Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Funga Zvomudzimu Urarame!

Funga Zvomudzimu Urarame!

Funga Zvomudzimu Urarame!

“Kufunga kwomudzimu kunoreva upenyu.”—VAROMA 8:6.

1, 2. Bhaibheri rinosiyanisa sei “nyama” no“mudzimu”?

HAZVISI nyore kuramba une tsika dzakanaka pamberi paMwari pakati penzanga yakashata inosimudzira kugutswa kwezvishuvo zvenyama. Zvisinei, Magwaro anosiyanisa “nyama” no“mudzimu,” achipatsanura zvakajeka pakati pemigumisiro yakaipa yokuzvibvumira kuitwa muranda nenyama inotadza nemigumisiro inofadza yokubvuma kudzorwa nomudzimu mutsvene waMwari.

2 Somuenzaniso, Jesu Kristu akati: “Mudzimu ndiwo unopa upenyu; nyama haina kana nematuro ose. Mashoko andataura kwamuri mudzimu uye upenyu.” (Johani 6:63) KuvaKristu vomuGaratiya, muapostora Pauro akanyora kuti: “Nyama inorwisana nomudzimu pakuchiva kwayo, uye mudzimu unorwisana nenyama; nokuti izvi zvinodzivisana.” (VaGaratiya 5:17) Pauro akatiwo: “Anodyarira nyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake, asi anodyarira mudzimu achakohwa upenyu husingaperi hunobva pamudzimu.”—VaGaratiya 6:8.

3. Chii chinodiwa kuti tisununguke pakuva varanda vokuchiva uye zvatinonzwa tichida kuita zvisina kururama?

3 Mudzimu mutsvene waJehovha—simba rake rinobata basa—rinogona kubvisa nokubudirira ku“chiva kwenyama” kusina kuchena uye kudzorwa nenyama yedu inotadza kunoparadza. (1 Petro 2:11) Kuti tisununguke pakuva varanda vezvatinonzwa tichida kuita zvisina kururama, zvinokosha kuti tibatsirwe nomudzimu waMwari, nokuti Pauro akanyora kuti: “Kufunga kwenyama kunoreva rufu, asi kufunga kwomudzimu kunoreva upenyu norugare.” (VaRoma 8:6) Kufunga zvomudzimu kunorevei?

“Kufunga Kwomudzimu”

4. “Kufunga kwomudzimu” kunorevei?

4 Pauro paakanyora nezvo“kufunga kwomudzimu,” akashandisa shoko rechiGiriki rinoreva “mafungiro, pfungwa, . . . chinangwa, chido chakakura, kuvavarira.” Rimwe shoko rechiito rine ukama neiri rinoreva “kufunga, kuva nepfungwa dzomumwe mutoo.” Nokudaro, kufunga zvomudzimu kunoreva kudzorwa, kuiswa pasi, uye kukurudzirwa nesimba rinobata basa raJehovha. Kunoratidza kuti tinoita kuti mafungiro edu, zvatinonzwa tichida kuita, uye zvido zvedu zvakakura zvidzorwe zvizere nomudzimu mutsvene waJehovha tichida hedu.

5. Tinofanira kuzviisa pasi pokudzora kwomudzimu mutsvene kusvikira kumwero wakadini?

5 Mwero watinofanira kusvika pakuzviisa pasi pokudzora kwomudzimu mutsvene wakasimbiswa naPauro paakataura nezvokuva ‘varanda vomudzimu.’ (VaRoma 7:6) Zvichibva mukutenda kwavo muchibayiro chorudzikinuro chaJesu, vaKristu vakasunungurwa pakudzorwa nechivi nokudaro “vakafa” mumamiriro avo ezvinhu epakutanga sevaranda vacho. (VaRoma 6:2, 11) Vaya vakafa munzira yokufananidzira kudaro vachiri vapenyu mumuviri uye zvino vakasununguka kutevera Kristu se“varanda vokururama.”—VaRoma 6:18-20.

Kuchinja Kunoshamisa

6. Kuchinja kupi kunoitika kune vaya vanova “varanda vokururama”?

6 Kuchinja kubva pakuva “varanda vechivi” kuenda kukushumira Mwari se“varanda vokururama” chaizvoizvo kunoshamisa. Nezvevamwe vakava nokuchinja kwakadaro, Pauro akanyora kuti: ‘Makagezwa mukachena, makatsveneswa, makanzi makarurama muzita raShe wedu Jesu Kristu nomudzimu waMwari wedu.’—VaRoma 6:17, 18; 1 VaKorinde 6:11.

