Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zuva raJehovha Rokutonga Rava Pedyo!

Zuva raJehovha Rokutonga Rava Pedyo!

Zuva raJehovha Rokutonga Rava Pedyo!

“Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo.”—ZEFANIA 1:14.

1. Mwari akapa nyeveroi nokuna Zefania?

JEHOVHA MWARI ava kuda kurwisa vakaipa. Teerera! Iyi ndiyo nyevero yake: “Ndichaparadza vanhu . . . ndichabvisa vanhu pasi pose.” (Zefania 1:3) Mashoko iwayo aChangamire Ishe Jehovha akataurwa nokumuprofita wake Zefania, zvimwe muzukuru chibvi waMambo akatendeka Hezekia. Kuzivisa ikoko, kwakaitwa mumazuva aMambo akanaka Josia, hakuna kufanonyevera zvakanaka zvaizoitika kune vakaipa vaigara munyika yeJudha.

2. Nei zvakaitwa naJosia zvisina kudzivisa zuva raJehovha rokutonga?

2 Kuprofita kwaZefania pasina mubvunzo kwakawedzera kuziva kwaJosia muduku kudiwa kwokubvisa kunamata kusina kuchena munyika yeJudha. Asi zvakaitwa namambo mukubvisa chitendero chenhema munyika hazvina kubvisa uipi hwose muvanhu kana kuyananisa zvivi zvasekuru vake, Mambo Manase, vakanga va“zadza Jerusarema neropa risina mhosva.” (2 Madzimambo 24:3, 4; 2 Makoronike 34:3) Saka zuva raJehovha rokutonga rakanga richizouya zvechokwadi.

3. Tingava sei nechokwadi chokuti zvinobvira kupona pa“zuva rokutsamwa kwaJehovha”?

3 Asi, kwaizova nevanopona pazuva iroro rinotyisa. Naizvozvo, muprofita waMwari akakurudzira kuti: “Chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu. Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Zefania 2:2, 3) Tichifunga nezvetariro yokupona pazuva raJehovha rokutonga, ngatikurukurei bhuku reBhaibheri raZefania. Rakanyorwa munyika yeJudha gore ra648 B.C.E. risati rasvika, rimwe re“shoko rouprofita” raMwari iro tose zvedu tinofanira kufungisisa nomwoyo wose.—2 Petro 1:19.

Ruoko rwaJehovha Rwakatambanudzwa

4, 5. Zefania 1:1-3 yakazadzika sei pane vakaipa vaiva munyika yeJudha?

4 “Shoko raJehovha” kuna Zefania rinotanga nenyevero yataurwa pakuvamba. Mwari anozivisa kuti: “Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri pasi pose—ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichaparadza vanhu nezvipfuwo; ndichaparadza shiri dzokudenga, nehove dzegungwa, nezvigumbuso pamwe chete navakaipa; ndichabvisa vanhu pasi pose—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Zefania 1:1-3.

5 Hungu, Jehovha aizogumisa uipi hwakashatisisa munyika yeJudha. Mwari aizoshandisa ani ku“paradza chose zvinhu zvose zviri pasi pose”? Sezvo Zefania sezviri pachena akaprofita kumavambo okutonga kwaMambo Josia, kwakatanga muna 659 B.C.E., mashoko iwayo ouprofita akazadzika apo Judha neguta rayo guru, Jerusarema, zvakaitwa dongo nevaBhabhironi muna 607 B.C.E. Panguva iyoyo, paiva noku‘paradzwa chose’ kwevakaipa vaiva munyika yeJudha.

6-8. Chii chakafanotaurwa pana Zefania 1:4-6, uye uprofita ihwohwo hwakazadzika sei munyika yeJudha yekare?

6 Ichifanotaura nezvezvichaitwa naMwari mukurwisa vanamati venhema, Zefania 1:4-6 inoti: “Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusarema; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwe chete navapristi; navanonamata hondo dzokudenga pamatenga edzimba, navanamati, vanopika naJehovha vachipikawo naMarkami; navakadzoka pakutevera Jehovha, navasina kutsvaka Jehovha kana kumubvunza.”

