Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kufara Zvechokwadi Here?

Unogona Kufara Zvechokwadi Here?

Unogona Kufara Zvechokwadi Here?

GEORGE aikwazisa munhu wose achinyemwerera. Kwaari, upenyu hwakanga huri chipo chinokosha chaaifanira kunakidzwa nacho. Mufaro wake nokuva netariro zvakanga zviri zvinhu zvinomusiyanisa nevamwe—kunyange paakatanga kutambura nemarwadzo oukweguru. Kusvikira pazuva raakafa, George aizivikanwa somunhu anofara. Unofara sezvaiita George here? Unoona zuva rimwe nerimwe sechipo chaunofanira kunakidzwa nacho here? Kana kuti kutarisira rimwe zuva kunokuita kuti usafara kana kunyange kufunganya here? Pane chimwe chinhu chiri kukutorera mufaro here?

Mufaro wakatsanangurwa sokuva noutano hwakanaka hunogara hwakadaro. Unooneka nokunzwa kunobva pakugutsikana kusvika pakuva nomufaro wakadzama uye mukuru uye nechido chomuzvarirwo chokuti utano hwakadaro hupfuurire. Mufaro wakadaro uriko chaizvoizvo here?

Nhasi, nzanga inosimudzira pfungwa yokuti vanhu vaizofara dai vaive vapfumi zvinogutsa. Mamiriyoni anoramba achishingaira zvikuru mukuedza kwawo kwoupengo kuti apfume. Mukuita kudaro, vakawanda vanorega kushamwaridzana nevamwe uye zvimwe zvinhu zvinokosha muupenyu. Vanogara vachingomhanya-mhanya semajuru ari pachuru, uye vane nguva shoma yokufunga zvavari kuita kana yokufungana. Sezvingatarisirwa, “nhamba yevanhu vanoonekwa kuti vakaora mwoyo inoramba ichikwira,” unodaro mumwe mushumo womuLos Angeles Times, “uye zera revari kuora mwoyo riri kuramba richidzoka kuvaduku. . . . Mishonga yokurapa kuora mwoyo inoverengwa nemakambani emishonga pakati peinotengwa zvikuru.” Mamiriyoni anoshandisa zvinodhaka zvinorambidzwa nomutemo kana kuti anoedza kukurira zvinetso zvawo nedoro. Vamwe vanopinda mukusazvidzora zvikuru pakushandisa mari pavanonzwa kuora mwoyo. Mune kumwe kunzvera, “vakadzi vakaonekwa vari ivo vanowanzotenga-tenga kuti vapedze kuora mwoyo,” rinodaro pepanhau rokuBritain rinonzi The Guardian. “Vaitarisirwa kuti vaizotenga zvakapetwa katatu kupfuura varume pavanenge vakaora mwoyo.”

Zvisinei, mufaro wechokwadi hauwanikwi muchitoro, mudoro, mupiritsi, mujekiseni, kana mubhuku rokubhengi. Mufaro hautengeswi; ndewemahara. Tingawana kupi chipo chinokosha chakadaro? Tichakurukura izvozvo munyaya inotevera.