Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Taishanda Pamwe Chete

Taishanda Pamwe Chete

Nyaya Youpenyu

Taishanda Pamwe Chete

YAKATAURWA NAMELBA BARRY

Musi waJuly 2, 1999, ini nomurume wangu taiva pakokorodzano huru yeZvapupu zvaJehovha, sezvatakanga tagara tichiita kakawanda mumakore 57 okuroorana kwedu. Lloyd aipa hurukuro yokupedzisira pakokorodzano yoruwa muHawaii Chishanu ichocho. Akaerekana adonha. Pasinei nezvose zvakaitwa kuti ararame, akafa. *

DZINOKOSHA sei hama dziya nehanzvadzi dzechiKristu dzomuHawaii dzakauya kwandiri ndokundibatsira kubata nenhamo iyi! Lloyd akanga abatsira hama idzodzi zhinji kuti dzichinje upenyu hwadzo, nedzimwe dzakawanda munyika yose.

Mumakore anoda kusvika maviri kubvira parufu rwake, ndakafunga makore edu anokosha tiri pamwe chete—akawanda acho tiri mubasa roumishinari kune imwe nyika uyewo padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha renyika yose muBrooklyn, New York. Ndakayeukawo upenyu hwangu hwekare muSydney, Australia, uye zvinetso zvatakasangana nazvo naLloyd pataida kuroorana Hondo Yenyika II ichangotanga. Zvisinei, kutanga, regai ndikuudzei kuti ndakava sei Chapupu uye kuti ndakasangana sei naLloyd kare muna 1939.

Zvakaitika Kuti Ndizova Chapupu

Vabereki vangu vakanditarisira norudo vainzi James naHenrietta Jones. Ndakapedza chikoro ndingori nemakore 14 muna 1932. Panguva iyoyo nyika yaiva iri pakati poKuderera Kwoupfumi Kukuru. Ndakatanga kushanda kuti ndibatsire mhuri, yaisanganisira vanun’una vangu vaviri. Pasina kupera makore akawanda, ndakanga ndava nebasa raibhadhara chaizvo ndichishanda ndiine vakadzi vakawanda vechiduku vari pasi pangu.

Panguva iyoyi, muna 1935, Amai vakabvuma kutora mabhuku eBhaibheri kune mumwe weZvapupu zvaJehovha uye munguva pfupi yakatevera vakagutsikana kuti vakanga vawana chokwadi. Tose zvedu takafunga kuti vakanga vopenga. Zvisinei, rimwe zuva, ndakaona kabhuku kaiva nomusoro waiti Where Are the Dead? [Vakafa Vari Kupi? hakasi muchiShona] uye ndakafadzwa nomusoro wako. Saka ndakaverenga kabhuku kacho ndisingaonekwi. Ndipo pakatangira zvose! Pakarepo ndakatanga kuenda naAmai kumusangano waiitwa pakati pevhiki wainzi Kudzidzira Kudzidzisa Bhaibheri. Kabhuku kaiva nomusoro waiti Model Study [Kudzidzira Kudzidzisa Bhaibheri, hakasi muchiShona]—gare gare twakazova tutatu—twaiva nemibvunzo nemhinduro uyewo magwaro okutsigira mhinduro dzacho.

Inenge nguva iyoyo, muna April 1938, Joseph F. Rutherford, mumiririri aibva kudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha, akashanyira Sydney. Hurukuro yavose yaakapa ndiyo yandakatanga kupinda. Yaifanira kukurukurirwa muSydney Town Hall, asi vatsoropodzi vakabudirira kuti nzvimbo yacho irege kushandiswa nesu. Panzvimbo pezvo, hurukuro yacho yakakurukurirwa munzvimbo itori hombe muSydney Sports Ground. Nemhaka yokuwedzera kushambadzira kwakaitwa nevatsoporodzi, pakava nevanhu vanenge 10 000, nhamba inoshamisa tichitarisa kuti taingova Zvapupu 1 300 chete muAustralia panguva yacho.

