Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ruponeso Kune Vaya Vanosarudza Chiedza

Ruponeso Kune Vaya Vanosarudza Chiedza

Ruponeso Kune Vaya Vanosarudza Chiedza

“Jehovha ndiye chiedza changu nomuponesi wangu; ndingagotya aniko?”—PISAREMA 27:1.

1. Igadziriroi dzinopa upenyu dzinoitwa naJehovha?

JEHOVHA ndiye Anopa chiedza chezuva chinoita kuti upenyu huvepo pasi pano. (Genesi 1:2, 14) Ndiye zvakare Musiki wechiedza chomudzimu, chinobvisa rima rinouraya renyika yaSatani. (Isaya 60:2; 2 VaKorinde 4:6; VaEfeso 5:8-11; 6:12) Vaya vanosarudza chiedza vanogona kutaura pamwe nomunyori wepisarema kuti: “Jehovha ndiye chiedza changu nomuponesi wangu; ndingagotya aniko?” (Pisarema 27:1a) Zvisinei, sezvakaitika munguva yaJesu, vaya vanosarudza rima vanogona bedzi kutarisira kutongwa zvisingafadzi.—Johani 1:9-11; 3:19-21, 36.

2. Kare, chii chakaitika kune vaya vakaramba chiedza chaJehovha uye vaya vakateerera shoko rake?

2 Mumazuva aIsaya, vanhu vakawanda vaJehovha vaiva musungano vakaramba chiedza. Somugumisiro, Isaya akaona kuparadzwa kwoumambo hwokumusoro hwaIsraeri sorudzi. Uye muna 607 B.C.E., Jerusarema netemberi yaro zvakaparadzwa, vagari vomuJudha vachipinzwa muutapwa. Zvisinei, vaya vakateerera shoko raJehovha vakasimbiswa kuti vadzivise kuramba kutenda kwemazuva iwayo. Nezva607 B.C.E., Jehovha akavimbisa kuti vaya vaimuteerera vaizopukunyuka. (Jeremia 21:8, 9) Nhasi, isu vanoda chiedza tinogona kudzidza zvakawanda kubva mune zvakaitika kare.—VaEfeso 5:5.

Mufaro Wevari Muchiedza

3. Nhasi, tinogona kuva nechivimbo chei, “rudzi rwakarurama” rwupi rwatinoda, uye “rudzi” irworwo rwune “guta [ripi] rakasimba”?

3 “Tine guta rakasimba; [Mwari] uchaisapo masvingo nenhare ruve ruponeso. Zarurai masuo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta zvokwadi, rupinde.” (Isaya 26:1, 2) Aya mashoko okufara evanhu vaivimba naJehovha. VaJudha vakatendeka vomuzuva raIsaya vaiva nechokwadi chokuti Jehovha bedzi ndiye Muchengetedzi chaiyeiye, kwete vanamwari venhema vevanhu vomunyika mavo. Nhasi, tine chivimbo chakadaro. Uyezve, tinoda “rudzi rwakarurama” rwaJehovha—“Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16; Mateu 21:43) Jehovha anodawo rudzi urwu nemhaka yomufambiro warwo wokutendeka. Nechikomborero chake, Israeri waMwari ane “guta rakasimba,” sangano rakaita seguta rinomutsigira nokumudzivirira.

4. Mafungiro api atinoita zvakanaka kukudziridza?

4 Vaya vari mukati me“guta” iri vanonyatsoziva kuti “une mwoyo wakasimba [Jehovha] uchamuchengeta murugare rukuru, nokuti unovimba [naJehovha].” Jehovha anotsigira vaya vane pfungwa dzokuda kuvimba naye nokuita maererano nenheyo dzake dzakarurama. Saka, vakatendeka vaiva muJudha vakateerera zvakakurudzirwa naIsaya kuti: “Vimbai naJehovha nokusingaperi; nokuti muna Jehovha, iye Jehovha, mune Dombo risingaperi.” (Isaya 26:3, 4; Pisarema 9:10; 37:3; Zvirevo 3:5) Vaya vane mafungiro akadaro vanotarira kuna “Jehovha” seDombo bedzi rakachengeteka. Vanova no“rugare rukuru” naye.—VaFiripi 1:2; 4:6, 7.

Kunyadziswa Kwevavengi vaMwari

5, 6. (a) Bhabhironi rekare rakanyadziswa sei? (b) “Bhabhironi Guru” rakanyadziswa munzira ipi?

