Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Paradhiso Yomudzimu Chii?

Paradhiso Yomudzimu Chii?

Paradhiso Yomudzimu Chii?

GUSTAVO akarererwa muguta duku riri muBrazil. * Kubvira pauduku akanga adzidziswa kuti vanhu vakanaka vanoenda kudenga kana vafa. Hapana chaaiziva nezvechinangwa chaMwari chokuti vanhu vakatendeka rimwe zuva vachava noupenyu hwakakwana muparadhiso yepasi. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Uye pakanga pane chimwe chinhu chaakanga asingazivi. Akanga asingazivi kuti kunyange zvino, anogona kuva muparadhiso yomudzimu.

Wakambonzwa nezveparadhiso yomudzimu iyoyo here? Unoziva zvayakaita here uye zvinodiwa kuti uvewo mairi? Wose anoda kufara zvechokwadi anofanira kuziva nezveparadhiso iyoyo.

Kuwana Paradhiso Yomudzimu

Kutaura kuti kunyange nhasi munhu anogona kurarama muparadhiso yomudzimu kunganzwika sechinhu chisingaitiki. Nyika ino haisi paradhiso. Kune vanhu vakawanda kwazvo vari kuona zvakatsanangurwa namambo wekare wechiHebheru zvichiitika kwavari zvokuti: “Tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishayiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashayiwa munyaradzi.” (Muparidzi 4:1) Vanhu vane zviuru zvemamiriyoni vanotambura pasi pegadziriro ine uori yezvematongerwe enyika, zvechitendero nezvoupfumi, uye havana zororo, havana “munyaradzi.” Vamwe vakawanda vanotamburira kubhadhara dzimwe mari, kurera vana vavo, uye vanoita zvimwe zvinhu zvakawanda zvokuti vapfuurire kurarama. Ivavawo vangangoda munyaradzi, mumwe munhu wokumborerutsa mutoro wacho zvishoma. Kwavari vose, upenyu hahuna kuita sevari muparadhiso.

Zvino, paradhiso yomudzimu iri kupi? Shoko rechiShona rokuti “paradhiso” rakada kutoredzera kumashoko echiGiriki, chiPersia, nechiHebheru ane pfungwa yepaki kana kuti bindu, nzvimbo ine rugare, inozorodza. Bhaibheri rinovimbisa kuti rimwe zuva pasi richava paradhiso chaiyo, musha wakaita sebindu worudzi rwevanhu rwusina chivi. (Pisarema 37:10, 11) Tichifunga nezveizvi, tinoona kuti paradhiso yomudzimu inzvimbo inofadza meso uye inozorodza manzwiro, ichiita kuti munhu ave norugare nevamwe uye naMwari. Nhasi, sezvakawanwa naGustavo, paradhiso yakadaro iripo, uye inosanganisira vanhu vari kuramba vachiwedzera.

Pazera remakore 12, Gustavo akasarudza kuti aida kuva mupristi weRoma Katurike. Abvumirwa nevabereki vake, akapinda chikoro chechitendero. Ikoko akatanga kuita zvenziyo, zvemitambo, zvematongerwe enyika, zvaisimudzirwa nechechi kuti ikwezve vechiduku. Aiziva kuti mupristi aifanira kuzvipira kuvanhu uye haaifanira kuroora. Asi, vamwe vapristi nevadzidzi vacho vaizivikanwa naGustavo vaiita unzenza. Mumamiriro ezvinhu akadaro, Gustavo akatanga kunwa zvikuru. Zviri pachena kuti akanga asati awana paradhiso yomudzimu.

Rimwe zuva, Gustavo akaverenga turakiti reBhaibheri raitaura nezveparadhiso yepasi. Rakamuita kuti afunge nezvechinangwa choupenyu. Anoti: “Ndakatanga kuverenga Bhaibheri nguva nenguva, asi ndakanga ndisingarinzwisisi. Handina kana kutomboona kuti Mwari ane zita.” Akabva pachikoro chacho ndokushanyira Zvapupu zvaJehovha, achitsvaka kubatsirwa kunzwisisa Bhaibheri. Pashure paizvozvo, akafambira mberi nokukurumidza uye munguva pfupi akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari. Gustavo akanga achidzidza nezveparadhiso yomudzimu.