Nguva pfupi zvadaro, ndakaenda mubasa roushumiri kokutanga—uye ndisina kana kurovedzwa chii zvacho. Boka redu parakasvika mundima yedu yokuparidza, aitungamirira akati kwandiri, “Imba iri pamberi apo ndeyako.” Ndakatya chaizvo zvokuti mukadzi wacho paakavhura musuo, ndakabvunza kuti, “Ndapota, mungandiudzawo kuti inguvai here?” Akapinda mukati, ndokutarisa nguva, uye akabuda akandiudza. Zvakanga zvatopera. Ndakadzokera mumotokari.

Zvisinei, handina kurega, uye munguva pfupi yakatevera ndakanga ndava kuudza vamwe mashoko oUmambo. (Mateu 24:14) Muna March 1939, ndakaratidza kuzvitsaurira kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mubhavhu guru rokugezera romuvakadzini wedu, Dorothy Hutchings. Nemhaka yokuti pakanga pasina hama, ndichangobva kubhabhatidzwa, ndakapiwa mitoro yeungano yaifanira kuitwa nevarume vechiKristu.

Taiwanzoita misangano yedu mumisha, asi dzimwe nguva tairenda horo nokuda kwehurukuro dzavose. Imwe hama yechiduku yakanaka yokuBheteri, yaibva kuhofisi yedu yebazi, yakauya kuungano yedu duku kuzokurukura hurukuro. Ini ndisingazivi, yakanga yauyira chimwe chikonzero—kuti izive zvakawanda nezvangu. Hungu, ndiko kusangana kwandakaita naLloyd.

Kuonana Nemhuri yaLloyd

Munguva pfupi yakatevera ndakanga ndava kuda kushumira Jehovha nguva yakazara. Zvisinei, pandakanyorera kuti ndipayone (kuva mubasa rokuparidza nguva yakazara), ndakakumbirwa kana ndaizoda kushanda paBheteri. Saka muna September 1939, mwedzi wakatanga Hondo Yenyika II, ndakava nhengo yemhuri yeBheteri muStrathfield, musha uri nechokunze kweSydney.

Muna December 1939, ndakaenda kuNew Zealand kukokorodzano yoruwa. Sezvo Lloyd akanga ari wokuNew Zealand, akanga ari kuendawo ikoko. Takaenda nengarava imwe chete, uye takasvika pakuzivana zviri nani. Lloyd akaronga kuti ndionane naamai nababa vake uye hanzvadzi dzake pakokorodzano yacho muWellington uye gare gare kumba kwavo kuChristchurch.

Basa Redu Rinorambidzwa

Musi woMugovera, January 18, 1941, zviremera zveCommonwealth zvakauya kuhofisi yedu yebazi nemotokari dzoumbozha dzinenge nhanhatu kuzoita kuti chivako chive chazvo. Sezvo ndaishanda muimba duku yokurinda yaiva panzira yokupinda paBheteri, ndini ndakatanga kuzviona. Anenge maawa 18 zvisati zvadai, takanga taudzwa nezvokurambidzwa kwacho, saka anenge mabhuku ose nemafaera zvakanga zvabviswa pabazi. Vhiki yakatevera, nhengo shanu dzemhuri yeBheteri, kusanganisira Lloyd, dzakaiswa mujeri.

Ndaiziva kuti zvainyanya kudiwa nehama dzaiva mujeri kudya kwomudzimu. Kuti ndikurudzire Lloyd, ndakasarudza kumunyorera “tsamba dzorudo.” Ndaitanga nematangiro aya anongotarisirwa mutsamba dzakadai, asi ndadaro ndokopa nyaya dzose dzeNharireyomurindi nokuisa siginicha yangu ndichiti ndini wako wepamwoyo. Mwedzi mina nehafu yapera, Lloyd akasunungurwa.

Kuroorana uye Kupfuurira Nebasa

Muna 1940, amai vaLloyd vakashanyira Australia, uye Lloyd akavaudza kuti taifunga zvokuroorana. Vakamukurudzira kurega nokuti mugumo wegadziriro ino yezvinhu waiita souri pedyo kwazvo. (Mateu 24:3-14) Akaudzawo vakoma vake zvaaifunga, asi nguva yose vaimuti ambomira kuroora. Pakupedzisira, rimwe zuva muna February 1942, Lloyd akanditora chinyararire—neZvapupu zvina zvakanga zvavimbisa kuchengeta tsindidzo—ndokuenda kuhofisi yokunyoresa, uye takaroorana. Panguva iyoyo muAustralia makanga musina hurongwa hwokuti Zvapupu zvaJehovha zviite muchato.

