Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mufaro Kune Vaya Vanofamba Muchiedza

Mufaro Kune Vaya Vanofamba Muchiedza

Mufaro Kune Vaya Vanofamba Muchiedza

“Uyai tifambe muchiedza chaJehovha.”—ISAYA 2:5.

1, 2. (a) Chiedza chinokosha zvakadini? (b) Nei yambiro yokuti rima raizofukidza pasi yakakomba zvikuru?

JEHOVHA ndiye Anopa chiedza. Bhaibheri rinomudana kuti “iye unopa zuva rive chiedza masikati, nemirayiro yomwedzi nenyeredzi zvive chiedza usiku.” (Jeremia 31:35; Pisarema 8:3) Ndiye akasika zuva redu, chaizvoizvo riri vira rinopisa kwazvo renyukireya rinobudisira muchadenga uwandu hwakakura kwazvo hwesimba, rimwe racho rinenge riri chiedza nokupisa. Chikamu chiduku-duku chesimba iroro chinosvika kwatiri sechiedza chezuva chinoita kuti upenyu hupfuurire pasi pano. Pasina chiedza chezuva, tingadai tisiko. Pasi raizodai riri nyika isina upenyu.

2 Tichifunga izvi, tinogona kunzwisisa kukomba kwemamiriro ezvinhu aitsanangurwa nomuprofita Isaya. Akati: “Tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu.” (Isaya 60:2) Chokwadi, izvi hazvirevi rima chairoiro. Isaya akanga asingarevi kuti mumwe musi zuva, mwedzi, nenyeredzi zvaizorega kupenya. (Pisarema 89:36, 37; 136:7-9) Asi, aitaura nezverima romudzimu. Asi rima romudzimu rinouraya. Pashure penguva yakati, hatigoni kurarama tisina chiedza chomudzimu sezvatisingagoni kurarama tisina chiedza chaichoicho.—Ruka 1:79.

3. Maererano nezvakataurwa naIsaya, vaKristu vanofanira kuitei?

3 Tichitarira izvi, zvinokosha kwazvo kuti ticherechedze kuti mashoko aIsaya, kunyange zvazvo akazadzika muJudha yekare, ari kuzadzika zvakakura nhasi. Hungu, munguva yedu nyika yakafukidzwa nerima romudzimu. Mumamiriro ezvinhu ane ngozi kudaro, chiedza chomudzimu chinokosha kwazvo. Ndosaka vaKristu vachifanira kuteerera zvakakurudzirwa naJesu kuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu.” (Mateu 5:16) VaKristu vakatendeka vanogona kuvhenekera vanyoro, nokudaro vachivapa mukana wokuwana upenyu.—Johani 8:12.

Nguva Yerima muIsraeri

4. Mashoko ouprofita aIsaya akatanga kuzadzika rini, asi zvinhu zvakanga zvakamira sei muzuva rake?

4 Mashoko aIsaya erima rinofukidza pasi akatanga kuzadzika apo Judha yakanga iri dongo uye vanhu vayo vari muutapwa kuBhabhironi. Zvisinei, kunyange izvozvo zvisati zvaitika, muzuva raIsaya pachake, chikamu chikuru chorudzi rwacho chakanga chatofukidzwa nerima romudzimu, zvakaita kuti akurudzire vanhu vomunyika yake kuti: “Iwe imba yaJakobho, uyai tifambe muchiedza chaJehovha”!—Isaya 2:5; 5:20.

5, 6. Zvii zvakabatsirawo kuti pave nerima muzuva raIsaya?

5 Isaya akaprofita muJudha “pamazuva aUziya, naJotami, naAhazi, naHezekia, madzimambo eJudha.” (Isaya 1:1) Yaiva nguva inovhiringidza yokusagadzikana kwezvematongerwe enyika, unyengeri pakunamata, uori mumatare, uye kudzvinyirirwa kwevarombo. Kunyange munguva yokutonga kwemadzimambo akatendeka, akadai saJotami, atari dzavanamwari venhema dzaigona kuonekwa pamusoro pezvikomo zvakawanda. Mukutonga kwemadzimambo asina kutendeka, mamiriro ezvinhu acho akanga anyanya kuipa. Somuenzaniso, Mambo akaipa Ahazi akatosvika pakupira mwana wake kuti ave chibayiro chetsika kuna Moreki. Raiva rima zvechokwadi!—2 Madzimambo 15:32-34; 16:2-4.

