Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukunda Kuneta Kwokuberekwa Nakwo

Kukunda Kuneta Kwokuberekwa Nakwo

Kukunda Kuneta Kwokuberekwa Nakwo

“Kufunga kwenyama kunoreva rufu.”—VAROMA 8:6.

1. Vamwe vanoona sei muviri womunhu, uye mubvunzo upi unoda kufungwa nezvawo?

“NDICHAKUONGAI; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa.” (Pisarema 139:14) Akaimba kudaro munyori wepisarema Dhavhidhi achifungisisa nezvechimwe chisikwa chaJehovha—muviri womunhu. Pane kuti varumbidze zvine musoro zvakadaro, vamwe vadzidzisi vechitendero vanoona muviri kuva nzvimbo yezvakaipa uye chishandiswa chechivi. Wakanzi “chifukidziro chokusaziva, hwaro hwoushati, ngetani dzouori, chizarira cherima, upenyu husina mufaro, chitunha chipenyu, guva rinofamba.” Ichokwadi kuti muapostora Pauro akati: “Munyama yangu, hamugari chakanaka.” (VaRoma 7:18) Asi izvi zvinoreva here kuti takabatwa zvisina tariro mumuviri une zvivi?

2. (a) “Kufunga kwenyama” kunorevei? (b) Ihondo ipi pakati pe“nyama” no“mudzimu” inoitika muvanhu vanoda kufadza Mwari?

2 Dzimwe nguva Magwaro anotaura nezvomuviri womumhu se“nyama.” (1 Madzimambo 21:27, NW) Anoshandisawo “nyama” kuratidza munhu mumamiriro ake ezvinhu okusakwana somunhu anotadza akabva kuna Adhamu mupanduki. (VaEfeso 2:3; Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Nhaka yatakagara kwaari yakakonzera ‘kusasimba kwenyama.’ (VaRoma 6:19) Uye Pauro akanyevera kuti: “Kufunga kwenyama kunoreva rufu.” (VaRoma 8:6) “Kufunga kwenyama” kunoreva kudzorwa nokukurudzirwa nezvido zvenyama inotadza. (1 Johani 2:16) Nokudaro kana tiri kuedza kufadza Mwari, pane hondo inogara iripo pakati poumudzimu hwedu nemasikirwo edu okuda kutadza anogara achitimanikidza kuti tiite “mabasa enyama.” (VaGaratiya 5:17-23; 1 Petro 2:11) Apedza kutsanangura iyi hondo inorwadza yaiitika maari, Pauro akadanidzira kuti: “Ndiri munhu wenhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana urwu rufu?” (VaRoma 7:24) Pauro akanga ari munhu asingagoni kuzvidzivirira pakuedzwa here? Bhaibheri rinopindura zvakajeka kuti kwete!

Chokwadi Pamusoro Pomuedzo Nechivi

3. Vakawanda vanoona sei chivi nomuedzo, asi Bhaibheri rinonyevera sei nezvokuita kwakadaro?

3 Kune vakawanda nhasi, chivi ipfungwa isingagamuchiriki. Vamwe vanoita shoko rokuti “chivi” rokutamba naro serechinyakare rokutsanangura kukanganisa kuduku kwevanhu. Havazivi kuti “tose tinofanira kuoneswa pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe awane mubayiro wake nokuda kwezvinhu zvakaitwa nomuviri, maererano nezvinhu zvaakaita, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.” (2 VaKorinde 5:10) Vamwe vangatorasa muromo vachiti: “Ndingadzivisa zvimwe zvose asi kwete muedzo!” Vamwe vanorarama vakapoteredzwa nevanhu vanotsvaka kugutsikana pakarepo, pangava pazvokudya, kurara nomunhu, kufara, kana kubudirira. Vanoda zvinhu zvose uye vanotozvida pakarepo! (Ruka 15:12) Havatariri mberi kwomufaro wepakarepo kuti vaone mufaro womunguva yemberi wo“upenyu chaihwo.” (1 Timoti 6:19) Zvisinei, Bhaibheri rinotidzidzisa kufunga nokuchenjera uye kuti tione zviri mberi, tichidzivisa chose chingatikuvadza mumudzimu kana neimwe nzira. Chimwe chirevo chakafuridzirwa chinoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.—Zvirevo 27:12.