7. Nei zvichikosha kuona zvinhu sezvinoita Jehovha?

7 Kuitira kuti tive nokuchinja kunoshamisa kwakadaro, tinofanira kutanga tadzidza nezvemaonero anoitwa nhau naJehovha. Mazana emakore akapfuura, munyori wepisarema Dhavhidhi akateterera nomwoyo wose kuna Mwari kuti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha . . . Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise.” (Pisarema 25:4, 5) Jehovha akateerera Dhavhidhi, uye Iye anogona kupindura munyengetero wakadaro kuvashumiri vake vomuzuva ranhasi. Sezvo nzira dzaMwari nechokwadi chake zvakachena uye zviri zvitsvene, kuzvifungisisa kuchatibatsira kana tikaedzwa kugutsa kuchiva kwenyama kusina kuchena.

Basa Rinokosha reShoko raMwari

8. Nei zvichikosha kwazvo kuti tidzidze Bhaibheri?

8 Shoko raMwari, Bhaibheri, chibereko chomudzimu wake. Nokudaro, imwe nzira inokosha yokuita kuti mudzimu iwoyo ushande patiri ndeyokuverenga nokudzidza Bhaibheri—zuva roga roga kana zvichikwanisika. (1 VaKorinde 2:10, 11; VaEfeso 5:18) Kuzadza pfungwa dzedu nomwoyo nechokwadi cheBhaibheri nenheyo zvichatibatsira kuti tishivirire kudenhwa kwoumudzimu hwedu. Hungu, panomuka miedzo yokuita unzenza, mudzimu waMwari unogona kuita kuti tirangarire zviyeuchidzo zvomuMagwaro nenheyo dzinotungamirira zvinogona kusimbisa kutsunga kwedu kuita maererano nokuda kwaMwari. (Pisarema 119:1, 2, 99; Johani 14:26) Naizvozvo, hatinyengerwi kutevera nzira isina kururama.—2 VaKorinde 11:3.

9. Kudzidza Bhaibheri kunosimbisa sei kutsunga kwedu kuchengetedza ukama hwedu naJehovha?

9 Sezvatinopfuurira kudzidza kwedu Magwaro takavimbika uye tichishingaira tichibatsirwa nemabhuku eBhaibheri, mudzimu waMwari unochinja pfungwa dzedu nemwoyo, zvichiita kuti kuremekedza kwatinoita zvinodiwa naJehovha kuwedzere. Ukama hwedu naMwari hunova chinhu chinokosha zvikuru muupenyu hwedu. Patinonangana nemiedzo, pfungwa dzokuti tichafadzwa sei mukuita chakaipa hadzimbovapo. Pane kudaro, zvatinotanga kufunga nezvazvo kuramba takatendeseka kuna Jehovha. Kukoshesa zvikuru ukama hwedu naye kunotikurudzira kudzivisa zvipi nezvipi zvatinganzwa tichida kuita zvingahukuvadza kana kuhuparadza.

“Haiwa, Ndinoda Murau Wenyu Seiko!”

10. Nei kuteerera mutemo waJehovha kuchikosha kuitira kuti tifunge zvomudzimu?

10 Kuti tifunge zvomudzimu, hatifaniri kungoziva Shoko raMwari chete. Mambo Soromoni ainyatsoziva zvaidiwa naJehovha, asi akatadza kurarama maererano nazvo mumazuva okupedzisira oupenyu hwake. (1 Madzimambo 4:29, 30; 11:1-6) Kana tiine pfungwa dzinofunga zvomudzimu, tichaona kudiwa kwete chete kwokuziva zvinotaurwa neBhaibheri asiwo kwokuteerera mutemo waMwari nemwoyo wose. Izvozvo zvinoreva kunzvera nokungwarira zvinodiwa naJehovha uye kuedza nokushingaira kuzvitevera. Munyori wepisarema akanga aine mafungiro akadaro. Akaimba kuti: “Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose.” (Pisarema 119:97) Patinova nehanya kwazvo nokutevera mutemo waMwari, tinotanga kuratidza unhu hwake. (VaEfeso 5:1, 2) Pane kukwezvwa kuita zvakaipa tisingagoni kuzvidzivirira, tinoratidza chibereko chomudzimu, uye chido chokufadza Jehovha chinotibvisa pa“mabasa enyama” akaipa.—VaGaratiya 5:16, 19-23; Pisarema 15:1, 2.