5 Zvakadini kana vanovimba naJehovha vakatambura? Havafaniri kutya. Jehovha anotendera zvinhu zvakadaro kwenguva yakati, asi pakupedzisira anozonunura, uye vaya vanokonzera kutambura kwacho vanotarisana nokutonga kwake. (2 VaTesaronika 1:4-7; 2 Timoti 1:8-10) Funga zvakaitika pane rimwe “guta riri kumusoro.” Isaya anoti: “[Jehovha] akaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro; unorideredza, unorideredza kusvikira pavhu; unoriputsira pasi muguruva. Richatsikwa netsoka, idzo tsoka dzavarombo, nokutsika kwavanoshayiwa.” (Isaya 26:5, 6) Guta riri kumusoro riri kutaurwa pano ringava Bhabhironi. Guta iroro rakatambudza vanhu vaMwari zvechokwadi. Asi chii chakaitika kuBhabhironi? Muna 539 B.C.E., rakakundwa nevaMedhia nevaPersia. Kuderedzwa kwakadini!

6 Muzuva redu mashoko aIsaya ouprofita anonyatsotsanangura zvakaitika ku“Bhabhironi Guru” kubvira muna 1919. Guta iroro rakakwirira rakawa zvinonyadzisa mugore iroro apo rakamanikidzwa kusunungura vanhu vaJehovha muutapwa hwomudzimu. (Zvakazarurwa 14:8) Zvakazoitika pashure peizvi zvakanga zvichitonyanya kunyadzisa. Kapoka ikako kevaKristu kakatendeuka ndoku‘tsika tsika’ akanga akambovatapa. Muna 1922 vakatanga kuzivisa mugumo uri kuuya wechiKristudhomu, vachizivisa kuridza hwamanda kwengirozi ina dzaZvakazarurwa 8:7-12 nenhamo nhatu dzakafanotaurwa pana Zvakazarurwa 9:1–11:15.

“Nzira Yavakarurama Yakarurama”

7. Vaya vanoenda kuchiedza chaJehovha vanogamuchira nhungamiroi, vanovimba naani, uye vanokoshesa chii?

7 Jehovha anoponesa vaya vanoenda kuchiedza chake, uye anotungamirira nzira yavo, sezvinotaurwazve naIsaya kuti: “Nzira yavakarurama yakarurama; imi munoruramisa nzira yavakarurama. Zvirokwazvo, takakumirirai Jehovha, panzira yokutonga kwenyu; mweya yedu inoshuva zita renyu nechirangaridzo chenyu.” (Isaya 26:7, 8) Jehovha ndiMwari akarurama, uye vaya vanomunamata vanofanira kuchengeta zvaanoda zvakarurama. Pavanodaro, Jehovha anovatungamirira, achiita kuti nzira yavo ifambike zvakanaka. Nokuteerera kutungamirira kwake, vanyoro ava vanoratidza kuti vane tariro muna Jehovha uye vanokoshesa nomwoyo wose zita rake—“chirangaridzo” chake.—Eksodho 3:15.

8. Isaya akaratidza mafungiroi omuenzaniso?

8 Isaya aikoshesa zita raJehovha. Izvozvo zvinooneka mumashoko ake anotevera, anoti: “Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nokuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.” (Isaya 26:9) Isaya aida Jehovha ‘nomweya wake’—zvakazara. Fungidzira muprofita wacho achishandisa nguva dzakati mwiroo dzousiku kuti anyengetere kuna Jehovha, achitaura pfungwa dzake dzakadzamisisa achinyatsokumbira kutungamirirwa naJehovha. Muenzaniso wakanaka zvakadini! Uyezve, Isaya akadzidza kururama mukutonga kwaiita Jehovha. Mune izvi, anotiyeuchidza nezvokudiwa kwokuramba wakamuka, kuramba wakangwaririra kuti unzwisise zvinodiwa naJehovha.

Vamwe Vanosarudza Rima

9, 10. Zviitoi zvomutsa izvo Jehovha akaitira rudzi rwake rwakanga rusina kutendeka, asi vakaita sei?

9 Jehovha akaratidza vaJudha mutsa wakakura une rudo, asi zvinosuruvarisa kuti havasi vose vakabvuma. Kakawanda, vakawanda vavo vakasarudza kupandukira uye kuramba kutenda vachirega chiedza chechokwadi chaJehovha. Isaya akati: “Wakaipa kunyange achinzwirwa tsitsi, haangadzidzi zvakarurama; uchaita hake zvisakarurama panyika yakarurama, haangaoni umambo hwaJehovha.”—Isaya 26:10.

