Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?

Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?

Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?

KANA uri muKristu akabhabhatidzwa, pasina kupokana kuda Mwari kunokuita kuti uite kuda kwake. Uyewo, zvechokwadi unofanira kunge wakazvipira kuushumiri. Mukuzadzisa izvi, Jesu Kristu akatuma vateveri vake vose kuti vaite vanhu vadzidzi. (Mateu 28:19, 20) Hungu, ungava uri kushanda munyika iye zvino kuti uzviriritire. Asi somuteveri waJesu uye mumwe weZvapupu zvaJehovha, chokutanga uye chiri pamberi ndechokuti uri mushumiri wechiKristu—anoisa basa rokuparidza Umambo panzvimbo yokutanga muupenyu.—Mateu 24:14.

Zvichida wava kudarika makore ako okuyaruka kana kuti wave mumakore ako okutanga kwema20. Zvichida, wakafungisisa nezvokuti uchaitei muupenyu. Pakufunga kuti wosarudza kuita zvipi, ungangonyanya kufunga nezvokuzvifadza.

Saka, chimbofunga zvinotaurwa naJørgen womuDenmark nezvechisarudzo chaakaita. Jørgen anochitsanangura se“nzira yakanaka youpenyu yaunogona kubatikana nebasa rinokosha zvikuru riripo.” Eva, mukadzi ane makore 31 womuGreece, anoti: “Ndichienzanisa upenyu hwangu nehwevezera rangu, nguva dzose ndinogumisa kuti hune chinangwa, hunogutsa, uye hunofadza zvikuru.” Ibasa ripi rinopa kugutsikana kwakadaro? Ungasvika sei pakurarama upenyu hwakadaro?

Mwari Anoratidza Nzira Yacho Here?

Kusarudza basa rokuita muupenyu kungava kwakati omei. Chokwadi, vamwe vangada kuti Mwari avaratidze zvaanoda chaizvo kuti vaite.

Mosesi paakanga ari muMidhiani, Jehovha akamutuma kuti adzokere kuIjipiti kunotungamirira vaIsraeri kubva muuranda. (Eksodho 3:1-10) Ngirozi yaMwari yakaoneka kuna Gidheoni, akanga akagadzwa kuponesa vaIsraeri kubva mukudzvinyirirwa. (Vatongi 6:11-14) Dhavhidhi akanga achifudza makwai apo Mwari akaudza Samueri kuti amuzodze samambo waIsraeri aizotevera. (1 Samueri 16:1-13) Nhasi hatitungamirirwi nenzira dzakadaro. Panzvimbo paizvozvo, tinofanira kuyera zvinhu tosarudza mashandisiro atingaita mano edu atakapiwa naMwari.

Jehovha akazarura “musuo muhombe webasa” kune vaKristu vechiduku nhasi. (1 VaKorinde 16:9) Munzirai? Mumakore gumi adarika, nhamba yevazivisi voUmambo yakawedzera nevanopfuura 2 125 000 kusvika kuvanopfuura 6 000 000 pasi pose. Ndivanaani vanobatsira kugovera mamiriyoni emaBhaibheri, mabhuku, mabhurocha, magazini, uye maturakiti anodiwa nokuda kwezvokudya zvomudzimu uye nokuda kwebasa repasi pose rokuparidza mashoko akanaka? Iyi ropafadzo inofadza inowanikwa nenhengo dzepasi pose dzemhuri yeBheteri.

Upenyu Hunogutsa

Bheteri zvinoreva “Imba yaMwari,” uye misha yeBheteri inzvimbo dzokugara dzevaKristu vanozvipira kushanda padzimbahwe uye pahofisi dzemapazi eWatch Tower Society. (Genesi 28:19, NW, Ref., mashoko omuzasi) Misha yeBheteri yanhasi ingafananidzwa ne‘misha yakavakwa nouchenjeri’ yakanyatsorongeka uye yakavakirwa parudo rwaJehovha.—Zvirevo 24:3.