11. Ungatsanangura sei kuti mutemo waJehovha unorambidza ufeve unotidzivirira?

11 Tingawedzera sei kuremekedza zvikuru uye kuda mutemo waJehovha? Imwe nzira ndeyokuongorora nokungwarira kukosha kwawo. Funga mutemo waMwari unoti vanhu vakaroorana chete ndivo vanofanira kusangana pabonde uye unorambidza ufeve noupombwe. (VaHebheru 13:4) Kuteerera mutemo uyu kunotitorera chimwe chinhu chakanaka here? Baba vokudenga vane rudo vangaita mutemo unotinyima chimwe chinhu chinobatsira here? Chokwadi kwete! Tarira zviri kuitika muupenyu hwevakawanda vasingararami maererano netsika dzinodiwa naJehovha. Pamuviri pasingadiwi kakawanda panovatungamirira kubvisa pamuviri kana kuti zvimwe mumichato yokukurumidza uye isingafadzi. Vakawanda vanotofanira kurera mwana vasina murume kana mudzimai. Uyezve, vaya vanoita ufeve vanozviisa pangozi yokubata zvirwere zvinotapuriranwa pabonde. (1 VaKorinde 6:18) Uye kana mushumiri waJehovha akaita ufeve, kutambura mupfungwa kunouya kunogona kuva kunoparadza. Kuedza kudzvinyirira kurwadza kwehana ine mhosva kunogona kukonzera kushaya hope uye kutambura mupfungwa. (Pisarema 32:3, 4; 51:3) Naizvozvo, hazvisi pachena here kuti mitemo yaJehovha inorambidza ufeve yakaitirwa kuti itidzivirire? Hungu, pane zvinobatsira zvakawanda mukuramba takachena mutsika!

Nyengeterera Kubatsirwa naJehovha

12, 13. Nei zvakakosha kunyengetera patinenge tave kunetswa nokuchiva kwokuda kuita zvivi?

12 Chaizvoizvo kufunga kwomudzimu kunoda munyengetero womwoyo wose. Zvakakodzera kukumbira kubatsirwa nomudzimu waMwari, nokuti Jesu akati: “Kana imi . . . muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira!” (Ruka 11:13) Mumunyengetero, tinogona kuratidza kuvimba kwedu nomudzimu kuti utibatsire patakaneta. (VaRoma 8:26, 27) Kana tikaona kuti zvishuvo kana kuti mafungiro okuda kuita chivi ari kutivhiringidza, kana kuti watinotenda naye ane rudo akatiudza kuti ndozvatakaita, kungava kuchenjera kutaura zvakananga chinetso chacho muminyengetero yedu ndokukumbira kubatsirwa naMwari kuti tikurire miitiro iyi.

13 Jehovha anogona kutibatsira kuti tifungisise zvinhu zvakarurama, zvakachena, zvakanaka, uye zvinorumbidzwa. Uye zvakakodzera sei kumuteterera nomwoyo wose kuitira kuti “rugare rwaMwari” ruzorinda mwoyo yedu namasimba edu okufunga! (VaFiripi 4:6-8) Naizvozvo, ngatinyengetererei kubatsirwa naJehovha kuti ti“tever[e] kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, unyoro.” (1 Timoti 6:11-14) Nokubatsira kwaBaba vedu vokudenga, kufunganya nemiedzo hazvingakuri kusvika pakusadzoreka. Asi, upenyu hwedu hunenge hwava norunyararo runopiwa naMwari.

Musashungurudza Mudzimu

14. Nei mudzimu waMwari uri simba rokuchena?

14 Vashumiri vaJehovha vakakura mupfungwa vanoshandisa zano raPauro rokuti: “Musadzima moto womudzimu.” (1 VaTesaronika 5:19) Sezvo mudzimu waMwari uri “mudzimu woutsvene,” wakachena, unoyera. (VaRoma 1:4) Paunenge uchishanda patiri, mudzimu iwoyo unenge uri simba routsvene, kana kuti rokuchena. Unotibatsira kuramba tiri munzira youpenyu yakachena inoonekwa nokuteerera Mwari. (1 Petro 1:2) Muitiro wose usina kuchena unoreva kusaremekedza mudzimu iwoyo, uye izvozvo zvinogona kuguma nezvinoparadza. Zvakadaro sei?