6 Mamiriro ezvinhu omunyika dzakawanda akanga asinawo tariro. Nyika dzeMoabhi, Edhomi, neFiristia dzaiva pamiganhu yenyika yeJudha nenzira inotyisidzira. Umambo hwokumusoro hweIsraeri, kunyange hwaiva hama yokuberekwa nayo, hwaiva muvengi ari pachena. Nechokumusoro zvishoma, Siria yakanga ichityisidzira rugare rweJudha. Yaitova nengozi zvikuru yakanga iri Asiria yaive noutsinye, yairamba ichitsvaka mikana yokuwedzera simba rayo. Munguva yokuprofita kwaIsaya, Asiria yakakurira Israeri zvachose uye yakapotsa yaparadza Judha. Asiria yakatombodzora maguta ose akasimbiswa aiva muJudha kusiya kweJerusarema.—Isaya 1:7, 8; 36:1.

7. Israeri neJudha zvakasarudza nzira ipi, uye Jehovha akaita sei?

7 Vanhu vaMwari vesungano vakaparadzwa zvakadaro nokuti Israeri neJudha dzakanga dzisina kuvimbika kwaari. Kufanana nevaya vanodudzwa mubhuku raZvirevo, vakanga vachi“rasha makwara okururama, kuti vafambe nenzira dzerima.” (Zvirevo 2:13) Asi, nepo Jehovha akanga atsamwira vanhu vake, haana kuvasiya zvachose. Panzvimbo paizvozvo, akamutsa Isaya nevamwe vaprofita kuti vape chiedza chomudzimu kuna ani naani zvake aiva murudzi rwacho akanga achiri kutsvaka kushumira Jehovha akatendeka. Chiedza chakapiwa nokuvaprofita ava chaikosha zvechokwadi. Chaipa upenyu!

Nguva Yerima Nhasi

8, 9. Zvii zvinoita kuti munyika muve nerima nhasi?

8 Mamiriro akanga akaita zvinhu muzuva raIsaya akafanana kwazvo nezvakaita zvinhu nhasi. Munguva yedu, vatungamiriri vevanhu vakafuratira Jehovha naMambo waakagadza, Jesu Kristu. (Pisarema 2:2, 3) Vatungamiriri vezvitendero vechiKristudhomu vakanyengedza mapoka avo. Vatungamiriri vakadaro vanoti vanoshumira Mwari, asi chokwadi ndechokuti vakawanda vavo vanotsigira vanamwari venyika ino—urudzi, kutsigira chiuto, pfuma, uye vanhu vakakurumbira—tisingatauri nezvokudzidzisa dzidziso dzechihedheni.

9 Munzvimbo imwe pashure peimwe, zvitendero zvechiKristudhomu zvakabatanidzwa muhondo nokurwisana kwevagari vomunyika imwe chete kunoitirwa kuparadza rimwe dzinza uye zvimwe zvinotyisa. Uyezve, pane kutsigira tsika dzinotaurwa muBhaibheri, machechi akawanda ari kurerutsa kana kuti kutsigira chaizvo miitiro younzenza yakadai soufeve noungochani. Somugumisiro wokuramba zvinodiwa muBhaibheri kwakadaro, mapoka echiKristudhomu akaita sevanhu vaya vakataurwa nezvavo nomunyori wepisarema wekare kuti: “Havazivi, havanzwisisi; vanofamba-famba murima.” (Pisarema 82:5) Chokwadi, kufanana neJudha yekare, chiKristudhomu chakanyura murima.—Zvakazarurwa 8:12.

10. Chiedza chinovheneka sei murima nhasi, uye vanyoro vanobatsirwa sei?

10 Murima rakadaro, Jehovha ari kuita kuti chiedza chipenye kuitira vanyoro. Kuti aite izvi, ari kushandisa vashumiri vake vakazodzwa vari pasi pano, “muranda akatendeka, akangwara,” uye ivava vari “kupenya . . . sezvivheneko munyika.” (Mateu 24:45; VaFiripi 2:15) Boka romuranda iroro, richitsigirwa nemamiriyoni eshamwari dzaro dze“mamwe makwai,” rinovheneka chiedza chomudzimu chinobva muShoko raMwari, Bhaibheri. (Johani 10:16) Munyika ino yava murima, chiedza chakadaro chinopa vanyoro tariro, chinovabatsira kuva noukama naMwari, uye chinovabatsira kudzivisa ngozi dzomudzimu. Chinokosha, chinopa upenyu.

