Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mashoko Akanaka oUmambo—Chii?

Mashoko Akanaka oUmambo—Chii?

Mashoko Akanaka oUmambo—Chii?

Gore rakapera munyika 235 pasi pose, vanhu 6 035 564, vaduku nevakuru, vakapedza maawa 1 171 270 425 vachitaura kuvamwe nezvawo. Mukuwedzera pakuataura nomuromo, vakagovera vanhu mabhuku akadhindwa anopfuura mamiriyoni 700 kuti vaazivise uye kuti vaatsanangure. Vakaparadzirawo makaseti okuteerera nemavhidhiyo kuti vaazivise. Chii chatiri kutaura nezvacho?

MASHOKO akanaka oUmambo hwaMwari. Zvechokwadi, munhau yevanhu “aya mashoko akanaka oumambo” anga asati amboparidzwa pamwero watinoaona achiitwa nhasi.—Mateu 24:14.

Vose vari kuita basa iri renyika yose rokuparidza nokudzidzisa vanoita zvokuzvipira. Mumaonero enyika, vangaratidzika sevasingakodzeri kuita basa racho. Zvino, chii chinoita kuti vave noushingi uye kuti vabudirire? Simba remashoko akanaka oUmambo ndiro rinodaro, nokuti mashoko ezvikomborero zvichauya kuvanhu. Izvi zvikomborero zvinoshuviwa nevanhu vose—mufaro, kusununguka pakuomerwa mune zvoupfumi, hurumende yakanaka, rugare nokuchengeteka, uye chimwewo chinhu chisingambofungwi nezvacho nevamwe—upenyu husingaperi! Chokwadi aya mashoko akanaka kuvanhu vari kutsvaka zvinoreva upenyu nechinangwa chahwo. Hungu, zvikomborero zvose izvi nezvimwe zvakawanda zvinogona kuva zvako kana ukabvuma zviri kuziviswa nemashoko akanaka oUmambo.

Umambo Chii?

Zvisinei, Umambo hwacho huri kuziviswa semashoko akanaka chii? Umambo huya hwakadzidziswa mamiriyoni kuti ahunyengeterere mumashoko aya anozivikanwa zvikuru, okuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.”—Mateu 6:9, 10.

Umambo huya hwakataurwa nezvahwo nomuprofita wechiHebheru Dhanieri makore anodarika mazana 25 apfuura paakanyora kuti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo hwuchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.

Nokudaro, mashoko akanaka ari pamusoro poUmambo, kana kuti Hurumende, inoitwa naMwari ichabvisa uipi hwose ndokutonga pasi pose murugare. Huchaita kuti chinangwa choMusiki chepakutanga nokuda kwevanhu nepasi chive chechokwadi.—Genesi 1:28.

“Umambo Hwokumatenga Hwaswedera Pedyo”

Anenge makore 2 000 apfuura, mashoko akanaka oUmambo akatanga kuziviswa pachena nomurume akazvipira akanga ane chitarisiko nounhu zvaicherechedzwa zvikuru. Murume iyeye akanga ari Johani Mubhabhatidzi, mwanakomana womupristi wechiJudha Zekariya nomudzimai wake Erizabheti. Johani aipfeka nguvo yemvere dzekamera, nebhandi reganda muchiuno chake, sezvaiita muprofita Eriya, akafanomufananidzira. Asi mashoko ake ndiwo akakwezva vakawanda. “Pfidzai,” akazivisa kudaro, “nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.”—Mateu 3:1-6.

Vaiteerera Johani vakanga vari vaJudha, vaizviti vanamati vaMwari wechokwadi, Jehovha. Zvavakanga vari rudzi, vakanga vagamuchira sungano yoMutemo nokuna Mosesi anenge makore 1 500 akanga apfuura. Temberi yakaisvonaka yakanga ichirimo muJerusarema, maipiwa zvibayiro maererano noMutemo. VaJudha vaiva nechokwadi chokuti Mwari aiona kunamata kwavo sekwakarurama.