10 Muzuva raIsaya apo ruoko rwaJehovha rwakadzivirira nyika yeJudha pavavengi vayo, vakawanda vavo vakaramba kubvuma izvi. Paakavakomborera norugare rwake, rudzi rwacho haruna kuratidza kuonga. Nokudaro, Jehovha akavarega vachishumira “mamwe madzishe,” achipedzisira aita kuti vaJudha vatapwe muBhabhironi muna 607 B.C.E. (Isaya 26:11-13) Kunyange zvakadaro, pakupedzisira vakasara vorudzi rwacho vakadzoka kunyika yokumusha kwavo vacheneswa.

11, 12. (a) Vatapi veJudha vaiva nenguva yemberi yakadini? (b) Muna 1919 aimbova mutapi wevashumiri vakazodzwa vaJehovha aiva nenguva yemberi yakadini?

11 Zvakadini nevakatapa Judha? Isaya anopindura achiprofita kuti: “Vakafa havangararamizve, vaparara, havazomukezve; saka makasvika kwavari, mukavaparadza, nokugumisa kurangarirwa kwavo kwose.” (Isaya 26:14) Hungu, rawa muna 539 B.C.E., Bhabhironi rakanga risisina tariro. Pashure penguva yakati, guta racho raisazovapozve. Raizova ra“parara,” uye umambo hwaro hukuru huchizongova mumabhuku enhau chete. Iyambiro yakadini kune vaya vanovimba nevane simba venyika ino!

12 Zvimwe zvouprofita uhu zvakazadzika pakabvumira Mwari vashumiri vake vakazodzwa kupinda muutapwa hwomudzimu muna 1918 ndokuvasunungura muna 1919. Kubvira ipapo, nguva yemberi yeaichimbova mutapi wavo, zvikurukuru chiKristudhomu, yakanga isina kujeka. Asi zvikomborero zvakachengeterwa vanhu vaJehovha zvakanga zvakawanda zvechokwadi.

“Mawanza Rudzi”

13, 14. Vashumiri vakazodzwa vaJehovha vakava nezvikomborero zvakawanda zvakadini kubva muna 1919?

13 Mwari akakomborera kupfidza kwevashumiri vake vakazodzwa muna 1919 ndokuita kuti vawedzere. Chokutanga, paiunganidzwa nhengo dzokupedzisira dzaIsraeri waMwari, uye zvadaro “boka guru revanhu” re“mamwe makwai” rakatanga kuunganidzwa. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Zvikomborero izvi zvakafanotaurwa muuprofita hwaIsaya kuti: “Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi; makurumbira, makurisa miganh[u] yose yenyika. Jehovha, vakakutsvakai panguva yokutambudzika; vakadurura munyengetero muchivaranga.”—Isaya 26:15, 16.

14 Nhasi miganhu yaIsraeri waMwari yapararira munyika yose, uye boka guru revanhu rakawedzerwa zvino rava nevari kuita basa rokuparidza mashoko akanaka nomufaro vanosvika mamiriyoni matanhatu. (Mateu 24:14) Chikomborero chakadini chinobva kuna Jehovha! Uye zvinounza mbiri yakadini kuzita rake! Zita iroro riri kunzwika munyika 235—kuzadzika kunoshamisa kwechipikirwa chake.

15. Rumukoi rwokufananidzira rwakaitika muna 1919?

15 Nyika yeJudha yaida kubatsirwa naJehovha kupukunyuka utapwa hwomuBhabhironi. Vakanga vasingagoni kuzviita pachavo. (Isaya 26:17, 18) Saizvozvowo, kusunungurwa kwaIsraeri waMwari muna 1919 kwairatidza kutsigira kwaJehovha. Hakwaigona kuitika pasina iye. Uye kuchinja kwemamiriro avo ezvinhu kwaishamisa zvikuru zvokuti Isaya akakufananidza norumuko achiti: “Vakafa venyu vachararama, zvitunha zvangu zvichamuka. Mukai, muimbe, imi mugere muguruva; nokuti dova renyu rakaita sedova rechiedza; nyika ichabudisa vakafa.” (Isaya 26:19; Zvakazarurwa 11:7-11) Hungu, vaya vakafa vaizoita sokuti vaizoberekwazve nokuda kwebasa idzva!