7 Ruoko rwaJehovha rwakatambanudzwa mukurwisa Judha neJerusarema. Akanga akatsunga kuparadza vanamati vamwari wokuzvara wechiKanani Bhaari. Vanamwari vakawanda vomunharaunda vainzi vanaBhaari nokuti vanamati vavo vaifunga kuti vane simba pamusoro penzvimbo dzakati. Somuenzaniso, kwaiva naBhaari ainamatwa nevaMoabhi nevaMidhiani paGomo rePeori. (Numeri 25:1, 3, 6) Munyika yose yeJudha, Jehovha aizoparadza vapristi vaBhaari, uyewo vaRevhi vaiva vapristi vakanga vasina kutendeka vaityora mutemo waMwari nokushamwaridzana navo.—Eksodho 20:2, 3.

8 Mwari aizoparadzawo vaya “vanonamata hondo dzokudenga,” sezviri pachena vachiongorora nyeredzi nokunamata zuva. (2 Madzimambo 23:11; Jeremia 19:13; 32:29) Kutsamwa kwaMwari kwaizoratidzwa kune vaya vaizoedza kusanganisa kunamata kwechokwadi nechitendero chenhema no‘kupika naJehovha uye naMarkami.’ Markami ringangova rimwe zita raMoreki, mwari mukuru wevaAmoni. Kunamatwa kwaMoreki kwaisanganisira kubayirwa kwevana.—1 Madzimambo 11:5; Jeremia 32:35.

Kuguma kwechiKristudhomu Kwava Pedyo!

9. (a) ChiKristudhomu chine mhosva yei? (b) Kusiyana nevasina kutendeka vokuJudha, tinofanira kutsunga kuitei?

9 Izvozvi zvose zvinotiyeuchidza nezvechiKristudhomu, chakanyura mukunamata kwenhema nokuongorora nyeredzi. Uye zvachiri kuita mukubayirwa kwoupenyu hwemamiriyoni paatari yehondo dzinotsigirwa nevafundisi zvinosemesa zvechokwadi! Ngatisambove sevasina kutendeka vokuJudha, “vakadzoka pakutevera Jehovha,” vachiva vasina hanya uye vasingamutsvaki kana kutsvaka kutungamirira kwake. Asi, ngatirambei takatendeka kuna Mwari.

10. Ungatsanangura sei zvinoreva uprofita hwaZefania 1:7?

10 Mashoko anotevera omuprofita wacho anokodzera vaiti vezvakaipa vomuJudha nevakaipa vomuzuva redu. Zefania 1:7 inoti: “Nyararai pamberi paShe Jehovha, nokuti zuva raJehovha rava pedyo; nokuti Jehovha akagadzira chibayiro, vakakokwa naye akavaita vatsvene.” Ava “vakakokwa” sezviri pachena vaiva vavengi veJudha vechiKardhea. “Chibayiro” chaiva Judha pachayo, kusanganisira guta rayo guru. Saka Zefania akazivisa chinangwa chaMwari chokuparadza Jerusarema, uye uprofita uhwu hwaitaurawo nezvokuparadzwa kwechiKristudhomu. Kutaura zvazviri, nezuva raMwari rokutonga rava pedyo kudai nhasi, pasi rose rinofanira ‘kunyarara pamberi paChangamire Ishe Jehovha’ ndokunzwa zvaanotaura achishandisa “boka duku” revateveri vaJesu vakazodzwa neshamwari dzavo, “mamwe makwai” ake. (Ruka 12:32; Johani 10:16) Ruparadziko rwakamirira vose vacharega kuteerera uye nenzira iyoyo vanopesana nokutonga kwoUmambo hwaMwari.—Pisarema 2:1, 2.

Nokukurumidza—Zuva Rokuchema!