Chii chingataurwa nezvemamiriro ezvinhu akaita seemhuri ari paBheteri? Nhengo yemhuri yeBheteri ine makore 25 muEstonia inoti: “Ndinonakidzwa nokuziva kuti ndiri pakati peshamwari dzaJehovha nguva dzose. Ichi chichiri chinhu chinokosha zvikuru kwandiri paBheteri.”—Pisarema 15:1, 2.

Pasi pose, vanhu vanenge 19 500 zvino vanofadzwa neropafadzo yokushanda paBheteri. (Pisarema 110:3) MuUnited States, 46 muzana yevari paBheteri iri pakati pemakore 19 ne29. Kufanana naIsaya vakati: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isaya 6:8) Isaya—uyo akanga akatozvitsaurira kuna Jehovhaakanga achizvipira nokuda kweimwe ropafadzo yebasa. Zviri pachena kuti izvi zvaireva kurega zvimwe zvinhu zvaizomunakira. Vaya vari mumisha yeBheteri vanosiya misha yavo nezvavakajairana nazvo, kusanganisirawo vanaamai, vanababa, vakoma nevanin’ina, hanzvadzi, neshamwari. Kurega zvimwe zvinhu uku kunoitwa munhu achizvidira “nokuda kwemashoko akanaka.”—Mako 10:29, 30.

Ivowo vanozowana zvikomborero zvikuru zvomudzimu paBheteri! Imwe nhengo yechiduku yemhuri yeBheteri muRussia inotsanangura kuti: “Nokuzvipira, tinogona kudzidza zvakawanda zvinogona kutibatsira kurarama munyika itsva. Ndingati kwandiri zvikomborero zvaJehovha zvikuru kwazvo kupfuura kuzvipira kwangu.”—Maraki 3:10.

Upenyu hwepaBheteri

Upenyu hwakaita sei paBheteri? Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinobvuma kuti hwakanaka uye hunogutsa, kunyange kutonakidza. Jens, ane makore 43, anonakidzwa nokushanda paBheteri. Nemhaka yei? Anoti: “Nemhaka yokuziva kuti tiri kubatsirawo pakushanda zvikuru mukuita basa rinokosha. Ndinogona kuona kukura uye kukosha kwakaita basa raJehovha.”

Kubva Muvhuro kusvika Mugovera, zuva repaBheteri rinotanga nokunamata kwemangwanani. Uku kukurukura nezveBhaibheri, kunotungamirirwa nomukuru ane ruzivo. Pamanheru oMuvhuro imwe awa inoshandiswa kuita chidzidzo cheBhaibheri chemhuri pachishandiswa Nharireyomurindi, dzimwe nguva chichiteverwa nehurukuro inotaura nezvemumwe musoro wepaMagwaro zvikurukuru unoenderana nemhuri yeBheteri.

Chii chinoitika kana munhu achitanga kuuya kuBheteri? Kusuma nhengo itsva nezvoupenyu hwepaBheteri, hama dzakura mumudzimu dzemhuri yacho dzinopa hurukuro dzinotaura nezvezvinhu zvakasiyana-siyana zvokushanda paBheteri. Kwemasvondo akawanda mugore rokutanga, nhengo itsva yemhuri yeBheteri inopinda chikoro chakaisvonaka chevhiki nevhiki chakagadzirirwa kuwedzera kunzwisisa kwayo Magwaro. Vatsva vachangopinda vanovawo nepurogiramu chaiyo yokuverenga Bhaibheri. Mugore ravo rokutanga kushanda paBheteri, nhengo itsva dzemhuri dzinoverenga Bhaibheri rose.

