Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira Yokuwana Nayo Mufaro Chaiwo

Nzira Yokuwana Nayo Mufaro Chaiwo

Nzira Yokuwana Nayo Mufaro Chaiwo

MUMWE mutungamiriri wechitendero chechiBuddha, Dalai Lama, akati: “Ndinodavira kuti chinangwa chikuru chomuupenyu hwedu ndechokutsvaka mufaro.” Akazotsanangura kuti aidavira kuti mufaro unogona kuwanikwa nokurovedza, kana kuti kuranga pfungwa nomwoyo. “Pfungwa,” akadaro, “ndidzo chete dzatinoda kuti tiwane mufaro wakazara.” Kudavira muna Mwari hakuna basa, anofunga kudaro. *

Mukupesana, chimbofunga Jesu, akanga ane kutenda kwakasimba muna Mwari uye ane dzidziso dzakachinja mazana emamiriyoni evanhu mumazana emakore. Jesu aida kuona vanhu vachifara. Akatanga Mharidzo yake inozivikanwa zvikuru yepaGomo nemashoko mapfumbamwe omufaro—zvirevo zvipfumbamwe zvinotanga nokuti: “Vanofara avo . . . ” (Mateu 5:1-12) Mumharidzo imwe chete iyoyo, akadzidzisa vateereri vake kuti vanzvere, vachenese, uye kuti varange pfungwa dzavo nomwoyo—vachitsiva pfungwa dzokuita chisimba, dzounzenza uye dzoudyire nepfungwa dzorugare, dzakachena uye dzorudo. (Mateu 5:21, 22, 27, 28; 6:19-21) Sokukurudzira kwakazoitwa nomumwe wevadzidzi vake, tinofanira ‘kuramba tichifunga’ zvinhu zviri ‘chokwadi, zvokuva nehanya nazvo zvikuru, zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, zvakanaka, uye zvinorumbidzwa.’—VaFiripi 4:8.

Jesu aiziva kuti mufaro wechokwadi unobatanidza kuita ushamwari nevamwe. Isu vanhu tinozvarwa tichingoda kuita ushamwari, nokudaro hatingavi vanofara zvechokwadi kana tichizvibvisa pane vamwe kana kuti tichiramba tichikakavadzana nevakatipota. Tinogona kufara chete kana tichinzwa tichidiwa uye kana tichida vamwe. Jesu akadzidzisa kuti chikuru kurudo rwakadaro ukama hwedu naMwari. Zvikurukuru pano, kudzidzisa kwaJesu kunosiyana nekwaDalai Lama, nokuti Jesu akadzidzisa kuti vanhu havagoni kufara zvechokwadi pasina Mwari. Nei zvakadaro?—Mateu 4:4; 22:37-39.

Funga Nezvezvinodiwa Zvako Zvomudzimu

Mamwe emashoko acho ndeokuti: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Nei Jesu akataura izvi? Nokuti, kusiyana nemhuka, tine zvinodiwa zvomudzimu. Nokusikwa kwatakaitwa nomufananidzo waMwari, tinogona kuva nounhu sehwaMwari kusvika kumwero wakati, hwakadai sorudo, ruramisiro, ngoni, uye uchenjeri. (Genesi 1:27; Mika 6:8; 1 Johani 4:8) Zvinodiwa zvedu zvomudzimu zvinosanganisira kudiwa kwokuva nechinangwa muupenyu hwedu.

Tingagutsa sei zvinodiwa zvomudzimu izvozvo? Kwete nokufungisisa uchitaura kana kuti kungozvinzvera. Pane kudaro, Jesu akati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4) Cherechedza kuti, Jesu akati Mwari ndiye anopa “kutaura kwose” kunokosha muupenyu hwedu. Mwari chete ndiye anogona kutibatsira kupindura mimwe mibvunzo. Nzwisiso iyoyo yakakodzera zvikuru nhasi, tichitarira kuwanda kwakaita tsanangudzo dzechinangwa choupenyu nenzira yokuwana nayo mufaro. Zvitoro zvemabhuku zvinosiyira zvikamu zvose kumabhuku anovimbisa vaverengi utano, pfuma, nomufaro. Nzvimbo dzeInternet dzinotaura zvakananga nezvomufaro dzakatangwa.