11. Zefania 1:8-11 inonyatsorevei?

11 Ichitaura nezvezuva raJehovha, Zefania 1:8-11 inowedzera kuti: “Nezuva rechibayiro chaJehovha ndicharova machinda navanakomana vamambo, navose vakapfeka nguo dzavatorwa. Nezuva iro ndicharova vose vanodarika chikumbaridzo, vanozadza imba yatenzi wavo nokupambara nokunyengera. Zvino nezuva iro—ndizvo zvinotaura Jehovha—kuchanzwika mhere inobva pasuo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo. Chemai imi mugere Makteshi; nokuti vanhu vose veKanani vapera, vose vakanga vakapfuma sirivheri vabviswa.”

12. Zvinodaro sei kuti vamwe vanowanikwa “vakapfeka nguo dzavatorwa”?

12 Mambo Josia aizotsiviwa naJehoahazi, Jehoiakimi, uye Jehoiakini. Ipapo kwaizouya kutonga kwaZedhekia, kwakaratidzwa nokuparadzwa kweJerusarema. Kunyange zvazvo njodzi yakadaro yakanga yava pedyo, vamwe sezviri pachena vaitsvaka kugamuchirwa nemarudzi akanga akavakidzana navo noku“pfeka nguo dzavatorwa.” Saizvozvowo, mazuvano vakawanda vanoita kuti zvive pachena munzira dzakasiyana-siyana kuti havasi vamwe vesangano raJehovha. Zvazviri pachena kuti vamwe vesangano raSatani, vacharangwa.

13. Maererano nouprofita hwaZefania, chii chaizoitika vaBhabhironi pavairwisa Jerusarema?

13 “Zuva iro” rokutonga Judha rinoenderana nezuva raJehovha rokutonga vavengi vake, rokugumisa uipi, uye rokuratidza ukuru hwake. VaBhabhironi pavairwisa Jerusarema, kuchema kwaizobva paSuo reHove. Zvimwe rakatumidzwa kudaro nokuti raiva pedyo nomusika wehove. (Nehemia 13:16) Mapoka eBhabhironi aizopinda muchikamu chinonzi rutivi rutsva rweguta, uye “kukoromoka . . . kunobva kumakomo” kungaratidza ruzha rwokusvika kwevaKardhea. Paizova noku“chema” kunoitwa nevagari vokuMakteshi, zvimwe kumusoro kwoMupata weTyropoeon. Nei vaizochema? Nokuti basa rokutengeserana, kusanganisira riya roku“pfuma sirivha,” raizopera ikoko.

14. Kuongorora kwaMwari vaizviti vanamati vake kwaizosvika kure zvakadini?

14 Kuongorora kwaJehovha vaizviti vanamati kwaizosvika kure zvakadini? Uprofita hwacho hunopfuurira huchiti: “Nenguva iyo ndichanzvera Jerusarema nemwenje; ndicharova varume vagere pamasese avo, vanoti mumwoyo yavo: Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa. Pfuma yavo ichaitwa zvakapambwa, nedzimba dzavo matongo; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizambiringa, asi havanganwi waini yayo.”—Zefania 1:12, 13.

15. (a) Chii chaizoitika kuvapristi vakaramba kutenda vomuJerusarema? (b) Chii chakachengeterwa vanonamata muchitendero chenhema vomuzuva ranhasi?