Zvisinei, vachiteerera Johani, vamwe vanhu vakatanga kuona kuti chitendero chavo chakanga chisina kuita sezvavakanga vachifungira kuti ndozvachiri. Tsika nouzivi zvechiGiriki zvakanga zvapinda mudzidziso dzechitendero dzechiJudha. Mutemo wakagamuchirwa kubva kuna Mwari nokuna Mosesi wakanga wasvibiswa, kunyange kushayiswa simba, nezvitendero netsika zvevanhu. (Mateu 15:6) Vatsauswa nevatungamiriri vavo vechitendero vaive nemwoyo mikukutu uye vaive vasina ngoni, vakawanda vakanga vasisanamate Mwari zvinogamuchirika. (Jakobho 1:27) Vaifanira kupfidza zvivi zvavaiitira Mwari uye sungano yoMutemo.

Panguva iyoyo, vaJudha vakawanda vakanga vachitarisira kuoneka kwaMesiya akapikirwa, kana kuti Kristu, uye vamwe vaishamisika nezvaJohani vachiti: “Zvichida angava ndiye Kristu here?” Zvisinei, Johani akati akanga asiri iye uye akabva avati vaende kune mumwewo munhu, waakati nezvake: ‘Handina kukodzera kusunungura tambo dzehwashu dzake.’ (Ruka 3:15, 16) Achizivisa Jesu kuvadzidzi vake, Johani akazivisa kuti: “Onai, Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!”—Johani 1:29.

Zvechokwadi iwayo akanga ari mashoko akanaka, nokuti chaizvoizvo Johani ainongedzera kuvanhu vose nzira yokuwana nayo upenyu nomufaro—Jesu, uyo a“nobvisa chivi chenyika.” Vanhu vose vanozvarwa vachidzorwa nechivi norufu sezvo vakabva kuna Adhamu naEvha. VaRoma 5:19 inotsanangura kuti: “Nokuti sezvo vakawanda vakaitwa vanhu vanoita zvivi nemhaka yokusateerera kwomunhu mumwe [Adhamu], saizvozvowo nemhaka yokuteerera kwomunhu mumwe [Jesu] vakawanda vachaitwa vakarurama.” Jesu, segwayana rokubayira, aifanira ku‘bvisa chivi’ ndokuchinja mamiriro ezvinhu evanhu anosuruvarisa. “Mubayiro unoripa chivi rufu,” Bhaibheri rinotsanangura kudaro, “asi chipo chinopiwa naMwari upenyu husingaperi achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu.”—VaRoma 6:23.

Somunhu akakwana—kana kuti zvazviri chaizvo, munhu mukuru ati amborarama—Jesu akaparidza mashoko akanaka. Nhoroondo yeBhaibheri iri pana Mako 1:14, 15 inotiudza kuti: “Zvino Johani akati asungwa Jesu akapinda muGarireya, achiparidza mashoko akanaka aMwari achiti: ‘Nguva yakatemwa yazadzika, uye umambo hwaMwari hwaswedera pedyo. Pfidzai, uye ivai nokutenda mumashoko akanaka.’”

Vaya vakaita maererano nemashoko aJesu uye vakatenda mashoko akanaka vakakomborerwa zvikuru. Johani 1:12 inoti: “Vazhinji vaka . . . gamuchira [Jesu], akavapa kodzero yokuva vana vaMwari, nokuti vakanga vachitenda muzita rake.” Nokuva kwavo vana, kana kuti vanakomana vaMwari, vakanga vari mumutsara kuti vagamuchire mubayiro woupenyu husingaperi.—1 Johani 2:25.

Asi ropafadzo yokugamuchira zvikomborero zvoUmambo yakanga isiri yevanhu vomuzana remakore rokutanga voga. Sezvambodudzwa, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ari kuziviswa uye kudzidziswa nhasi pasi pose panogarwa. Nokudaro zvikomborero zvoUmambo zvichiri kuwanika. Unofanira kuitei kuti uwane zvikomborero zvakadaro? Nyaya inotevera ichatsanangura.