Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvhiya Pasina Kuisira Ropa—“Muitiro Wokurapa Wava Kunyanya Kushandiswa”

Kuvhiya Pasina Kuisira Ropa—“Muitiro Wokurapa Wava Kunyanya Kushandiswa”

Kuvhiya Pasina Kuisira Ropa—“Muitiro Wokurapa Wava Kunyanya Kushandiswa”

PASI pomusoro waiti “‘Kuvhiya Pasina Kuisira Ropa,” magazini inonzi Maclean’s yakataura kuti vanachiremba muCanada vave “vachigadzira nzira itsva, zvokuti mumakore mashanu apfuura, vakachinja kwave kuchiwanzonzi kuvhiya pasina kuisira ropa kuti uve muitiro wokurapa unonyanya kushandiswa.” Brian Muirhead, mutindivadzi wepaHealth Sciences Centre yokuWinnipeg mumwe wavo. Chii chakaita kuti atsvake imwe nzira yokurapa kunoitwa pasina kuisira ropa?

Muna 1986, Dr. Muirhead akaita basa rakaoma rokuvhiya murume akanga ava nemakore 70 aiva neronda raigara richingojuja ropa uyo akanga akumbira kurapwa kunoitwa pasina kuisirwa ropa, nemhaka yezvaaidavira maererano neBhaibheri somumwe weZvapupu zvaJehovha. (Mabasa 15:28, 29) Dr. Muirhead “akashandisa muitiro wakanga usinganyanyi kushandiswa wokuisa mvura ine munyu mumurwere kuti aite kuti simba reropa rake rirambe rakakwira,” inodaro magazini inonzi Maclean’s. “Nzira yacho yakabudirira, uye yakasimbisa kudavira kwaMuirhead kuti ‘takanga tiri kunyanya kuisira ropa. Ndakafunga kuti yakanga iri nguva yokutsvaka dzimwe nzira.’”

Kuongorora kuvhiya pasina kuisira ropa “kwakakurudzirwa nokutyira kupiwa kwaizoitwa ropa munguva yemberi—uye nokutya kwevarwere vakawanda kutapukirwa noutachiona kubva pakuisirwa ropa.” Nemhaka yokuongorora ikoko kwakaitwa navanachiremba vanoda kutanga nzira itsva dzokurapa nadzo, vamwe vakawanda, kwete Zvapupu zvaJehovha chete, vabatsirwa. “Kunze kwokubvisa kudiwa kwokuisira ropa muzviitiko zvakawanda, kuvhiya pasina kuisira ropa kunoderedza ngozi—zvisinei nokuti iduku sei—yokutapukirwa noutachiona hungava muropa risina kunaka,” inodaro Maclean’s. Asi kunyange ropa “rakachena” rinogona kuva nengozi yokutapurira utachiona nokuvhiringidza kwenguva duku gadziriro dzomurwere dzokudzivirira zvirwere.

Chii chinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvigutsikane zvakasimba nokurapa pasina kuisira ropa? Ungafara kuverenga bhurocha rinonzi Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukupa.