Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsigirwa naJehovha Muupenyu Hwangu Hwose

Kutsigirwa naJehovha Muupenyu Hwangu Hwose

Nyaya Youpenyu

Kutsigirwa naJehovha Muupenyu Hwangu Hwose

YAKATAURWA NAFORREST LEE

Mapurisa akanga achangobva kutora magiramufoni edu nemabhuku eBhaibheri. Hondo Yenyika II yakapa vashori mukana wokunyengetedza gavhuna mukuru mutsva weCanada kuti azivise kuti basa reZvapupu zvaJehovha harisi repamutemo. Izvi zvakaitika musi waJuly 4, 1940.

TISINGAODZWI mwoyo nezvakanga zvaitika, takawana mabhuku akawanda kubva kwaaichengetwa ndokupfuurira nokuparidza kwedu. Ndicharamba ndichiyeuka mashoko aBaba pachiitiko ichocho: “Hatikurumidzi kukanda mapfumo pasi. Jehovha akatirayira kuparidza.” Panguva iyoyo, ndaiva mwana akasimba aiva nemakore gumi. Asi kunyange nhasi, kutsunga kwaBaba uye kushingairira kwavo ushumiri zvichingori chiyeuchidzo chenguva dzose chokutsigira kunoita Mwari wedu Jehovha vashumiri vake vakavimbika.

Mapurisa paakazotimisazve, haana kungotitorera mabhuku edu chete asiwo akaendesa Baba kujeri, vachisiya Amai vari voga nevana vana. Izvozvo zvakaitika muna September 1940 muSaskatchewan. Munguva pfupi yakatevera ndakadzingwa chikoro nemhaka yokutevera hana yangu yakadzidziswa Bhaibheri uye kusasaruta mureza nokusaimba nziyo yenyika. Kupfuurira nedzidzo yangu ndiri kumba kwakaita kuti ndive nepurogiramu yandaikwanisa kuchinja, uye ndaibuda mubasa rokuparidza zvizere.

Muna 1948 kwakakumbirwa kuti paidiwa mapiyona, vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha, kuti atamire kumuganhu wokumabvazuva kweCanada. Saka ndakaenda kunopayona muHalifax, Nova Scotia, uye kuCape Wolfe, Prince Edward Island. Gore rakatevera racho, ndakabvuma kukokwa kuti ndishande kwevhiki mbiri pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muToronto. Vhiki mbiri idzodzo dzakazova makore anopfuura matanhatu ebasa rinogutsa. Ndakazosangana naMyrna, aidawo Jehovha seni, uye takaroorana muna December 1955. Takagara muMilton, Ontario, uye munguva pfupi yakatevera ungano itsva yakaumbwa imomo. Kamuri raiva pasi peimba yedu rakava Horo yoUmambo.

Chido Chokuwedzera Ushumiri Hwedu

Mumakore akatevera, takabereka vana vatanhatu munguva pfupi. Mwanasikana wedu Miriam ndiye akatanga. Kwakazouya Charmaine, Mark, Annette, Grant, uye pakupedzisira Glen. Kazhinji ndaisvika pamba kubva kubasa ndichiona vaduku vacho vakagara pasi vakakomba choto, Myrna achivaverengera Bhaibheri, achitsanangura nhoroondo dzeBhaibheri uye achiroverera mumwoyo yavo kuda Jehovha zvechokwadi. Nemhaka yokutsigira kwake kworudo, vana vedu vose vakawana zivo yakanaka yeBhaibheri pazera duku zvikuru.

Kushingairira ushumiri kwababa vangu kwakanga kwasiya chido chisingabvisiki mupfungwa dzangu nemwoyo. (Zvirevo 22:6) Saka, muna 1968, mhuri dzeZvapupu zvaJehovha padzakakumbirwa kutamira kuCentral neSouth America kuti dzibatsire nebasa rokuparidza, mhuri yedu yakanzwa ichida kupindura chikumbiro chacho. Panguva iyoyo vana vedu vaiva nemazera aitangira pa5 kusvikira pa13, uye hapana nomumwe wedu aiziva shoko rimwe rechiSpanish. Ndichitevera nhungamiro yakapiwa, ndakaenda kunyika dzakasiyana-siyana kunoongorora mararamiro aiitwa ikoko. Ndadzoka, semhuri takafunga nokunyengetera zvisarudzo zvedu uye takasarudza kutamira kuNicaragua.

