Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kumuka kwaJesu Kuri Kuongororwa

Kumuka kwaJesu Kuri Kuongororwa

Kumuka kwaJesu Kuri Kuongororwa

“Ndinokuudza zvakajeka kuti kunyange tingava nechokwadi chokuti Jesu akararama . . . , hatingatauri nechokwadi chimwe ichocho kuti tinoziva kuti Akamutswa naMwari kuvakafa.” Akadaro mumwe mukuru mukuru weChurch of England, Bhishopi mukuru weCanterbury.

MUAPOSTORA wechiKristu Pauro akanga asingapokani zvakadaro. Muchitsauko 15 chetsamba yake yakafuridzirwa yaienda kuvamwe vaKristu muKorinde yekare, Pauro akanyora kuti: “Ndakakugamuchidzai, pakati pezvinhu zvokutanga, zviya zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu maererano neMagwaro; uye kuti akavigwa, hungu, kuti akamutswa pazuva rechitatu maererano neMagwaro.”—1 VaKorinde 15:3, 4.

Kutenda kumuka kwaJesu Kristu ndiko kwakaita kuti vadzidzi vake vaparidze evhangeri munyika yose yeGirisi neRoma—“pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.” (VaKorose 1:23) Kutaura zvazviri, kumuka kwaJesu ndiyo nheyo chaiyo yokutenda kwechiKristu.

Zvisinei, kubva pakutanga chaipo kumuka kwaJesu kwaisanyatsobvumwa uye kwaisadavirwa. KuvaJudha, kwaitotorwa sokumhura Mwari kuti vateveri vaJesu vati murume uyu akaroverwa akanga ari Mesiya. Uye kuvaGiriki vakanga vakadzidza zvikuru, nokudavira kwavo kusafa kwemweya, pfungwa yacho chaiyo yokumuka yakanga isingatomboiti.—Mabasa 17:32-34.

Vasinganyatsobvuma Mazuva Ano

Mumakore achangodarika, dzimwe nyanzvi dzinozviona sevaKristu dzakabudisa mabhuku nenyaya zvinoramba kumuka kwaJesu dzichiti ingano uye dzakatanga nharo huru panhau iyi. Mukutsvaka kwadzo pamusoro pa“Jesu wenhau,” nyanzvi dzakawanda dzinotaura pfungwa yokuti nhoroondo dzeEvhangeri pamusoro peguva risina chinhu uye kuoneka kwaJesu pashure pokunge amuka inhema dzoga dzoga, dzakatangwa nguva refu iye atofa kuitira kutsigira kutaura kwokuti simba rake raibva kudenga.

Somuenzaniso, chimbofunga nezvepfungwa dzaGerd Lüdemann, purofesa weTestamende Itsva uye munyori webhuku rinonzi What Really Happened to Jesus—A Historical Approach to the Resurrection. Anoti kumuka kwaJesu i“tsanangudzo isina payakavakirwa” inofanira kurambwa naani zvake “anoona nyika nemaonero esayenzi.”

Purofesa Lüdemann anoomerera pakuti Kristu akamutswa akaoneka kuna Petro chakanga chiri chiono chaikonzerwa nokutambudzwa kukuru kwaPetro uye kunzwa aine mhaka yokuramba Jesu kwaakanga aita. Uye maererano naLüdemann, kuoneka kwaJesu nevatendi vanopfuura 500 pane chimwe chiitiko kwakanga kuri “kufarisa kwemhomho yevanhu.” (1 VaKorinde 15:5, 6) Muchidimbu, nyanzvi dzakawanda dzinoderedza nhoroondo dzeBhaibheri nezvaJesu akamutswa kuva nhevedzano yezviitiko zvepfungwa zvaiita kuti vadzidzi vave nepfungwa itsva yokuva nechivimbo mune zvokunamata uye kushingairira basa rokufamba vachiparidza.

Chokwadi, vakawanda havafariri nharo dzezvezvinodzidzwa. Zvisinei, kukurukura nezvokumuka kwaJesu kunofanira kufarirwa nesu tose. Nemhaka yei? Nokuti, kana asina kumutswa, chiKristu chakavakirwa pazvitendero zvenhema. Kune rimwe divi, kana kumuka kwaJesu chiri chokwadi chaicho chenhau, chiKristu chakavakirwa pachokwadi. Mumamiriro ezvinhu iwayo, hazvisi zvakataurwa naKristu zvinorevererwa chete asi zvipikirwa zvakewo. Uyezve, kana rumuko ruriko, rufu harusi mukundi mukuru asi muvengi anogona kukurirwa.—1 VaKorinde 15:55.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Kubva muSelf-Pronouncing Edition of the Holy Bible, ine shanduro dzeKing James neRevised