Kurovedza kwose uku kunobatsira sei? Joshua, nhengo yemhuri yeBheteri ine makore 33 yokuHong Kong, anopindura kuti, “Bheteri rakasimbisa chaizvoizvo kuonga kwangu Jehovha. Ndinogona kusonganira nehama dzangu dzine ruzivo dzakapedza upenyu hwadzo hwakawanda dzichishumira Jehovha. Ndinonakidzwa zvikurukuru nepurogiramu dzokunamata, dzakadai sokunamata kwemangwanani, neChidzidzo cheNharireyomurindi chemhuri. Uyezve, ndinoda mararamiro acho akarongeka uye ari nyore. Izvi zvinondisunungura pakunetseka nezvisina basa. Ndinodzidzawo kugadzirisa zvinhu nenzira yechiKristu, uye izvi zvakaratidza kuva zvinobatsira nguva dzose.”

Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinopedza nguva yadzo yakawanda nesimba dzichiita zvadzakazvipira kuita. Ndiko kuti, kushandisa simba radzo romuviri nepfungwa kuti dzitarisire basa radzo radzinopiwa paBheteri. Zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoda kuitwa. Vamwe vanotekenya michina yokudhinda kana kuti vanoshanda munonamwa mabhuku, vachigadzira mabhuku anotumirwa kuungano dzakawanda. Vamwe vanoshanda muimba yokubikira, muimba yokudyira, kana munowachirwa. Mabasa acho anosanganisira kuchenesa, kurima, basa rokuvaka. Vamwe vane mabasa okutarisira midziyo mumadhipatimendi aya. Vamwe vanotarisira utano kana kuita basa romuhofisi. Mabasa ose epaBheteri anosanganisira zvimwe zvakaoma zvinonakidza kuita uye anopa mubayiro zvinoshamisa. Basa rinoitwa paBheteri rinogutsa kwazvo nokuti rinosimudzira zvinhu zvine chokuita noUmambo uye rinoitwa nokuda Mwari.

Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinopiwa ungano dzokuenda, uko kwadzinonyatsozvionera kubatsira kuri kuita basa radzo. Dzinonakidzwa nokupinda misangano yeungano nokupinda mubasa rokuparidza. Somugumisiro, nhengo dzemhuri yeBheteri dzakava noushamwari hwakasimba nehama dzadzo nehanzvadzi muungano dzomunzvimbo yadzo.—Mako 10:29, 30.

Rita, nhengo yemhuri yeBheteri muBritain, anoti: “Ndinofarira zvikuru ungano yacho! Pandinenge ndiri pamisangano uye muushumiri, zvinosimbisa kutenda kwangu zvikuru kuona hama, hanzvadzi, vana nevakuru vanodiwa varipo! Kunyange zvodii, vanenge varipo. Izvi zvinondibatsira kuti ndishingaire zvikuru mubasa rangu repaBheteri.”

Upenyu hwepaBheteri hahuna kungozara nebasa, misangano, basa romumunda, uye kudzidza chete. Mhuri dzinovawo nenguva yokuzorora. Nguva nenguva, pane purogiramu dzinonakidza uye dzinokosha dze“Family Night” [Kutandara Kwemhuri yeBheteri Mumanheru], dzinowanisa mikana yokuona zvipo zvevakawanda uye kudzidza zvinhu zvinokurudzira nezvoupenyu hwevamwe vanoshanda paBheteri. Zvimwewo zvinonakidza kushanyirana kwoushamwari kunokosha uye kunovaka. Zvimwe zvinhu zvokuvaraidza zvinogona kugoverwa, uyewo maraibhurari okudzidza nokutsvakurudza munhu ari oga. Uyewo chimwe chisingafaniri kukanganwiwa kukurukurirana kwakanaka kunoitwa patafura dzomuimba yokudyira panguva dzezvokudya.

Tom, nhengo yemhuri yeBheteri muEstonia, anoti: “Pedyo neBheteri pane gungwa, uye pedyo pane sango rakanaka uko ini nomudzimai wangu tinonakidzwa nokumbofamba. Dzimwe nguva ndinombotamba gorofu, hockey, netenisi neshamwari dziri muungano uye paBheteri. Uye kana mamiriro okunze akanaka, tinochovha mabhasikoro edu.”