Kunyange zvazvo tisina kutenderwa kupfuurira nebasa redu repaBheteri sevaviri vakaroorana, takabvunzwa kana taizoda kuenda kunoshanda mubasa roupiyona chaihwo. Nomufaro takabvuma basa racho tikaenda kunoshanda kutaundi duku rokumaruwa rainzi Wagga Wagga. Basa redu rokuparidza rakanga richiri kurambidzwa, uye takanga tisina mari inotibatsira, saka zvechokwadi taifanira kukanda mutoro wedu kuna Jehovha.—Pisarema 55:22.

Taikwira bhasikoro rinochovhwa nevanhu vaviri kuenda kumaruwa, taisangana nevanhu vakanaka, uye taikurukura navo nguva refu. Vakawanda havana kubvuma kudzidza Bhaibheri. Zvisinei, mumwe mutengesi womuchitoro akafarira kwazvo basa rataiita zvokuti aitipa michero nemiriwo vhiki yoga yoga. Tapedza mwedzi mitanhatu muWagga Wagga, takakokwazve kuBheteri.

Mhuri yeBheteri yakanga yabva pahofisi yaiva muStrathfield muna May 1942 uye yakanga yava kushandira mudzimba. Yaitama kubva paimba imwe kuenda kune imwe kwevhiki dzinoverengeka kuitira kuti isawanikidzwe kuti iripo. Ini naLloyd patakadzokera kuBheteri muna August, takashanda nayo mune imwe yenzvimbo idzi. Basa redu rezuva nezuva raiva rokushanda pamuchina wepasi wokudhinda wakanga wagadzirwa. Pakupedzisira, muna June 1943, kurambidzwa kwedu kwakamiswa.

Kugadzirira Kunoshandira Kune Imwe Nyika

Muna April 1947 takapiwa tsamba dzairatidza kuti taizopinda Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, chaiva kuSouth Lansing, New York, U.S.A. Panguva iyoyi, takapiwa basa rokushanyira ungano muAustralia kuti tidzisimbise mumudzimu. Mwedzi mishomanana ichangopera, takagamuchira tsamba yaitikoka kuti tipinde kirasi yechi11 yeGiriyedhi. Taiva nevhiki nhatu dzokuti tigadzirise zvinoda kugadziriswa uye kurongedza zvinhu zvedu. Takasiya mhuri uye shamwari muna December 1947 ndokuenda kuNew York nevamwe 15 vaibva kuAustralia vakanga vakokwa kukirasi imwe chete iyi.

Mwedzi yedu mishomanana paChikoro cheGiriyedhi yakapfuura nokukurumidza uye takapiwa basa roumishinari rokushanda kuJapan. Sezvo zvakatora nguva kugadzirisa mapepa edu kuti tikwanise kuenda kuJapan, Lloyd akapiwazve basa rokuva mutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha. Ungano dzatakanzi tishanyire dzaibvira muguta reLos Angeles kusvikira kumuganhu weMexico. Takanga tisina motokari, saka norudo Zvapupu zvaititakura vhiki yoga yoga kutiendesa kuungano yaitevera. Nzvimbo iyoyo yaiva dunhu rakakura kudaro zvino inoumba mativi emaruwa matatu eChirungu uye matatu echiSpanish, ruwa rumwe richiumbwa nematunhu anenge gumi!

October 1949 akakurumidza kusvika, uye takanga tava kuenda kuJapan tiri mungarava yaimboshandiswa kutakura varwi. Rimwe divi rekwokupedzisira kwengarava rakanga rakagadzirirwa varume rimwe racho vakadzi nevana. Kwangosara zuva rimwe kuti tisvike muYokohama, takasangana nedutu guru. Zvinoratidzika kuti dutu racho rakafambisa makuti ose, nokuti zuva parakazobuda mangwana acho, musi waOctober 31, taigona kuona Gomo reFuji nokunaka kwaro kwose. Kwaiva kuchingamidzwa kwakadini kunzvimbo yedu itsva yokushanda!