15 Vapristi vakaramba kutenda vomuJerusarema vaisanganisa kunamatwa kwaJehovha nechitendero chenhema. Kunyange zvazvo vainzwa vakachengeteka, Mwari aizovatsvaka sokunge kuti nemwenje yakajeka yaizopinda murima romudzimu mavakanga vavanda. Hapana aizopona kuziviswa kwokutonga kwaMwari uye kutonga kwacho. Vakaramba kutenda ivavo vasina hanya vakanga vatozorora zvavo semasese ari pasi pegate rewaini. Vakanga vasingadi kuvhiringidzwa nokuziviswa chero kupi zvakwo kwokutonga kwaMwari muzvinhu zvevanhu, asi vaisazopona kutongwa kwavaizoitwa naMwari. Hapazoviwo nokupona kwevanonamata muchitendero chenhema vomuzuva ranhasi, kusanganisira nhengo dzechiKristudhomu nevaya vakaramba kunamata Jehovha. Vachiramba kuti ano “mazuva okupedzisira,” vanoti mumwoyo mavo, “Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.” Asi vakazorasika!—2 Timoti 3:1-5; 2 Petro 3:3, 4, 10.

16. Chii chaizoitika Mwari paaizotonga nyika yeJudha, uye kuziva izvozvo kunofanira kuitei patiri?

16 Vakaramba kutenda vomuJudha vakanyeverwa kuti vaBhabhironi vaizopamba pfuma yavo, kuita dzimba dzavo matongo, uye kutora zvibereko zveminda yavo yemizambiringa. Zvinhu zvokunyama zvaizoshaya basa apo kutonga kwaMwari kwaizoitwa panyika yeJudha. Izvozvo ndizvo zvichaitikawo apo zuva rokutonga raJehovha rinouya pagadziriro yezvinhu iripo zvino. Naizvozvo, ngativei nemaonero omudzimu uye ‘tozviunganidzira pfuma mudenga’ nokuchengeta basa raJehovha riri pokutanga muupenyu hwedu!—Mateu 6:19-21, 33.

“Zuva Guru raJehovha Rava Pedyo”

17. Maererano naZefania 1:14-16, zuva raJehovha rokutonga raswedera zvakadini?

17 Zuva raJehovha rokutonga raswedera zvakadini? Maererano naZefania 1:14-16, Mwari anovimbisa izvi: “Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo, iro inzwi rezuva raJehovha; mhare inochemapo zvikuru kwazvo. Zuva iro izuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru, zuva rehwamanda neremhere, zvinoridzirwa maguta akakomberedzwa namasvingo neshongwe dzakakwirira.”

18. Nei tisingafaniri kugumisa kuti zuva raJehovha rokutonga richiri kure kwazvo?

18 Vapristi veJudha vanotadza, machinda, uye vanhu vakanyeverwa kuti ‘zuva raJehovha rakanga rava pedyo.’ Nokuda kweJudha paizova ‘nokukurumidza kwazvo kwezuva raJehovha.’ Saizvozvowo munguva yedu, ngaparege kuva neanofunga kuti kutonga kwaJehovha vakaipa kuchaitika munguva yemberi iri kure. Asi, sezvo Mwari akakurumidza kuita chiito munyika yeJudha, saka acha‘kurumidzisa’ zuva rake rokuuraya. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Ichava nguva inorwadza zvakadini kune vose vasingateereri nyevero dzaJehovha dzinopiwa neZvapupu zvake uye vanokundikana kugamuchira kunamata kwechokwadi!

19, 20. (a) Ndezvipi zvimwe zvakaitika pakuratidzwa kwehasha dzaMwari paJudha neJerusarema? (b) Tichifunga nezvokuparadza kusiri kwachero kwatarisana negadziriro ino yezvinhu, mibvunzoi inobvunzwa?

19 Kuratidzwa kwehasha dzaMwari panyika yeJudha neJerusarema kwaiva “zuva rokutambudzika nokumanikidzwa.” Vakapinda muBhabhironi nechisimba vakaparira kutambura kwakawanda kuvagari venyika yeJudha, kusanganisira kutambura mupfungwa pakutarisana norufu nokuparadzwa. “Zuva rokurashwa nokuparadzwa” iroro raiva rerima, makore, nezarima guru, zvimwe kwete zvokufananidzira chete asiwo chaizvoizvo, nokuti utsi nokuuraya zvakanga zviri kwose kwose. Raiva “zuva rehwamanda neremhere,” asi nyevero dzaipiwa pasina chimuko.