Ndezvipi Zvinodiwa Kuti Uve Mushandi Wepo?

Kutaura chokwadi, zvikurukuru Bheteri inzvimbo iyo vaKristu vakura vanoita basa dzvene kuna Jehovha uye vanoshandira vamwe vatendi kupota nyika yose. Vaya vanova nhengo dzemhuri yeBheteri vanofanira kuva nezvimwe zvinodiwa. Ungaitei kuti uve mushandi wepaBheteri?

Kufanana naTimoti, akashanda nomuapostora Pauro, vaya vanobvumwa kuti vashande paBheteri vanofanira kunge vane mufambiro wakanaka muungano. (1 Timoti 1:1) Timoti “aipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama dzomuRistra neIkoniyumu.” (Mabasa 16:2) Kunyange zvazvo akanga ari muduku, Timoti aiziva Magwaro uye akanga akadzika midzi muchokwadi. (2 Timoti 3:14, 15) Kufanana neizvozvo, kuziva Bhaibheri kunodiwa kune vaya vanobvumwa kuti vashande paBheteri.

Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinofanira kuva nechido chokuzvipira. Chainyanyooneka chakanga chiri chido chaTimoti chokuzvipira uye kuda kwake kuisa zvinhu zvoUmambo mberi kwezvake zvokuti Pauro aigona kuti nezvake: “Handina mumwezve ane kufunga kwakafanana nokwake achatarisira nemwoyo wose zvinhu zvine chokuita nemi. Nokuti vamwe vose vari kuzvitsvakira zvavo, kwete zvaKristu Jesu. Asi munoziva uchapupu hwaakapa pamusoro pake, kuti semwana ana baba vake akashanda neni mukufambisira mberi mashoko akanaka.”—VaFiripi 2:20-22.

Vanoshanda paBheteri vanofanira kuva varume nevakadzi vakazvipira pakunamata Mwari. Gadziriro dzinoitwa nokuda kwenhengo dzemhuri yeBheteri dzinoita kuti dzikure mumudzimu nokudzidza Bhaibheri, kupinda misangano yechiKristu nguva dzose uye mubasa romumunda, uye kusonganira nevaKristu vakura mumudzimu. Nokudaro vaya vari paBheteri vanobatsirwa kutevera zano raPauro rokuti: “Rambai muchifamba muri pamwe na[Kristu Jesu], makadzika midzi uye muchivakwa maari uye muchidzikamiswa pakutenda, sokudzidziswa kwamakaitwa, muchifashukira nokutenda mukuonga.”—VaKorose 2:6, 7.

Nemhaka yezvakaita basa repaBheteri, vaya vanobvumwa nokuda kweropafadzo iyi yebasa vanofanira kunge vakasimba mumuviri uye vane utano hwakanaka. Kana uine zvinodiwa zvadudzwa, une makore 19 kana kupfuura, uye wakabhabhatidzwa kwerinopfuura gore, tinokukurudzira kufunga nezvokushanda paBheteri.

Tose Tine Zvatinoita

SevaKristu, zvechokwadi tose tinoda kuisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu uye kuita basa redu nemwoyo wose kuna Jehovha. (Mateu 6:33; VaKorose 3:23) Tinogonawo kukurudzira vaya vanoshanda paBheteri kuti varambe vachiita basa dzvene ipapo. Uye zvikurukuru hama dzechiduku dzine zvinodiwa kuti dzishande paBheteri dzinofanira kukurudzirwa kusvasvavirira iyi ropafadzo inofadza.