15, 16. (a) Tingashungurudza sei mudzimu waMwari? (b) Tingadzivisa sei kushungurudza mudzimu waJehovha?

15 Pauro akanyora kuti: “Musashungurudza mudzimu mutsvene waMwari, wamakasimbiswa nawo nokuda kwezuva rokusunungurwa norudzikinuro.” (VaEfeso 4:30) Magwaro anoratidza mudzimu waJehovha sechisimbiso, kana kuti ‘rubato rwezvaizouya,’ nokuda kwevaKristu vakazodzwa vakatendeka. Uye ihwohwo upenyu husingafi mudenga. (2 VaKorinde 1:22; 1 VaKorinde 15:50-57; Zvakazarurwa 2:10) Mudzimu waMwari unogona kutungamirira vakazodzwa nevamwe vavo vane tariro yepasi muupenyu hwokutendeka uye unogona kuvabatsira kudzivisa mabasa ezvivi.

16 Muapostora akanyevera nezvemiitiro yokureva nhema, kuba, mufambiro unonyadzisa, nezvimwe zvakadaro. Kana takazvibvumira kukwezvwa nezvinhu zvakadaro, tinenge tichipesana nezano rakafuridzirwa nomudzimu romuShoko raMwari. (VaEfeso 4:17-29; 5:1-5) Kusvika kumwero wakati, tinenge tichishungurudza mudzimu waMwari, uye zvechokwadi ichocho chimwe chinhu chatinoda kudzivisa. Saka, kana tikatanga kusateerera zano reShoko raJehovha, tingatanga kuva nemafungiro kana miitiro inogona kuguma nokuita chivi tichida uye kurasikirwa zvachose nenyasha dzaMwari. (VaHebheru 6:4-6) Kunyange zvazvo tingasava tichiita chivi zvino, tingava tichienda nenzira iyoyo. Nokuita zvinopesana nokutungamirira kwomudzimu, tinenge tichiushungurudza. Tinenge tichidzivisa uye tichishungurudzawo Jehovha, anopa mudzimu mutsvene. Sevanhu vanoda Mwari, hatimbodi kuita izvozvo. Pane kudaro, ngatinyengeterei kuti tibatsirwe naJehovha kuitira kuti tisashungurudza mudzimu wake asi tikwanise kuunza rukudzo kuzita rake dzvene nokupfuurira kufunga zvomudzimu.

Ramba Uchifunga Zvomudzimu

17. Ndedzipi dzimwe vavariro dzomudzimu dzatingada kusvika padziri, uye nei kuita izvi kungava kuchenjera?

17 Imwe nzira inokosha yokuti tirambe tine kufunga kwomudzimu ndeyokuronga patinovavarira kusvika mukunamata toshanda kuti tipasvike. Zvichienderana nezvatinoda uye mamiriro edu ezvinhu, zvatingavavarira zvingasanganisira kuvandudza maitiro edu okudzidza, kuwedzera kuita basa redu rokuparidza, kana kuti kusvasvavirira imwe ropafadzo yebasa, yakadai sebasa renguva yakazara roupiyona, basa repaBheteri, kana kuti basa roumishinari. Izvi zvichaita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichifunga zvinhu zvomudzimu uye zvichatibatsira kudzivisa kuita maererano nokuneta kwedu kwokuzvarwa nakwo kana kumanikidzirwa nezvinangwa zvokuda kubudirira kunyama nezvishuvo zvisiri zvomumagwaro zvakajairika mugadziriro ino yezvinhu. Chokwadi iyi ndiyo nzira yokuchenjera, nokuti Jesu akakurudzira kuti: “Musazviunganidzira pfuma pasi pano, apo chipfukuto nengura zvinodya, uye apo mbavha dzinopaza dzoba. Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga, uko chipfukuto kana ngura zvisingadyi, uye uko mbavha dzisingapazi dzoba. Nokuti pane pfuma yako, mwoyo wako uchava ipapowo.”—Mateu 6:19-21.