20 Varindiri veJerusarema vakanga vasina zvavaigona kuita sezvo zvokugumurisa zveBhabhironi zvaiputsa “shongwe dzakakwirira.” Masvingo egadziriro yakaipa yezvinhu iripo achatadzawo kudzivisa zvombo zvokudenga zvaMwari, zvagadzirira kutanga kushandiswa mukuparadza vaanosarudza. Unotarisira kuponeswa here? Wakamira zvakasimba kudivi raJehovha here, ‘uyo anochengeta vose vanomuda asi achaparadza vose vakaipa’?—Pisarema 145:20.

21, 22. Zefania 1:17, 18 ichazadzika sei muzuva redu?

21 Izuva rokutonga rinotyisa zvakadini rakafanotaurwa pana Zefania 1:17, 18! “Ndichauyisira vanhu kumanikidzwa,” anodaro Jehovha Mwari, “kuti vafambe samapofu, nokuti vakatadzira Jehovha; ropa ravo richadururwa seguruva, nenyama yavo sendove. Sirivha yavo kunyange ndarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; asi nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rake; nokuti uchapedza, zvirokwazvo uchapedza zvinotyisa, vose vagere panyika.”

22 Sezvaakaita mumazuva aZefania, Jehovha achakurumidza kuunza kumanikidzwa pane “vose vagere panyika,” vaya vakaramba kuteerera nyevero yake. Nokuti vanotadzira Mwari, vachadzedzereka semapofu asingagoni kuzvibatsira, vasingakwanisi kununurwa. Pazuva rokutonga raJehovha, ropa ravo “richadururwa seguruva,” sechimwe chinhu chisingabatsiri. Kuguma kwavo kuchava kunonyadzisa zvechokwadi, nokuti Mwari achaparadzira zvitunha—zvevakaipa vari panyika, “sendove”—kunyange nhengo dzomukati.

23. Kunyange zvazvo vakaipa vasingazoponi “nezuva rokutsamwa kwaJehovha,” uprofita hwaZefania hunopa tariro yei?

23 Hapana munhu anogona kuponesa vaya vanorwa naMwari nevanhu vake. Sirivha kana ndarama hazvina kugona kununura vaiita zvakaipa veJudha, kunyange sezvichaitawo pfuma yakachengetwa uye zviokomuhomwe zvisingazodziviriri kana kununura “nezuva rokutsamwa kwaJehovha” kwaacharatidza chiKristudhomu negadziriro ino yezvinhu yakaipa yose. Pazuva iroro rokusarudza, “nyika yose ichapedzwa” nomoto wokushingaira kwaMwari sezvaanoparadza vakaipa. Nemhaka yokuti tine kutenda mushoko raMwari rouprofita, tine chokwadi chokuti zvino tava mukati-kati me“nguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:4) Zuva rokutonga raJehovha rava pedyo, uye achakurumidza kutsiva vavengi vake. Asi, uprofita hwaZefania hunopa tariro yokununurwa. Ipapo, chii chinodiwa kuti tivanzwe pazuva rokutsamwa kwaJehovha?

Ungapindura Sei?

• Uprofita hwaZefania hwakazadzika sei panyika yeJudha neJerusarema?

• ChiKristudhomu nevakaipa vose vomuzuva redu vakachengeterwei?

• Nei tisingafaniri kufunga kuti zuva raJehovha rokutonga richauya munguva yemberi iri kure?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Zefania akazivisa asingatyi kuti zuva rokutonga raJehovha rakanga rava pedyo

[Kwazvakatorwa]

Kubva muSelf-Pronouncing Edition of the Holy Bible, rine shanduro yeKing James neyeRevised

[Mufananidzo uri papeji 15]

Zuva raJehovha rakauya paJudha neJerusarema achishandisa vaBhabhironi muna 607 B.C.E.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Unotarisira kuponeswa here Jehovha paachaparadza vakaipa?