Vanhu Vezita raMwari

Gustavo akadzidza kuti zita raMwari, Jehovha, harisi chinhuwo zvacho chokuti mudzidzi weBhaibheri afarire kungozivawo zvake. (Eksodho 6:3) Rutivi rwunokosha rwokunamata kwechokwadi. Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Achitaura nezveVemamwe Marudzi vakava vaKristu, mudzidzi Jakobho akati: “Mwari . . . akafunga nezvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.” (Mabasa 15:14) Muzana remakore rokutanga, “vanhu vezita rake” yakanga iri ungano yechiKristu. Pane vanhu vezita raMwari nhasi here? Hungu, uye Gustavo akasvika pakuziva kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo vanhu ivavo.

Zvapupu zvaJehovha zviri kushanda munyika nenharaunda 235. Zvinopfuura vashumiri mamiriyoni matanhatu, uye vamwe mamiriyoni masere vanofarira vakapinda misangano yazvo. Nokuzivikanwa kwazvo kukuru nokuda kwokuparidza pachena, zvinozadzisa mashoko aJesu okuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Zvisinei, nei Gustavo akafunga kuti akawana paradhiso yomudzimu mukusonganira neZvapupu zvaJehovha? Anoti: “Ndakaenzanisa zvandakaona munyika uye zvikurukuru muchikoro chechitendero nezvandakawana pakati peZvapupu zvaJehovha. Musiyano mukuru rudo rwuri pakati peZvapupu.”

Vamwe vakataura mashoko iwayowo nezveZvapupu zvaJehovha. Miriam, mukadzi muduku wokuBrazil, akati: “Ndakanga ndisingazivi kuti ndingaita sei kuti ndifare, kunyange mumhuri yangu. Nguva yokutanga yandakaona rudo ruchiratidzwa pakanga pari pakati peZvapupu zvaJehovha.” Mumwe murume anonzi Christian akati: “Ndaiwanzoita zvemidzimu, uye zvechitendero zvakanga zvisingakoshi kwandiri. Ndaikoshesa zvikuru chinzvimbo changu munzanga uye basa rangu sainjiniya. Zvekare, mudzimai wangu paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndakaona kuti akanga achinja. Ndakaororwawo nomufaro nokushingaira kwevakadzi vechiKristu vaimushanyira.” Nei vanhu vachitaura zvinhu zvakadaro pamusoro peZvapupu zvaJehovha?

Paradhiso Yomudzimu Chii?

Chimwe chinhu chinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvitanhamare pane vamwe kukoshesa kwazvo zivo yeBhaibheri. Zvinodavira kuti Bhaibheri nderechokwadi uye kuti iShoko raMwari. Nokudaro, hazvigutsikani nokungoziva zvinokosha zvechitendero chete. Zvine purogiramu inoramba ichienderera mberi yokudzidza munhu ari oga nokuverenga Bhaibheri. Munhu akaramba achisonganira neZvapupu zvaJehovha kwenguva yakareba, anobva awedzera kudzidza nezvaMwari uye kuda kwake sezvinoratidzwa muBhaibheri.

Zivo yakadaro inosunungura Zvapupu zvaJehovha kuzvinhu zvinotorera vanhu mufaro, zvakadai sokutenda mashura nepfungwa dzinokuvadza. Jesu akati: “Chokwadi chichakusunungurai,” uye Zvapupu zvaJehovha zvinoona kuti izvi ndezvechokwadi. (Johani 8:32) Fernando, uyo pane imwe nguva aiita zvemidzimu, anoti: “Kudzidza nezvoupenyu husingaperi kwakanga kuri kusunungurwa kukuru. Ndaitya kuti zvichida vabereki vangu kana kuti ini ndingangofa.” Chokwadi chakasunungura Fernando pakutya zvemidzimu nohunowanzonzi upenyu pashure porufu.

MuBhaibheri, kuziva Mwari kunobatanidzwa zviri pedyo neparadhiso. Muprofita Isaya akati: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.