Kudzivirirwa Munguva ine Ngozi

16, 17. (a) Muna 539 B.C.E., vaJudha vaifanira kuitei kuti vapukunyuke kuwa kweBhabhironi? (b) ‘Dzimba dzomukati’ dzingangodaro dziri chii nhasi, uye dzinotibatsira sei?

16 Vashumiri vaJehovha nguva dzose vanoda kudzivirirwa naye. Zvisinei, nokukurumidza achatambanudza ruoko rwake kokupedzisira mukurwisana nenyika yaSatani, uye vanamati vake vachada kubatsirwa naye kupfuura zvavati vamboita. (1 Johani 5:19) Nezvenguva iyoyo ine ngozi, Jehovha anotinyevera kuti: “Uyai vanhu vangu, pindai muimba yenyu yomukati, mupfige mikova yenyu shure kwenyu; muvande nguva duku, kusvikira kutsamwa kwapfuura. Nokuti tarira, Jehovha unobuda panzvimbo yake kurova vagere panyika nokuda kwezvivi zvavo; nyikawo ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurayiwa vayo.” (Isaya 26:20, 21; Zefania 1:14) Nyevero iyi yakaratidza vaJudha nzira yokupukunyuka nayo kuwa kweBhabhironi muna 539 B.C.E. Vaya vaiiteerera vaizodai vakagara mudzimba dzavo, vari kure nevarwi vairwisa vakanga vari mumigwagwa.

17 Nhasi, zvingadaro kuti ‘dzimba dzomukati’ dzouprofita dzine chokuita nemakumi ezviuru zveungano dzevanhu vaJehovha kupota pasi pose. Ungano dzakadaro idziviriro kunyange iye zvino, nzvimbo uko vaKristu vanonzwa vakachengeteka pakati pehama dzavo, mukutarisira kworudo kwevakuru. (Isaya 32:1, 2; VaHebheru 10:24, 25) Izvi ndezvechokwadi zvikuru tichitarira kuva pedyo kwaita mugumo wegadziriro ino yezvinhu apo kupukunyuka kuchatsamira pakuteerera.—Zefania 2:3.

18. Jehovha acha“uraya chikara chiri mugungwa” sei nokukurumidza?

18 Nezvenguva iyoyo, Isaya anoprofita kuti: “Nezuva iro Jehovha ucharova nomunondo wake mukukutu, mukuru, noune simba, revhiatani, iyo nyoka inokurumidza, nerevhiatani, nyoka yakagonyana; uchauraya chikara chiri mugungwa.” (Isaya 27:1) “Revhiatani” yamazuva ano chii? Zvimwe, i“nyoka yepakutanga,” Satani pachake, pamwe negadziriro yake yezvinhu yakaipa, yaanoshandisa kurwisa Israeri waMwari. (Zvakazarurwa 12:9, 10, 17; 13:14, 16, 17) Muna 1919, Revhiatani yakatadza kuramba yakabata vanhu vaMwari. Pashure penguva yakati, ichanyangarika zvachose. (Zvakazarurwa 19:19-21; 20:1-3, 10) Saka, Jehovha acha“uraya chikara chiri mugungwa.” Panguva ino, hapana chingaedzwa neRevhiatani mukurwisana nevanhu vaJehovha chichabudirira zvechigarire. (Isaya 54:17) Kuvimbiswa izvozvo kunonyaradza sei!

“Munda Wemizambiringa Wewaini Inopupuma”

19. Zvinhu zvakamira sei kune vasara nhasi?

19 Tichitarira chiedza chose ichi chinobva kuna Jehovha, hatina chikonzero chose chokufara here? Tinacho, zvechokwadi! Isaya anorondedzera zvakanaka kwazvo mufaro wevanhu vaJehovha paanonyora kuti: “Nezuva iro vachaimba vachiti: Munda wemizambiringa [“wewaini inopupuma,” NW]! Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadzirwa nomunhu.” (Isaya 27:2, 3) Jehovha aiva nehanya no“munda [wake] wemizambiringa,” vasara vaIsraeri waMwari, uye nokuda kweshamwari dzavo dzinoshanda nesimba. (Johani 15:1-8) Mugumisiro wacho wave uri zvibereko zvinounza mbiri kuzita rake uye zvinoita kuti vashumiri vake vepasi vafare zvikuru.