4. Pauro akapa zano rokutii pana 1 VaKorinde 10:12, 13?

4 Pauro paakanyorera vaKristu vaigara muKorinde—guta raizivikanwa nomufambiro waro wakashata mutsika—akapa nyevero chaiyo nezvomuedzo nesimba rechivi. Akati: “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa. Hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu. Asi Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” (1 VaKorinde 10:12, 13) Tose zvedu—vaduku nevakuru, varume nevakadzi—tinosangana nemiedzo yakawanda kuchikoro, kubasa, kana kumwewo. Naizvozvo, ngationgororei mashoko aPauro toona kuti anorevei kwatiri.

Usanyanya Kuzvivimba

5. Nei kunyanya kuzvivimba kuine ngozi?

5 Pauro anoti: “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.” (1 VaKorinde 10:12) Kunyanya kuzvivimba nezvokusimba kwedu mutsika kune ngozi. Kunoratidza kusanzwisisa zvakaita chivi nesimba racho. Sezvo vanhu vakaita saMosesi, Dhavhidhi, Soromoni, uye muapostora Petro vakapinda muchivi, hatifaniri here kunzwa kuti tingangoita kudaro? (Numeri 20:2-13; 2 Samueri 11:1-27; 1 Madzimambo 11:1-6; Mateu 26:69-75) “Wakachenjera unotya zvakashata, achizvinzvenga; asi benzi rinamanyawi, richizvitenda,” inodaro Zvirevo 14:16. Uyezve, Jesu akati: “Mudzimu unoda, asi nyama haina simba.” (Mateu 26:41) Sezvo munhu wose asina kukwana achichiva zvakashata, tinoda kuteerera nyevero yaPauro nokufungisisa ndokudzivisa muedzo, tikasadaro tinova pangozi yokuwa.—Jeremia 17:9.

6. Tinofanira kugadzirira muedzo rini uye sei?

6 Kugadzirira nhamo ingauya isingatarisirwi kuita kwokuchenjera. Mambo Asa akaona kuti nguva yorugare ndiyo yakanga yakamunakira kuvaka zvinomudzivirira. (2 Makoronike 14:2, 6, 7) Aiziva kuti kwaizova kunonoka kuti agadzirire panguva yokudenhwa. Kufanana naizvozvo, kusarudza zvokuita kana miedzo ikamuka kunoitwa pfungwa dzakagadzikana apo munhu anenge asina zvinomunetsa. (Pisarema 63:6) Dhanieri neshamwari dzake dzaitya Mwari vakaita chisarudzo chavo kuti vave vakavimbika kumutemo waJehovha vasati vamanikidzirwa kudya zvokudya zvoumbozha zvamambo. Nokudaro, havana kuzeza kuita maererano nezvavaitenda uye kusadya zvokudya zvisina kuchena. (Dhanieri 1:8) Mamiriro ezvinhu anoedza asati amuka, ngatisimbise kutsunga kwedu kuramba takachena mutsika. Ipapo tichava nesimba rokudzivisa chivi.

7. Nei zvichinyaradza kuziva kuti vamwe vakabudirira kudzivisa muedzo?

7 Inyaradzo yakanaka sei yatingawana mumashoko aPauro okuti: “Hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu”! (1 VaKorinde 10:13) Muapostora Petro akanyora kuti: “[Dhiyabhorosi] mudzivisei, makasimba pakutenda, muchiziva kuti zvinhu izvozvo zvamuri kutambura zvizhinji zviri kuitika musangano rose rehama dzenyu munyika yose.” (1 Petro 5:9) Hungu, vamwe vakasangana nemiedzo yakadaro uye vakabudirira kuidzivisa vachibatsirwa naMwari, uye isu tinogonawo. Zvisinei, sevaKristu vechokwadi vari kurarama munyika yakaipa, tose tingatarisira kuedzwa iye zvino kana imwe nguva. Zvino tingava sei nechivimbo chokukunda kuneta kwokuberekwa nakwo nomuedzo wokutadza?