“Ndi[no]rumbidza Zita Renyu”

11. Mashoko api ayo Jehovha akaita kuti awanike muzuva raIsaya?

11 Mumazuva erima akararama Isaya uye mumazuva aitova nerima guru akazotevera apo vaBhabhironi vakapinza rudzi rwaJehovha muutapwa, Jehovha akapa nhungamiro yorudzii? Pamusoro pokuvapa nhungamiro yetsika, akafanozivisa zvakajeka mazadzikire aaizoita zvinangwa zvake zvine chokuita nevanhu vake. Somuenzaniso, funga nezvouprofita hwakanaka kwazvo huri muna Isaya chitsauko 25 kusvikira ku27. Mashoko ari muzvitsauko izvi anoratidza mabatiro aiita Jehovha nhau kare ikako uye maitiro aanozviita nhasi.

12. Isaya anotaura chii nomwoyo wose?

12 Chokutanga, Isaya anozivisa kuti: “Jehovha, ndimi Mwari wangu! Ndi[no]kukudzai, ndi[no]rumbidza zita renyu.” Kuratidzwa kwomwoyo wose kwakadini kwokurumbidza! Asi chii chakaita kuti muprofita wacho ataure munyengetero wakadaro? Chinhu chikuru chinoziviswa muchikamu chechipiri chendima yacho, patinoverenga kuti: “Nokuti [imi Jehovha] makaita zvinoshamisa, izvo zvamakafunga kare, nokutendeka nezvokwadi.”—Isaya 25:1.

13. (a) Izivoi yakasimbisa kunzwisisa Jehovha kwaiita Isaya? (b) Tingadzidza sei mumuenzaniso waIsaya?

13 Pakasvika zuva raIsaya, Jehovha akanga aitira Israeri zvinhu zvakawanda zvinoshamisa, uye izvi zvakanga zvanyorwa pasi. Zviri pachena kuti Isaya aiziva zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa. Somuenzaniso, aiziva kuti Jehovha akabudisa vanhu vake muuranda muIjipiti ndokuvanunura pahasha dzeuto raFarao paGungwa Dzvuku. Aiziva kuti Jehovha akatungamirira vanhu vake nomurenje ndokuvapinza muNyika Yakapikirwa. (Pisarema 136:1, 10-26) Nhoroondo dzenhau dzakadaro dzakaratidza kuti Jehovha Mwari akatendeka uye akavimbika. ‘Zvaakafunga’—zvinhu zvose zvaanoita chinangwa—zvinoitika. Zivo yakarurama inopiwa naMwari yakasimbisa Isaya kuti arambe achifamba muchiedza. Saka, aiva muenzaniso wakanaka kwazvo kwatiri. Kana tikanyatsodzidza Shoko raMwari rakanyorwa ndokurishandisa muupenyu hwedu, isuwo ticharambira muchiedza.—Pisarema 119:105; 2 VaKorinde 4:6.

Guta Rinoparadzwa

14. Chii chinoprofitwa pamusoro peguta, uye guta racho ringangodaro raiva chii?

14 Muenzaniso wezano raMwari unowanika pana Isaya 25:2, patinoverenga kuti: “Guta makariita dutu ramabwe, guta rakakombwa norusvingo makariita dongo, imba huru yavatorwa rirege kuva guta; haringatongovakwi.” Guta iri chii? Zvingangodaro kuti Isaya aitaura nenzira yokuprofita nezveBhabhironi. Chokwadi, nguva yakasvika apo Bhabhironi rakava dutu zvaro remabwe.

15. I“guta guru” ripi riripo nhasi, uye chii chichaitika kwariri?

15 Guta rakadudzwa naIsaya rine rakafanana naro here nhasi? Hungu. Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezve“guta guru rine umambo pamusoro pemadzimambo apasi.” (Zvakazarurwa 17:18) Guta guru iroro i“Bhabhironi Guru,” umambo hwomunyika yose hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 17:5) Nhasi, rutivi rukuru rweBhabhironi Guru chiKristudhomu, chine vafundisi vanotungamirira mukushora basa rokuparidza Umambo revanhu vaJehovha. (Mateu 24:14) Zvisinei, kufanana neBhabhironi rekare, Bhabhironi Guru rava kubva roparadzwa, zvokusazombomukazve.

