Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vachengeti Vokutendeka Vakashinga Vanokunda Kutambudza kweNazi

Vachengeti Vokutendeka Vakashinga Vanokunda Kutambudza kweNazi

Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba

Vachengeti Vokutendeka Vakashinga Vanokunda Kutambudza kweNazi

“MWANAKOMANA wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.” (Zvirevo 27:11) Uku kukumbira kwoushamwari kunoratidza kuti zvisikwa zvaMwari zvakachenjera zvinogona kuita kuti mwoyo waJehovha ufare nokuti zvakatendeka uye zvakavimbika kwaari. (Zefania 3:17) Zvisinei, Satani, museki, akatsunga kukanganisa kutendeseka kwevaya vanoshumira Jehovha.—Jobho 1:10, 11.

Zvikurukuru kubvira kwokutanga kwezana remakore rechi20 paakakandwa kubva kudenga kuuya pasi, Satani akaratidza kutsamwa kukuru kuvanhu vaJehovha. (Zvakazarurwa 12:10, 12) Zvisinei, vaKristu vechokwadi vaka‘mira vakakwana vachitendiswa zvakasimba.’ (VaKorose 4:12) Ngatimboonai zvishoma nezvomumwe muenzaniso wakajeka wokuvimbika kwakadaro—kweZvapupu zvaJehovha muGermany muHondo yeNyika II uye payakanga isati yatanga.

Basa Rokushingaira Rinotungamirira Kukuedzwa Kwokuvimbika

Kuma1920 nokutanga kwema1930, vaBibelforscher, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha muGermany panguva iyoyo, vaiparadzira mabhuku eBhaibheri akawanda. Pakati pa1919 na1933, vakagovera avhareji yemabhuku masere, tubhuku, kana kuti magazini kumhuri imwe neimwe muGermany.

Panguva iyoyo, Germany yaive imwe yenyika dzaive nevateveri vaKristu vakazodzwa vakawanda. Chaizvoizvo, pavanhu 83 941 vakadya Kudya kwaShe kwemanheru pasi pose muna 1933, vanoda kusvika 30 muzana vaigara muGermany. Pasina nguva refu, Zvapupu izvi zvomuGermany zvakasangana nemiedzo yokutsungirira yakaoma. (Zvakazarurwa 12:17; 14:12) Kuburitswa mabasa, kukombwa mumisha, uye kudzingwa muzvikoro kwakakurumidza kupinda mukurohwa, kusungwa, uye kuiswa mumajeri. (Mufananidzo 1) Pakupedzisira, mumakore akatungamirira kuHondo yeNyika II, Zvapupu zvaJehovha zvaiumba 5 kusvika ku10 muzana yevose vakanga vari mumisasa yevasungwa.

Nei vaNazi Vaitambudza Zvapupu

Zvisinei, nei Zvapupu zvaJehovha zvakawedzera kutsamwa kwehurumende yeNazi? Mubhuku rake rinonzi Hitler—1889-1936: Hubris, purofesa wenhau Ian Kershaw anotaura kuti Zvapupu zvakava vanhu vanotambudzwa nokuti zvakaramba “kubvuma kudzorwa zvakazara nehurumende yeNazi.”

Bhuku rinonzi Betrayal—German Churches and the Holocaust, rakapepetwa napurofesa wenhau Robert P. Ericksen napurofesa wezvidzidzo zvechiJudha Susannah Heschel, rinotsanangura kuti Zvapupu “zvairamba kubatanidzwa mukuita chisimba kana kushandisa simba rechiuto. . . . Zvapupu zvaitenda kusava nekwazvakarerekera mune zvematongerwe enyika, zvaireva kuti hazvaivhotera Hitler kana kukotamira Hitler.” Bhuku racho rinowedzera kuti izvi zvakawedzera kutsamwa kwevaNazi uye vakaisa Zvapupu mumamiriro ezvinhu anokuvadza nokuti “Gutsaruzhinji yeNyika yakanga isingagoni kushivirira kuramba kwakadaro.”