Kunyange zvakadaro, kufunga kwomunhu munhau idzi kakawanda kunenge kwakarasika mugwara. Kunowanzoda kugutsa zvishuwo zvomunhu kana kuti kuzvikudza pachake. Kwakavakirwa paruzivo nounyanzvi zvisina kukwana, uye kakawanda kwakavakirwa papfungwa dzenhema. Somuenzaniso, maitiro ari kuwedzera pakati pevanyori vemabhuku okuzvibatsira ndeokusimbisira pfungwa dzavo pafungidziro yo“kukura mupfungwa,” yokuti manzwiro evanhu akadzika midzi mupfungwa yokunzi takabva kumhuka. Chokwadi ndechokuti, kuedza kwose kuwana mufaro wakavakirwa pafungidziro inoramba basa roMusiki wedu hakungashandi uye pakupedzisira kuchatungamirira kukuora mwoyo. Mumwe muprofita wekare akati: “Vanhu vakachenjera vakanyadziswa. . . . Tarirai vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?”—Jeremia 8:9.

Jehovha Mwari anoziva masikirwo edu nezvinotiita kuti tifare zvechokwadi. Anoziva chikonzero chaakaisira vanhu panyika uye zviri munguva yavo yemberi, uye anotiudzawo mashoko iwayo muBhaibheri. Zvaanoratidza mubhuku iroro rakafuridzirwa zvinoita kuti vanhu vakafanira vaite chiito uye zvinokurudzira kuva nomufaro. (Ruka 10:21; Johani 8:32) Izvi ndozvazvakanga zvakaita kune vadzidzi vaJesu vaviri. Vakanzwa vasiyiwa paakanga afa. Asi vaziva kubva kuna Jesu akanga amutswa pachake nezvebasa rake muzvinangwa zvaMwari zvokuponesa vanhu, vakati: “Mwoyo yedu yanga isingatsvi here sezvaanga achitaura nesu mumugwagwa, sezvaanga achitizarurira kwazvo Magwaro?”—Ruka 24:32.

Mufaro wakadaro unokura patinobvumira chokwadi cheBhaibheri kutungamirira upenyu hwedu. Munhau iyi, mufaro unogona kufananidzwa nomuraraungu. Unooneka apo mamiriro okunze anenge akanaka, asi unonyatsojeka—kunyange kuva miraraungu miviri—apo mamiriro okunze anenge akanakisisa. Zvino ngatione mimwe mienzaniso mishomanana inoratidza kuti kushandisa dzidziso dzeBhaibheri kunogona kuita kuti tive momufaro mukuru.

Rarama Upenyu Huri Nyore

Kutanga, ona zano raJesu panhau yepfuma. Apedza kupa zano rokudzivisa kuita kutsvaka pfuma chinhu chikuru muupenyu hwedu, akataura mashoko asina kujairika. Akati: “Zvino, kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchava wakajeka.” (Mateu 6:19-22) Zvikurukuru, akataura kuti kana tikadisisa kutsvaka pfuma, simba kana zvimwe zvinangwa zvipi nezvipi izvo vanhu vanozvirongera pachavo, tichakundikana kubudirira pane zvinhu zvinokosha zvikuru. Nokudaro, sezvakataurwa naJesu pane chimwe chiitiko, “kunyange kana munhu ane zvakawanda upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Kana tikaisa pakutanga zvinhu zvinokosha chaizvoizvo, zvakadai soukama hwedu naMwari, zvinhu zvemhuri, nedzimwe nyaya dzinoenderana neizvi, ipapo “ziso” redu rinenge “rakanaka,” risiri pazvinhu zvakawanda.