16, 17. Vavengi vaJehovha vakamupa mbiri sei munguva yekare neyazvino?

16 Isaya anoprofita chiizve nezve“guta rakakombwa norusvingo”? Achitaura naJehovha, Isaya anoti: “Rudzi rukuru ruchakukudzai; guta ramarudzi avanhu [vanodzvinyirira] richakutyai.” (Isaya 25:3) Guta iri rine utsinye, “guta ramarudzi avanhu [vanodzvinyirira],” raizokudza Jehovha sei? Yeuka zvakaitika kuna mambo weBhabhironi aiva nesimba kupfuura vamwe vose, Nebhukadhinezari. Pashure pechiitiko chakaita kuti atange kufunga patsva chairatidza zvaakanga asingagoni, akamanikidzwa kubvuma ukuru hwaJehovha nesimba Rake guru. (Dhanieri 4:34, 35) Jehovha paanoratidza simba rake, kunyange vavengi vake vanomanikidzwa kubvuma mabasa ake esimba, pasinei nokuti vanozviita vasingadi.

17 Bhabhironi Guru rakambomanikidzwa kubvuma mabasa aJehovha esimba here? Hungu. Muhondo yokutanga yenyika, vashumiri vakazodzwa vaJehovha vakaparidza vachitambudzwa. Muna 1918 vakapinda muusungwa hwomudzimu apo vakuru vakuru vaitungamirira veWatch Tower Society vakaiswa mujeri. Basa rokuparidza rakarongwa rakapotsa ramira zvachose. Ipapo muna 1919, Jehovha akavadzorera ndokuvapazve simba nomudzimu wake, apo vakabuda kuti vazadzikise basa rokuparidza mashoko akanaka munyika yose inogarwa. (Mako 13:10) Zvose izvi zvakaprofitwa mubhuku raZvakazarurwa, sezvakaitwa mugumisiro wazvaizova nawo pavavengi vavo. Ivava “vakatya vakapa mbiri kuna Mwari wokudenga.” (Zvakazarurwa 11:3, 7, 11-13) Hakusi kuti vose vakanga vatendeuka, asi vakamanikidzwa kubvuma basa resimba raJehovha pachiitiko ichi, sokufanotaura kwakanga kwangoita Isaya.

“Nhare Yavarombo”

18, 19. (a) Nei vashori vakatadza kuparadza kutendeseka kwevanhu vaJehovha? (b) ‘Rwiyo rwevanodzvinyirira’ ruchaderedzwa sei?

18 Zvino achitaura nezvokubata nomutsa uko Jehovha anoita nevaya vanofamba muchiedza, Isaya anoti kuna Jehovha: “Imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshayiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo [yevanodzvinyirira] ichiita semvura zhinji. Muchaderedza bope ravatorwa, sezvinoita kupisa kwezuva panzvimbo yakaoma; rwiyo [rwevanodzvinyirira] ruchaderedzwa, sezvinoitwa kupisa nomumvuri wegore.”—Isaya 25:4, 5.

19 Kubvira muna 1919, vadzvinyiriri vakaedza zvose kuti vaparadze kutendeseka kwevanamati vechokwadi, asi vakatadza. Nei? Nokuti Jehovha ndiye nhare noutiziro hwevanhu vake. Anopa mumvuri unotonhorera apo kutambudza kunopisa uye anomira somudhuri wakasimba padutu rokushorwa. Isu vanofamba muchiedza chaMwari tinotarisira mberi nechivimbo kunguva apo ‘rwiyo rwevanodzvinyirira ruchaderedzwa.’ Hungu, tinomirira nokudisisa zuva iro vavengi vaMwari vachave vasisipo.

20, 21. Mutamboi unogoverwa naJehovha, uye mutambo iwoyo uchasanganisirei munyika itsva?

