Kuteerera—Chidzidzo Chinokosha Here Kuvaduku?
Kuteerera—Chidzidzo Chinokosha Here Kuvaduku?
“VABEREKI Vanoda Vanhu Vanoteerera, Kwete Vana Chete.” Wakadaro mumwe musoro mukuru wepepanhau. Mushumo iwoyu une mashoko mashoma waiva wakatsamira pane zvakawanikwa muongororo yakaitwa muNew Zealand, yakaratidza kuti “22 chete muzana pane vakataura pfungwa dzavo vakati vana vanofanira kudzidziswa kuteerera pamusha.” Ongororo yacho yakawanawo kuti vabereki iye zvino vanodavira kuti zvinokosha chaizvo kudzidzisa vana zvinhu zvakadai setsika dzakanaka, rusununguko, uye mutoro.
Munguva ino yokuti munhu ngaazvionere, hazvishamisi kuti vanhu vakawanda vanoti hapana chakanaka chinobuda nokuteerera uye kudzidzisa vana. Asi kuteerera kwevana kunofanira kuonekwa sechinhu chechinyakare uye chisingafambirani nenguva here? Kana kuti kuri pakati pezvidzidzo zvinokosha zvingadzidzwa nevana kuti vabatsirike here? Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti, Jehovha Mwari, Muvambi wemhuri, anoona sei kuteerera vabereki, uye zvii zvimwe zvinobatsira zvinobva mukuteerera kwakadaro?—Mabasa 17:28; VaEfeso 3:14, 15.
“Izvi Zvakarurama”
Muapostora Pauro akanyorera ungano yechiKristu yomuzana rokutanga remakore yaiva muEfeso kuti: “Vana, teererai vabereki venyu munaShe, nokuti izvi zvakarurama.” (VaEfeso 6:1) Saka, chikonzero chikuru chokuteerera kwakadai ndechokuti kunoenderana nezvinoda Mwari zvakarurama. Sokutaura kwakaita Pauro, “izvi zvakarurama.”
Maererano neizvi, tinoona kuti Shoko raMwari rinorondedzera chirango chevabereki chinoitwa murudo sechinhu chakanaka, “chishongo chakanaka pamusoro wako, nouketani pamutsipa wako,” uye sechinhu chi“nofadza zvikuru munaShe.” (Zvirevo 1:8, 9; VaKorose 3:20) Mukupesana, kusateerera vabereki kunoita kuti urege kutenderwa naMwari.—VaRoma 1:30, 32.
“Kuti Zvikufambire Zvakanaka”
Pauro akataura chimwe chinhu chakanakira kuteerera paakanyora kuti: “‘Kudza baba vako naamai vako’; unova ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa: ‘Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare pasi pano kwenguva refu.’” (VaEfeso 6:2, 3; Eksodho 20:12) Kuteerera vabereki kungaguma kwaita kuti zvinhu zvifambire munhu zvakanaka munzirai?
Kutanga, hachisi chokwadi here kuti vabereki vakanakira kuti vakura uye vanoziva? Kunyange zvazvo vachiita sevasingazivi zvakawanda mune zvemakombiyuta kana zvimwe zvezvidzidzo zvinoitwa kuchikoro, vanoziva zvakawanda nezvokurarama uye kukundwa kungaitwa zvinetso zvoupenyu. Ukuwo, vechiduku, havana mano akanaka anowanika nokukura. Saka, vanokurumidza kuita zvisarudzo, kakawanda kacho vanozvikuvadza nokuzongotevedzera zvakashata zvinoitwa nevezera ravo. Bhaibheri rinotaura zvazviri parinoti: “Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana.” Mushonga wacho chii? “Shamhu yokurayirira ichahudzingira kure naye.”—Zvirevo 22:15.
Ukama hwomubereki nemwana hausi ihwo chete hunobatsirika nokuteerera. VaRoma 13:1-7; VaEfeso 5:21-25; 6:5-8.
Kuti nzanga yevanhu iite zvakanaka uye ibudirire, panofanira kuva nokushandira pamwe, uko kunodawo kuteerera. Somuenzaniso, mumhuri, kuda kuita zvinodawo vamwe ndiko kunoita kuti pave norugare, kuwirirana, uye mufaro, pane kurayira uye kusava nebasa nekodzero dzevamwe nemanzwiro avanoita. Kubasa, kuzviisa pasi kunotodiwa pamushandi kuti bhizimisi chero ripi zvaro kana kuti zvinoitwa zvibudirire. Mumitemo nemirayiro yehurumende, kuteerera hakungoiti kuti munhu asarangwe chete asiwo kunoita kuti pave nokuchengeteka uye dziviriro.—Vechiduku vasingateereri vakuru havawanzokodzeri munzanga. Zvakasiyana neizvi ndezvokuti, kudzidza kuteerera uchiri muduku kunogona kupa munhu mubayiro kwoupenyu hwake hwose. Zvakanaka sei kudzidza izvozvi muuduku!
Mubayiro Mukuru Wokuteerera
Kuteerera hakungounzi mufaro muukama hwemhuri kana kubatsira muupenyu hwose chete asiwo kunopa hwaro hungavakirwa ukama hunokosha kwazvo kuvose—munhu noMusiki wake. Zvaari ‘Musiki Mukuru’ uye “tsime roupenyu,” Jehovha Mwari ane kodzero yokuti timuteerere zvakakwana.—Muparidzi 12:1; Pisarema 36:9.
Shoko rokuti “teerera” rinowanika muBhaibheri pakasiyana-siyana kanopfuura ka160. Uyezve, kune mazana epakanyorwa zvemitemo yaMwari, mirayiro, mitongo, uye mirau, zvose zvichida kuzviisa pasi. Tinosiyiwa tisina kana mubvunzo kuti Mwari anoona kuteerera sechinhu chinodiwa kuti atitendere. Hungu, kuteerera chinhu chinokosha kwazvo pakuvaka ukama naJehovha. (1 Samueri 15:22) Zvinosuruvarisa kuti muitiro womunhu wokuberekwa ainawo ndewokusada kuteerera kwete kuteerera. “Kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake,” rinodaro Bhaibheri. (Genesi 8:21) Naizvozvo, kuteerera kunofanira kudzidzwa kwete pauduku chete asiwo muupenyu hwose. Kuita kudaro kunopa mubayiro mukuru.
Yeuka kuti murayiro wokuti uteerere vabereki une zvipikirwa zviviri sematauriro akaita muapostora Pauro, zvinoti, “kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare pasi pano kwenguva refu.” Kusimbiswa kwechipikirwa ichi kunowanikwa pana Zvirevo 3:1, 2 panoti: “Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; asi mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu; nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, namakore oupenyu, norugare.” Mubayiro mukuru wevaya vanoteerera ndewokuva noukama hwomunhu oga naJehovha iye zvino uye upenyu husingaperi munyika itsva ine rugare.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
[Mifananidzo iri papeji 30, 31]
Kuteerera kunounza ukama hunofadza mumhuri, kubasa, uye naJehovha