Kushanda Nevanhu vokuJapan

Sezvatakasvika pedyo nechiteshi chengarava, takaona mazana evanhu vane bvudzi dema. ‘Vanhu vacho vari kunyaudza zvokuti!’ takafunga kudaro sezvatakanzwa kutaura kune ruzha rukuru. Mumwe nomumwe akanga akapfeka shangu dzine pasi pepuranga dzairira pakutsika mapuranga epanoburutsirwa zvinhu zvomungarava. Tapedza usiku tiri muYokohama, takakwira chitima kuenda kubasa redu roumishinari muKobe. Ikoko Don Haslett, watakanga tadzidza naye kuGiriyedhi akanga atitangira kusvika muJapan nemwedzi mishomanana, airenda musha kuitira mamishinari. Yaiva imba hombe, yakaisvonaka, yakavakwa sezvinoitwa dzokuMabvazuva, ine nhurikidzwa mbiri—isina kana chinhu!

Kuti tiwane matiresi yokurarira, takacheka uswa hurefu hwaiva muchivanze chacho ndokuhuisa pasi. Saka ndiko kutanga kwakaita upenyu hwedu hwoumishinari, tisina kana chinhu kungosara kwezvataiva nazvo mumikwende yedu. Takawana zvitofu zviduku zvemarasha, zvainzi hibachi, chokudziya nokubikira. Humwe usiku, Lloyd akawana vaviri vevamwe vedu mamishinari, Percy naIlma Iszlaub, vafenda. Akakwanisa kuita kuti vafefemuke nokuvhura mahwindo kuti mweya wakanaka, unotonhorera upinde. Neniwo ndakambofenda ndichibikira pachitofu chemarasha. Zvimwe zvinhu zvaida kungozviti jairei!

Kudzidza mutauro ndicho chaiva chinhu chokutanga, uye taidzidzira chiJapan maawa 11 pazuva kwemwedzi. Pashure pacho, takatanga kuenda muushumiri nomutsetse mumwe kana miviri yakanyorwa kuti tione matangiro. Zuva rangu rokutanga chairo, ndakasangana nomumwe mukadzi akazonaka, Miyo Takagi, akandigamuchira nomutsa. Pakushanyazve, taiedza nepataigona tichibatsirwa nemaduramazwi echiJapan neChirungu kusvikira chidzidzo cheBhaibheri chinofambira mberi chavapo. Muna 1999, pandaipinda kutsaurirwa kwechivako chokuwedzera bazi muJapan, ndakaona Miyo zvakare, nevamwewo vadiwa vanoverengeka vandakadzidzisa. Papfuura makore makumi mashanu, asi vachiri vazivisi voUmambo vanoshingaira, vachiita zvavanogona kushumira Jehovha.

MuKobe musi waApril 1, 1950, vanenge 180 vakapinda kuchengeta kwatinoita Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Zvakatotishamisa ndezvokuti mangwanani akatevera vanhu 35 vakavapo kuti vabudewo muushumiri hwomumunda. Mumishinari mumwe nomumwe akatora vatatu kana kuti vana pavanhu ivava vatsva kuenda navo mubasa. Vanasaimba havana kutaura neni—munhu wokune imwe nyika aisanzwisisa chiJapan—asi nevanhu vechiJapan vakanga vapinda Chirangaridzo uye vandiperekedza. Kukurukurirana kwacho kwaingoramba kuchipfuurira, asi handina kuziva kuti vaitaura nezvei. Ndinofara kutaura kuti vamwe vevatsva ava vakafambira mberi muzivo uye vakapfuurira mubasa rokuparidza kusvikira zuva rino.

Mabasa Akawanda Anofadza uye Anogutsa

Takapfuurira mubasa redu roumishinari muKobe kusvikira muna 1952, nguva yatakazoendeswa kuTokyo, uko Lloyd akapiwa basa rokutarisira hofisi yebazi. Nokufamba kwenguva, zvaibatanidzwa mubasa rake zvakaita kuti afambe Japan yose uye dzimwe nyika. Gare gare, pane imwe nguva panzendo dzake kuTokyo, Nathan H. Knorr aibva kudzimbahwe akati kwandiri: “Gara zviya, unoziva kuri kuenda murume wako parwendo rwake rwokushanyira dzimwe nyika rwuri kutevera here? Ari kuenda kuAustralia uye kuNew Zealand.” Akawedzera kuti: “Unogona kuendawo, kana ukazvibhadharira.” Hakusi kufadza kwazvaiita! Nokutika, akanga atova makore mapfumbamwe tabva kumusha.