Tinogona Kudzivisa Muedzo!

8. Ndeipi nzira chaiyo yokudzivisa muedzo?

8 Nzira yakanakisa yokurega kuva “varanda vechivi” ndeyokudzivisa muedzo pose pazvinogoneka. (VaRoma 6:6) Zvirevo 4:14, 15 inotikurudzira kuti: “Usapinda pagwara ravakaipa, usafamba nenzira yavakashata. Uinzvenge, usapinda pairi; tsauka pairi, upfuure hako.” Kakawanda tinoziva pachine nguva kana mamwe mamiriro ezvinhu angagona kutungamirira muchivi. Naizvozvo, chinhu chiri pachena chokuita sevaKristu ndechoku‘pfuura hedu,’ tichigara kure naani zvake nechii zvacho kana nzvimbo ipi zvayo ingawedzera zvishuvo zvisina kururama ndokutitambudza nokuchiva kusina kuchena.

9. Kutiza mamiriro ezvinhu anoita kuti tibvume zvatisingadi kunosimbiswa sei muMagwaro?

9 Kutiza mamiriro ezvinhu anoedza ndeimwe nhanho inokosha yokukunda muedzo. Pauro akapa zano rokuti: “Tizai ufeve.” (1 VaKorinde 6:18) Uye akanyora kuti: “Tizai kunamata zvidhori.” (1 VaKorinde 10:14) Muapostora wacho akanyeverawo Timoti kutiza kuda pfuma kwakanyanyisa, uyewo ku“tiza kuchiva kwouduku.”—2 Timoti 2:22; 1 Timoti 6:9-11.

10. Mienzaniso ipi miviri yakasiyana inoratidza kukosha kwokutiza muedzo?

10 Chimbofunga nyaya yaMambo waIsraeri Dhavhidhi. Paakanga achiyeva ari pamusoro pemba yake, akaona mukadzi akaisvonaka achigeza, uye zvishuvo zvisina kururama zvakazara mumwoyo make. Angadai akaburuka padenga ipapo ndokutiza muedzo wacho. Pane kuti adaro, akabvunza nezvomukadzi uyu—Bhati-shebha—uye migumisiro yacho yairwadza. (2 Samueri 11:1–12:23) Kune rimwewo divi, Josefa akaita sei apo mukadzi watenzi wake aiva nzenza akamukumbira kurara naye? Nhoroondo yacho inotiudza kuti: “Zvino wakati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye.” Kunyange pakanga pasina mirayiro yoMutemo waMosesi, panguva iyoyo yakanga isati yapiwa, Josefa akamupindura achiti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” Rimwe zuva akabata Josefa, achiti: “Vata neni.” Josefa akaramba ari ipapo achida kuedza kutaurirana naye here? Kwete. “Akatiza, akabuda panze.” Josefa haana kumbobvumira mukana wokuedzwa kurara nomunhu kuti uvepo. Akatiza!—Genesi 39:7-16.

11. Chii chatingagona kuita kana tiri kusangana nomuedzo unoramba uchiuya?

11 Dzimwe nguva kutiza kunganzi ufuza, asi kuzvibvisa chaizvoizvo mumamiriro ezvinhu kakawanda ndicho chinhu chokuchenjera kuita. Zvichida tiri kusangana nomuedzo unoramba uchiuya kubasa. Kunyange zvazvo tingasagona kuchinja mabasa, panogona kuva nedzimwe nzira dzokuzvibvisa mumamiriro ezvinhu anoedza. Tinofanira kutiza chose chatinoziva kuti chakaipa, uye tinofanira kutsunga kuita zvakarurama chete. (Amosi 5:15) Mune zvimwewo zviitiko, kutiza muedzo kungada kudzivisa nzvimbo dzepaInternet dzinoratidza zvinonyadzisira uye nzvimbo dzevaraidzo dzinomutsa mibvunzo. Zvingarevawo kurasa magazini kana kuti kutsvaka dzimwe shamwari itsva—dziya dzinoda Mwari uye dzingagona kutibatsira. (Zvirevo 13:20) Chero chii zvacho chikatiedza kuti tiite chivi, tingava vakachenjera kana tikatsunga kuchifuratira.—VaRoma 12:9.