Cherechedza kuti Jesu akanga asiri kutsigira kuzviomesera kana kuti kuzvinyima kwakanyanyisa. Zvisinei, Jesu pachake akanga asiri munhu anozviramba zvakanyanyisa. (Mateu 11:19; Johani 2:1-11) Pane izvozvo, akadzidzisa kuti vaya vanoona upenyu sekamukanawo bedzi kokuunganidza pfuma chaizvoizvo havazivi zvinodiwa muupenyu.

Ichitaura pamusoro pevamwe vakapfuma zvikuru mumakore avo ouduku, nyanzvi yokurapa pfungwa muSan Francisco, U.S.A., yakataura kuti kwavari mari “ndiyo inokonzera kunetseka mupfungwa nokuvhiringidzika.” Akawedzera kuti, vanhu ava “vanotenga dzimba mbiri kana nhatu, motokari, vanoshandisa mari vachingotenga zvinhu zvakasiyana-siyana. Uye kana izvozvo zvisina kuvaitira zvakanaka [ndiko kuti, kuvaita kuti vafare], vanoora mwoyo, vanoona vasingakoshi uye vasingazivi zvokuita noupenyu hwavo.” Mukupesana, vaya vanoteerera zano raJesu rokurarama upenyu huri nyore mune zvokunyama nokusiyira nzvimbo zvinhu zvokunamata vanogona kuwana mufaro kusvika kumwero mukuru.

Tom, muvaki anogara muHawaii, akazvipira kubatsira kuvaka nzvimbo dzokunamatira muzvitsuwa zvomuPacific umo vanhu vane zvinhu zvokunyama zvishoma. Tom akacherechedza chimwe chinhu nezvevanhu ava vanozvininipisa. Akati: “Hama dzangu nehanzvadzi dzechiKristu muzvitsuwa izvi dzaifara zvikuru. Dzakandibatsira kuona zvakajeka kuti mari nezvinhu hazvisirizvo zvinonyatsoita kuti munhu afare.” Akacherechedzawo vazvipiri vaishanda naye muzvitsuwa ndokuona kugutsikana kwavaiita. “Vangadai vakaita madzamatsama emari,” akadaro Tom. “Asi vakasarudza kuisa zvinhu zvokunamata panzvimbo yokutanga ndokurarama upenyu huri nyore.” Akurudzirwa nemienzaniso iyi, Tom akaita kuti upenyu hwake huve nyore kuitira kuti apedze nguva yakawanda ane mhuri yake uye kuzvinhu zvokunamata—danho raasina kumbobvira ademba.

Mufaro Nokugutsikana Nezvauri

Chinokosha pakuva nomufaro kuzviremekedza, kana kuti kugutsikana nezvauri. Nemhaka yokusakwana kwevanhu nokutadza kuita zvimwe zvinhu kunozouya, vamwe vanozviona nenzira isiri iyo, uye kune vakawanda, kunzwa kwakadaro kwakatanga vachiri vaduku. Zvingava zvakaoma kukurira kunzwa kwakadzika midzi, asi zvinokwanisika. Chinopedza kunzwa ikoko kushandisa Shoko raMwari.

Bhaibheri rinotsanangura manzwiro anoita Musiki pamusoro pedu. Maonero ake haakoshi zvikuru kudarika omunhu upi noupi here—kunyange edu pachedu? Sezvo iye ari rudo chairwo, Mwari anotarira kwatiri pasina rusaruro kana ruvengo. Anotiona zvatiri, uyewo zvatinogona kuva. (1 Samueri 16:7; 1 Johani 4:8) Chaizvoizvo, anoona vaya vanoda kumufadza sevanokosha, hungu, vanodiwa, pasinei nokusakwana kwavo.—Dhanieri 9:23; Hagai 2:7.

Chokwadi, Mwari haaregi kucherechedza zvatinokundikana kuita uye zvivi zvipi nezvipi zvatinoita. Anotitarisira kuti tiedze zvakaoma kuita zvakarurama, uye anotitsigira patinodaro. (Ruka 13:24) Asi, Bhaibheri rinoti: “Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya.” Rinotiwo: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe? Asi kukanganwira kuriko kwamuri, kuti vanhu vakutyei.”—Pisarema 103:13; 130:3, 4.