Kushumira muNicaragua

Muna October 1970 takanga tava mumusha wedu mutsva, uye mukati mevhiki nhatu ndakagoverwa hurukuro pfupi papurogiramu pamusangano weungano. Ndakatambura kukurukura hurukuro yacho muchiSpanish chandakanga ndisinganyatsogoni ndokugumisa nokukoka ungano yose kumusha wedu nokuda kwecerveza musi woMugovera na9:30 mangwanani. Ndaida kuti servicio, shoko rinoreva basa romumunda, asi chaizvoizvo, ndakanga ndiri kukoka munhu wose kudoro. Kudzidza mutauro wacho kwainetsa zvechokwadi!

Pakutanga, ndainyora mharidzo paruoko rwangu ndoidzidzira pandinenge ndichienda pasuo. Ndaiti: “Chidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena chinouya nebhuku iri.” Mumwe munhu akabvuma chikumbiro chacho akazotaura kuti akanga auya kumisangano yedu kuti aone zvandaiedza kumuudza. Murume uyu akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zviri pachena sei kuti Mwari ndiye anoita kuti mbeu dzechokwadi dzikure mumwoyo yevanozvininipisa, kunyange seizvo muapostora Pauro akabvuma!—1 VaKorinde 3:7.

Papera makore anenge maviri muguta guru reManagua, takakumbirwa kutamira kumaodzanyemba kweNicaragua. Ikoko takashanda neungano yaiva muRivas nemapoka aiva oga evanhu vanofarira. Pedro Peña, Chapupu chechikuru chakatendeka, aindiperekedza pataishanyira mapoka iwaya. Rimwe racho raiva pachitsuwa chine gomo rinoputika muLake Nicaragua, paingova nemhuri imwe chete yeZvapupu zvaJehovha.

Kunyange zvazvo mhuri iyi yaiva nezvinhu zvishoma-shoma, yakaita zvayaigona kuti iratidze kuonga kushanya kwedu. Manheru atakasvika, takanga tatogadzirirwa zvokudya. Takagara kwevhiki, uye vanhu vakawanda vane rudo ikoko vaida Bhaibheri vakatipawo zvokudya zvavo. Takafara kuva nevanhu 101 vakapinda hurukuro yeBhaibheri musi weSvondo.

Ndinofunga kuti mudzimu waJehovha unotsigira wakaratidzwa pane chimwe chiitiko, pataifanira kushanyira rimwe boka revanhu vanofarira mumakomo aiva pedyo nomuganhu weCosta Rica. Zuva rataifanira kusimuka, Pedro akauya kuzonditora, asi ndairwara nemarariya. “Handigoni kuenda Pedro,” ndakadaro. Achiisa ruoko rwake pahuma yangu, akapindura kuti: “Uri kupisa muviri zvikuru, asi unofanira kuenda! Hama dzakamirira.” Akabva ataura mumwe munyengetero unosvika pamwoyo wandisati ndambonzwa.

Pashure peizvozvo, ndakati: “Enda unozvitorera fresco (chinwiwa chomuchero). Ndichange ndapedza kugadzirira mumaminitsi anenge gumi.” Mhuri mbiri dzeZvapupu dzaigara munharaunda iyoyo yatakashanyira, uye dzakatitarisira zvakanakisisa. Zuva rakatevera takaenda kunoparidza nadzo, kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndasimba nemhaka yokupisa muviri. Zvaisimbisa sei kuona vanhu vanopfuura zana vakapinda musangano wedu womusi weSvondo!

Kutamazve

Muna 1975 mwana wedu wechinomwe, Vaughn, akaberekwa. Gore rakatevera racho, taifanira kudzokera kuCanada nokuda kwezvikonzero zvemari. Kubva muNicaragua kwaisava nyore nokuti zvechokwadi takanga taona kutsigira kwesimba raJehovha pataigara ikoko. Panguva yatakabva, vanhu vanopfuura 500 vaiva mundima yeungano yedu vakanga vava kupinda misangano.

Pakuvamba, ini naMiriam mwanasikana wedu patakagadzwa kuva mapiyona chaiwo muNicaragua, Miriam akandibvunza kuti: “Baba, kudai maizodzokera kuCanada, maizonditendera kusara kuno here?” Ndakanga ndisina pfungwa yokubva, saka ndakati: “Zvechokwadi, hungu!” Saka patakabva Miriam akasara achipfuurira noushumiri hwake hwenguva yakazara. Gare gare, akaroorwa naAndrew Reed. Muna 1984 vakapinda kirasi yechi77 yeGiriyedhi, chikoro chemamishinari cheZvapupu zvaJehovha, chaiva muBrooklyn, New York panguva iyoyo. Miriam zvino anoshumira nomurume wake kuDominican Republic, achizadzika chido chakaiswa maari nemamishinari ane unyanzvi muNicaragua.