Kubatsira Kungaita Munyengetero

12. Tinenge tichikumbira chii kuna Mwari patinonyengetera kuti: “Musatipinze mumuedzo”?

12 Pauro anopa vimbiso iyi inokurudzira: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” (1 VaKorinde 10:13) Imwe nzira iyo Jehovha anotibatsira nayo ndeyokupindura minyengetero yedu nokutibatsira mukubata nemiedzo. Jesu Kristu akatidzidzisa kunyengetera kuti: “Musatipinze mumuedzo, asi tinunurei pane wakaipa. (Mateu 6:13) Mukupindura munyengetero unobva pamwoyo wakadaro, Jehovha haazotisiyi tichipinda mumuedzo; anotinunura kubva kuna Satani nezviito zvake zvemanomano. (VaEfeso 6:11, NW, Ref., mashoko omuzasi) Tinofanira kukumbira Mwari kutibatsira kuona miedzo ndokuva nesimba rokuidzivisa. Kana tikamuteterera kuti asatitendera kukundikana patinoedzwa, achatibatsira zvokuti hatikurirwi naSatani, “wakaipa.”

13. Tinofanira kuitei patinonangana nomuedzo unoramba uchiuya?

13 Tinoda kuramba tichinyengetera nomwoyo wose zvikurukuru patinosangana nomuedzo unoramba uchiuya. Mimwe miedzo inogona kukonzera hondo huru kwazvo mumwoyo, tichitambura nepfungwa nemaitiro zvinotiyeuchidza zvakajeka kuti takaneta sei. (Pisarema 51:5) Somuenzaniso, tingaitei kana tichitambudzwa nokufunga mumwe muitiro wakashata wataimboita? Zvakadini kana tikaedzwa kudzokera kwauri? Pane kungoda kudzvinyirira kunzwa ikoko, taura nhau yacho naJehovha mumunyengetero—ramba uchidaro kana zvakakodzera. (Pisarema 55:22) Nesimba reShoko rake nomudzimu mutsvene, anogona kutibatsira kuchenesa pfungwa dzedu pakufunga uku kusina kuchena.—Pisarema 19:8, 9.

14. Nei munyengetero uchikosha pakubata nokuneta kwokuberekwa nakwo?

14 Achiona kuda kukotsira kwevaapostora vake mubindu reGetsemani, Jesu akavakurudzira kuti: “Rambai makarinda murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo. Zvechokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.” (Mateu 26:41) Imwe nzira yokukunda muedzo ndeyokuziva nzira dzakasiyana-siyana dzinouya nomuedzo uye kukurumidza kuona kunyengera kwaunoita. Zvinokoshawo kuti tinyengetere nezvomuedzo wacho pasina kunonoka kuitira kuti tigoshongedzerwa mumudzimu kuti tiurwise. Nemhaka yokuti muedzo unobata matinenge takaneta zvakanyanya, hatingagoni kuudzivisa toga. Munyengetero unokosha nokuti simba raMwari rinogona kutsigira kuzvidzivirira kwatinoita pana Satani. (VaFiripi 4:6, 7) Tingadawo kubatsirwa mumudzimu uye kunyengetererwa ne“varume vakuru veungano.”—Jakobho 5:13-18.

Shingairira Kudzivisa Muedzo

15. Kudzivisa muedzo kunosanganisirei?

15 Kuwedzera pakudzivisa muedzo pazvinobvira, tinofanira kushingaira kuudzivisa kusvikira wapfuura kana kuti mamiriro ezvinhu achinja. Jesu paakaedzwa naSatani, akaramba kusvikira Dhiyabhorosi aenda. (Mateu 4:1-11) Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Dzivisai Dhiyabhorosi, uye achakutizai.” (Jakobho 4:7) Kudzivisa kunotanga nokusimbisa pfungwa dzedu neShoko raMwari uye kusarudza zvakasimba kuti tichanamatira kuzvaanoda. Tingaita zvakanaka kuziva nomusoro uye kufungisisa magwaro anokosha anotaura nezvokuneta kwedu chaiko. Tingaita nokuchenjera kutsvaka muKristu akura—zvichida mukuruwatingagona kutaurirawo zvinotinetsa uye watingakumbira kuti atibatsire apo muedzo unomuka.—Zvirevo 22:17.