Naizvozvo dzidza kuzviona sezvaunoitwa naMwari. Kuziva kuti anoona vaya vanomuda sevanodikanwa uye kuti ane chivimbo mavari—kunyange vangazviona sevasingakoshi—kunogona kuita zvakawanda pakuwedzera kufara kwomunhu.—1 Johani 3:19, 20.

Tariro—Inokosha Pakuva Nomufaro

Imwe pfungwa ichangobva kusimudzirwa inonzi kufunga kwakanaka inoti kutarisira zvakanaka, kunokudziridzwa nokufunga kwakanaka uye nokutarisa pane simba romunhu, kunogona kutungamirira kumufaro. Vashoma chete ndivo vangaramba kuti kuona upenyu uye nguva yemberi nokutarisira zvakanaka kunowedzera mufaro wedu. Zvisinei, kutarisira zvakanaka kwakadaro kunofanira kuvakirwa pachokwadi, kwete pakufunga kweshungu chete. Kunze kwaizvozvo, hapana kutarisira zvakanaka kana kufunga zvakanaka kungabvisa hondo, kuziya nenzara, hosha, kusvibiswa kwenyika, kukwegura, kurwara, kana rufu—zvinhu zvinotorera vakawanda mufaro wavo. Kunyange zvakadaro, kutarisira zvakanaka kune nzvimbo yakwo yakafanira.

Zvinocherechedzeka kuti, Bhaibheri harishandisi mashoko okuti kutarisira zvakanaka, rinoshandisa shoko rine simba kupfuura iwayo—tariro. Vine’s Complete Expository Dictionary rinotsanangura “tariro” sokushandisa kwarakaitwa muBhaibheri so“kutarira kuzvinhu zvakanaka une chivimbo, . . . kutarisira chakanaka nomufaro.” Mukushandisa kweBhabheri, tariro inopfuura kuona zvinhu nenzira yokungotarisira zvakanaka chete. Kunonongedzerawo pane tariro yomunhu. (VaEfeso 4:4; 1 Petro 1:3) Somuenzaniso, tariro yechiKristu ndeyokuti zvinhu zvose zvisingadiwi zvadudzwa mundima yatangira ino zvichabviswa nokukurumidza. (Pisarema 37:9-11, 29) Asi inosanganisira zvakawanda.

VaKristu vanotarira kunguva apo vanhu vakatendeka vachasvika pakuva noupenyu hwakakwana muparadhiso yepasi. (Ruka 23:42, 43) Kuwedzera patariro iyoyo, Zvakazarurwa 21:3, 4 inoti: “Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. . . . Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

Munhu wose anotarisira kuva nenguva yemberi yakadaro ane chikonzero chose chokuti afare, kunyange kana mamiriro ake ezvinhu parizvino asina kuita sezvaangada. (Jakobho 1:12) Nokudaro, kuregererei kuongorora Bhaibheri ndokuona kuti nei iwe ungatenda zvarinotaura. Simbisa tariro yako nokupedza nguva zuva roga roga uchiverenga Bhaibheri. Kuita kudaro kuchakusimbisa mumudzimu, kwokubatsira kudzivisa zvinhu zvinokutorera mufaro wako, ndokuita kuti unzwe kugutsikana. Hungu, chikuru chinonyatsokonzera mufaro wechokwadi kuita kuda kwaMwari. (Muparidzi 12:13) Upenyu hwakavakirwa pakuteerera zvinodzidziswa neBhaibheri upenyu hune mufaro, nokuti Jesu akati: “Vanofara avo vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—Ruka 11:28.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Kudavira muna Mwari hakuna basa kumuBuddha.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Mufaro haugoni kuwanikwa nokuunganidza pfuma, kuzviparadzanisa, kana kuvimba noruzivo rwevanhu rune parunogumira

[Mufananidzo uri papeji 6]

Upenyu hwakavakirwa pakuteerera Shoko raMwari upenyu hune mufaro

[Mufananidzo uri papeji 7]

Tariro yechiKristu inoita kuti munhu afare