Panguva iyoyo, mashoko aBaba okuti, “hatikurumidzi kukanda mapfumo pasi,” akanga achiri mumwoyo mangu. Saka pakazosvika 1981 apo takanga tachengeta mari yakakwana yokudzokesa kuCentral America, takatamazve, panguva ino tichienda kuCosta Rica. Tichishanda ikoko, takakokwa kuti tibatsire kuvaka zvivako zvavo zvitsva zvebazi. Zvisinei, muna 1985, mwanakomana wedu Grant aida kurapwa, saka takadzokera kuCanada. Glen akasara muCosta Rica kuti ashande pachirongwa chokuvaka bazi, nepo Annette naCharmaine vaishumira semapiyona chaiwo. Kana tiri isu vakabva muCosta Rica hapana akambofunga kuti taizodzokerako.

Kutarisana Nedambudziko

Musi waSeptember 17, 1993, kwakafuma kwakajeka uye kune zuva. Ini nomwanakomana wedu mukuru, Mark, taipfirira denga rechivako. Taishanda pamwe chete nokutaura zvinhu zvomudzimu, setsika yedu. Sezvineiwo ndakakanganisa kutsika ndokudonha padenga rechivako. Pandakatanga kuzivazve, chandaigona kuona waiva mwenje wakajeka nevanhu vakapfeka zvichena. Maiva mukamuri romuchipatara rinoiswa vanenge vachida kurapwa zvechimbi-chimbi.

Nemhaka yezvinotaurwa neBhaibheri, chandakatanga kuita kwaiva kuti: “Handidi ropa, handidi ropa!” (Mabasa 15:28, 29) Zvinonyaradza sei kunzwa Charmaine achiti: “Zvakanaka Baba. Tose tiripo.” Ndakazoziva gare gare kuti vanachiremba vakaona kadhi rangu rokurapwa, uye kushandiswa kweropa hakuna kubvira kwambova nyaya. Mutsipa wangu wakanga watyoka uye ndisingachagoni kuita chinhu zvachose, kunyange kutofema ndoga.

Ndisingachafambi, ndaitoda kutsigirwa naJehovha kwazvo kupfuura zvenguva dzose. Kuvhiya pahuro, kwakaitirwa kuisa chubhu yokufemesa, kwakavhara panopfuura nomweya uchienda kunhengo dzangu dzinobudisa mazwi. Ndakanga ndisingagoni kutaura. Vanhu vaifanira kutarisa miromo yangu kuti vanzwisise zvandaiedza kutaura.

Zvinhu zvakatanga kutidhurira nokukurumidza. Mudzimai wangu nevakawanda vevana vangu zvavaiva muushumiri hwenguva yakazara, ndakanetseka kana vaizofanira kusiya basa iri kuti vatarisire mitoro iyoyi yemari. Zvisinei, Mark akakwanisa kuwana basa rakabatsira kubhadhara mari yakawanda yacho mumwedzi mitatu chete. Somugumisiro, vose vakaramba vari muushumiri hwenguva yakazara kusara kwangu nomudzimai wangu.

Mazana emakadhi uye tsamba zvaibva kunyika nhanhatu zvakazadza madziro ekamuri rangu romuchipatara. Jehovha akanga ari kunditsigira zvechokwadi. Ungano yakabatsirawo mhuri yangu nokuipa zvokudya kwemwedzi mishanu nehafu yandaiva mukamuri romuchipatara rinoiswa vanenge varwarisa. Zuva roga roga, mukuru wechiKristu aipedza masikati ose aneni, achindiverengera zvinobva muBhaibheri nomumabhuku eBhaibheri, uye kurondedzerawo zviitiko zvinokurudzira. Nhengo mbiri dzemhuri yangu dzaigadzirira musangano mumwe nomumwe neni, saka handina kumboshayiwa zvokudya zvomudzimu zvinokosha.

Ndichiri muchipatara, gadziriro yakaitwa yokuti ndipinde purogiramu yezuva regungano chairo. Vashandi vepachipatara vakaronga kuti mukoti akanyoreswa zviri pamutemo uye mumwe anotarisira zvokufema vave neni zuva rose. Zvaifadza sei kuva nehama nehanzvadzi dzangu dzechiKristu zvakare! Handimbokanganwi kuona kwandakaita mazana achimira mumutsetse, achimirira jana rawo rokundikwazisa.

Kuramba Ndakakura Mumudzimu

Rinenge gore pashure petsaona yacho, ndakakwanisa kudzokera kumusha nemhuri yangu, kunyange zvazvo ndichiri kuda kutarisirwa nomukoti kwemaawa 24 pazuva. Motokari ine zvose zvandinoda inoita kuti ndikwanise kuenda kumisangano, yandisinganyanyi kurovha. Zvisinei, ndinofanira kubvuma kuti zvinoda kutsunga kuti ndiende. Kubvira pandakadzoka kumusha, ndave ndichikwanisa kupinda kokorodzano dzose dzoruwa.