16. Tingaramba sei tine tsika dzakanaka?

16 Magwaro anotikurudzira kupfeka unhu hutsva. (VaEfeso 4:24) Izvi zvinoreva kubvumira Jehovha kutiumba uye kutichinja. Achinyorera mushandi pamwe naye Timoti, Pauro akati: “Tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, unyoro. Irwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda, batisisa upenyu husingaperi hwawakadanirwa.” (1 Timoti 6:11, 12) Tinogona ku“tevera kururama” nokudzidza Shoko raMwari nokushingaira kuitira kuti tive nezivo inokosha younhu hwake uye tozvibata maererano nezvaanoda. Purogiramu izere yemabasa echiKristu, akadai sokuparidza mashoko akanaka nokupinda misangano, inokoshawo. Kuswedera pedyo naMwari uye kushandisa zvizere zvinhu zvomudzimu zvaanogovera kuchatibatsira kukura mumudzimu ndokuramba tiine tsika dzakanaka.—Jakobho 4:8.

17. Tinoziva sei kuti Mwari haazotisiyi mumuedzo?

17 Pauro anotivimbisa kuti muedzo wose watinosangana nawo haumbopfuuri mano edu atakapiwa naMwari kuti tiukurire. Jehovha acha‘ita nzira yokubuda nayo kuti tikwanise kuutsungirira.’ (1 VaKorinde 10:13) Chokwadi, Mwari haabvumiri muedzo kuti ukurire zvokushayisa simba romudzimu rakakwana kuti tirambe takatsunga kana tikapfuurira kuvimba naye. Anoda kuti tibudirire mukudzivisa muedzo wokuita zvisina kururama mumeso ake. Uyezve, tinogona kutenda chipikirwa chake: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.”—VaHebheru 13:5.

18. Nei tingava nechokwadi chokukunda kuneta kwokuberekwa nakwo?

18 Pauro aiziva zvaizoguma nehondo yake pachake yokuneta kwokuberekwa nakwo. Haana kuzviona somunhu anonetswa nezvishuvo zvenyama anonzwisa tsitsi uye asingagoni kuzvibatsira. Kusiyana naizvozvo, akati: “Mamhanyire andiri kuita haasi asina chokwadi; makandire andiri kuita zvibhakera ndookuti ndisarove mhepo; asi ndinorwadzisa muviri wangu ndichiutungamirira somuranda, kuti, kana ndaparidzira vamwe, ini ndirege kuva asingatenderwi munzira yakati.” (1 VaKorinde 9:26, 27) Isuwo tinogona kurwa hondo inobudirira nenyama isina kukwana. Vachishandisa Magwaro, mabhuku eBhaibheri, misangano yechiKristu, uye shamwari dzechiKristu dzakura, Baba vedu vokudenga vane rudo vanogovera zviyeuchidzo zvenguva dzose zvinotibatsira kutevera nzira yakarurama. Tichibatsirwa naye, tinogona kukunda kuneta kwokuberekwa nakwo!

Unoyeuka Here?

• ‘Kufunga zvenyama’ kunorevei?

• Tingagadzirira sei muedzo?

• Tingaitei kuti tigone kubata nomuedzo?

• Munyengetero unoshandei pakubata nomuedzo?

• Nei tichiziva kuti zvinobvira kukunda kuneta kwokuberekwa nakwo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Bhaibheri haridzidzisi kuti tiri vanhu vanonetswa nezvishuvo zvedu zvenyama vasingagoni kuzvidzivirira

[Mufananidzo uri papeji 12]

Kutiza muedzo ndeimwe nzira inokosha yokudzivisa chivi