20 Jehovha haangodziviriri vashumiri vake chete. Anovatarisira saBaba vavo vane rudo. Asunungura vanhu vake muBhabhironi Guru muna 1919, akavaitira mutambo wokukunda, zvokudya zvomudzimu zvizhinji. Izvi zvakafanotaurwa pana Isaya 25:6, patinoverenga kuti: “Pagomo iri Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.” Takakomborerwa sei kudyawo pamutambo iwoyo! (Mateu 4:4) “Tafura yaJehovha” iri kuremerwa chaizvo nezvinhu zvakanaka zvokudya. (1 VaKorinde 10:21) Pachishandiswa “muranda akatendeka, akangwara,” tinopiwa zvose zvatingada mupfungwa yomudzimu.

21 Uye kune zvakawanda kumutambo uyu unogoverwa naMwari. Mutambo wezvokudya wokumudzimu watinawo iye zvino unotiyeuchidza nezvokuwanda kwezvokudya zvokunyama zvichave zviriko munyika itsva yaMwari yakapikirwa. Panguva iyoyo, “mutambo wezvakakora” uchasanganisira zvokudya zvokunyama zvakawanda. Hapana achazofanira kunzwa nzara yokunyama kana yokumudzimu. Kuchava kusunungurwa kwakadini kwevadiwa vaya vakatendeka vari kutambura nemhaka yo“kuperevedza kwezvokudya” kwakafanotaurwa kuri chimwe che“chiratidzo” chokuvapo kwaJesu! (Mateu 24:3, 7) Kwavari, mashoko omunyori wepisarema anonyaradza zvechokwadi. Akati: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:16.

22, 23. (a) “Chidzitiro,” kana kuti “chifukidziro,” chipi chichabviswa, uye sei? (b) ‘Kuzvidzwa kwevanhu vaJehovha’ kuchabviswa sei?

22 Zvino teerera kuchipikirwa chinotoshamisa zvikuru. Achienzanisa chivi uye rufu ne“chidzitiro,” kana kuti “chifukidziro,” Isaya anoti: “Pagomo iri [Jehovha] uchaparadza chifukidziro chinofukidzira vanhu vose, nechidzitiro chakatasanurwa pamusoro pamarudzi ose.” (Isaya 25:7) Imbofunga! Chivi norufu, zvakaremera vanhu segumbeze rinobitirisa, zvichava zvisisiko. Tinoshuva sei zuva richashandiswa zvakazara chibayiro chorudzikinuro chaJesu kubatsira vanhu vanoteerera uye vakatendeka!—Zvakazarurwa 21:3, 4.

23 Achitaura nezvenguva iyoyo ine mbiri, muprofita wacho akafuridzirwa anotivimbisa kuti: “[Mwari ucha]paradza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose; uchabvisa kuzvidzwa kwavanhu vake panyika yose; nokuti Jehovha wakataura izvozvo.” (Isaya 25:8) Hapana uchangofawo hake oga kana kuti kuchema nemhaka yokurasikirwa nomudiwa. Kuchinja kune chikomborero kwakadini! Uyezve, munyika yose hapana kuchanzwika kuzvidzwa nokuparadzirwa kwemashoko enhema izvo Mwari nevashumiri vake vave vachitsungirira kwenguva yakareba. Zvorega nei? Nokuti Jehovha achabvisa anoabudisa—baba venhema, Satani Dhiyabhorosi, pamwe nembeu yake yose.—Johani 8:44.

24. Vaya vanofamba muchiedza vanoita sei pavanoitirwa mabasa esimba naJehovha?

24 Pavanenge vachifungisisa kuratidzwa kwesimba raJehovha kwakadaro, vaya vanofamba muchiedza vanonzwa vachida kudanidzira kuti: “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye uchatiponesa; uye ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.” (Isaya 25:9) Nokukurumidza, vanhu vakarurama vachange vasisina chinovatadzisa kufara. Rima richabviswa zvachose, uye vakatendeka vachakombwa nechiedza nokusingaperi. Pangava neimwe tariro ine mbiri inopfuura iyi here? Zvechokwadi hapana!

Unogona Kutsanangura Here?

• Nei zvichikosha nhasi kufamba muchiedza?

• Nei Isaya akarumbidza zita raJehovha?

• Nei vavengi vasingazomboparadzi kutendeseka kwevanhu vaMwari?

• Zvikomboreroi zvakawanda zvakamirira vaya vanofamba muchiedza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12, 13]

Vagari vokuJudha vaibayira vana kuna Moreki

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kuziva mabasa esimba aJehovha kwakaita kuti Isaya arumbidze zita raJehovha

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vakarurama vachakombwa nechiedza chaJehovha nokusingaperi