Takakurumidza kunyorera vokumusha tsamba. Amai vangu vakandibatsira kutenga tikiti. Ini naLloyd takanga tiri mubishi mubasa redu, uye takanga tisina mari yokuti tishanyire mhuri dzedu. Saka iyi yaiva mhinduro kuminyengetero yangu. Sezvaungafungidzira, Amai vakafara chaizvo kundiona. Vakati, “Zvakanaka ndichakuchengeterai imwe mari kuitira kuti muzouyazve mumakore matatu.” Takaonekana navo tiine izvozvo mupfungwa, asi zvinosuruvarisa kuti vakafa July akatevera. Ndinotarisira sei kuzobatanidzwazve navo munyika itsva!

Kutozosvikira muna 1960 basa roumishinari ndiro chete randakanga ndaita, asi ipapo ndakagamuchira tsamba yaitsanangura kuti: “Kutangira pamusi uyu gadziriro iripo ndeyokuti ushande basa rokugeza nokuchisa mbatya dzemhuri yose yeBheteri.” Panguva iyoyo mhuri yedu yaingova nevanhu vanosvika gumi nevaviri, saka ndakakwanisa kutarisira basa iri pamwe neroumishinari.

Muna 1962 musha wedu wakanga wakavakwa pachiJapan wakaparadzwa, uye Musha weBheteri mutsva une nhurikidzwa nhanhatu wakapedzwa kuvakwa panzvimbo yacho gore rakatevera. Ndakapiwa basa rokubatsira hama duku itsva dzeBheteri kuchengeta makamuri adzo akachena uye kuchenesa zvimwe zvinhu zvadzo. Maererano netsika, vakomana vokuJapan vakanga vasingadzidziswi kana chii zvacho chomumba. Vainyanyokurudzirwa kuita dzidzo yokunyika, uye vanaamai vavo vaivaitira zvose. Munguva pfupi yakatevera vakazoziva kuti handaizovaitira zvose sezvaizoita amai vavo. Nokufamba kwenguva, vakawanda vakafambira mberi kutora mabasa matsva ane mutoro musangano.

Mumwe musi wechirimo waipisa chaizvo, mudzidzi weBhaibheri akatenderera achiona zvivako zvedu, uye akandiona ndichichenesa dzimba dzokugezera. Akati, “Ndapota udza munhu anotarisira kuti ndingada kushandisa mari yangu nokuunza mushandi kuzoita basa iri rauri kuita.” Ndakamutsanangurira kuti kunyange zvazvo ndaionga pfungwa yake yomutsa, ndaida kutoita zvakawanda pane zvose zvandinenge ndanzi ndiite musangano raJehovha.

Panenge panguva iyi, ini naLloyd takagamuchira tsamba yaitikoka kupinda kirasi yechi39 yeGiriyedhi! Yaiva ropafadzo yakadini muna 1964, kuti pazera remakore 46, kwava kuendazve kuchikoro! Kosi yacho yakaitirwa kuti inyanye kubatsira vaya vaishanda mumahofisi emapazi kutarisira mitoro yavo. Kosi yacho yemwedzi gumi yapera, takaendeswazve kuJapan. Panguva ino, takanga tava nevazivisi voUmambo vanopfuura 3 000 munyika iyoyo.

Kuwedzera kwacho kwakaitika nokukurumidza zvokuti pakazosvika 1972 makanga mava neZvapupu zvinopfuura 14 000, uye chivako chitsva chehofisi yebazi chine nhurikidzwa shanu chakavakwa muNumazu, kuchamhembe kweTokyo. Tiri pazvivako zvedu, Gomo reFuji raioneka zvakaisvonaka. Magazini anopfuura miriyoni akatanga kubuda mwedzi woga woga mumutauro wechiJapan pamuchina mutsva muhombe wokudhinda. Asi kumwe kuchinja kwaive kwakatimirira.