Chokwadi, zivo pachayo haina kukwana kuti iunze rugare rwakataurwa naIsaya. Munhu anofanira kuita maererano nezvaanodzidza. Fernando akataura mashoko aya: “Munhu paanoedza kuva nezvibereko zvomudzimu, anobatsira pakuvapo kweparadhiso yomudzimu.” Fernando akanga achitaura nezvemashoko omuapostora Pauro, akadana unhu hwakanaka uhwo muKristu anofanira kukudziridza kuti “zvibereko zvomudzimu.” Akazvidudza so“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaGaratiya 5:22, 23.

Unoona chinoita kuti kusonganira nenzanga yevanhu vanoedza kuva nounhu hwakadaro kuite sokunge uri muparadhiso here? Paradhiso yomudzimu yakafanotaurwa nomuprofita Zefania ichavapo pakati pevanhu vakadaro. Akati: “Havangaiti zvakaipa, kana kureva nhema; rurimi rwunonyengera harungawaniki mumiromo yavo; nokuti vachafura nokuvata pasi, hakuna ungavatyisa.”—Zefania 3:13.

Basa Rinokosha Kwazvo Rorudo

Ungava wakacherechedza kuti chokutanga pazvibereko zvomudzimu zvakataurwa naPauro rudo. Bhaibheri rinotaura zvakanyanya pamusoro pounhu ihwohwu. Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Kutaura chokwadi, Zvapupu zvaJehovha hazvina kukwana. Dzimwe nguva zvine zvinozvinetsa pakati pazvo sezvaiita vaapostora vaJesu. Asi zvinonyatsodanana, uye zvinonyengeterera kubatsirwa nomudzimu mutsvene pazvinenge zvichikudziridza unhu uhwu.

Somugumisiro, songaniro yazvo yakasiyana nedzimwe dzose. Pakati pazvo hapana kuparadzana kwemadzinza kana urudzi hunokamuranisa. Kutaura zvazviri, Zvapupu zvakawanda zvaizviwana zviri mukuparadzwa kwemamwe madzinza nokuparadzwa kwemamwe marudzi mukupera kwemakore ezana remakore rechi20 zvakadzivirirana kunyange upenyu hwazvo hwakanga huri pangozi. Kunyange zvichibva “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi,” zvinonakidzwa nokubatana kwakaoma kunzwisisa kutozosvikira wava nakwo pachako.—Zvakazarurwa 7:9.

Paradhiso Pakati Pevaya Vanoita Kuda kwaMwari

Muparadhiso yomudzimu hamuna nzvimbo yemakaro, unzenza, noudyire. VaKristu vanoudzwa kuti: “Musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu, asi shandurwai nokuvandudza pfungwa dzenyu, kuti muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.” (VaRoma 12:2) Patinorarama upenyu hwakachena, husiri hwounzenza uye toita kuda kwaMwari nedzimwe nzira, tinobatsira kuvaka paradhiso yomudzimu uye tinowedzera mufaro wedu pachedu. Carla akawana izvi kuva zvechokwadi. Anoti: “Baba vangu vakandidzidzisa kushanda nesimba kuti ndizvimirire munhau dzemari. Asi kunyange zvazvo zvidzidzo zvangu zvokuyunivhesiti zvakaita kuti ndinzwe ndakachengeteka, ndakatadza kuwana kubatana kwemhuri nokuchengeteka uko zivo inobva muShoko raMwari bedzi inogona kutipa.”

Chokwadika, kunakidzwa neparadhiso yomudzimu hakubvisi zvinetso chaizvo zvoupenyu. VaKristu vanongorwara. Nyika yavanorarama ingangobatanidzwa mukupandukirana kwevagari vemo. Vakawanda vanotsungirira urombo. Zvekare, kuva noukama hwapedyo naJehovha Mwari—runova rutivi runokosha rweparadhiso yomudzimu—kunoreva kuti tinogona kutarira kwaari kuti atitsigire. Chaizvoizvo, anotidana kuti ‘tikandire mutoro wedu paari,’ uye vakawanda vanogona kupupurira nezvenzira inoshamisa yaakavatsigira nayo munguva dzakaoma zvikuru. (Pisarema 55:22; 86:16, 17) Mwari anopikira kuva nevanamati vake kunyange mu“mupata womumvuri worufu.” (Pisarema 23:4) Kuva nechivimbo mukugadzirira kwaMwari kutitsigira kunotibatsira kuti tichengetedze “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose”, runova kiyi yokuva muparadhiso yomudzimu.—VaFiripi 4:7.