Kutsutsumwa Pasi Pose uye Kutambudzwa Kwakanyanya

Joseph F. Rutherford, akanga achitungamirira basa racho nguva iyoyo, akatumira Hitler tsamba yokutsutsumwa nemhaka yokusashivirira kweNazi achishandisa nhume chaiyo musi waFebruary 9, 1934. (Mufananidzo 2) Musi waOctober 7, 1934, tsamba yaRutherford yakateverwa nedzimwe tsamba 20 000 neteregiramu dzokutsutsumwa dzaienda kuna Hitler dzatumirwa neZvapupu zvaJehovha zvaiva munyika 50, kusanganisira Germany.

VaNazi vakabva vatanga kuwedzera kutambudza kwavo. Musi waApril 1, 1935, Zvapupu zvakarambidzwa munyika yacho yose. Uye musi waAugust 28, 1936, Gestapo yakatanga kunyanya kutambudza Zvapupu. Asi Zvapupu “zvakapfuurira kuparadzira tubhuku kana kuti kusimbisa kutenda kwazvo,” rinodaro bhuku rinonzi Betrayal—German Churches and the Holocaust.

Somuenzaniso, Gestapo iri pedyo nazvo zvikuru musi waDecember 12, 1936, Zvapupu zvinokwana 3 500 zvakaparadzira makumi ezviuru emakopi akadhindwa echisarudzo nezvokutambudzwa kwazvaiitwa. Ichiremekedza nhimbe iyi, Nharireyomurindi yakashuma kuti: “Kwakanga kuri kukunda kukuru uye munondo unopinza pamuvengi, uye mufaro usingatsananguriki wevashandi vakatendeka.”—VaRoma 9:17.

Kutambudza Kunokundikana!

Kutsvaka Zvapupu zvaJehovha kweNazi kwakapfuurira. Pakazosvika 1939, Zvapupu zvinokwana zviuru zvitanhatu zvakanga zvaiswa mumajeri, uye zvimwe zviuru zvakanga zvatumirwa kumisasa yevasungwa. (Mufananidzo 3) Zvinhu zvakanga zvamira sei pakazopera Hondo yeNyika II? Zvapupu 2 000 zvakanga zvaiswa mumajeri zvakanga zvafa, zvinopfuura 250 zvakaita zvokuurayiwa. Kunyange zvakadaro, akanyora kudaro Purofesa Ericksen naPurofesa Heschel, “Zvapupu zvaJehovha zvakanyanya kuomerera kukutenda kwazvo mukutambudzwa.” Somugumisiro, pakaparara hurumende yaHitler, Zvapupu zvinopfuura chiuru zvakabuda nokukunda kubva mumisasa.—Mufananidzo 4; Mabasa 5:38, 39; VaRoma 8:35-37.

Chii chakapa vanhu vaJehovha simba rokutsungirira kutambudzwa? Akapukunyuka mumusasa wevasungwa Adolphe Arnold akatsanangura kuti: “Kunyange kana usina simba, Jehovha anokuona, anoziva zvauri kusangana nazvo, uye achakupa simba rinodiwa kuti ukurire mamiriro ezvinhu acho ndokugara wakatendeka. Ruoko rwake haruna parusingasviki.”

Mashoko omuprofita Zefania anoshanda zvakanaka sei kuvaKristu vakatendeka ivavo! Akazivisa kuti: “Jehovha Mwari wako uri mukati mako, iye une simba, uchaponesa; uchakufarira nomufaro.” (Zefania 3:17) Vanamati vose vaMwari wechokwadi nhasi ngavatevedzere kutenda kweZvapupu izvozvo zvakaramba zvakavimbika mukunangana nokutambudza kweNazi uyewo kuita kuti mwoyo waJehovha ufare.—VaFiripi 1:12-14.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

Państwowe Muzeum Oświȩcim-Brzezinka, courtesy of the USHMM Photo Archives