Pakupedzisira, muna February 1997, ndakatangazve kukwanisa kutaura zvishomanana. Vamwe vanamukoti vangu vanoteerera nomwoyo wose sezvandinovaudza tariro yangu yomuBhaibheri. Mumwe mukoti akandiverengera bhuku rose raZvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari nemamwewo mabhuku eWatch Tower. Ndinonyorerana nevanhu ndichishandisa kamuti kutinya kombiyuta. Kunyange zvazvo kutaipa nenzira iyi kuchinetesa kwazvo, zvine mubayiro kukwanisa kuramba ndichiita ushumiri.

Ndinorwadziwa zvikuru netsinga. Asi zvinoita sokuti pandinenge ndichiudza vamwe chokwadi cheBhaibheri kana kunzwa ivava vachindiverengera, ndinonzwa kuzorodzwa. Pano neapo, ndinopupura mumugwagwa nomudzimai wangu anotsigira anonditaurira pandinoda kubatsirwa. Pazviitiko zvinoverengeka, ndave ndichikwanisa kushumira sapiyona webetsero. Kushumira somukuru wechiKristu kunondipa pfungwa yomufaro, kunyanya hama padzinouya kwandiri kumisangano kana padzinondishanyira kumba kwangu uye ndichikwanisa kudzibatsira nokudzikurudzira.

Ndinofanira kubvuma kuti zviri nyore kuodzwa mwoyo. Saka pose pandinoodzwa mwoyo, ndinokurumidza kunyengetera kuti ndiwane mufaro. Usiku nemasikati ndinonyengetera kuti Jehovha arambe achinditsigira. Tsamba kana kushanya kunoitwa nomumwe munhu zvinoita kuti ndifare nguva dzose. Kuverenga magazini eNharireyomurindi kana eMukai! kunozadzawo pfungwa dzangu nemashoko anovaka. Vanamukoti vakasiyana-siyana dzimwe nguva vanondiverengera magazini iwaya. Kubvira patsaona yangu, ndakateerera kuverengwa kweBhaibheri rose pakaseti kanosvika kanomwe. Idzi ndedzimwe nzira dzakasiyana-siyana idzo Jehovha ave achinditsigira nadzo.—Pisarema 41:3.

Kuchinja kwemamiriro angu ezvinhu kwandipa nguva yakawanda yokufungisisa kuti Murayiridzi wedu Mukuru, Jehovha, anotidzidzisa sei nokuda kwoupenyu. Anotipa zivo yakarurama yokuda kwake nechinangwa, ushumiri hune zvahunoreva, zano rezvinodiwa kuti mhuri ifare, uye nzwisiso yokuziva chokuita mudambudziko. Jehovha akandikomborera nomudzimai akatendeka uye akanaka. Vana vanguwo varamba vachinditsigira nokuvimbika, uye zvinondifadza kuti vose vakava muushumiri hwenguva yakazara. Chaizvoizvo, musi waMarch 11, 2000, mwanakomana wedu Mark nomudzimai wake, Allyson, vakapedza kudzidza mukirasi yechi108 yeChikoro cheGiriyedhi uye vakagoverwa kunoshanda kuNicaragua. Ini nomudzimai wangu takakwanisa kupinda mhemberero yavo yokupedza kudzidza. Ndinogona kutaura zvepachokwadi kuti dambudziko rakachinja upenyu hwangu asi kwete mwoyo wangu.—Pisarema 127:3, 4.

Ndinoonga Jehovha nokuda kwouchenjeri hwaakagovera kuti ndikwanise kupfuudzira kumhuri yangu nhaka yomudzimu yandakagamuchira. Ndinosimbiswa nokukurudzirwa kuona vana vangu vachishumira Musiki wavo nemaonero akafanana neaiva nababa vangu, avo vakati, “Hatikurumidzi kukanda mapfumo pasi. Jehovha akatirayira kuparidza.” Zvechokwadi, Jehovha akanditsigira nemhuri yangu muupenyu hwangu hwose.

[Mufananidzo uri papeji 24]

NaBaba, vakoma vangu, nehanzvadzi yangu, pedyo neimba yedu yomumotokari, yaishandiswa mumazuva okupayona. Ndiri nechokurudyi

[Mufananidzo uri papeji 26]

Nomudzimai wangu, Myrna

[Mufananidzo uri papeji 26]

Mufananidzo wazvino wemhuri yedu

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ndichiri kupupura netsamba