Gore ra1974 rava kunopera, Lloyd akagamuchira tsamba yaibva kudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn yaimukoka kuti ashande muDare Rinodzora. Pakutanga ndakafunga kuti: ‘Zvino zvazopera. Sezvo Lloyd ane tariro yokudenga ini yepasi, munguva pfupi ichatevera kana kuti gare gare tichangosiyana chete. Zvichida Lloyd anofanira kuenda kuBrooklyn oga.’ Asi nokukurumidza ndakagadzirisa mafungiro angu uye ndichida ndakaenda naLloyd muna March 1975.

Zvikomborero paDzimbahwe

Kunyange kuBrooklyn, mwoyo waLloyd waiva kumunda weJapan, uye aigara achitaura zviitiko zvatakambova nazvo ikoko. Asi iye zvino pakanga pava nemikana yokuwedzera. Makore 24 apfuura oupenyu hwake, Lloyd akashandiswa kwazvo mubasa rokufambira nyika, raisanganisira kufamba pasi pose. Ndakamuperekedza kakawanda munzendo dzake dzomunyika yose.

Kushanyira hama dzedu dzechiKristu dzokune dzimwe nyika kwakandibatsira kuona mamiriro ezvinhu ayo vakawanda vavo vanorarama uye vanoshanda maari. Handimbokanganwi chiso chaEntellia ane makore gumi, musikana wandakasangana naye kumaodzanyemba kweAfrica. Aida zita raMwari uye aifamba awa nehafu pakuenda uye awa nehafu pakudzoka kumisangano yechiKristu. Pasinei nokutambudzwa kukuru kwaaiitwa nemhuri yake, Entellia akanga atsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Patakashanyira ungano yake, paingova nerambi rimwe remagetsi rinobvira zvishoma rakaiswa panoita kuti mukurukuri agone kuverenga—nepo imwe nzvimbo yose yomusangano yaiva rima rakati ndo-o. Murima rose iri, zvaifadza kunzwa kuimba kwakanaka kwehama nehanzvadzi.

Chimwe chinhu chikuru muupenyu hwedu chakaitika muna December 1998 ini naLloyd pataive pakati penhume dzeKokorodzano yoRuwa ye“Nzira yaMwari Youpenyu” yakaitirwa muCuba. Takaororwa sei nokuonga uye kufara kwakaita hama nehanzvadzi dzeikoko pakuona kuti dzakanga dzashanyirwa nedzimwe hama dzokudzimbahwe reBrooklyn! Ndangariro dzangu dzine zvakawanda kwazvo zvokukoshesa pandinosangana nevadiwa vachiri kudanidzira nokushingaira rumbidzo kuna Jehovha.

Pamusha Nevanhu vaMwari

Kunyange zvazvo ndiri chizvarwa chenyika yeAustralia, ndakasvika pakuda vanhu vekwose kwandaitumirwa nesangano raJehovha. Izvozvo zvaiva zvechokwadi muJapan, uye iye zvino nemhaka yokuti ndava muUnited States kwemakore anopfuura 25, ndinongowana zvakafanana. Pandakafirwa nomurume wangu, pfungwa yangu yakanga isiri yokudzokera kuAustralia, asi kugara paBheteri muBrooklyn, kwandakanzi naJehovha ndishande.

Iye zvino ndava nemakore ari kuma80. Pashure pemakore 61 oushumiri hwenguva yakazara, ndichiri kuda kushumira Jehovha chero kwaanoona ndakakodzera. Zvechokwadi ave achinyatsonditarisira. Ndinokoshesa makore anopfuura 57 andakakwanisa kurarama ndiine mudiwa wangu aida Jehovha. Ndine chivimbo chokuti Jehovha acharamba achitikomborera, uye ndinoziva kuti Iye haakanganwi basa redu uye rudo rwatakaratidza nokuda kwezita rake.—VaHebheru 6:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona Nharireyomurindi, yaOctober 1, 1999, mapeji 16 ne17.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Naamai muna 1956

[Mufananidzo uri papeji 26]

NaLloyd uye boka revaparidzi vokuJapan kutanga kwema1950

[Mifananidzo iri papeji 26]

Nomudzidzi wangu wokutanga weBhaibheri, muJapan, Miyo Takagi, kutanga kwema1950 uye muna 1999

[Mufananidzo uri papeji 28]

NaLloyd mubasa remagazini muJapan