Kuwedzera Kuparadhiso Yomudzimu

Vanhu vakawanda vanonakidzwa nokushanyira paki kana bindu. Vanoda kufamba mairi kana kuti zvichida kugara pabhenji ndokunakidzwa nezvakapoteredza. Munzira yakafanana naiyoyo, vakawanda vanonakidzwa nokusonganira neZvapupu zvaJehovha. Vanowana songaniro yacho ichizorodza, ine rugare, uye ichiporesa. Zvisinei, bindu rakanaka rinofanira kugara richinatsiridzwa kuti rirambe rakaita separadhiso. Nenzira yakafanana naiyoyi, paradhiso yomudzimu iripo munyika ino isiri paradhiso nemhaka bedzi yokuti Zvapupu zvaJehovha zvinoikudziridza, uye Mwari anokomborera kuedza kwazvo. Zvino, mumwe angawedzera sei zvimwe kuparadhiso iyoyo?

Kutanga, unofanira kusonganira neungano yeZvapupu zvaJehovha, kudzidza Bhaibheri nazvo, ndokuwana zivo yeBhaibheri iri hwaro hweparadhiso yomudzimu. Carla akataura kuti: “Hapana paradhiso yomudzimu isina zvokudya zvomudzimu.” Izvi zvinosanganisira kuverenga Shoko raMwari nguva dzose uye kufunga pamusoro pezvaunoverenga. Zivo yaunowana inokuswededza pedyo naJehovha Mwari, uye uchasvika pakumuda. Uchadzidzawo kutaura kwaari mumunyengetero ndokukumbira nhungamiro yake uye mudzimu wake kuti ukutsigire paunenge uchiita kuda kwake. Jesu akatiudza kuti tirambe tichinyengetera. (Ruka 11:9-13) Muapostora Pauro akati: “Rambai muchinyengetera.” (1 VaTesaronika 5:17) Ropafadzo yokutaura kuna Mwari mumunyengetero nechivimbo chose chokuti iye anonzwa rutivi rwunokosha rweparadhiso yomudzimu.

Nokufamba kwenguva, upenyu hwako huchavandudzika nezvaunodzidza, uye pakupedzisira uchada kutaura kune vamwe nezvazvo. Ipapo uchagona kuteerera murayiro waJesu wokuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka kwazvo vape mbiri kuna Baba venyu vari kumatenga.” (Mateu 5:16) Kuudzawo vamwe zivo yaJehovha Mwari naJesu Kristu uye kurumbidza zvikuru rudo rwavakaratidza kuvanhu kunounza mufaro.

Nguva iri kuuya apo pasi rose richava paradhiso chaiyo—nzvimbo yakafanana nebindu isina zvinosvibisa uye musha wakakodzera wevanhu vose vakatendeka. Kuvapo kweparadhiso yomudzimu mudzino “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” chiratidzo chesimba raMwari uye chikamu chiduku chezvaanogona uye zvaachaita munguva yemberi.—2 Timoti 3:1.

Kunyange zvino, vaya vari kunakidzwa neparadhiso yomudzimu vanowana kuzadzika kwomudzimu kwaIsaya 49:10 kwokuti: “Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupiswa kunyange nezuva, nokuti iye, unovanzwira nyasha, uchavatungamirira, uchavafambisa patsime remvura.” José achapupurira kuti izvozvo ndezvechokwadi. Aida kuzova muimbi akakurumbira, asi akagutsikana zvikuru nokushumira Mwari neungano yechiKristu. Anoti: “Zvino ndinonakidzwa noupenyu hune chinangwa. Ndinonzwa ndakachengeteka muukama hwechiKristu, uye ndinoziva Jehovha saBaba vane rudo vatinogona kuvimba navo.” Kufara kwaJosé—uye kwemamwe mamiriyoni akafanana naye—kunonyatsotsanangurwa pana Pisarema 64:10 kuti: “Vakarurama vachafara muna Jehovha, vachavimba naye.” Itsanangudzo yakaisvonaka zvakadini yeparadhiso yomudzimu!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Vari kutaurwa vanhu chaivo, asi mamwe mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Patinenge tichinakidzwa neparadhiso yomudzimu, tinofanira kubatsira kuikudziridza!