukururama.”—Isaya 54:13, 14.

Basa Guru Guru Rokudzidzisa Munhau

21, 22. (a) Sezvinoratidzwa naMabasa 24:15, ndivanaani vachada kudzidziswa mutauro wakachena? (b) Ibasa ripi rokudzidzisa risina rimwe rakafanana naro richaitwa pasi pano mukutonga kwoUmambo?

21 Boka guru kwazvo richapiwa mukana wokudzidza mutauro wakachena munyika itsva ndevaya vanotaurwa nezvavo pana Mabasa 24:15, iyo inoti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” Munguva yakapfuura, mabhiriyoni evanhu akararama ndokufa asina zivo yakarurama yaJehovha. Munzira yakarongeka, achavadzorera kuupenyu. Uye vachamutswa vakadaro vachada kudzidziswa mutauro wakachena.

22 Ichava ropafadzo yakadini kubatanidzwa mubasa guru rokudzidzisa iroro! Richava basa guru kwazvo rokudzidzisa munhau yevanhu. Zvose izvozvo zvichaitwa mukutonga kwomutsa kwaKristu Jesu musimba roUmambo. Somugumisiro, vanhu pakupedzisira vachaona kuzadzika kwaIsaya 11:9, iyo inoti: “Nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”

23. Nei ungati takaropafadzwa kwazvo sevanhu vaJehovha?

23 Takaropafadzwa zvakadini mumazuva ano okupedzisira kuti tiri kugadzirira nguva iyoyo yakaisvonaka apo zivo yaJehovha ichazadza pasi zvechokwadi! Uye takaropafadzwa zvakadini iye zvino chaiye kuti tiri vanhu vaMwari, vaya vari kuwana kuzadzika kukuru kwemashoko ouprofita akanyorwa pana Zefania 3:20! Ipapo tinowana vimbiso yaJehovha inoti: “Ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika.”

Ungapindura Sei?

• Uprofita hwaZefania hwokudzorerwa hwakava nokuzadzika kupi?

• Kunamata kwechokwadi kwave kuchibudirira sei mumazuva ano okupedzisira?

• Ibasa ripi guru rokudzidzisa richaitika munyika itsva?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 25]

Vanhu vaJehovha vakadzoka kunyika yokumusha kwavo kuti vanotangazve kunamata kwakachena. Unoziva kuti izvi zvinorevei here nhasi?

[Mufananidzo uri papeji 26]

Nokutaura “mutauro wakachena,” Zvapupu zvaJehovha zvinopa vanhu shoko rinonyaradza reBhaibheri