Kushanda paBheteri inzira yokurarama inogutsa mumudzimu—iya ingava yakakunakira zvechokwadi. Ndozvazvakaita kuna Nick, akatanga kushanda paBheteri aine makore 20. Papera makore gumi achishanda paBheteri, anoti: “Ndinowanzonyengetera kuna Jehovha kuti ndimuonge nezvetsitsi dzake dzisina kufanirwa. Chii chimwe chandingakumbira? Pano takapoteredzwa nevaKristu vakatendeka vari kuita nepavanogona napo kuti vashumire Jehovha.”

[Bhokisi riri papeji 22]

Vakuru neVabereki Vangaitei?

Vakuru nevatariri vanofambira vanofanira kukurudzira zvikurukuru vanhu vechiduku kunyorera kushanda paBheteri. Munguva ichangodarika, kubvunzurudza nhengo dzechiduku dzepaBheteri kwakaratidza kuti 34 muzana vavo vakakurudzirwa zvikurukuru nevatariri vechiKristu kuti vaite basa repaBheteri vavariro yavo. Hungu, vangashuviwa neungano dzekwavanobva. Asi zvakanaka kuyeuka kuti kunyange Timoti akapesvedzera zvakanaka vamwe vanhu vaduku muRisitira neIkoniyumu, vakuru vakanga variko havana kuramba naye kuti asashande naPauro. Havana kugumisa kuti kurega Timoti achienda nomuapostora kwaizoguma nokurasikirwa kukuru kuungano yavo.—1 Timoti 4:14.

Zvikurukuru vabereki vechiKristu vanofanira kupesvedzera vana vavo zvakanaka munhau iyi. Mubvunzurudzo ichangobva kutaurwa, 40 muzana yevakabvunzwa vakataura kuti vabereki vavo ndivo vakavakurudzira zvikuru kuti vashande basa repaBheteri. Imwe hanzvadzi yave ichishanda paBheteri kwemakore mashoma yakati: “Upenyu hwevabereki vangu mubasa raJehovha hwaiva kurudziro huru kwandiri kuti ndishande basa repaBheteri. Nokuona muenzaniso wavo muushumiri hwenguva yakazara, ndakangoziva kuti aya ndiwo mararamiro akanakisisa uye anogutsa kwazvo okuti ndisarudze.”

[Bhokisi riri papeji 24]

Vanofarira Basa repaBheteri

“Ndinokoshesa basa rangu repaBheteri. Zvinogutsa kuziva kuti ndaswera ndichishumira Jehovha uye kuti ndichaita izvozvo mangwana, kuswera mangwana, zvichingodaro. Izvi zvinondipa hana yakanaka uye zvinoita kuti ndifunge zvinhu zvakanaka.”

“Bheteri inzvimbo yaunogona kupira nguva yako yose nesimba rako rose pakushumira Jehovha pasina kutsauswa. Izvi zvinofadza mwoyo. Asi unogonawo kuona sangano raJehovha nemamwe maonero. Unonzwa uri pedyo zvikuru nomusimboti wesangano iroro, uye izvi zvinoita kuti zvifadze zvikuru.”

“Kuuya kuBheteri ndicho chinhu chakanakisisa chati chamboitika kwandiri. Kuno kudzidza hakumboperi. Uye kuno dzidzo haisi yokuti ini ndibudirire pachangu, asi nokuda kwaJehovha. Kuno basa rangu harimbovi pasina.”

“Kushandisa zvipo zvangu paBheteri kunondiita kuti ndigutsikane uye ndinzwe rugare nokuti zviri kushandiswa kuna Jehovha uye nokuda kwehama.”

“Ndakatadza kugutsikana zvizere uye kuwana mufaro mubasa randaimboita. Kwemakore akawanda ndakanga ndichida kushanda uye kushandira hama dzangu nehanzvadzi. Ndicho chikonzero nei ndakauya kuBheteri. Ndinogutsikana chaizvoizvo nokuziva kuti kuedza kwangu kwose kuchabatsira vamwe mumudzimu uye kuchaunza rumbidzo kuna Jehovha.”