18. Nei zvichikosha kwazvo kuramba tichifunga zvomudzimu mumazuva ano okupedzisira?

18 Kufunga zvomudzimu uye kukurira kuchiva kwenyika chaizvoizvo ndiyo nzira yokuchenjera muano “mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Pashure pezvose, “nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:15-17) Somuenzaniso, kana muKristu wechiduku akava nevavariro yokupinda mubasa renguva yakazara, izvi zvingashanda sechiedza chinotungamirira mumakore akazara nemiedzo zvikuru okuyaruka kana kuti okubva zera. Paanomanikidzwa kubvuma zvaanga asingadi, munhu akadaro anova netarisiro yakajeka yezvaanoda kuita mubasa raJehovha. Munhu akakura mumudzimu akadaro anozviona sokusachenjera, kunyange ufuza, kurega kusvitsa vavariro dzomudzimu nechikonzero chokuronda zvinhu zvokunyama kana kuti mafaro ayo chivi chinovimbisa kupa. Yeuka kuti Mosesi akanga achifarira zvomudzimu ‘akasarudza kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari panzvimbo pokufadzwa nechivi kwenguva duku.’ (VaHebheru 11:24, 25) Tingava vaduku kana vakuru, tinoita chisarudzo chakafanana naichocho patinoramba tichifunga zvomudzimu pane zvenyama inotadza.

19. Zvii zvinobatsira zvatichawana kana tikaramba tichifunga zvomudzimu?

19 “Kufunga kwenyama kunoreva kuvengana naMwari,” nepo “kufunga kwomudzimu kunoreva upenyu norugare.” (VaRoma 8:6, 7) Kana tikaramba tichifunga zvomudzimu, tichava norugare runokosha. Mwoyo yedu nemasimba okufunga zvinenge zvakadzivirirwa kwazvo pakupesvedzera kwemamiriro edu ezvinhu okutadza. Tinenge tichigona zviri nani kudzivisa muedzo wokuita zvakaipa. Uye tichabatsirwa naMwari kuti tigone kurarama nehondo inopfuurira iri pakati penyama nomudzimu.

20. Nei tingava nechokwadi chokuti zvinogoneka kukunda muhondo yenyama nomudzimu?

20 Nokuramba tichifunga zvomudzimu, tinoramba tine kubatana kunokosha naJehovha, anopa zvose upenyu nomudzimu mutsvene. (Pisarema 36:9; 51:11) Satani Dhiyabhorosi nevamwe vake vari kuita zvose zvavangagona kuti vaparadze ukama hwedu naJehovha Mwari. Vanoedza kudzora pfungwa dzedu, vachiziva kuti kana tikabvuma, zvinopedzisira zvaita kuti tivengane naMwari uye tife. Asi tinogona kukunda muhondo iyi iri pakati penyama nomudzimu. Ndizvo zvakaitika kuna Pauro, nokuti pakunyora nezvehondo yake pachake, akatanga kubvunza kuti: “Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana urwu rufu?” Ipapo achiratidza kuti kununurwa kwaigoneka, akadanidzira kuti: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaRoma 7:21-25) Isuwo tinogona kuonga Mwari nokuna Kristu nokupa kwaanoita nzira yokurarama nokuneta kwokuzvarwa nakwo ndokuramba tichifunga zvomudzimu netariro inoshamisa youpenyu husingaperi.—VaRoma 6:23.

Unoyeuka Here?

• Kufunga zvomudzimu kunorevei?

• Tingaita sei kuti mudzimu waJehovha ushande patiri?

• Tsanangura kuti nei, mukurwisana kwedu nechivi, zvichikosha kudzidza Bhaibheri, kuteerera mutemo waJehovha, uye kunyengetera kwaari.

• Kuva nevavariro dzomudzimu kungaita sei kuti tirambe tiri munzira youpenyu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kudzidza Bhaibheri kunotibatsira kukurira kudenhwa kwoumudzimu hwedu

[Mufananidzo uri papeji 17]

Zvakakodzera kunyengeterera kubatsirwa naJehovha kuti tikurire kuda kuita zvivi

[Mifananidzo iri papeji 18]

Vavariro dzomudzimu dzinogona kutibatsira kuramba tichifunga zvomudzimu