20. Jehovha anodzivirira sei ungano yechiKristu?

20 Tinogona kufara kuti hasha idzo Jehovha akamboitira vashumiri vake vakazodzwa—dzakaita kuti avasiye vachipinda muutapwa hwomudzimu muna 1918—dzakapera. Jehovha pachake anoti: “Ini handina hasha; dai rukato neminzwa zvairwa neni! Ndaizvivamba, ndaizvipisa pamwe chete. Kana asingadaro, ngaabate simba rangu, ayanane neni, ngaayanane neni.” (Isaya 27:4, 5) Kuti ave nechokwadi chokuti mizambiringa yake inoramba ichibudisa “waini inopupuma,” Jehovha anoparadza ndokupedza simba ripi neripi rakaita semasora rinogona kuikanganisa. Saka, ngapasava neanoisa pangozi kubudirira kweungano yechiKristu! Vose ‘ngavabate simba raJehovha,’ vachitsvaka nyasha dzake nokudzivirira. Mukuita kudaro, tinoita rugare naMwari—chimwe chinhu chinokosha zvokuti Isaya anochidudza kaviri.—Pisarema 85:1, 2, 8; VaRoma 5:1.

21. Nyika inobereka yakazadzwa ne“zvibereko” munzirai?

21 Zvikomborero zvacho zvinoenderera mberi: “Namazuva anouya Jakobho uchamera midzi; Israeri uchatunga maruva nokutumbuka; vachazadza nyika yose nezvibereko.” (Isaya 27:6) Ndima iyi yakazadzika kubvira muna 1919, ichipa uchapupu hunoshamisa hwesimba raJehovha. VaKristu vakazodzwa vazadza pasi ne“zvibereko,” zvokudya zvomudzimu zvinogutsa. Pakati penyika yakaora, vanochengetedza zvinodiwa naMwari zvakanaka kwazvo vachifara. Uye Jehovha anoramba achivakomborera nokuwedzera. Somugumisiro, mamiriyoni eshamwari dzavo, mamwe makwai, ‘ari kuitira Mwari basa dzvene masikati nousiku.’ (Zvakazarurwa 7:15) Ngatisambotadza kuona ropafadzo huru yokudya “zvibereko” nokuzvipawo vamwe!

22. Zvikomboreroi zvinouya kune vaya vanogamuchira chiedza?

22 Munguva dzino dzinonetsa, apo rima rinofukidza pasi uye rima guru rinofukidza mapoka emarudzi, hationgi here kuti Jehovha anovheneka chiedza chomudzimu pavanhu vake? (Isaya 60:2; VaRoma 2:19; 13:12) Kune vose vanochigamuchira, chiedza chakadaro chinoreva rugare rwepfungwa nomufaro iye zvino uye kunyange upenyu husingaperi munguva yemberi. Ipapo, nechikonzero chakanaka, isu vanoda chiedza tinozarura mwoyo yedu mukurumbidza Jehovha ndokuti pamwe nomunyori wepisarema: “Jehovha ndiye simba roupenyu hwangu; ndingagovhundutswa naaniko? Rindira Jehovha; iva nesimba, nomwoyo wako utsunge; ndinoti, rindira Jehovha.”—Pisarema 27:1b, 14.

Unoyeuka Here?

• Vaya vanotambudza vanhu vaJehovha vane nguva yemberi yakadini?

• Kuwedzerai kunoprofitwa muna Isaya?

• Tinofanira kurambira mu‘dzimba [dzipi] dzomukati,’ uye nei?

• Nei mamiriro ezvinhu evanhu vaJehovha achimuunzira rumbidzo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 22]

BHUKU IDZVA

Akawanda emashoko ari kukurukurwa munyaya dzino mbiri dzokudzidza akapiwa sehurukuro papurogiramu yekokorodzano yoruwa ya2000/2001. Pakupera kwehurukuro yacho, bhuku idzva rakabudiswa, rine musoro unoti Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I. Bhuku iri remapeji 416 rinokurukura ndima imwe neimwe yezvitsauko 40 zvokutanga zvebhuku raIsaya.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Vakarurama bedzi ndivo vanobvumirwa mu“guta rakasimba” raJehovha, sangano rake

[Mufananidzo uri papeji 19]

Isaya akatsvaka Jehovha “usiku”

[Mufananidzo uri papeji 21]

Jehovha anodzivirira “munda [wake] wemizambiringa” uye anouita kuti ubereke zvibereko