Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

India—“Kubatana Mumamiriro Ezvinhu Akasiyana-siyana”

India—“Kubatana Mumamiriro Ezvinhu Akasiyana-siyana”

Mushumo Wevazivisi Voumambo

India—“Kubatana Mumamiriro Ezvinhu Akasiyana-siyana”

“KUBATANA mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana” mashoko akakurumbira anoshandiswa kurondedzera kubatana kwevanhu vomuIndia. Kuti pave nokubatana munyika iyi ine tsika, mitauro, zvitendero, madzinza, zvipfeko, uye zvokudya zvakasiyana-siyana hazvisi nyore. Zvisinei, kubatana kwakadaro kunooneka pahofisi inotungamirira yeZvapupu zvaJehovha muIndia, kunyange zvazvo vazvipiri vanoshanda ipapo vachibva mumaruwa akawanda nenharaunda dzakabatana uye vanotaura mitauro yakawanda yakasiyana-siyana.

• Tinoda kuziva Rajrani—mukadzi wechiduku anobva kuPunjab, iri kuchamhembe kwakadziva kumadokero zvakanyanya kweIndia. Rajrani paakanga achiri kuchikoro, mumwe wevaaidzidza navo akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Musikana muduku uyu akaedza kuita kuti Rajrani afarire Bhaibheri. Sezvo waaidzidza naye uyu akanga asinganyatsogoni chiRungu uye Nharireyomurindi yakanga isingawanikwi muchiPunjabi panguva iyoyo, akakumbirawo Rajrani kuti amubatsire nokumushandurira zvaiva mumagazini yacho. Zvaiverengwa naRajrani muNharireyomurindi zvakatanga kumuchinja zvikuru zvokuti pasinei nokurambidza kwevabereki vake, akafambira mberi kusvika pachinhanho chokutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha Mwari. Achishanda pabazi reIndia nhasi, anoita chinhu chimwe ichocho chakaita kuti aone chokwadi. Anoshandurira mabhuku echiKristu muchiPunjabi!

• Fungawo nezvaBijoe, anobva kune rimwe divi reIndia—kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kworuwa rweKerala. Bijoe akadzingwa kuchikoro chesekondari nokuramba kutsigira mitambo yenyika. Zvichitevera nyaya yomudare yakapedza nguva refu yakapera nechiratidzo chokukunda kwokunamata kwakachena, Bijoe akadzokera kuchikoro. * Akaendawo kukoreji. Zvisinei, tsika dzaiitwa ipapo dzakanetsa hana yake, nokudaro akarega mutemu yake yokutanga. Zvino, apedza makore gumi ari paBheteri, anonzwa kuti akabatsirwa zvikuru nokuva nhengo yemhuri yeBheteri inobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana asi yakabatana kupfuura zvaangadai akawana nokupfuurira nedzidzo yepamusoro.

• Norma naLily vane makore 70 uye vave vari chirikadzi kwemakore akawanda. Mumwe nomumwe wavo akapedza makore anopfuura 40 ari mubasa renguva yakazara. Lily ave achishanda nebazi kwemakore 20 ari mushanduri wemutauro wechiTamil. Norma akauya kuBheteri makore 13 akapfuura paakafirwa nomurume wake. Kuwedzera pakuva mienzaniso yakanaka yevashandi vanoshingaira uye vanoziva zvavanoita, vanoita kuti mhuri yose yeBheteri ibatane. Vanoda kuvaraidza vashanyi, uye vanonakidzwa nokuva nenhengo dzechiduku dzemhuri, vachiudzana mifaro yavakawana kwemakore akawanda vachirarama sevaKristu. Uye vechiduku vanoita maererano neizvi nokuvakoka kudzimba dzavo kuti vatandare nokubatsira pazvinenge zvichidiwa. Zvechokwadi, ivo mienzaniso yakanaka.

Vakurira kusiyana kunokonzera kukakavara uye kusawirirana munzvimbo dzakawanda, vazvipiri ava vanoshanda pamwe chete vachifara kuti vashandire vamwe senhengo dzemhuri yeBheteri yeIndia yakabatana!—Pisarema 133:1.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona Nharireyomurindi, yaNovember 1, 1987, peji 21.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

Nechokumashure: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.